Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 2

Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 2

“Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda.”—MAT. 6:8.

1-3. Chii chakaita kuti imwe hanzvadzi ive nechokwadi chokuti Jehovha anoziva zvatinoda?

LANA haambofi akakanganwa zvakaitika rimwe zuva ashanya kuGermany muna 2012. Anotaura kuti minyengetero yake miviri yakapindurwa musi iwoyo. Akapa munyengetero wokutanga ari muchitima achienda kunhandare yendege. Akakumbira Jehovha kuti amubatsire kuwana mumwe munhu wokuparidzira. Paakasvika kunhandare yendege ndokuona kuti ndege yaaifanira kuenda nayo yaizosimuka mangwana acho, akabva apa munyengetero wechipiri. Lana akaudza Jehovha kuti akanga asarirwa nemari shoma uye akanga asina kwokurara musi wacho.

2 Achingopedza munyengetero wake wechipiri, Lana akanzwa mumwe munhu achiti, “Hesi Lana, ko uri kutsvakei kuno?” Uyu akanga ari mumwe mukomana waakadzidza naye kuchikoro. Mukomana uyu akanga achiperekedzwa naamai vake nambuya vake kuti akwire ndege yaienda kuSouth Africa. Amai vomukomana uyu vanonzi Elke, pavakaziva dambudziko raLana, vakamuudza kuti vaigona kuenda naye kumba kwavo onorara ikoko. Paakaenda kumba kwacho, Lana akabatwa zvakanaka uye akabvunzwa mibvunzo yakawanda ine chokuita nezvaanotenda uye basa rake semushumiri wenguva yakazara.

3 Mangwana acho mangwanani pavakanga vapedza kudya, Lana akavapindura mimwe mibvunzo yeBhaibheri yavaimubvunza uye akapiwa kero yavo nezvimwewo zvaizobatsira kuti mumwe munhu ashanyire vanhu ava. Lana akadzokera kumusha uye akaramba achishanda sapiyona wenguva dzose. Anotaura kuti Jehovha akanzwa minyengetero yake uye akamubatsira.—Pis. 65:2.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Patinoerekana tasangana nematambudziko, zviri nyore kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire, uye Jehovha anoteerera minyengetero iyoyo yevashumiri vake vakatendeka. (Pis. 34:15; Zvir. 15:8) Asi kana tikafungisisa zviri mumunyengetero womuenzaniso, tinoona kuti pane zvimwewo zvinhu zvinokosha zvatinofanira kunyengeterera. Munyaya ino, tichakurukura kuti zvikumbiro zvina zvokupedzisira zvomumunyengetero womuenzaniso zvingatibatsira sei kuti tive vakatendeka kuna Jehovha.—Verenga Mateu 6:11-13.

“TIPEI NHASI ZVOKUDYA ZVEDU ZVANHASI”

5, 6. Nei zvichikosha kuti tikumbire zvokudya zvedu zvanhasi kunyange zvazvo tiine zvokurarama nazvo zvakatikwanira?

5 Jesu akatidzidzisa kuti tikumbire “zvokudya zvedu.” Haana kuti mumwe nomumwe azvikumbirire zvake oga. Mumwe mutariri wedunhu womuAfrica anonzi Victor akati: “Ndinogara ndichitenda Jehovha nokuti ini nomudzimai wangu hatimbonetseki kuti tichawana kupi zvokudya uye kuti tichawana kupi mari yerendi. Hama dzedu dzinotipa zvatinoda zuva nezuva. Asi ndinonyengeterera kuti vaya vanotibatsira vakwanise kukunda matambudziko emari avanosangana nawo.”

6 Kana tiine zvokudya zvakawanda, tinogona kufungawo hama dzedu dzinoshayiwa kana kuti dzakasangana nenjodzi. Hatifaniri kungogumira pakudzinyengeterera chete asi tinofanirawo kuita zvinoenderana neminyengetero yedu. Somuenzaniso, tinogona kudzipawo zvadzinenge dzichishayiwa. Tinogonawo kugara tichipa mari yokutsigira basa remunyika yose, tichiziva kuti mari iyoyo inoshandiswa zvakanaka.—1 Joh. 3:17.

