Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gadzirira Iye Zvino Kuzorarama Munyika Itsva

Gadzirira Iye Zvino Kuzorarama Munyika Itsva

‘Vaudze kuti vaite zvakanaka, kuitira kuti vabatisise upenyu chaihwo.’—1 TIM. 6:18, 19.

NZIYO: 125, 40

1, 2. (a) Makomborero api achava muParadhiso panyika aunonyanya kutarisira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Makomborero api ane chokuita nokunamata achava munyika itsva?

VAKAWANDA vedu patinonzwa mashoko okuti “upenyu chaihwo” tinofunga nezvetariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso panyika. Muapostora Pauro akatoratidza kuti “upenyu husingaperi” ndihwo “upenyu chaihwo.” (Verenga 1 Timoti 6:12, 19.) Tinotarisira kuzorarama nokusingaperi tichigutsikana uye tichinakidzwa noupenyu. Hatigoni kunyatsotsanangura kuti tichanzwa sei panguva iyoyo patinenge tichimuka mangwanani oga oga tiine utano hwakanaka, tichifara uye pasina chinotinetsa. (Isa. 35:5, 6) Fungidzira kuti tichanakidzwa zvakadii nokuva pamwe chete nehama dzedu neshamwari, kusanganisira vaya vanenge vamutswa! (Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15) Tichawana mukana wokudzidza zvimwe zvinhu zvitsva uye kuvandudza unyanzvi hwedu. Somuenzaniso, tinogona kudzidza zvakawanda nezvesayenzi kana kuti tinogona kudzidzira kuridza mimhanzi kana kudhirowa mapurani edzimba uye kuvaka.

2 Kunyange zvazvo tichitarisira zvinhu izvi zvakanaka, makomborero ane chokuita nokunamata ndiwo achaita kuti tinyanye kufara. Fungidzira kufara kwatichaita patichaziva kuti zita raJehovha ratsveneswa uye munhu wose ava kubvuma kuti Jehovha ndiye Mutongi wake. (Mat. 6:9, 10) Tichafara chaizvo patichaona Jehovha achizadzisa chinangwa chaakasikira nyika nevanhu. Fungawo kuti zvichatiitira nyore sei kuva noushamwari hwepedyo naJehovha, chivi chatinacho pachichabviswa zvishoma nezvishoma kusvikira chapera!—Pis. 73:28; Jak. 4:8.

3. Chii chatinofanira kugadzirira iye zvino?

3 Tine chokwadi chokuti makomborero iwayo achatouya, nokuti Jesu akati “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mat. 19:25, 26) Asi kana tichitarisira kurarama munyika itsva iyoyo uye kuramba tichirarama pashure poKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, tinofanira ‘kubatisisa’ upenyu husingaperi iye zvino. Tinofanira kurarama tichimirira mugumo wenyika ino yakaipa uye iye zvino ndipo patinofanira kutora matanho anodiwa okugadzirira kuzorarama munyika itsva. Tingakwanisa sei kuita izvozvo isu tichiri munyika ino yakaipa?

TINGAGADZIRIRA SEI?

4. Taura muenzaniso unoratidza kuti tingagadzirira sei iye zvino kuzorarama munyika itsva.

4 Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire kuzorarama munyika itsva yaMwari? Ngatitii tiri kuronga kunogara kune imwe nyika. Zvii zvatingaita patinenge tichigadzirira kutama? Tinogona kutanga kudzidzira mutauro wevanhu veko uye kudzidza tsika dzavo. Tinogonawo kumboravidza zvokudya zveko. Saka mararamiro edu anenge ava kuita sokuti tava kutogara munyika yacho. Tinogonawo kugadzirira kuzogara munyika itsva kana tikaita zvose zvatinogona iye zvino kurarama sokuti tatovamo. Ngationei kuti tingazviita sei.

5, 6. Kudzidza kuzviisa pasi kana tiine zvataudzwa nesangano raJehovha iye zvino, kuchazotibatsira sei kana tava munyika itsva?

