Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mirai Makasimba Mukutenda”

“Mirai Makasimba Mukutenda”

“Mirai makasimba mukutenda, . . . ivai nesimba.”—1 VAK. 16:13.

NZIYO: 60, 64

1. (a) Chii chakaitika kuna Petro paaiva muGungwa reGarireya kuine dutu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei Petro akatanga kunyura?

MUAPOSTORA PETRO nevamwe vadzidzi vari kunetseka nokukwasva chikepe muGungwa reGarireya. Usiku uye kune dutu. Vadzidzi vanongoerekana vaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa. Petro anoshevedzera kuna Jesu, achikumbira kuti afambe nepamusoro pemvura achienda kuna Tenzi wake. Jesu anomuudza kuti auye, uye Petro anoburuka muchikepe, otanga kufamba achienda kuna Jesu. Asi angoti fambei zvishoma, Petro anotanga kunyura. Chii chiri kuita kuti anyure? Atarisa dutu, uye ava kutya. Anobva ashevedzera kuna Jesu achikumbira kubatsirwa, uye Jesu anomubata ruoko oti kwaari: “Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?”—Mat. 14:24-32.

2. Munyaya ino tichaongororei?

2 Ngationgororei zvinhu zvitatu zvine chekuita nekutenda zvatinodzidza kuna Petro: (1) kuratidza kwaakaita kuti aiva nekutenda kuti Mwari aizomubatsira, (2) chakaita kuti kutenda kwake kutange kuderera, uye (3) chakamubatsira kuti asimbe zvakare pakutenda. Kuongorora zvinhu izvi kuchatibatsira kuona kuti tingaita sei kuti ‘timire takasimba mukutenda.’—1 VaK. 16:13.

KUTENDA KUTI MWARI ACHATIBATSIRA

3. Chii chakaita kuti Petro aburuke muchikepe, uye chii chatakaitawo chakafanana neizvi?

3 Kutenda ndiko kwakaita kuti Petro aburuke muchikepe akatanga kufamba pamusoro pemvura. Jesu akanga amushevedza, uye Petro aivimba kuti simba raMwari raizomubatsira sekubatsira kwaraiita Jesu. Kutenda ndikowo kwakaita kuti tizvitsaurire kuna Jehovha uye tibhabhatidzwe. Jesu akatikoka kuti tive vateveri vake, tichitevera tsoka dzake. Kuita izvozvo kwaitoda kuti tive nekutenda muna Mwari naJesu, tichivimba kuti vaizotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana.—Joh. 14:1; verenga 1 Petro 2:21.

4, 5. Nei zvichikosha kuti tive nekutenda?

4 Kutenda kunokosha chaizvo. Ndiko kwakaita kuti Petro afambe pamusoro pemvura uye kunotibatsirawo kuti tiite zvinhu zvataisambofunga kuti tinokwanisa kuita. (Mat. 21:21, 22) Somuenzaniso, tinogona kunge takachinja mararamiro edu zvokuti vanhu vaitiziva kare vakationa vanogona kutoshamisika kuti ndisu here. Izvi hatina kuzviita nesimba redu toga, asi Jehovha akatibatsira nokuti takanga taratidza kutenda maari. (Verenga VaKorose 3:5-10) Kutenda kwakaita kuti tizvitsaurire kuna Jehovha, tichibva tava shamwari dzake. Izvi zvaisazomboitika kudai tisina kubatsirwa naJehovha.—VaEf. 2:8.

5 Kutenda kunotibatsira kuti tirambe takasimba. Somuenzaniso, kunotibatsira kuti tikunde miedzo inobva kumuvengi wedu ane simba, Dhiyabhorosi. (VaEf. 6:16) Kuvimba naJehovha kunotibatsirawo kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo patinosangana nematambudziko. Jehovha anotivimbisa kuti achatipa zvatinoda pakurarama kana tikaratidza kutenda toisa Umambo pakutanga. (Mat. 6:30-34) Uyewo, kana tiine kutenda tichapiwa chipo chinokosha chaizvo cheupenyu husingaperi.—Joh. 3:16.

TINOGONA KURASIKIRWA NEKUTENDA PATINOSANGANA NEMIEDZO

6, 7. (a) Chii chatingafananidza nemafungu akatariswa naPetro? (b) Nei tisingafaniri kuzvivimba tichifunga kuti kutenda kwedu hakungambodereri?

