Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jehovha?

“Tine rudo, nokuti Mwari akatanga kutida.”—1 JOH. 4:19.

NZIYO 56, 138

1, 2. Maererano nemuapostora Johani, Mwari akatibatsira sei kuona zvatinofanira kuita kuti tiratidze kuti tinomuda?

VANA vanowanzotevedzera zvavanoona zvichiitwa navanababa vavo. Muapostora Johani akanyora kuti, “tine rudo, nokuti Mwari akatanga kutida.” (1 Joh. 4:19) Saka zviri pachena kuti hapana munhu anopfuura Jehovha pakuratidza rudo uye rudo irworwo rwunoita kuti timudewo.

2 Mwari akaratidza sei kuti ndiye “akatanga kutida”? Muapostora Pauro akati: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:8) Jehovha akatibatsira kuti tinyatsonzwisisa chinonzi rudo nokuzvipira kwaakaita kupa Mwanakomana wake kuti atidzikinure. Saka munhu ane rudo anozvipira, ane rupo uye anofungawo zvakanakira vamwe. Chipo chorudzikinuro chatakapiwa naJehovha chinoita kuti tikwanise kuswedera pedyo naye uye tinobva tamudawo.—1 Joh. 4:10.

3, 4. Kuda kwatinoita Mwari kunofanira kunge kwakaita sei?

3 Rudo ndirwo chinhu chikuru paunhu hwaJehovha, ndosaka Jesu akaudza mumwe murume kuti murayiro wokutanga waMwari ndouyu: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Mako 12:30) Mashoko aya aJesu anoratidza kuti kuda Mwari kunotangira mumwoyo medu. Jehovha haadi kuti tive nemwoyo miviri pakumushumira. Zvisinei, tinofanirawo kumuda nomweya wedu wose, nepfungwa dzedu dzose uye nesimba redu rose. Izvi zvinoreva kuti kuda Mwari hakufaniri kungogumira pamanzwiro atinenge tichiita mumwoyo. Tinofanirawo kukuratidza nemanamatiro atinoita uye nezviito zvedu zvose. Muprofita Mika akataura kuti izvi ndizvo zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite.—Verenga Mika 6:8.

4 Tinofanira kuda Baba vedu vokudenga kusvika papi? Tinofanira kuvada zvizere. Sezvakataurwa naJesu, mafungiro edu, zvose zvatinoita uye manamatiro edu, zvinofanira kuratidza kuti tinoda Jehovha. Munyaya yakapfuura takakurukura nezvenzira ina idzo Jehovha anoratidza nadzo kuti anoda chaizvo vana vake. Iye zvino ngatikurukurei kuti tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha uye kuti tinofanira kuitei kuti tiwedzere kumuda.

TENDA ZVAUNOPIWA NAJEHOVHA

5. Patinofunga zvose zvatakaitirwa naJehovha, tinonzwa tichida kuitei?

5 Kana ukapiwa chipo unoita sei? Kazhinji kacho unotsvakawo nzira yokutenda nayo. Uyewo unoshandisa chipo chacho zvakanaka. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga, uye ivo havambochinji sokufamba kunoita mumvuri.” (Jak. 1:17) Jehovha anoramba achitipa zvinhu zvatinoda kuti tirarame uye tifare. Kutipa kwaanoita zvinhu izvi kunoita kuti timudewo.

6. VaIsraeri vaifanira kuitei kuti varambe vachikomborerwa naJehovha?

6 VaIsraeri vakapiwa makomborero akawanda naJehovha. Kwemazana emakore, Jehovha aivatungamirira nemitemo yake uye aivapa zvose zvavaida kuti vararame. (Dheut. 4:7, 8) Asi kuti varambe vachikomborerwa naJehovha, vaifanira kuteerera Mutemo wake, uyo waitaurawo kuti vaifanira kugara vachipa Jehovha zvinhu ‘zvakanaka kupfuura zvose pazvibereko zvaitanga kuibva zveminda yavo.’ (Eks. 23:19) Kupa zvinhu izvozvo kwairatidza kuti vaitenda rudo rwavairatidzwa naJehovha uye makomborero aaivapa.—Verenga Dheuteronomio 8:7-11.