7. Muenzaniso upi wakataurwa naJesu unoratidza kuti hatifaniri kumbozvidya “mwoyo pamusoro pezuva rinotevera”?

7 Jesu paakataura kuti zvokudya zvedu zvanhasi, anofanira kunge aireva zvinhu zvatinoda pakurarama zvezuva iroro. Saka akabva aenderera mberi achitaura kuti Mwari anopfekedza maruva omusango uye akabva ati: “Haangatokupfekedzei kwazvo here, imi vane kutenda kuduku? Naizvozvo musambozvidya mwoyo muchiti, . . . ‘Tichapfekeiko?’” Akapedzisa mashoko ake nokudzokorora zano iri rinokosha: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera.” (Mat. 6:30-34) Izvi zvinoratidza kuti hatifaniri kunetseka tichifunga nezveramangwana, asi tinofanira kugutsikana nezvinhu zvinokosha pakurarama kwedu zuva nezuva. Zvinhu izvi zvinosanganisira pokugara, basa rokuti tikwanise kuriritira mhuri dzedu uye kuva neuchenjeri hwokusarudza zvakanaka panyaya dzokurapwa. Asi hatifaniri kungogumira pakunyengeterera zvinhu izvi chete. Tinewo zvatinoda zvine chokuita nokunamata izvo zvinokosha chaizvo kupfuura zvekurarama nazvo.

8. Mashoko aJesu okuti zvokudya zvedu zvanhasi anotiyeuchidza nezvechinhu chipi chinokosha chatinoda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Mashoko aJesu okuti zvokudya zvedu zvanhasi anotiyeuchidza kuti tinoda zvokudya zvokunamata. Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Saka tinofanira kuramba tichinyengeterera kuti Jehovha arambe achitipa zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.

“TIKANGANWIREI ZVIVI ZVEDU”

9. Nei tichiti zvivi zvedu zvakafanana nezvikwereti?

9 Jesu akati: “Tikanganwirei zvivi zvedu [zvikwereti zvedu, maererano nemashoko omuzasi].” (Mat. 6:12; Ruka 11:4) Zvivi zvedu zvakafanana nezvikwereti. Makore anodarika 60 akapfuura, imwe Nharireyomurindi yakataura kuti patinotadza, zvinenge zvichiita sokuti taita chikwereti naJehovha. Yakatiwo tine chikwereti chokuda Jehovha uye chokumuteerera. Saka patinotadzira Mwari, tinenge takundikana kubhadhara chikwereti chatinacho. Jehovha anogona kubva arega kushamwaridzana nesu. Nharireyomurindi yacho yakawedzera kuti kuita chivi kunoratidza kuti hatidi Mwari.—1 Joh. 5:3.

10. Chii chinoita kuti Jehovha akwanise kutiregerera zvivi zvedu, uye izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei?

10 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatipa chibayiro chorudzikinuro chaJesu kuti tiregererwe zvivi zvedu. Kunyange zvazvo rudzikinuro urwu rwakabhadharwa makore anoda kusvika 2 000 akapfuura, tinofanira kurwuona sechipo chatapiwa nhasi chaiye. “Mutengo wokudzikinura mweya” yedu “unokosha kwazvo” zvokuti hapana chatinogona kuitirwa nemumwe munhu ane chivi chingakwanisa kuubhadhara. (Verenga Pisarema 49:7-9; 1 Petro 1:18, 19.) Chokwadi, tinofanira kuramba tichitenda Jehovha nechipo ichi chinokosha chaizvo. Uyewo, mashoko okuti “zvivi zvedu” anotiyeuchidza kuti handisu chete tinoda kuregererwa pachishandiswa chibayiro ichi asiwo hama nehanzvadzi dzedu dziri munyika yose. Zviri pachena kuti Jehovha haangodi kuti tive nehanya nokunamata kwedu chete asi anoda kuti tivewo nehanya nekunamata kwevamwe, kusanganisira vaya vangava vakatitadzira. Kakawanda kacho zvavanotitadzira zvinenge zvichingova zvinhu zvidiki uye patinovaregerera, tinenge tichiratidza kuti tinonyatsovada uye tinenge tichitevedzera Jehovha uyo anotiregererawo zvivi zvedu.—VaK. 3:13.

