Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Havana Kudemba Zvavakasarudza Vachiri Mudiki

Havana Kudemba Zvavakasarudza Vachiri Mudiki

MUMAKORE avo okupedzisira, sekuru vangu Nikolai Dubovinsky vakanyora zvinhu zvinofadza nezvinoshungurudza zvakaitika kwavari pakushumira Jehovha, basa redu parainge rakabhanwa munyika yaimbonzi Soviet Union. Pasinei nematambudziko avaisangana nawo, vakaramba vakatendeka vachinakidzwa neupenyu zvikuru. Sekuru Nikolai vaiwanzotaura kuti vanoda kuti vechidiki vazive nezveupenyu hwavo, saka ndinoda kukuudzai zvimwe zvacho. Vakaberekwa muna 1926 mumhuri isina kubudirira yaiita zvekurima mumusha wePodvirivka, uri kuChernivtsi Oblast, muUkraine.

NIKOLAI ANOTAURA KUTI AKAWANA SEI CHOKWADI

Sekuru Nikolai vakanyora kuti: “Rimwe zuva muna 1941, mukoma wangu mukuru Ivan akauya kumba nemamwe mabhuku anosanganisira The Harp of God, The Divine Plan of the Ages, magazini eNharireyomurindi netumwe tumabhuku. Ndakaaverenga ese. Ndakashamisika pandakaziva kuti Dhiyabhorosi ndiye anokonzera matambudziko ose ari munyika kwete Mwari. Ndakaverengawo Bhaibheri kubva pana Mateu kusvika pana Johani ndikabva ndaona kuti ichi ndicho chokwadi. Ndakatanga kushingaira kuudza vamwe nezvetariro yangu yoUmambo. Pandakaramba ndichidzidza zvaiva mumabhuku aya, ndakawedzera kunzwisisa chokwadi uye ndakava nechido chakasimba chokuva mushumiri waJehovha.

“Ndaiziva kuti ndaizotambudzwa pamusana pezvandakanga ndava kutenda. Yaiva nguva yehondo asi ndakanga ndisiri kuzouraya munhu. Ndakatanga kubata nemusoro ndima dzeBhaibheri dzakadai saMateu 10:28 ne26:52 kuti ndigadzirire miedzo yaizouya. Ndakatsidza kuti ndaizoramba ndakatendeka kuna Jehovha kunyange pazvaizoita kuti ndiurayiwe.

“Ndakasvitsa makore 18 muna 1944 uye ndakabva ndashevedzwa kuchiuto. Apa ndipo pandakatanga kusangana nezvimwe Zvapupu, hama dzechidiki dzaiva pazera rekupinda muchiuto dzakanga dzauya panzvimbo yatakanga taunganidzwa. Takaudza vakuru vakuru vacho kuti taisazombofa takaita zvehondo. Vakashatiriswa ndokutityisidzira vachiti vaizotinyima zvekudya, vaizotimanikidza kuchera migero kana kungotipfura nepfuti. Takapindura tisingatyi tichiti: ‘Tiri mumaoko enyu. Asi chero zvamungatiita, hatisi kuzotyora mutemo waMwari unoti, “Usaponda.”’—Eks. 20:13.

“Zvakazoitika ndezvekuti, ini nedzimwe hama mbiri takaendeswa kuBelarus kuti tinoshanda muminda uye kuti tinogadzirisa dzimba. Ndichiri kuyeuka ndichiona kuparadza kunotyisa kwakanga kwaitwa nechekunze kweguta reMinsk. Miti yaitevedza mugwagwa yakanga yatsva. Zvitunha zvevanhu nezvemabhiza zvakanga zvakaita murakatira mumigero nemumasango. Ndakaona mota dzehondo nezvombo zvakanga zvangosiiwa uye ndege yakanga yadonha. Ndakanga ndiri kutoona zvinoitika kana vanhu vakasarudza kusateerera mitemo yaMwari.