7. Tingashandisa sei ‘zvinhu zvedu zvinokosha’ kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha?

7 Mazuva ano hatichapi Jehovha zvibayiro sezvaipiwa nevaIsraeri, asi tinoratidza kuti tinomuda patinomukudza ‘nezvinhu zvedu zvinokosha.’ (Zvir. 3:9) Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyokupa zvipo zvokutsigira basa roUmambo rinoitwa muungano yedu kana kuti munyika yose. Iyi inzira yakanaka chaizvo yokuratidza kuda kwatinoita Jehovha, pasinei nokuti tine zvinhu zvakawanda here kana kuti zvishoma. (2 VaK. 8:12) Asi panewo dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoda Jehovha.

8, 9. Kuvimba kwatinoita naJehovha kwakabatana papi nokumuda kwatinoita? Taura muenzaniso.

8 Jesu akatiudza kuti tirambe tichitanga kutsvaka Umambo kwete kunetseka kuti tichadyei kana kuti tichapfekei. Akati Baba vedu vanonyatsoziva zvatinoda. (Mat. 6:31-33) Kuvimba kwatinoita nemashoko iwayo kunoratidzawo kuti tinoda Jehovha zvakadii, nokuti hazviiti kuti tide munhu watisingavimbi naye. (Pis. 143:8) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Zvinangwa zvangu uye mararamiro angu zvinoratidza here kuti ndinonyatsoda Jehovha? Zvandinoita zuva nezuva zvinoratidza here kuti ndinovimba kuti achandipa zvokurarama nazvo?’

9 Imwe hama inonzi Mike yakaratidza kuti inoda Jehovha uye kuti inovimba naye. Mike paaiva muduku akatanga kuva nechido chokushumira Mwari ari kune imwe nyika. Akazoroora akava nevana vaviri, asi chido chaaiva nacho hachina kumbopera. Mike akakurudzirwa chaizvo nenyaya dzaaiverenga dzaitaura nezvevamwe vakanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, saka iye nemhuri yake vakasarudza kusava nezvinhu zvakawanda muupenyu hwavo. Vakatengesa imba yavo vakanogara mune imwe duku. Mike aiva nekambani yaiita zvokuchenesa zvivako, saka akasarudza kuva nevanhu vashoma vaaiitira mabasa uye akaronga kuti azomaneja bhizimisi rake achishandisa Indaneti ava kune imwe nyika. Iye nemhuri yake vakazotama uye pashure pemakore maviri Mike akati: “Takanyatsoona kuti mashoko aJesu ari pana Mateu 6:33 ndeechokwadi.”

FUNGISISA ZVAUNODZIDZISWA NAMWARI

10. Sezvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi, tinobatsirwa sei nokufungisisa zvatinodzidza nezvaJehovha?

10 Makore anenge 3 000 akapfuura, Mambo Dhavhidhi akabayiwa mwoyo nezvaakaona mumatenga. Akanyora kuti: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.” Ashamiswa nouchenjeri huri muMutemo waMwari, akati: “Mutemo waJehovha wakakwana, unodzosa mweya. Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika, chinochenjedza asina zivo.” Kufungisisa ikoko kwakabatsira sei Dhavhidhi? Akaenderera mberi achiti: “Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.” Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi ave noukama hwepedyo naMwari.—Pis. 19:1, 7, 14.

11. Kuda Mwari kunofanira kuita kuti tiitei nezivo yakawanda yeMagwaro yaanotidzidzisa mazuva ano? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Mazuva ano, takakomborerwa chaizvo nokuziva zvakawanda nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha uye kuzadziswa kwechinangwa chake. Nyika inokurudzira vanhu kuva nedzidzo yepamusoro, asi vakawanda vakasarudza kuva nedzidzo iyoyo vakaguma vasisina kutenda uye vasisadi Mwari. Zvisinei, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisangogumira pakuva nezivo, asi rinotikurudzirawo kuti tiwane uchenjeri nokunzwisisa. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kudzidza kushandisa zivo yatakapiwa naMwari kuti itibatsire uye tibatsirewo vamwe. (Zvir. 4:5-7) Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Tinoratidza kuti tinoda Jehovha patinoshanda nesimba kuudza vanhu vose nezveUmambo hwaMwari uye kubatsira kwahuchaita vanhu.—Verenga Pisarema 66:16, 17.

