Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Wakamirira!

Ramba Wakamirira!

“Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira.”—HAB. 2:3.

NZIYO: 128, 45

1, 2. Vashumiri vaJehovha vagara vachizivikanwa nokuitei?

KUBVIRA kare vanamati vaJehovha vagara vachimirira kuzadziswa kweuprofita. Somuenzaniso, Jeremiya akaprofita kuti vaBhabhironi vaizoparadza nyika yeJudha, uye izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika muna 607 B.C.E. (Jer. 25:8-11) Isaya, uyo akanzi aprofite kuti Jehovha aizosunungura vanhu vake, akati: “Vanofara vose vaya vari kuramba vachimumirira.” (Isa. 30:18) Mika ainge akamirirawo kuona vimbiso dzaMwari dzichizadziswa, uye akati: “Ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha.” (Mika 7:7) Kwemazana emakore, vashumiri vaMwari vaimirirawo kuzadziswa kweuprofita hune chokuita naMesiya, kana kuti Kristu.—Ruka 3:15; 1 Pet. 1:10-12. *

2 Vashumiri vaMwari mazuva ano vanorambawo vakamirira, nokuti humwe uprofita hune chokuita naMesiya huchiri kuzadziswa. Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaita kuti zvinhu zvose zvinotambudza vanhu zvipere. Achashandisa Umambo hwaMesiya kuparadza vakaipa uye kununura vashumiri vake kubva munyika ino iri kutongwa naSatani. (1 Joh. 5:19) Saka ngatirambei takamuka uye tichiziva kuti nyika ino yava kuda kuguma.

3. Mubvunzo upi watingava nawo kana tava nemakore takamirira kuuya kwomugumo?

3 Sevashumiri vaJehovha tinoda chaizvo kuona kuda kwaMwari ‘kuchiitwa panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ (Mat. 6:10) Zvisinei, vamwe vedu tinogona kunge tava nemakore akawanda takamirira mugumo wenyika ino yakaipa zvokuti tingatanga kunetseka kuti, ‘Pachine zvikonzero zvokuti tirambe takamirira here?’

NEI TICHIFANIRA KURAMBA TAKAMIRIRA?

4. Nei zvichikosha kuti tirambe takarinda?

4 Bhaibheri rinotiudza zvatinofanira kuita mugumo wenyika ino yakaipa zvawava pedyo kudai. Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘varambe vakarinda’ uye ‘varambe vakamuka.’ (Mat. 24:42; Ruka 21:34-36) Saka tinofanira kuramba takamirira nokuti Jesu akatiudza kuti tidaro. Sangano raJehovha rinoratidza muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Mabhuku arinobudisa ari kuramba achitikurudzira ‘kumirira uye kuramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha,’ uye kuti tirambe tichitarisira nyika itsva yakavimbiswa naMwari.—Verenga 2 Petro 3:11-13.

5. Nei zvichinyanya kukosha kuti tirambe takarinda mazuva ano?

5 Zvaikosha kuti vaKristu vepakutanga varambe vakamirira zuva raJehovha. Kunyange zvakadaro, iye zvino ndipo pazvava kutonyanya kukosha kuti tirambe takamirira. Nei tichidaro? Nokuti tiri kurarama munguva yokuvapo kwaKristu. Chiratidzo chokuvapo kwake chakatanga kuoneka kubva muna 1914. Somuenzaniso, kuwedzera kuipa kuri kuita zvinhu munyika uye kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo munyika yose kunoratidza kuti tiri kurarama munguva yokuguma “kwemamiriro ezvinhu.” (Mat. 24:3, 7-14) Jesu haana kutaura kuti mazuva okupedzisira aizotora nguva yakareba sei, saka tinofanira kugara takagadzirira nokuti mugumo unogona kuuya chero nguva.

6. Tinoziva sei kuti zvinhu zvichatowedzera kuipa mugumo zvaunoswedera pedyo?

6 Tingabvunza kuti: “Kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” hakungavi here kuchireva imwe nguva iri mberi, zvinhu pazvichatonyanya kuipa? Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoratidza kuti uipi huchawedzera “mumazuva okupedzisira.” (2 Tim. 3:1, 13; Mat. 24:21; Zvak. 12:12) Saka zvinhu zvichatowedzera kuipa kupfuura zvazviri iye zvino.

7. Mateu 24:37-39 inoratidza kuti zvinhu zvichange zvakamira sei mumazuva okupedzisira?

7 Asi unofunga kuti zvinhu zvichaipa kusvika papi “kutambudzika kukuru” kusati kwatanga? (Zvak. 7:14) Somuenzaniso, unofunga kuti munyika imwe neimwe muchava nehondo, vanhu vose vachashaiwa zvokudya uye vacharwara here? Kana izvi zvikaitika, kunyange vaya vasingadaviri zvinotaurwa neBhaibheri vangatosvikawo pakubvuma kuti uprofita hweBhaibheri huri kuzadziswa. Asi Jesu akataura kuti vanhu vakawanda ‘vaisazocherechedza’ kuvapo kwake. Vachange vakabatikana nezvinhu zvavagara vachiita muupenyu hwavo kusvikira nguva yapera. (Verenga Mateu 24:37-39.) Saka Magwaro anoratidza kuti hatifaniri kutarisira kuti zvinhu zvichaipa zvokusvika pokuti munhu wose achabvuma kuti mugumo wava pedyo.—Ruka 17:20; 2 Pet. 3:3, 4.

