Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

VaKristu vanofanira kunyengetera kuna Jesu Kristu here?

Kwete. Jesu pachake akatidzidzisa kuti tinyengetere kuna Jehovha, uye naiyewo ainyengetera kuna Baba vake. (Mat. 6:6-9; Joh. 11:41; 16:23) Vateveri vake vekutanga vainyengeterawo kuna Mwari, kwete kuna Jesu. (Mab. 4:24, 30; VaK. 1:3)—1/1, peji 14.

Chii chatingaita gore negore patinenge tichigadzirira kuyeuka rufu rwaJesu?

Chimwe chinhu chatinogona kuita kutevedzera purogiramu yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo. Tinogonawo kufunga nezvekuwedzera ushumiri hwedu. Zvakanakawo kuti tinyatsofungisisa uye tinyengetere nezvetariro yedu yatakapiwa naMwari.—1/15, mapeji 14-16.

Chii chakazoitika kuvasungwa vaviri vechiIjipiti vakaudza Josefa hope dzavainge varota?

Josefa akaudza mudiri waFarao kuti aizodzorerwa pabasa rake. Asi mubiki akaudzwa kuti hope dzake dzaireva kuti Farao aizoita kuti aurayiwe oturikwa padanda. Zvose izvi zvakaitika sokududzirwa kwazvainge zvaitwa. (Gen. 40:1-22)—2/1, mapeji 12-14.

Chipo chipi chakapiwa hama dzokuJapan?

Vakapiwa kabhuku kane Evhangeri yaMateu kanobva muShanduro Yenyika Itsva. Kabhuku aka kari kupiwa vanhu muushumiri, uye vakawanda vasinganyatsozivi Bhaibheri vari kukafarira.—2/15, peji 3.

Chii chakaita kuti zvive nyore kuti mashoko akanaka aparadzirwe munguva yakararama vaKristu vepakutanga?

MuRoma makamboita nguva yakwaiva nerunyararo yainzi Pax Romana. Vadzidzi vaJesu vaikwanisa kufamba nemigwagwa yakanaka. Mutauro wechiGiriki ndiwo wainyanya kushandiswa, zvichiita kuti vadzidzi vaJesu vakwanise kuparidzira kunyange kuvaJudha vainge vakapararira muumambo hweRoma. Uye vadzidzi vaigona kushandisawo mutemo weRoma kuti vadzivirire mashoko akanaka.—2/15, mapeji 20-23.

Nei vaKristu vechokwadi vasingapembereri Isita?

Jesu akarayira vateveri vake kuti vachengete rufu rwake kwete kumutswa kwake. (Ruka 22:19, 20)—3/1, peji 8.

Mazuva ano, nei mabhuku edu asingachanyanyi kutaura kuti nhoroondo dziri muBhaibheri dzine kumwe kuzadziswa kukuru?

Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vanhu vane zvavaimiririra. Mumwe muenzaniso wacho uri pana VaGaratiya 4:21-31. Asi hatifaniri kungoti munhu mumwe nemumwe ari muBhaibheri ane zvaanomiririra. Zvisinei, tinogona kutsvaka zvidzidzo zvinokosha pavanhu ivavo uye zvakaitika kwavari. (VaR. 15:4)—3/15, mapeji 17-18.

Nei chinyorwa chakawanikwa mumarara ekare kare muIjipiti chichikosha?

Mumakore okuma1900, pakawanikwa chimwe chinyorwa chekare chaiva nezvidimbu zveEvhangeri yaJohani. Chinyorwa ichi chinofanira kunge chakanyorwa makore mashoma Johani anyora bhuku rake, uye mashoko arimo anoratidza kuti zviri mubhuku reBhaibheri raJohani ndezvechokwadi.—4/1, mapeji 10-11.

Nei kudzinga mutadzi asingapfidzi kuri kuratidza rudo?

Bhaibheri rinotaura nezvedanho rinobatsira rokudzinga mutadzi. (1 VaK. 5:11-13) Kudzinga mutadzi kunoita kuti zita raMwari rikudzwe, ungano irambe yakachena uye kunogona kuita kuti mutadzi azopengenuka.—4/15, mapeji 29-30.