“Hondo yakapera muna 1945, asi taitofanira kupika jeri kwemakore 10 nekuti takanga taramba kuenda kunorwa. Kwemakore matatu okutanga, takanga tisingawadzani nedzimwe hama kana kuwana mabhuku esangano. Takazokwanisa kunyorera tsamba dzimwe hanzvadzi, asi naidzowo dzakabva dzasungwa dzikatongerwa kugara mujeri kwemakore 25 dzichishanda zvakaoma.

“Takabudiswa mujeri muna 1950 makore 10 asati akwana, tikadzokera kumba. Amai vangu nehanzvadzi yangu inonzi Maria vakava Zvapupu zvaJehovha pandakanga ndichiri mujeri! Vakoma vangu vatatu vakanga vasati vava Zvapupu asi vaidzidza Bhaibheri. Mapurisa eSoviet Union aida kundidzorera mujeri nokuti aindiona ndichiparidza. Hama dzaitungamirira basa dzakabva dzandikumbira kuti ndibatsire nekuprinda mabhuku pachivande. Panguva iyi ndaiva nemakore 24.”

KUPRINDA MABHUKU

“Zvapupu zvaifarira kutaura kuti, ‘Kana basa reUmambo richirambidzwa pamusoro pevhu, tichariitira pasi pevhu.’ (Zvir. 28:28) Panguva iyi, mabhuku edu akawanda aiprindwa munzvimbo dzepachivande dziri pasi pevhu. Kamuri randakatanga kushandira rakanga rakavakwa pasi peimba yaigara mukoma wangu, Dmitry. Dzimwe nguva ndaiita vhiki mbiri ndisina kubuda imomo. Rambi reparafini randaishandisa paraidzima nekushaya oxygen, ndaimborara kusvikira mumba mava nemhepo yakakwana.

Mufananidzo wakadhirowewa weimba iri pasi pevhu yaishandira Nikolai achiprinda mabhuku

“Rimwe zuva, hama yandaishanda nayo yakandibvunza kuti, ‘Nikolai, wakabhabhatidzwa here?’ Kunyange zvazvo ndainge ndava nemakore 11 ndichishumira Jehovha, ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa. Saka akakurukura neni nezvenyaya yacho uye usiku ihwohwo ndakabhabhatidzirwa murwizi ndava nemakore 26. Pashure pemakore matatu, ndakapiwa rimwe basa rekuva nhengo yedare raiona nezvebasa munyika yacho. Panguva iyi, hama dzakanga dzisiri mujeri dzaigadzwa kuti dzitsive dziya dzainge dzasungwa, saka basa reUmambo rakaramba richienderera mberi.”

MATAMBUDZIKO EKUSHANDIRA PASI PEVHU

“Basa rekuprinda mabhuku ndiri pasi pevhu rakanga rakaoma zvikuru kupfuura kugara mujeri! Ndakaita makore 7 ndisingapindi misangano kuitira kuti ndisabatwa nemapurisa eKGB, saka ndaitofanira kusimbisa ukama hwangu naMwari ndiri ndega. Ndaingoona vanhu vemumhuri mangu pandaivashanyira zvepano neapo. Kunyange zvakadaro, vaindinzwisisa uye izvi zvaindikurudzira. Kugara ndichinetseka mupfungwa uye kuramba ndakachenjerera kuti ndisasungwa zvaindipedza simba. Taifanira kugara takagadzirira chero chaizoitika. Somuenzaniso, rimwe zuva ari manheru mapurisa maviri akauya pamba pandaigara. Ndakasvetuka nepahwindo nekune rimwe divi reimba ndikatizira musango. Pandakabudira mune mumwe munda, ndakanzwa kurira kwaiita semuridzo. Pandakazonzwa kurira kwepfuti, ndakabva ndaziva kuti mabara ndiwo airira semuridzo! Mumwe wemapurisa acho akatasva bhiza ndokunditevera uye akaramba achiedza kundipfura kusvikira apererwa nemabara. Rimwe bara rakandipfura paruoko. Ndakazokwanisa kuhwanda musango pashure pekudzingirirwa kwemakiromita mashanu. Ndakazoudzwa paitongwa nyaya yangu mudare kuti mapurisa akanga aedza kundipfura ka32!

