Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Rambai Muchida Varume Vakadaro’

‘Rambai Muchida Varume Vakadaro’

KUBVIRA muna 1992, Dare Rinotungamirira rakagadza vakuru vechiKristu vane ruzivo uye vakakura pane zvekunamata, kuti vabatsire makomiti aro pakuita basa. * Vabatsiri ava, vanobva pakati ‘pemamwe makwai,’ vanopa rubatsiro rwunokosha kuDare Rinotungamirira. (Joh. 10:16) Vanopinda musangano wedare ravanobatsira unoitwa vhiki rimwe nerimwe, vachipa mashoko pamusoro pezvinenge zvichikurukurwa uye vachitaura zvavanofunga kuti zvingaitwa. Nhengo dzeDare Rinotungamirira ndidzo dzinoita chisarudzo chekupedzisira, asi vabatsiri vanova nechokwadi chekuti zvarongwa nedare ravanobatsira zvaitwa uye vanoita chero mabasa avanenge vapiwa. Vabatsiri ava vanoenda nenhengo dzeDare Rinotungamirira kumagungano enyika dzakawanda uye kumaspecial convention. Vanogonawo kupiwa basa rekushanyira mapazi sevamiririri vemahofisi edu makuru.

Mumwe akatanga kushanda semubatsiri kubva pakatangwa urongwa uhwu anoti: “Pandinoita mabasa andinopiwa, Dare Rinotungamirira rinokwanisa kunyatsoisa pfungwa pabasa raro.” Ichifunga nezvemakore makumi maviri ayashanda semubatsiri, imwe hama inoti: “Iyi iropafadzo yakakura chaizvo inopfuura zvimwe zvose zvandingadai ndakambofunga nezvazvo.”

Dare Rinotungamirira rinopa vabatsiri varo mabasa anokosha uye rinokoshesa kushumira kunoita hama idzi dzakatendeka dzinoshanda nesimba. Dai tose ‘tikaramba tichida varume vakadaro.’—VaF. 2:29.

^ ndima 2 Ona bhokisi rakanzi “Mashandiro Anoita Dare Rinodzora Pakutsigira Umambo” riri muchitsauko 12 chebhuku raUmambo hwaMwari Huri Kutonga! kuti uwane kupfupikiswa kwemabasa anoitwa nemakomiti 6 eDare Rinotungamirira.