Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Ruoko rwaMwari Muupenyu Hwako Here?

Unoona Ruoko rwaMwari Muupenyu Hwako Here?

“Ruoko rwaJehovha ruchaziviswa kuvashumiri vake.”—ISA. 66:14.

NZIYO: 65, 26

1, 2. Vamwe vanhu vanofungei nezvaMwari?

VANHU vakawanda vanofunga kuti Mwari haana basa nezvavanoita. Vanofunga kuti haana hanya nezvinenge zvichiitika kwavari. Rimwe dutu raiva nesimba chaizvo rainzi Haiyan parakaparadza imwe nzvimbo iri nechepakati pePhilippines muna November 2013, meya werimwe guta guru romunyika iyoyo akati: “Mwari anofanira kunge ane kwaanga aenda.”

2 Vamwe vanhu vanoita zvakaipa vachifunga kuti Mwari haambooni zvavanenge vachiita. (Isa. 26:10, 11; 3 Joh. 11) Vanhu ava vakafanana nevaya vakataurwa nomuapostora Pauro kuti ‘havana kufunga kuti zvakakodzera kuva neruzivo rwaMwari.’ Vanhu ivavo ‘vakanga vakazara nokusarurama kwose, uipi, kuchochora uye ushati.’—VaR. 1:28, 29.

3. (a) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza pamusoro paMwari? (b) Bhaibheri parinotaura kuti “ruoko” rwaJehovha, kakawanda kacho rinenge richirevei?

3 Isu takasiyana nevanhu vataurwa pamusoro apa nokuti tinoziva kuti Jehovha anoona zvose zvatinoita. Asi tinoonawo here kuti ane hanya nesu uye kuti anotibatsira muupenyu hwedu? Uye tiriwo pakati pevanhu vaya vakanzi naJesu “vachaona Mwari” here? (Mat. 5:8) Kuti tizive kuti izvozvo zvinorevei, ngatitangei nokuona mienzaniso yevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaona ruoko rwaMwari uye yevaya vasina kurwuona. Tichadzidzawo kuti tingaitei kuti tinyatsoona ruoko rwaMwari muupenyu hwedu tichishandisa maziso edu okutenda. Patinenge tichikurukura izvi, ngatirambei tichiyeuka kuti Bhaibheri parinotaura kuti “ruoko” rwaMwari, kakawanda kacho rinenge richireva simba rake raanoshandisa kubatsira vashumiri vake uye kukunda vanomupikisa.—Verenga Dheuteronomio 26:8.

VAKATADZA KUONA RUOKO RWAMWARI

4. Nei vavengi vevaIsraeri vakatadza kuona ruoko rwaMwari?

4 Kare, vanhu vaiva nemukana wokuona uye kunzwa nezvokubatsirwa kwaiitwa vaIsraeri naMwari. Jehovha akaita zvishamiso kuti anunure vanhu vake muIjipiti uye akavabatsira kuti vakunde madzimambo akawanda. (Josh. 9:3, 9, 10) Pasinei nezvaakaona uye zvaakanzwa, madzimambo anenge ose aiva muNyika Yakapikirwa “akatanga kuungana achibvumirana kuti arwise Joshua naIsraeri.” (Josh. 9:1, 2) Kunyange madzimambo iwayo paakazotanga kurwisa vaIsraeri, hapana chaiatadzisa kuona kuti Mwari airwira vanhu vake. Jehovha akarayira kuti ‘zuva rimire uye mwedzi umire kusvikira rudzi rwacho rwatsiva vavengi varwo.’ (Josh. 10:13) Jehovha “akaita kuti mwoyo [yevavengi vavo] isindimare kuti varwe naIsraeri.” (Josh. 11:20) Vavengi vevaIsraeri vakaramba kubvuma kuti Mwari ndiye airwira vaIsraeri uye izvozvo zvakaita kuti vakundwe.

5. Mambo akaipa Ahabhi haana kubvumei?

5 Mambo akaipa Ahabhi aivawo nemukana wokuona ruoko rwaMwari pane zvaiitika mumazuva ake. Eriya akamuudza kuti: “Hakuzovi nedova kana mvura, kutoti ndarayira neshoko rangu!” (1 Madz. 17:1) Zvaiva pachena kuti Jehovha chete ndiye aizoita kuti izvi zviitike, asi Ahabhi haana kuzvibvuma. Ahabhi akazoona moto uchiburuka kubva kudenga Eriya paakanyengetera kuti chinopiwa chake chipiswe. Eriya akabva ataura kuti Jehovha aizoita kuti mvura inaye panyika, uye akaudza Ahabhi kuti: “Endai kuti murege kudzivirirwa nemvura zhinji!” (1 Madz. 18:22-45) Ahabhi akaona zvose izvi zvichiitika asi haana kubvuma kuti uku kwaiva kuratidzwa kwesimba guru raMwari. Tinodzidzei pane vanhu ava vatakurukura nezvavo? Tinofanira kuona kushanda kunoita ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu.