“Sezvo ndaigara pasi pevhu kwenguva yakareba, ganda rangu ranga rachinja. Izvi zvaiita kuti vanhu vakurumidze kuziva zvandaiita. Saka pese pandaiwana mukana ndaienda pazuva. Kushandira pasi pevhu kwakakanganisawo utano hwangu. Pane imwe nguva, ndakatadza kuenda kumusangano unokosha nedzimwe hama nekuti ndaibuda ropa mukanwa nemumhino.”

KUSUNGWA KWANIKOLAI

Ari pajeri kuMordvinia, muna 1963

“Ndakasungwa musi wa26 January 1957. Pashure pemwedzi 6 Dare Repamusoro-soro reUkraine rakandiudza mutongo wangu. Mutongo wacho waiva wekuurayiwa ndichiita zvekupfurwa nepfuti, asi ndakazonzi ndipike jeri kwemakore 25 nokuti mutongo werufu wakanga wabviswa munyika yacho. Tikabatanidza nguva yatakatongerwa kugara mujeri tiri 8 tichishanda zvakaoma inosvika makore 130. Takaendeswa kumajeri ekuMordvinia, uko kwaiva neZvapupu zvinoda kusvika 500. Taiungana tisingaonekwi tiri mapoka madiki kuti tidzidze Nharireyomurindi. Pashure pekunge aongorora mamwe magazini edu akanga atorwa, mumwe gadhi akati: ‘Kana mukaramba muchiverenga magazini aya, hapana chinokukurirai!’ Taigara tichiita basa redu nemwoyo wose uye taiwanzoita zvakawanda kupfuura zvatainzi tiite. Kunyange zvakadaro, mukuru mukuru wepajeri akati: ‘Basa ramuri kuita pano harikoshi kwatiri. Chatinoda ndechekuti muve vakavimbika kunyika yenyu uye muitsigire.’”

“Taigara tichiita basa redu nemwoyo wose uye taiwanzoita zvakawanda kupfuura zvatainzi tiite”

AKARAMBA AKAPERERA

Imba yoUmambo iri kuVelikiye Luki

Pashure pekubudiswa mujeri muna 1967, Sekuru Nikolai vakabatsira kuronga ungano muEstonia nemuSt. Petersburg, Russia. Gore ra1991 richangotanga, mutongo wavakapiwa muna 1957 wakabviswa nekuti pakashaikwa umbowo hwekuti vakanga vapara mhosva. Panguva iyi, Zvapupu zvakawanda zvakanga zvatambudzwa nehurumende zvakanzi hazvina mhosva. Muna 1996, Sekuru Nikolai vakatamira kuguta reVelikiye Luki riri kuPskov Oblast, makiromita 500 kubva kuSt. Petersburg. Vakatenga imba diki, uye muna 2003 Imba yoUmambo yakavakwa pamba pavo. Nhasi, ungano mbiri dzinoitira misangano yadzo ipapo.

Ini nemurume wangu tinoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muRussia. Sekuru Nikolai vakatishanyira kekupedzisira muna March 2011, mwedzi mishoma vasati vafa. Zvavakatiudza zvakatibaya mwoyo. Vakati: “Tichitarisa zvose zviri kuitika tinogona kuti zuva rechinomwe rekutenderera Jeriko rakatotanga.” (Josh. 6:15) Vakanga vava nemakore 85. Kunyange zvazvo upenyu hwavo hwakanga husiri nyore, vakahutsanangura nemashoko aya: “Ndinofara chaizvo kuti ndakasarudza kushumira Jehovha ndichiri mudiki! Handina kumbobvira ndazvidemba!”