12. Shannon akaratidza sei kuti anoonga zvinhu zvine chokuita nokunamata zvatinopiwa naJehovha?

12 Kunyange vechiduku vanogonawo kuratidza kuti vanoda Jehovha kana vakakoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata zvaanotipa. Imwe hanzvadzi inonzi Shannon inotaura kuti payaiva nemakore 11, yakapinda rimwe Gungano Reruwa raiva nemusoro unoti “Kuzvipira Kwoumwari.” Shannon akapinda gungano iri pamwe chete nevabereki vake nemunin’ina wake aiva nemakore 10. Pane chimwe chikamu chegungano racho, vechiduku vakakumbirwa kuti vagare pavo voga.Shannon akaendawo kunogara ipapo kunyange zvazvo aiva nekakutya. Akazofara chaizvo vechiduku vose pavakapiwa bhuku rakanaka chaizvo rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Shannon akanzwa sei nezvechipo ichi chaakapiwa naJehovha Mwari? Anoti: “Ndakabva ndanyatsoona kuti Jehovha ariko uye kuti anondida chaizvo.” Shannon anotiwo: “Tinofara chaizvo kuti Mwari wedu Jehovha anotipa zvipo izvozvo zvakanaka!”

TEERERA JEHOVHA PAANOKUTSIURA UYE PAANOKURANGA

13, 14. Kana tichida Jehovha, tinoita sei paanotitsiura?

13 Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Jehovha anotsiura waanoda, sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.” (Zvir. 3:12) Saka tinofanira kuita sei kana tikatsiurwa naJehovha? Muapostora Pauro aitaura chokwadi paakanyora kuti: “Hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza.” Pauro paakataura izvozvo akanga asingarevi kuti kurangwa hakuna zvakunobatsira, nokuti akazoti: ‘Asi pashure kunozoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare, iko kururama.’ (VaH. 12:11) Kana tichida Jehovha, hatifaniri kugumbuka kana akatipa zano uyewo hatifaniri kufunga kuti zano racho harishandi kwatiri. Izvi hazvisi nyore kune vamwe. Asi kana tichida Mwari, tichateerera paanotipa zano.

14 Mumazuva aMaraki, vaJudha vakawanda vakanga vasingateereri Mwari. Vaiziva zvaitaurwa neMutemo panyaya yokupa zvibayiro asi vakanga vasingachautevedzeri zvokuti Jehovha akatozovatsiura zvakasimba. (Verenga Maraki 1:12, 13.) Jehovha akaedza aedzazve kuvabatsira asi havana kuteerera, saka akavaudza kuti: “Ndichakutumiraiwo kutukwa, uye ndichatuka zvikomborero zvenyu. Chokwadi, ndatukawo chikomborero, nokuti mwoyo yenyu haisi kuva nehanya [nemurayiro wangu].” (Mar. 2:1, 2) Saka zviri pachena kuti kana tikava netsika yokusateerera zvatinoudzwa naJehovha uye tikafunga kuti zvaanotiudza hazvikoshi, zvinhu zvinogona kutiipira.