8. Chii chinonyatsozivikanwa nevaya vanoteerera murayiro waJesu wokuti “rambai makarinda”?

8 Asiwo kuzadziswa kwechiratidzo chokuvapo kwaKristu kunofanira kunyatsova pachena zvokuti vateveri vake havaomerwi nokuteerera murayiro wake wokuti, “rambai makarinda.” (Mat. 24:27, 42) Izvi ndizvo zvaiitika kubva muna 1914. Kubvira ipapo, zvimwe zvinhu zvinoumba chiratidzo chokuvapo kwaKristu zviri kuzadziswa. Zvava pachena kuti iye zvino tava kurarama munguva yokuguma “kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Pangosara nguva pfupi kuti nyika ino yakaipa iparadzwe.

9. Nei tichifanira kuramba takamirira kuguma kwenyika ino?

9 Saka nei vaKristu vachifanira kuramba vakamirira mazuva ano? Tinoramba takamirira nokuti tinoteerera Jesu Kristu. Tiri kuonawo chiratidzo chokuvapo kwake. Tinobvuma kuti mugumo wava pedyo kwete nokuti tiri vanhu vaya vanongobvuma zvose zvavanenge vaudzwa, asi tine uchapupu hwomuMagwaro hunotibatsira kuti tirambe takamuka, takarinda, tichimirira kuguma kwenyika ino yakaipa.

TINOFANIRA KUMIRIRA KUSVIKA RIINI?

10, 11. (a) Nei Jesu akaudza vateveri vake kuti varambe vakarinda? (b) Jesu akati vateveri vake vaifanira kuitei kana vaizomirira kwenguva yakareba kupfuura zvavanenge vachitarisira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Vakawanda vedu tava nemakore takarinda. Asi izvozvo hazvifaniri kutitadzisa kuramba takamirira. Tinofanira kunge takagadzirira Jesu paachauya kuzoparadza nyika ino. Yeuka kuti Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini. Zvakafanana nomurume akaenda kunze kwenyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira muchengeti wesuo kuti arambe akarinda. Naizvozvo rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani; kuti paanongoerekana asvika, haakuwanii makarara. Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”—Mako 13:33-37.

11 Vateveri vaJesu pavakangoziva kuti Kristu akatanga kutonga muna 1914, vakabva vaziva kuti mugumo unogona kuuya chero nguva. Saka vakabva vatanga kugadzirira kusvika kwawo nokuwedzera kushanda nesimba mubasa rokuparidza Umambo. Jesu akati aigona kuuya pave paya, zvimwe “pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani.” Kana izvozvo zvaizoitika, vateveri vake vaifanira kuitei? Akati: “Rambai makarinda.” Saka kana tava nenguva yakareba takamirira, hatifaniri kubva tafunga kuti mugumo uchiri kure kana kuti hausi kuzouya tichiri vapenyu.

12. Habhakuki akabvunzei Jehovha, uye akapindurwa sei?

12 Funga nezvemuprofita Habhakuki uyo akanzi aprofite nezvekuparadzwa kweJerusarema. Vamwe vaprofita vakamutangira vakanga vava nemakore vachiprofita nezvekuparadzwa kweguta iri. Zvinhu zvakanga zvasvika pokuti ‘vakaipa vakanga vava kukomba vakarurama, uye pakanga pasisina kururamisira.’ Ndokusaka Habhakuki akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini?” Panzvimbo pokumuudza musi chaiwo waizoparadzwa Jerusarema, Jehovha akavimbisa muprofita wake akatendeka kuti “hazvizononoki.” Mwari akaudza Habhakuki kuti, “ramba wakazvimirira.”—Verenga Habhakuki 1:1-4; 2:3.

13. Habhakuki aigona kunge akafungei, asi nei mafungiro iwayo ainge asina kunaka?

13 Kudai Habhakuki akaora mwoyo, otanga kuva nepfungwa dzakadai sokuti: ‘Ndava nemakore ndichingonzwa kuti Jerusarema richaparadzwa. Ko kana pachine nguva yakareba kuti rizoparadzwa? Hazvina musoro kuti ndirambe ndichiprofita sokunge kuti guta racho richangoerekana raparadzwa. Vamwe ngavachiitawo basa racho.’ Dai Habhakuki akafunga kudaro, aisazofarirwa naJehovha uye zvimwe angadai akafawo pakaparadzwa Jerusarema nevaBhabhironi.

