Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fungisisa Nezverudo rwaJehovha Rwusingaperi

Fungisisa Nezverudo rwaJehovha Rwusingaperi

“Ndichafungisisa nezvebasa renyu rose.”—PIS. 77:12.

NZIYO: 18, 61

1, 2. (a) Nei uine chokwadi chokuti Jehovha anoda vanhu vake? (b) Vanhu vose vakasikwa vaine chido chei?

NEI uine chokwadi chokuti Jehovha anoda vanhu vake? Usati wapindura mubvunzo uyu, funga nezvemienzaniso iyi: Kwemakore akawanda vamwe vaKristu vaikurudzira imwe hanzvadzi inonzi Taylene kuti igutsikane nezvinhu zvayaikwanisa kuita. Hanzvadzi iyi inoti: “Kudai Jehovha asingandidi, angadai asina kuramba achindipa mazano.” Brigitte uyo akarera vana vaviri ari ega pashure pokunge afirwa nemurume, akati: “Munyika ino yaSatani, hazvisi nyore kurera vana kunyanya kana uri mubereki mumwe chete. Asi ndine chokwadi chokuti Jehovha anondida nokuti akanditungamirira pandaiva mumatambudziko uye haana kundirega ndichiedzwa kupfuura zvandaigona kutsungirira.” (1 VaK. 10:13) Sandra anotambura nechirwere chisingarapiki. Pane rimwe gungano, mudzimai weimwe hama inozivikanwa chaizvo akaratidza kuti aiva nehanya naye. Murume waSandra akati, “Takanga tisingazivani nehanzvadzi iyi, asi payakaratidza kuti yaiva nehanya nesu, takafara chaizvo. Kunyange zvinhu zvidiki zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu zvinondibatsira kuona kuti Jehovha anotida.”

2 Vanhu vakasikwa vachida kuratidzwa rudo uye kuratidzawo vamwe rudo. Asi zviri nyore kuti tifunge kuti Jehovha haachatidi kana tikaora mwoyo, tikarwara, tikashayiwa mari kana kuti tikasava nezvibereko muushumiri. Kana tikatanga kuva nemafungiro iwayo, tinofanira kuyeuka kuti tinokosha chaizvo kwaari uye kuti ‘akatotibata ruoko rwedu rworudyi achitibatsira.’ Haazombotikanganwi kana tikaramba takatendeka kwaari.—Isa. 41:13; 49:15.

3. Chii chingatibatsira kuti tive nechivimbo chokuti Jehovha acharamba achitida?

3 Vanhu ava vataurwa nezvavo vaiva nechokwadi chokuti Mwari aiva navo pavaiva panguva dzakaoma. Isuwo tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anesu. (Pis. 118:6, 7) Munyaya ino, tichakurukura zvinhu zvina zvatakapiwa naJehovha zvinoratidza kuti anotida, zvinoti, (1) zvinhu zvaakasika, (2) Shoko rake rakafemerwa, (3) munyengetero, uye (4) rudzikinuro. Patinofungisisa zvinhu zvakanaka zvakaitwa naJehovha, tichawedzera kuonga rudo rwake rwusingaperi.—Verenga Pisarema 77:11, 12.