Kana uchida kuregererwa naMwari, regererawo vamwe (Ona ndima 11)

11. Nei tichifanira kuregerera vamwe?

11 Asi sevanhu vane chivi, dzimwe nguva tinogona kuchengetera hama dzedu chigumbu. (Revh. 19:18) Kana tikafamba tichitaura nezvenyaya yacho, vamwe vanogona kutanga kutitsigira uye izvozvo zvinogona kukonzera mapoka muungano. Kana tikaramba takagumbukira hama dzedu, tinenge tichiratidza kuti hatisi kukoshesa chipo chaMwari chorudzikinuro uye ngoni dzake. Jehovha haatiregereri kana tisingaregereriwo vamwe. (Mat. 18:35) Jesu akasimbisa pfungwa iyoyo achangopedza kutaura munyengetero womuenzaniso. (Verenga Mateu 6:14, 15.) Kana tichidawo kuti Mwari atiregerere, hatifaniri kuva netsika yokuita chivi. Chido chedu chokusaita chivi chinoenderana nechimwe chikumbiro chinotevera chomumunyengetero womuenzaniso.—1 Joh. 3:4, 6.

“MUSATIPINZA MUMUEDZO”

12, 13. (a) Chii chakaitika kuna Jesu achangobhabhatidzwa? (b) Nei tisingafaniri kupa mumwe munhu mhosva kana tikapinda mumuedzo? (c) Jesu akaratidzei paakaramba akatendeka kusvikira afa?

12 Kufunga zvakaitika kuna Jesu achangobhabhatidzwa kunogona kutibatsira kunzwisisa chikumbiro chokuti “Musatipinza mumuedzo.” Jesu akatungamirirwa nemudzimu waMwari kuenda kurenje. Nei? Kuti ‘anoedzwa naDhiyabhorosi.’ (Mat. 4:1; 6:13) Izvozvo zvinofanira kutishamisa here? Hazvifaniri kutishamisa kana tichinzwisisa chikonzero chikuru chakaita kuti Mwari atume Mwanakomana wake panyika. Aida kugadzirisa nyaya yakamuka pashure pokunge Adhamu naEvha pavakaramba utongi hwaJehovha. Pane mibvunzo yaida nguva kuti ipindurwe. Somuenzaniso, pane chakanga chisina kumira zvakanaka here pamasikirwo akaitwa vanhu naMwari? Zvaiita here kuti munhu asina chivi arambe akatendeka kuna Mwari pasinei nemiedzo inobva ‘kune akaipa’? Uye vanhu vaizobudirira here vasingatongwi naMwari, sezvaitaurwa naSatani? (Gen. 3:4, 5) Mibvunzo iyoyo yaida nguva kuti ipindurwe asi kupindurwa kwayo kwaizoita kuti vanhu nengirozi vaone kuti matongero aJehovha ndiwo akarurama.

13 Jehovha ndiMwari mutsvene saka haamboedzi munhu kuti aite zvakaipa. Asi Dhiyabhorosi ndiye “Muedzi.” (Mat. 4:3) Anogona kutiedza nenzira dzakasiyana-siyana. Asi zviri kumunhu mumwe nomumwe kusarudza kuti odzivisa muedzo here kana kuti okundwa nawo. (Verenga Jakobho 1:13-15.) Jesu paakaedzwa naSatani, akabva aramba miedzo yacho ipapo ipapo achitaura zviri muShoko raMwari. Saka Jesu akatsigira utongi hwaMwari. Asi Satani haana kukanda mapfumo pasi. Akamirira “kusvikira pane imwe nguva yakakodzera.” (Ruka 4:13) Jesu akaramba achikunda miedzo yose yaibva kuna Satani. Akaratidza kuti utongi hwaJehovha hwakarurama uye kuti munhu asina chivi anokwanisa kuramba akatendeka kunyange akasangana nemuedzo wakakura chaizvo. Zvisinei, Satani anoshandisa misungo yake kuti aedze kubata vateveri vaJesu, kusanganisira iwe.