5 Munyika ino yakaipa, Satani anoda kuti vanhu vafunge kuti vanogona kuita chero zvavada. Vakawanda vanofunga kuti munhu anofanira kuzvitonga uye haafaniri kuteerera Mwari. Izvi zviri kuita kuti vanhu vatambure chaizvo. (Jer. 10:23) Asi upenyu munyika itsva huchange hwakanaka chaizvo nokuti munhu wose anenge ava kuzviisa pasi paJehovha, Mutongi akanaka.

6 Munyika itsva, tichateerera mirayiridzo inobva kusangano raJehovha ichatibatsira kuti tigadzire nyika ino kuti ive paradhiso uye tidzidzise vanhu vanenge vamutswa. Asi panguva iyoyo tichaita sei kana tikakumbirwa kuita rimwe basa ratisingafariri? Tichazviisa pasi here toriita nemwoyo wose uye tichinakidzwa naro? Vakawanda vedu tingapindura kuti tichadaro. Asi iye zvino tinozviisa pasi here kana tiine zvataudzwa nesangano raJehovha? Kana tichidaro, tiri kutogadzirira kuzorarama nokusingaperi tichitongwa naJehovha.

7, 8. (a) Nei tichifanira kudzidza kuteerera? (b) Zvinhu zvakachinja sei kune vamwe vaKristu? (c) Zvinhu zvichange zvakamira sei munyika itsva?

7 Tinofanirawo kudzidza kuva vanhu vanogutsikana uye vanoteerera zvatinoudzwa nesangano raJehovha. Kana iye zvino tichiteerera vaya vari kutungamirira, tichigutsikana uye tichinakidzwa nebasa idzva ratinenge tapiwa, hazvizotiomeri kuteerera patinenge tava munyika itsva. (Verenga VaHebheru 13:17.) VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vakapiwa nhaka yavo pachishandiswa mijenya. (Num. 26:52-56; Josh. 14:1, 2) Isuwo hatizivi kuti tichanzi tigare kupi kana tava munyika itsva. Kunyange zvakadaro, kuteerera kuchaita kuti tigutsikane uye tifare chaizvo patinenge tichiita kuda kwaJehovha pasinei nekwatinenge tichigara panyika.

8 Kurarama tichitongwa noUmambo hwaMwari iropafadzo yakakura chaizvo. Saka kuteerera zvatinoudzwa nesangano raJehovha uye kuita chero basa ratinenge tapiwa, kushandira zviripo. Asi dzimwe nguva tinogona kuchinjwa mabasa atanga tichiita. Somuenzaniso, vamwe vaiva nhengo dzemhuri yeBheteri rokuUnited States vakakumbirwa kuti vanoshumira mundima uye iye zvino vari kuwana makomborero akawanda vachiita mamwe mabasa enguva yakazara. Vamwewo vaiva mubasa redunhu vakanzi vanoshumira semapiyona chaiwo nemhaka yokukura kana zvimwewo zvikonzero. Kana tikava vanhu vanogutsikana, tonyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire uye toita zvose zvatinogona mubasa rake, tichafara uye tichawana makomborero akawanda kunyange mumazuva ano okupedzisira akaoma. (Verenga Zvirevo 10:22.) Ko kana tava munyika itsva, tichaita sei kana tikanzi tigare kunzvimbo yakasiyana neyatinenge tichida? Pasinei nokuti tichashumira Jehovha tiri kupi uye tichiitei, tine chokwadi chokuti tichange tichifara chaizvo uye tichigutsikana.—Neh. 8:10.

9, 10. (a) Ndepapi patingada kuzoratidza mwoyo murefu munyika itsva? (b) Tingaratidza sei iye zvino kuti tiri vanhu vanomirira?

9 Zvimwe munyika itsva pachava nenguva yatinofanira kuratidza mwoyo murefu. Somuenzaniso, tinogona kunzwa nezvevamwe vanhu vanenge vachifara chaizvo nokuti hama neshamwari dzavo dzinenge dzamutswa. Asi isu pamwe tinenge tichitofanira kumirira kuti hama dzedu dzizomutswawo. Kana izvozvo zvikaitika, tichafara nevanofara here patinenge takamirirawo kuti hama dzedu dzimutswe? (VaR. 12:15) Kana tikadzidza kumirira iye zvino patiri kutarisira kuzadziswa kwevimbiso dzaJehovha, tichakwanisawo kuzomirira panguva iyoyo.Mup. 7:8.