FUNGISISA ZVINHU ZVAKASIKWA NAJEHOVHA

4. Tinodzidzei pazvinhu zvakasikwa naJehovha?

4 Patinoona zvinhu zvakasikwa, tinobva taziva kuti Jehovha anotida chaizvo. (VaR. 1:20) Somuenzaniso, akagadzira nyika iine zvinhu zvatinoda kuti tirarame. Akatipawo zvose zvatinoda kuti tinakidzwe noupenyu. Kuti tirambe tiri vapenyu tinoda kudya. Jehovha akaita kuti panyika pave nezvokudya zvakawanda zvakasiyana-siyana. Izvozvo zvinoita kuti tinakirwe nokudya. (Mup. 9:7) Imwe hanzvadzi inonzi Catherine inofara chaizvo painoona zvinhu zvakasikwa kunyanya mumwaka unotungira miti panopera chando kuCanada. Hanzvadzi iyi inoti: “Zvinofadza chaizvo kuona kuyevedza kunenge kwava kuita zvinhu, maruva paanotanga kubuda zvakare, shiri padzinodzoka dzichibva kwadzinenge dzambotamira, kunyange kamwe kashiri kadiki diki kanodzoka kachitoziva pane mudziyo wandakaisa pedyo nehwindo rekicheni yangu wandinoisa chikafu cheshiri. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha anotida chaizvo.” Baba vedu vokudenga vane rudo vanofadzwa nezvinhu zvavakasika, uye vanoda kuti tinakidzwewo nazvo.—Mab. 14:16, 17.

5. Masikirwo akaitwa vanhu anoratidza sei kuti Jehovha ane rudo?

5 Jehovha akatisika tichikwanisa kushanda, uye kufadzwa nebasa ratinenge taita. (Mup. 2:24) Aida kuti vanhu vazadze nyika, vaikurire, uye vave nesimba pahove, shiri, nezvimwewo zvisikwa zvipenyu. (Gen. 1:26-28) Uyewo Jehovha akatisika tiine unhu hwakanaka zvokuti tinokwanisa kumutevedzera.—VaEf. 5:1.

IDA SHOKO RAMWARI RAKAFEMERWA

6. Nei tichifanira kuda Shoko raMwari?

6 Mwari akaratidza kuti anotida chaizvo nokutipa Shoko rake rakafemerwa. Rinotiudza zvatinofanira kuziva nezvake uye zvaaiitira vanhu vake kare. Somuenzaniso, Magwaro anotiudza kuti Mwari akaita sei vaIsraeri pavaingoramba vachiita zvisingamufadzi. Pisarema 78:38 rinoti: “Aiva nengoni; aifukidza kukanganisa orega kuparadza. Kazhinji aidzora hasha dzake, aisamutsa hasha dzake dzose.” Kufungisisa ndima iyi kunogona kukubatsira kuona kuti Jehovha anokuda uye ane hanya newe. Saka iva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe.—Verenga 1 Petro 5:6, 7.

7. Nei tichifanira kukoshesa Bhaibheri?

7 Tinofanira kukoshesa Bhaibheri nokuti ndiro rinoshandiswa naMwari paanenge achitaura nesu. Kana mubereki nemwana vachigara vachikurukura, vanowedzera kuwirirana uye kuvimbana. Jehovha ndiBaba vedu vane rudo. Kunyange zvazvo tisina kumbomuona kana kunzwa inzwi rake, anotaura nesu achishandisa Shoko rake rakafemerwa, uye tinofanira kuteerera paanotaura. (Isa. 30:20, 21) Sezvo takazvitsaurira kwaari, Jehovha anoda kutitungamirira uye kutidzivirira. Anodawo kuti timuzive uye tivimbe naye.—Verenga Pisarema 19:7-11; Zvirevo 1:33.

Kunyange zvazvo Jehoshafati akatsiurwa naJehu, Jehovha akaona “zvinhu zvakanaka” pana Jehoshafati (Ona ndima 8, 9)

8, 9. Jehovha anoda kuti tizivei? Taura muenzaniso wemuBhaibheri.

8 Jehovha anoda kuti tizive kuti anotida. Haangotarisi zvatinokanganisa chete asi anotsvaka zvakanaka zvatinoita. (2 Mak. 16:9) Izvi ndizvo zvaakaita kuna Mambo Jehoshafati weJudha. Pane imwe nguva Jehoshafati akaratidza kusachenjera paakabvuma kuenda naMambo Ahabhi weIsraeri kunorwira guta reRamoti-giriyedhi rainge ratorwa nevaSiriya. Kunyange zvazvo vaprofita venhema 400 vakavimbisa mambo akaipa Ahabhi kuti aizokunda, Mikaya, muprofita wechokwadi waJehovha, akataura kuti aizokundwa. Ahabhi akafira muhondo yacho, uye Jehoshafati akapona nepaburi retsono. Paakadzoka kuJerusarema, Jehoshafati akatsiurwa nokuti akanga abvuma kubatana naAhabhi. Kunyange zvakadaro, Jehu mwanakomana womuoni Hananai, akaudza Jehoshafati kuti: “Pane zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri.”—2 Mak. 18:4, 5, 18-22, 33, 34; 19:1-3.