6 Tinogona kufananidza mafungu akatariswa naPetro paaifamba pamusoro pemvura nemiedzo kana kuti nematambudziko atinosangana nawo muupenyu hwedu sevaKristu vakazvitsaurira kuna Mwari. Kunyange tikasangana nematambudziko akaoma chaizvo, tinogona kumira takasimba mukutenda tichibatsirwa naJehovha. Yeuka kuti Petro haana kunyudzwa nemhepo kana kuti nemafungu egungwa. Bhaibheri rinoti: “Achitarira dutu, akatya.” (Mat. 14:30) Kutenda kwaPetro kwakatanga kuderera nokuti haana kuramba akatarisa kuna Jesu. Isuwo kana tikanyanya kufunga nezvematambudziko edu, tinogona kupedzisira tava kuona sokuti Jehovha haakwanisi kutibatsira.

7 Hatifaniri kuzvivimba tichifunga kuti kutenda kwedu hakungambodereri, nokuti Bhaibheri rinotaura nezvokusava nekutenda sechivi “chinotipingirisha nyore nyore.” (VaH. 12:1) Zvakaitika kuna Petro zvinoratidza kuti kana tikaisa pfungwa dzedu pazvinhu zvisiri izvo, kutenda kwedu kunotanga kuderera. Tingaziva sei kana kutenda kwedu kwava kuderera? Ngationei mibvunzo inogona kutibatsira.

8. Chii chingaita kuti titange kusava nechokwadi nezvatakavimbiswa naMwari?

8 Maonero andava kuita vimbiso dzaMwari asiyana neandaiva nawo kare here? Somuenzaniso, Mwari akataura kuti achaparadza nyika ino yakaipa. Asi tinotsauswa here nezvinhu zvinovaraidza zviri munyika zvokuti tinopedzisira tisisina kutenda kwakasimba? Tinogona kutanga kufunga kuti mugumo uchiri kure. (Hab. 2:3) Mwari anotivimbisawo kuti anotikanganwira achishandisa rudzikinuro. Asi kana tikaramba tichingozvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare, tinogona kutanga kufunga kuti Jehovha haana ‘kudzima zvivi zvedu’ zvose. (Mab. 3:19) Izvi zvinoita kuti tipedzisire tisisina mufaro pakushumira Mwari, tobva tarega kuita basa rake.

9. Chii chinogona kuitika kana tikanyanya kuisa pfungwa pane zvinhu zvatinoda chete?

9 Ndichiri kushanda nesimba pakushumira Mwari sezvandaiita kare here? Muapostora Pauro akataura kuti kushanda nesimba pabasa raMwari kunoita kuti tive “nechivimbo chizere chetariro kusvikira kumugumo.” Asi chii chinogona kuitika kana tikanyanya kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvatinoda isu, zvakadai sekubvuma basa rinoita kuti tiwane mari yakawanda asi richitivhiringidza pakunamata? Kutenda kwedu kunogona kutanga kuderera, topedzisira ‘tava neusimbe’ mubasa raJehovha.—VaH. 6:10-12.

10. Tinoratidza sei kuti tine kutenda patinokanganwira vamwe?

10 Ndinoomerwa here nokukanganwira vamwe? Kana vamwe vakatigumbura, tinogona kurwadziwa zvokuti tingafunga kuvapopotera kana kuvanyararira zvachose. Asi kana tikavakanganwira, tinenge taratidza kuti tine kutenda. Nei tichidaro? Kana vamwe vakatitadzira, vanenge vaita chikwereti nesu. Isuwo patinotadzira Mwari, tinenge taita chikwereti naye. (Ruka 11:4; mashoko omuzasi.) Patinokanganwira vamwe, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naMwari. Tinovimba kuti achatikomborera uye kuti kukomborerwa naye kunokosha chaizvo kupfuura kubhadharwa chikwereti nemunhu akatitadzira. Vadzidzi vaJesu vaiziva kuti vaifanira kuva nekutenda kuti vakwanise kukanganwira vamwe. Jesu paakavaudza kuti vaifanira kukanganwira kunyange vaya vairamba vachivatadzira, vakakumbira kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.”—Ruka 17:1-5.

11. Chii chingaita kuti titadze kubatsirwa nezano remuMagwaro?

11 Ndinogumbuka here pandinopiwa zano remuMagwaro? Pane kufunga kuti toshandisa sei zano ratinenge tapiwa, tinogona kutanga kufunga zvikanganiso zvemunhu atipa zano racho, kana kufunga kuti harishandi kwatiri. (Zvir. 19:20) Kana tikadaro, tinenge tatadza kubatsirwa nezano raizoita kuti mafungiro edu aenderane neaMwari.