VAKAONA RUOKO RWAJEHOVHA

6, 7. Vamwe vanhu vomunguva yaJoshua vakanyatsoonei?

6 Kunyange zvazvo madzimambo iwayo akaipa asina kuona ruoko rwaMwari, kwaivawo nevamwe vanhu vakarwuona. Somuenzaniso, vaGibhiyoni vakaita rugare nevaIsraeri pane kurwa navo sezvakaitwa nemamwe marudzi mumazuva aJoshua. Nei vakadaro? Vakati: “Vashandi venyu vabva kunyika iri kure kwazvo nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa nezvomukurumbira wake nezvose zvaakaita.” (Josh. 9:3, 9, 10) VaGibhiyoni vakanyatsoona kuti vaIsraeri vaibatsirwa naMwari wechokwadi.

7 Rakabhi akaonawo ruoko rwaMwari pane zvaiitika munguva yaakararama. Paakanzwa nezvekununura kwakaita Jehovha vanhu vake, akaudza tsori mbiri dzechiIsraeri kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika.” Kunyange zvazvo aiziva kuti zvaakanga achiita zvaizoisa upenyu hwake pangozi, akaratidza kuti aitenda kuti Jehovha aizomununura pamwe chete nemhuri yake.—Josh. 2:9-13; 4:23, 24.

8. Chii chinoratidza kuti vamwe vaIsraeri vakaona ruoko rwaMwari?

8 Vamwe vaIsraeri vakaita zvakasiyana namambo akaipa Ahabhi. Pavakaona moto uchibva kudenga pashure pokunge Eriya anyengetera, vakaziva kuti moto iwoyo waibva kuna Jehovha. Vakabva vashevedzera vachiti: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” (1 Madz. 18:39) Zvaiva pachena kuti vakanga vaona simba raMwari.

9. Tingaitei kuti tione Jehovha uye ruoko rwake mazuva ano?

9 Mienzaniso yevanhu vakaita zvakanaka uye vakaita zvakaipa yatakurukura inotibatsira kunzwisisa kuti zvinorevei kuona Mwari kana kuti kuona ruoko rwake. Patinenge tava kunyatsoziva Jehovha, tinobva taona ruoko rwake tichishandisa “maziso emwoyo” yedu. (VaEf. 1:18) Tinoda kuita sevanhu vekare ivavo nevemazuva ano vakanyatsoona Jehovha achibatsira vanhu vake. Asi tine uchapupu here hunoratidza kuti Mwari ari kubatsira vanhu mazuva ano?

UCHAPUPU HUNORATIDZA KUTI MWARI ARI KUBATSIRA VANHU MAZUVA ANO

10. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jehovha ari kubatsira vanhu mazuva ano? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Tine uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti Jehovha achiri kubatsira vanhu. Kakawanda tinonzwa nezvevanhu vakanyengetera kuna Mwari vachikumbira kuti avabatsire, vachibva vapindurwa minyengetero yavo. (Pis. 53:2) Rimwe zuva Allan paaiparidza paimba neimba pane chimwe chitsuwa chiri kuPhilippines, akaonana nemumwe mukadzi. Mukadzi wacho akabva atanga kuchema. Allan anoti: “Mangwanani emusi iwoyo, mukadzi wacho akanga anyengetera kuna Jehovha achikumbira kuti Zvapupu zvimushanyire. Mukadzi uyu paainge achiri muduku, akambodzidza Bhaibheri neZvapupu asi haana kuzoonana nazvo kubvira paakaroorwa ndokutamira kuchitsuwa chacho. Mwari akakurumidza kupindura munyengetero wake zvokuti akabayiwa mwoyo.” Gore risati ratombopera, mukadzi wacho akazvitsaurira kuna Jehovha.

Unoona here uchapupu hunoratidza kuti Jehovha ari kubatsira vanhu vake mazuva ano? (Ona ndima 11-13)

11, 12. (a) Jehovha ari kubatsira sei vashumiri vake? (b) Rondedzera kuti imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei naMwari.

11 Vashumiri vaMwari vakawanda vakaona kuti Jehovha akavabatsira pavakakwanisa kurega zvinhu zvainge zvavapinda muropa zvakadai sokusvuta fodya, kushandisa madhiragi kana kuti kuona zvinonyadzisira. Vamwe vanotaura kuti vakaedza vaedzazve kurega kuita zvinhu izvi nesimba ravo voga, asi vakatadza. Zvisinei, pavakatsvaka kubatsirwa naJehovha, akavapa “simba rinopfuura renguva dzose,” uye vakakwanisa kurega zvinhu izvozvo.—2 VaK. 4:7; Pis. 37:23, 24.