9 Jehoshafati paakatanga kutonga, akanga arayira machinda, vaRevhi nevapristi kuti vaende mumaguta ose aJudha kuti vanodzidzisa vanhu Mutemo waJehovha. Izvi zvakabatsira chaizvo, zvokuti nyika dzainge dzakapoteredza dzakatanga kutya Jehovha. (2 Mak. 17:3-10) Kunyange zvazvo Jehoshafati akazoita zvakaipa, Jehovha haana kukanganwa zvakanaka zvaakanga aita. Nyaya iyi inotibatsira kuona kuti pasinei nokuti tiri vanhu vane chivi, Jehovha acharamba achitida kana tikaramba tichiita zvinomufadza.

KOSHESA ROPAFADZO YOMUNYENGETERO

10, 11. (a) Nei munyengetero uri chipo chinobva kuna Jehovha? (b) Mwari anogona kupindura minyengetero yedu sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Baba vane rudo vanonyatsoteerera kana vana vavo vachida kutaura navo. Vanoda kuziva zviri kuvanetsa nokuti vane hanya navo. Baba vedu vokudenga, Jehovha, vanoteerera patinotaura navo mumunyengetero.

11 Tinogona kunyengetera kuna Jehovha chero nguva. Haambotiisiri miganhu. Ishamwari yedu uye anoteerera pose patinotaura naye. Taylene ambotaurwa anoti: “Unogona kutaura chero zvaunoda kwaari.” Patinonyengetera kuna Mwari tichimuudza zviri pasi pemwoyo yedu, anogona kutipindura achishandisa ndima yeBhaibheri, kana imwe nyaya iri mumagazini kana mashoko anokurudzira anotaurwa nemumwe watinonamata naye. Jehovha anonzwa zvikumbiro zvedu uye anotinzwisisa pasinei nokuti vamwe vanotiona sei. Kupindura kwaanoita minyengetero yedu kunoratidza kuti anotida.

12. Nei tichifanira kuongorora minyengetero iri muBhaibheri? Taura muenzaniso.

12 Tinogona kudzidza zvakawanda patinoverenga minyengetero iri muShoko raMwari. Saka zvakanaka chaizvo kuti dzimwe nguva tiongorore minyengetero iyi patinoita kunamata kwemhuri. Kufungisisa kuti vashumiri vaJehovha vekare vaibudisa sei manzwiro avo kuna Mwari, kuchatibatsira kuti tivandudze minyengetero yedu. Somuenzaniso, funga nezvemunyengetero waJona paaikumbira ruregerero ari mudumbu rehove huru. (Jona 1:17–2:10) Funga nezvemunyengetero waSoromoni waakapa paitsaurirwa temberi. (1 Madz. 8:22-53) Fungawo nezvemunyengetero waJesu womuenzaniso. (Mat. 6:9-13) Chinonyanya kukosha ndechokuti ugare uchiita kuti ‘kukumbira kwako kuziviswe Mwari.’ Izvi zvichaita kuti ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rurinde mwoyo wako nesimba rako rokufunga.’ Kana ukadaro, kuonga kwaunoita rudo rwaJehovha rwusingaperi kuchawedzera.—VaF. 4:6, 7.