14. Nei tiine chokwadi chokuti kana tikaramba takamirira hatizoodzwi mwoyo?

14 Patinenge tava munyika itsva, tichange tava kunyatsoona kuti zvinhu zvose zvakataurwa zvaiva nechokuita nekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho zvakazadziswa. Patichafungisisa kuzadziswa kunenge kwaitwa zvinhu zvose zvakapikirwa, kutenda kwedu muna Jehovha uye muzvipikirwa zvake zvinenge zvisati zvazadziswa, kuchawedzera. (Verenga Joshua 23:14.) Panguva iyoyo tichatenda kuti Mwari, uyo ‘akaisa nguva nemwaka musimba rake,’ akatinyevera kuti tirarame tichiziva kuti ‘kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo.’—Mab. 1:7; 1 Pet. 4:7.

TINOFANIRA KUITEI PATINENGE TAKAMIRIRA?

Unoshingaira kuparidza mashoko akanaka here? (Ona ndima 15)

15, 16. Nei tichifanira kunyanya kukoshesa basa rokuparidza mazuva ano?

15 Tine chokwadi chokuti sangano raJehovha richaramba richitiyeuchidza kuti tinofanira kushumira Mwari tichiziva kuti nguva yapera. Izvozvo zvichatibatsira kuti tirambe takabatikana mubasa raMwari uyewo kuti tirambe tiine chokwadi chokuti chiratidzo chokuvapo kwaKristu chiri kuzadziswa. Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa sezvo tichiziva kuti mugumo wava pedyo? Tinofanira kuramba tichitanga kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari. Izvi tinozviita nokushanda nesimba pakuparidza mashoko akanaka oUmambo.—Mat. 6:33; Mako 13:10.

16 Imwe hanzvadzi yakati: “Patinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, tinenge . . . tichibatsira pakununura vanhu kuti vasaparadzwe pachaparadzwa nyika ino yakaipa.” Hanzvadzi iyi yaiziva nezvekununurwa nokuti iye nemurume wake vaiva pakati pevanhu vakapona pakanyura imwe ngarava yainzi Wilhelm Gustloff muna 1945. Kunyange kana munhu akasangana nedambudziko rakakura seiri, anogona kutadza kuona kuti zvinhu zvipi zvinonyanya kukosha. Hanzvadzi yacho inoyeuka kuti mumwe mukadzi airamba achichema achiti: “Mabhegi angu! Mabhegi angu kani! Zvishongo zvangu kani! Zvishongo zvangu zvose zvasara mungarava. Hapana kana chandasara nacho!” Asi panguva iyoyo, vamwe vanhu vaiva mungarava iyi vakatoisa upenyu hwavo pangozi kuti vanunure vamwe vainge vawira mumvura yaiva nechando. Sezvakaitwa nevanhu ava vakanunura vamwe vaiva mungarava, tinoshanda nesimba kuti tibatsire vanhu. Tinoramba tiine pfungwa yokuti basa rokuparidza rinofanira kukurumidza kuitwa kuti tibatsire vanhu vakawanda kuti vapone.

Unoita zvisarudzo nekuchenjera here kuti pasava nechinokutadzisa kuita zvinhu uchiziva kuti nguva yapera? (Ona ndima 17)

17. Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti mugumo unogona kuuya chero nguva?

17 Zvinhu zviri kuitika munyika zvinonyatsoratidza kuti uprofita hweBhaibheri huri kuzadziswa uye kuti mugumo wenyika ino yakaipa wava pedyo. Saka hatifaniri kufunga kuti zvichatora nguva yakareba chaizvo kuti “nyanga gumi” “nechikara” zvinotaurwa muna Zvakazarurwa 17:16 zvizorwisa Bhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. Ngatiyeukei kuti Mwari ‘achaisa izvi mumwoyo mazvo’ kuti zvirwise chitendero chenhema uye izvi zvinogona kuitika nekukurumidza, chero nguva! (Zvak. 17:17) Kuguma kwenyika ino kwava pedyo. Saka ngatiteererei nyevero yaJesu yokuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva.” (Ruka 21:34, 35; Zvak. 16:15) Ngatitsungei kushumira Jehovha tichiziva kuti nguva yapera uye tiine chokwadi chokuti anobatsira ‘vaya vanoramba vachitarisira kwaari.’—Isa. 64:4.

18. Mubvunzo upi uchapindurwa munyaya inotevera?

18 Sezvatinomirira kuguma kwenyika ino yakaipa, ngatiteererei mashoko akafemerwa emudzidzi Judha okuti: ‘Vadiwa, zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene, uye nyengeterai nomudzimu mutsvene, kuti murambe muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.’ (Jud. 20, 21) Asi mararamiro edu angaratidza sei kuti takamirira nyika itsva yakavimbiswa naMwari? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 1 Ona humwe uprofita hweBhaibheri hune chokuita naMesiya uye kuzadziswa kwahwo papeji 200 mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?