14. Tinofanira kuitei kuti tisapinda mumuedzo?

14 Nemhaka yekuti utongi hwake huchiri kushorwa, Jehovha anobvumira Satani kuti ashandise nyika yake kutiedza. Mwari haatipinzi mumuedzo. Asi anovimba nesu uye anoda kutibatsira. Kunyange zvakadaro, Jehovha haaiti kuti tisasangana nemuedzo nokuti anoremekedza kodzero yatinayo yokusarudza zvatinoda. Tine zvinhu zviviri zvatinofanira kuita kuti tisapinda mumuedzo. Tinofanira kuramba takamuka pakunamata uye tinofanira kuramba tichinyengetera. Jehovha anopindura sei minyengetero yedu?

Ramba wakasimba pakunamata uye uchishingaira muushumiri (Ona ndima 15)

15, 16. (a) Ndeipi mimwe miedzo yatinofanira kudzivisa? (b) Kana munhu akapinda mumuedzo, mhosva ndeyani?

15 Jehovha anotipa mudzimu wake mutsvene uyo unotisimbisa uye unotibatsira kudzivisa miedzo. Mwari anotinyeverawo achishandisa Shoko rake uye ungano nezvezvinhu zvatinofanira kudzivisa zvakadai sekushandisa nguva yedu yakawanda, mari uye simba pazvinhu zvisinganyanyi kukosha. Espen naJanne vanogara mune imwe nyika yakabudirira yokuEurope. Kwemakore, vaiva mapiyona enguva dzose kune imwe nzvimbo yomunyika mavo yaidiwa vaparidzi vakawanda. Pavakava nemwana wokutanga, vakarega kupayona uye iye zvino vava nemwana wechipiri. Espen anoti, “Tinogara tichinyengetera kuna Jehovha kuti tisapinde mumuedzo sezvo tisingachakwanisi kupedza nguva yakawanda tichiita mabasa echiKristu sezvataiita. Tinokumbira Jehovha kuti atibatsire kuramba takasimba pakunamata uye tichishingaira muushumiri.”

16 Mumwe muedzo uri pamberi mazuva ano ndewokuona zvinonyadzisira. Kana tikapinda mumuedzo uyu hatifaniri kupomera Satani. Nei tichidaro? Nokuti Satani nenyika yake havagoni kutimanikidza kuita zvakaipa. Vamwe vakapinda mumuedzo uyu pavakaita kuti pfungwa dzavo dzigare dzichifunga zvinhu zvakaipa. Asi tinogona kukunda sezvakaitwa nehama dzedu dzakawanda.—1 VaK. 10:12, 13.

“TINUNUREI PANE AKAIPA”

17. (a) Tingararama sei zvinoenderana nechikumbiro chedu chokuti tinunurwe pane akaipa? (b) Tava pedyo nokununurwa pachii?

17 Kuti tiite zvinoenderana nechikumbiro chokuti “tinunurei pane akaipa,” tinofanira kuramba tichiedza kuti tisava “venyika” yaSatani. Hatifaniri kuda “nyika [yaSatani] kana zvinhu zviri munyika.” (Joh. 15:19; 1 Joh. 2:15-17) Tichafara chaizvo Jehovha paachapindura chikumbiro ichi nokubvisa Satani uye nokuita kuti nyika yake yakaipa ipfuure. Asi tinofanira kuyeuka kuti Satani paakakandwa panyika achibva kudenga, aiziva kuti asarirwa nenguva pfupi. Akatsamwa chaizvo saka anoita zvose zvaanogona kuti akanganise kuvimbika kwedu kuna Mwari. Saka tinofanira kuramba tichinyengetera kuti tinunurwe pane akaipa iyeye.—Zvak. 12:12, 17.

18. Kuti tipone pachaparadzwa nyika yaSatani, chii chatinofanira kuramba tichiita?

18 Unoda kurarama munyika isina Satani here? Saka ramba uchinyengeterera kuti Umambo hwaMwari hutsvenese zita raMwari uye huite kuti kuda kwake kuitwe panyika. Vimba naJehovha kuti akupe zvaunoda pakunamata uye zvokurarama nazvo. Ita zvose zvaunogona kuti mararamiro ako aenderane nemunyengetero womuenzaniso.