12. Munhu anogara achigunun’unira vaya vari kushandiswa naJehovha kutungamirira vanhu vake, anenge achiratidzei?

12 Ndinogunun’unira hama dzakagadzwa dziri muungano here? VaIsraeri pavakanyanya kufunga nezvemashoko akaipa akataurwa netsori gumi dzakanga dzisina kutenda, vakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni. Jehovha akabva abvunza Mosesi kuti: ‘Vanhu ava vacharamba vasingatendi mandiri kusvikira rini?’ (Num. 14:2-4, 11) Saka kugunun’una kwaiita vaIsraeri kwakaratidza kuti vakanga vasingavimbi naMwari, uyo ainge agadza Mosesi naAroni. Isuwo kana tikagara tichigunun’unira vaya vari kushandiswa naJehovha kutungamirira vanhu vake, tinenge tichiratidza kuti kutenda kwedu muna Mwari kwaderera.

13. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana tikaona kuti kutenda kwedu kwava kuderera?

13 Asi usaora mwoyo kana ukaona kuti kutenda kwako kwava kuderera. Kunyange Petro uyo aiva muapostora akatombokurirwawo nekutya uye kutenda kwake kwakamboderera. Dzimwe nguva Jesu aitombotsiura vaapostora vake vose pavairatidza kuti vaiva ‘nekutenda kuduku.’ (Mat. 16:8) Yeuka kuti chidzidzo chinokosha chatinowana pana Petro chiri pane zvaakazoita pashure pokunge kutenda kwake kwaderera uye atanga kunyura mugungwa.

RAMBA WAKATARIRA JESU KUTI USIMBISE KUTENDA KWAKO

14, 15. (a) Petro akaitei paakatanga kunyura? (b) Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuona Jesu nemaziso edu, tingaitei kuti ‘tirambe takamutarira’?

14 Petro paakatarisa dutu uye paakatanga kunyura, aigona kunge akafunga kushambira achidzokera kuchikepe nokuti kushambira kwacho aitokugona. (Joh. 21:7) Asi pane kuvimba nesimba rake, akatarira kuna Jesu akabvuma kubatsirwa naye. Kana tikaona kuti kutenda kwedu kwava kuderera, tinofanira kutevedzera Petro. Asi tingamutevedzera sei?

15 Taona kuti Petro akatarira Jesu, saka isuwo tinofanira kuramba “takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, iye Jesu.” (Verenga VaHebheru 12:2, 3.) Ichokwadi kuti hatigoni kuona Jesu nemaziso edu sezvakaita Petro. Asi ‘tinoramba takatarira’ Jesu patinoverenga zvaaidzidzisa uye zvaaiita, tonyatsomutevedzera. Funga nezvematanho atinogona kutora tichitevedzera muenzaniso waJesu. Kana tikatora matanho iwayo, tichasimbisa kutenda kwedu.

Kana tikagara tichifunga zvaiitwa naJesu, uye kana tikanyatsotevera tsoka dzake, tinosimbisa kutenda kwedu (Ona ndima 15)

16. Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tisimbise kutenda kwedu?

16 Vimba neShoko raMwari Bhaibheri. Jesu aiva nechokwadi chokuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti rinobatsira chaizvo muupenyu. (Joh. 17:17) Kuti titevedzere Jesu, tinofanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuridzidza uye kufungisisa zvatinodzidza. Tinofanirawo kutsvakurudza pane dzimwe nyaya dzatisinganyatsonzwisisi. Somuenzaniso, unogona kunyatsoongorora uchapupu huri muMagwaro hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira kuti uwedzere kuva nechivimbo chokuti nyika ino yakaipa yava kuda kuguma zvechokwadi. Kuongorora uprofita hwakawanda huri muBhaibheri hwakatozadziswa kuchakubatsira kuti unyatsova nechivimbo chokuti zvinhu zvakavimbiswa naMwari mune ramangwana zvichazadziswa. Kuti uve nechokwadi chokuti mazano ari muBhaibheri anobatsira mazuva ano, verenga nezvevanhu vakachinja upenyu hwavo vachibatsirwa neBhaibheri. *1 VaT. 2:13.