RATIDZA KUTI UNOONGA RUDZIKINURO

13. Rudzikinuro rwakaita kuti vanhu vave nemukana wei?

13 Jehovha akatipa chibayiro chorudzikinuro chaJesu “kuti tiwane upenyu.” (1 Joh. 4:9) Achitaura nezvechipo ichi chinokosha chakabva kuna Mwari, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kristu akafira vanhu vasingadi Mwari panguva yakatarwa. Nokuti kashoma kuti mumwe munhu afire munhu akarurama; zvichida, mumwe munhu angatotsunga kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:6-8) Rudo rwatakaratidzwa naMwari rwakaita kuti vanhu vakwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha.

14, 15. Rudzikinuro runobatsira sei (a) vaKristu vakazodzwa? (b) vane tariro yekurarama panyika?

14 Rudzikinuro runoita kuti vaKristu vakazodzwa vanyatsoona kuti Jehovha anovada. (Joh. 1:12, 13; 3:5-7) Kuzodzwa kwavakaitwa nemudzimu mutsvene kunoita kuti vave “vana vaMwari.” (VaR. 8:15, 16) Sezvo vamwe vaKristu vakazodzwa vachiri panyika, nei Pauro akataura nezvavo achiti ‘vakagariswa pamwe chete munzvimbo dzokudenga vari pamwe naKristu Jesu’? (VaEf. 2:6) Nokuti Jehovha akavapa tariro youpenyu husingaperi kudenga.—VaEf. 1:13, 14; VaK. 1:5.

15 Vamwe vanhu vose vanotenda muchibayiro chorudzikinuro, vanogona kuva shamwari dzaJehovha vaine tarisiro yekuzogamuchirwa sevana vaMwari uye yokurarama nokusingaperi muParadhiso. Saka Jehovha anoratidza kuti anoda vanhu nokupa kwaakaita rudzikinuro. (Joh. 3:16) Kana tariro yedu iri yokurarama nokusingaperi panyika uye kana tikaramba tichishumira Jehovha takatendeka, achaita kuti tinakidzwe noupenyu munyika itsva. Saka zvakanyatsokodzera kuti titi rudzikinuro ndirwo rwunonyanya kuratidza kuti Jehovha anotida.

RATIDZA KUTI UNODA JEHOVHA

16. Kufungisisa nezverudo rwatinoratidzwa naJehovha kuchaita kuti tiitei?

16 Zvinhu zvatinoitirwa naJehovha zvakawanda chaizvo zvokuti hatingambopedzi kuzvitaura. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Pfungwa dzenyu dzinokosha sei kwandiri! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei! Kudai ndaizoedza kudziverenga, dzinopfuura kunyange jecha.” (Pis. 139:17, 18) Kufungisisa nezverudo rwatinoratidzwa naJehovha, kuchaita kuti tiwedzere kumuda. Saka ngatiitei zvose zvatinogona pakumushumira.

17, 18. Tingaratidza sei kuti tinoda Mwari?

17 Pane nzira dzakawanda dzatinoratidza nadzo kuti tinoda Jehovha. Somuenzaniso, tinoratidza kuti tinoda Mwari nemuvakidzani nokushingaira mubasa rokuparidza Umambo. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Patinotsungirira miedzo yatinosangana nayo, tinenge tichiratidza kuti tinonyatsoda Jehovha. (Verenga Pisarema 84:11; Jakobho 1:2-5.) Kana miedzo yatinosangana nayo ikawedzera, tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anoziva kutambura kwatinenge tichiita uye achatibatsira nokuti tinokosha chaizvo kwaari.—Pis. 56:8.

18 Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tifungisise nezvezvinhu zvaakasika uye mamwe mabasa ake anoshamisa. Tinoratidza kuti tinoda Mwari uye kuti tinoda Shoko rake nokushingaira kudzidza Bhaibheri. Tinonyengetera kuna Jehovha nokuti tinomuda uye tinoda kusimbisa ushamwari hwedu naye. Patinofungisisa nezvechibayiro chorudzikinuro chatakapiwa naMwari kuti tiregererwe zvivi zvedu, tinobva tawedzera kumuda. (1 Joh. 2:1, 2) Izvi ndezvimwe zvezvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tide Jehovha patinofunga nezverudo rwake rwusingaperi rwaanotiratidza.