10 Tinogonawo kugadzirira kuzorarama munyika itsva kana tikamirira Jehovha panogadziridzwa manzwisisiro atinoita chokwadi cheBhaibheri iye zvino. Tinonyatsodzidza here zvinhu izvi zvinenge zvagadziridzwa, uye kana tisina kunyatsojekerwa, tinomirira Jehovha here? Kana tichidaro, hatizoomerwi nokumirira Jehovha paanenge achizivisa zvaanoda kuti tiite munyika itsva.—Zvir. 4:18; Joh. 16:12.

11. Jehovha ari kutidzidzisa kuti tigarisane nevamwe sei iye zvino, uye izvi zvichatibatsira sei munyika itsva?

11 Kudzidza kuva vanhu vanokanganwira vamwe kuchaitawo kuti tigadzirire kuzorarama munyika itsva. Munguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, zvinogona kutora nguva kuti vanhu vakarurama nevasina kururama vazosvika pakusava nechivi. (Mab. 24:15) Tichagarisana zvakanaka nevamwe here panguva iyoyo? Kana tikadzidza kuva vanhu vanokanganwira uye vanogarisana nevamwe iye zvino, zvichazotiitirawo nyore kana tava munyika itsva.—Verenga VaKorose 3:12-14.

12. Nei tichifanira kugadzirira iye zvino kuzorarama munyika itsva?

12 Kuva munyika itsva kungasareva hako kuti tichawana zvose zvatinenge tichida pose patinongonzwa kuzvida. Asi tichafanira kuva vanhu vanoonga uye vanogutsikana chero mumamiriro ezvinhu api zvawo, sezvatinenge tichiwana makomborero anobva kuna Jehovha. Tichafanira kuva neunhu hwatiri kutodzidziswa naJehovha iye zvino. Saka kana tikadzidza kurarama sezvatinotarisira kuzoita tava munyika itsva, tinenge tichitodzidza kuva neunhu hwatichafanira kuva nahwo nokusingaperi. Tinenge tichiratidza kuti tinotenda kuti nyika itsva ichauya zvechokwadi. (VaH. 2:5; 11:1) Uyewo tinenge tichiratidza kuti tinoda chaizvo kuzorarama munyika yakarurama iri kuuya. Saka patinenge tichiita zvose izvi, tinenge tichigadzirira kuzorarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari.

ISA PFUNGWA PAZVINHU ZVOKUNAMATA

Shanda nesimba muushumiri

13. Chii chatichanyanya kukoshesa munyika itsva?

13 Funga nezveimwe nzira yatinogona kugadzirira nayo kuzorarama munyika itsva. Kunyange zvazvo tichivimbiswa kuti munyika itsva zvokudya uye zvimwe zvinhu zvatinoda zvichange zvakawanda, tichanyanya kufara nokuti tichawana zvinhu zvatinoda pakunamata. (Mat. 5:3) Tichange tichinyanya kukoshesa zvinhu zvokunamata, uye tichifadzwa nokushumira Jehovha. (Pis. 37:4) Kana tikaratidza iye zvino kuti tinokoshesa zvinhu zvokunamata, tinenge tichitogadzirira kuzorarama munyika itsva.—Verenga Mateu 6:19-21.

14. Zvinangwa zvipi zvokunamata zvinogona kubatsira vechiduku kuti varambe vachifunga nezvoupenyu husingaperi?

14 Tingaita sei kuti tiwedzere kunakidzwa nokunamata? Chimwe chinhu chatinogona kuita kuva nezvinangwa pakunamata. Kana uri wechiduku uye uchifunga kuzoita basa renguva yakazara, wadii kuverenga dzimwe nyaya dzakabudiswa mumabhuku edu dzinotaura nezvemabasa akasiyana-siyana enguva yakazara, wosarudza raunoda. * Unogonawo kutaura nevamwe vava nemakore vari mubasa renguva yakazara. Kana ukasarudza kuita basa renguva yakazara, uchawana ruzivo ruchakubatsira pakushumira Jehovha munyika itsva.