17. Chii chakaita kuti Jesu arambe akatendeka kunyange paaisangana nemiedzo yakaoma, uye unogona kumutevedzera sei?

17 Isa pfungwa pamakomborero akavimbiswa naJehovha. Jesu akaramba akatendeka kunyange panguva yaakasangana nemiedzo yakaoma nokuti akaisa pfungwa dzake ‘pamufaro waiva pamberi pake.’ (VaH. 12:2) Haana kumbotsauswa nezvinhu zvenyika. (Mat. 4:8-10) Unogona kutevedzera Jesu kana ukaisa pfungwa pazvinhu zvinofadza zvawakavimbiswa naJehovha. Zvione uri munyika itsva. Nyora pasi kana kuti ita zvekudhirowa zvinhu zvaunoda kuzoita kana Mwari abvisa nyika ino yakaipa. Nyora mazita evanhu vaunoda kuzoona kana vamutswa uye zvaunoda kuzotaura navo. Makomborero aya akavimbiswa munhu wose, asi aone sokuti ari kuvimbiswa iwe pachako.

18. Munyengetero unogona kukubatsira sei kusimbisa kutenda kwako?

18 Nyengetera kuti uwedzere kuva nekutenda. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vakumbire Jehovha kuti avape mudzimu mutsvene. (Ruka 11:9, 13) Paunoita izvozvo, kumbira kuti uwedzerwe kutenda, nokuti kutenda ndechimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu. Taura zvinhu chaizvo zvaunenge uchida paunonyengetera. Somuenzaniso, kana ukaona kuti zvava kukuomera kukanganwira vamwe, kumbira Jehovha kuti akubatsire kusimbisa kutenda kwako uye kuti uve munhu anokanganwira vamwe.

19. Tinofanira kutsvaka shamwari dzakaita sei?

19 Shamwaridzana nevanhu vane kutenda kwakasimba. Jesu paaisarudza shamwari dzake dzepedyo aisangosarudza munhu wose wose. Vaapostora vake, avo vaiva shamwari dzake dzepedyo vakanga varatidza kutenda uye kuvimbika nokuti vaiteerera zvaaivarayira. (Verenga Johani 15:14, 15.) Saka paunosarudza shamwari, tsvaka vanhu vane kutenda kwakasimba uye vanoteerera Jesu. Yeukawo kuti shamwari chaidzo dzinotaurirana dzichibudirana pachena, uye hadzityi kutsiurana.—Zvir. 27:9.

20. Chii chinoitika kana tikabatsira vamwe kuti vasimbise kutenda kwavo?

20 Batsira vamwe kuti vasimbise kutenda kwavo. Zvaitaurwa uye zvaiitwa naJesu zvaibatsira vadzidzi vake kuti vasimbise kutenda kwavo. (Mako 11:20-24) Tinofanira kumutevedzera nokuti patinosimbisa kutenda kwevamwe tinenge tichitosimbisawo kutenda kwedu. (Zvir. 11:25) Paunoita basa rokuparidza nokudzidzisa, taura uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko, ane hanya nesu, uye kuti Bhaibheri iShoko rake rakafemerwa. Batsira dzimwe hama nehanzvadzi kuti dzivewo nekutenda kwakasimba. Kana mumwe muKristu akaratidza kuti haasisina kutenda kwakasimba zvimwe nekutanga kugunun’unira hama dzakagadzwa, usakurumidza kumuona semunhu asingachabatsiriki. Pane kudaro, mubatsire kuti atore matanho ekusimbisazve kutenda kwake. (Jud. 22, 23) Kana nyaya yekuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka ikatanga kutaurwa uri kuchikoro, tsigira zvakasimba kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa. Ungatozoshamiswa kuona vamwe vachibatsirwa nezvaunotaura.

21. Jehovha anotivimbisei?

21 Jehovha naJesu vakabatsira Petro kuti akunde kutya. Petro akazova nekutenda kwakasimba zvokuti vamwe vomunguva yake vaigona kumutevedzera. Jehovha anotibatsirawo tose zvedu kuti timire takasimba mukutenda. (Verenga 1 Petro 5:9, 10.) Ngatishandei nesimba kuti tive nekutenda kwakasimba, nokuti mubayiro wokutenda kwedu mukuru.

^ ndima 16 Somuenzaniso, ona nyaya dzinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” dzinobudiswa muNharireyomurindi yevoruzhinji.