Tevedzera zvinotaurwa naMwari pane kutevedzera mafungiro enyika (Ona ndima 15)

15. Mafungiro api ane vanhu vakawanda vari munyika mazuva ano atisingafaniri kuva nawo?

15 Nyika yaSatani inokurudzira vanhu kuti vangofunga zvakavanakira. Vakawanda havadi kutsiurwa uye havatombodi kuudzwa zvokuita. Vamwewo vanoteerera asi kuteerera kwacho ndokuya kwokungoti hapana zvokuita. Asi vaKristu vanokurudzirwa kuti varege “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Tinofanira kuziva “zvinodiwa naMwari” tozviita. (VaR. 12:2) Achishandisa sangano rake, Jehovha anotiudza mazano akawanda anotibatsira muupenyu. Somuenzaniso, tinoudzwa mabatiro atinofanira kuita munhu watisina kuroorana naye, kusarudza kwatingaita shamwari dzakanaka uye varaidzo yakanaka. Kana tikateerera mazano iwayo, tinenge tichiratidza kuti tinoonga Jehovha uye kuti tinomuda zvinobva pamwoyo.—Joh. 14:31; VaR. 6:17.

VIMBA NAJEHOVHA KUTI AKUBATSIRE UYE AKUDZIVIRIRE

16, 17. (a) Nei tichifanira kutanga tanzwa zvinofungwa naJehovha tisati taita zvisarudzo? (b) VaIsraeri vakaratidza sei kuti vakanga vasingadi Jehovha uye vasingavimbi naye?

16 Kana vana vadiki vakasangana nechinhu chinotyisa, zviri muropa kuti vamhanyire kuvabereki vavo. Asi pavanenge vachikura vanotanga kudzidza kushandisa pfungwa dzavo uye kuita zvisarudzo voga. Hapana chakaipa kuti vadaro nokuti ndiko kukura kwavanenge vachitoita. Zvisinei, vana vanonyatsowirirana nevabereki vavo vanoramba vachienda kwavari kuti vanopiwa mazano vasati vasarudza kuita chimwe chinhu. Baba vedu Jehovha vanotipawo rusununguko rwokusarudza zvatinoda. Asi nemhaka yokuti tinovimba navo zvizere uye tinovada, tinogara tichivakumbira kuti vatibatsire uye tinoita zvose zvatinogona kuti tizive zvavanofunga tisati taita chisarudzo. Kana tikavimba naJehovha, achatipa mudzimu wake mutsvene kuti utibatsire kuita zvakarurama.—VaF. 2:13.

17 Mumazuva aSamueri, vaIsraeri vakakundwa muhondo nevaFiristiya. Vakanga vari panguva yakaoma uye vaida kubatsirwa. Saka vakaitei? Vakati: “Ngatitorei areka yaJehovha yesungano kuShiro, kuti iuye pakati pedu uye itiponese pachanza chevavengi vedu.” Chii chakabva chaitika? “Pakaurayiwa varume zviuru makumi matatu vaifamba netsoka.” Uyewo, “Areka yaMwari yakatorwa.” (1 Sam. 4:2-4, 10, 11) VaIsraeri vanogona kunge vaifunga kuti kuenda neAreka kuhondo kwaizoita kuti Jehovha avabatsire uye avadzivirire. Asi vainge vasina kutsvaka kutungamirirwa naJehovha. Vaiita zvomusoro wavo uye izvozvo zvakavapinza mudambudziko.—Verenga Zvirevo 14:12.

18. Tinofanira kuona sei nyaya yokutsvaka kubatsirwa naJehovha?

18 Munyori wepisarema akaratidza kuti aida Jehovha uye aivimba naye paakanyora kuti: “Mirira Mwari, nokuti ndichamurumbidza soruponeso rwangu rukuru. Haiwa Mwari wangu, mweya wangu wapererwa netariro mukati mangu. Ndokusaka ndichikuyeukai.” (Pis. 42:5, 6) Unodawo Baba vedu vokudenga uye unovimba navo here? Kunyange kana uchidaro, unogona kuwedzera kuvimba navo sezvinotaurwa neBhaibheri parinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvir. 3:5, 6.

19. Ndezvipi zvaunoda kuita kuti uratidze kuti unoda Jehovha?

19 Jehovha paakatanga kutida, akatiratidza muenzaniso wemadiro atinofanira kumuita. Ngatigarei tichifunga nezverudo rwake irworwo runopfuura chero rwaani zvake. Uye ngatirambei tichimuda ‘nomwoyo wedu wose nomweya wedu wose nepfungwa dzedu dzose uye nesimba redu rose.—Mako 12:30.