Ita mabasa anotsigira kunamata

15. Zvinangwa zvipi zvokunamata zvatingava nazvo sevazivisi voUmambo?

15 Sevazivisi voUmambo, zvinangwa zvipi zvokunamata zvatinogona kuva nazvo? Tinogona kuva nechinangwa chokuvandudza unyanzvi hwedu muushumiri. Tinogonawo kushanda nesimba kuti tiwedzere kunzwisisa pfungwa dziri muBhaibheri uye kuti tingadzishandisa sei. Tinogonawo kuvandudza maverengero atinoita pamberi pevanhu kana kuti mapiro atinoita hurukuro nemhinduro dzedu pamisangano. Zvichida une zvimwewo zvawafunga zvaunogona kuita. Kana ukava nezvinangwa zvakadaro, uchawedzera kushingaira pakunamata, uye izvi zvichaita kuti ugadzirire kuzorarama munyika itsva.

TAKATOTANGA KUKOMBORERWA!

Koshesa zvokudya zvokunamata

16. Nei tichiti hapana humwe upenyu hunopfuura kushumira Jehovha?

16 Tingati here kugadzirira kwatiri kuita kuzorarama munyika itsva yaMwari, kutambisa nguva yatingadai tichitoshandisa kuti tirarame upenyu hwakanaka munyika ino? Aiwa, hatingambodaro! Hapana chimwe chinhu chinogutsa muupenyu kupfuura kushumira Jehovha. Tinomushumira kwete nokuti mumwe munhu ari kutimanikidza kana kuti nemhaka yokuti tinongoda kuzopona pakutambudzika kukuru. Kana tiine ukama hwakanaka naJehovha, tinorarama upenyu hwakanaka uye tinofara. Ndiwo masikiro aakatiita. Hapana humwe upenyu hwakanaka hwatingaenzanisa nokurarama tichitungamirirwa naJehovha uye tichifarirwa naye. (Verenga Pisarema 63:1-3.) Hatifaniri hedu kufunga kuti tinofanira kumiririra kuti nyika itsva itange yauya kuti tizowana makomborero anobva pakushumira Jehovha nemwoyo wose. Kunyange iye zvino tiri kutowana makomborero iwayo. Vamwe vedu tatova nemakore akawanda tichiwana makomborero iwayo uye takazvionera kuti hakuna humwe upenyu hunogutsa kupfuura hwokushumira Jehovha.—Pis. 1:1-3; Isa. 58:13, 14.

Tsvaka mazano anobva muMagwaro

17. Kuita zvinhu zvinotivaraidza kuchange kuchikosha zvakadii muParadhiso?

17 Munyika itsva yaMwari, tichava nenguva yokuita zvinhu zvinotivaraidza. Kudai Jehovha akanga asingadi kuti tinyatsonakidzwa nezvinhu izvozvo, aizombotisika here tiine chido chokuzviita? (Mup. 2:24) Munguva yemberi, achagutsa “zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pis. 145:16) Tinoda kumbowana nguva yokuita zvinhu zvinotivaraidza, asi zvinhu izvozvo zvinonyanya kutinakidza kana tikaisa zvinhu zvokunamata pokutanga muupenyu hwedu. Ndizvo zvazvichange zvakaitawo muParadhiso. Saka kuchenjera kudzidza kutanga kutsvaka Umambo uyewo kufunga nezvemakomborero ane vanhu vaJehovha iye zvino!—Mat. 6:33.

18. Tingaratidza sei kuti tiri kugadzirira kuzorarama nokusingaperi muParadhiso?

18 Patinenge tava muParadhiso, tichafara zvatisati tamboita. Dai tikaratidza kuti tinoda chaizvo kuzowana upenyu chaihwo nokutanga kuhugadzirira iye zvino. Ngatishandei nesimba kuti tive neunhu hunodiwa naMwari uye ngatinakidzwei nokushingaira mubasa ratakapiwa rokuparidza Umambo. Dai tikawana mufaro unobva pakuisa zvinhu zvokunamata pokutanga muupenyu hwedu. Tine chokwadi chokuti munyika itsva, Jehovha achazadzisa zvose zvaakavimbisa. Saka ngatiraramei sokunge tatova munyika iyoyo!