12 Jehovha akabatsira vashumiri vake vakawanda pamatambudziko avaisangana nawo. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Amy yakasangana nematambudziko payakanzi inobatsira pakuvaka Imba yoUmambo uye imba yemamishinari pane chimwe chitsuwa chiduku chokuPacific. Amy anoti: “Taigara mune imwe hotera duku uye zuva nezuva pataienda kunovaka, taifamba nemumigwagwa yakazara mvura.” Amy aifanirawo kujairana netsika dzeko, uye kakawanda kwainge kusina magetsi kana mvura. Anoti: “Zvinhu zvakatozonyanya kuipa pandakapopotera imwe hanzvadzi yataishanda nayo. Ndakaenda kumba ndichizvidemba. Pandakasvika, kwakanga kusina magetsi uye ndiri murima imomo mukamuri randaigara, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire.” Pakazodzoka magetsi, Amy akabva atora imwe Nharireyomurindi akatanga kuverenga imwe nyaya yaitaura nezvekirasi yainge yapedza kudzidza kuGiriyedhi. Nyaya yacho yaitaura nezvematambudziko aakanga achitosangana nawo muupenyu hwake akadai sekujairana netsika dzevamwe, kusuwa kumba uye kudzidza kugarisana nevanhu vausingazivi. Amy anoti: “Usiku ihwohwo, ndakanyatsoona kuti Jehovha aitaura neni. Izvi zvakaita kuti ndide kuramba ndichiita basa rangu.”—Pis. 44:25, 26; Isa. 41:10, 13.

13. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jehovha anobatsira vanhu vake “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka”?

13 Kubudirira kuri kuita Zvapupu zvaJehovha “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka,” kunoratidzawo kuti tiri kubatsirwa neruoko rwaJehovha rune simba. (VaF. 1:7) Dzimwe hurumende dzakaedza kurambidza zvachose vanhu vaMwari kuita basa ravo. Kunyange zvakadaro, kubva mugore ra2000, Zvapupu zvaJehovha zvakakunda mumatare epamusoro panyaya 268. Panyaya idzi, 24 dzacho dzaitongwa nedare reEuropean Court of Human Rights. Izvi zvinonyatsoratidza kuti hapana anogona kudzivisa ruoko rwaMwari.—Isa. 54:17; verenga Isaya 59:1.

14. Ruoko rwaJehovha runooneka sei mubasa redu rokuparidza uye pakubatana kwatakaita?

14 Jehovha ari kuita kuti tikwanise kuparidza mashoko akanaka munyika yose. (Mat. 24:14; Mab. 1:8) Fungawo nezvekubatana kwakaita vanhu vaJehovha pasinei nokuti vanobva kunyika dzakasiyana-siyana. Hapana vamwe vanhu vanokwanisa kubatana saizvozvo. Ndosaka vanhu vasinganamati Jehovha vachizotaura kuti: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.” (1 VaK. 14:25) Saka tine uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti Mwari ane vanhu vake. (Verenga Isaya 66:14.) Asi iwe pachako unonyatsoona ruoko rwaJehovha muupenyu hwako here?

UNOONA RUOKO RWAJEHOVHA MUUPENYU HWAKO HERE?

15. Tsanangura kuti nei dzimwe nguva tingatadza kunyatsoona ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu.

15 Zvii zvingaita kuti titadze kunyatsoona ruoko rwaMwari muupenyu hwedu? Dzimwe nguva tinogona kumomoterwa nematambudziko. Kana zvakadai zvikaitika, tinogona kukanganwa kuti Jehovha akambotibatsira. Izvi zvakamboitika kuna Eriya. Mambokadzi Jezebheri paakati aida kumuuraya, Eriya akakanganwa kubatsirwa kwaainge amboitwa naMwari. Bhaibheri rinoti Eriya “akatanga kukumbira kuti mweya wake ufe.” (1 Madz. 19:1-4) Dambudziko raEriya raizopera sei? Aifanira kutsvaka kubatsirwa naJehovha.—1 Madz. 19:14-18.

16. Tingaitei kuti tione Mwari sezvakaita Jobho?

16 Jobho akanga ava kunyanya kufunga nezvematambudziko ake zvokuti akatadza kuona zvinhu semaonero aMwari. (Job. 42:3-6) Dzimwe nguva matambudziko atinosangana nawo angaitawo kuti tiomerwe nokuona Mwari. Asi chii chingatibatsira kuti timuone? Tinofanira kufungisisa kuti Bhaibheri rinoti chii nezvematambudziko edu. Patinoona kuti Jehovha ari kutibatsira sei, tinobva tava pedyo naye zvokuti tinokwanisawo kutaura mashoko aJobho okuti: “Ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe, asi zvino ziso rangu rinokuonai.”

Jehovha ari kukushandisa here kubatsira vamwe kuti vamuone? (Ona ndima 17, 18)

17, 18. (a) Zvii zvinogona kuitika muupenyu hwedu zvingaita kuti tione kuti Jehovha ari kutibatsira? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha ari kutibatsira sei mazuva ano.

17 Tingaona sei ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu? Funga nezvemienzaniso inotevera. Zvimwe kana ukafunga mawaniro awakaita chokwadi unonyatsoona kuti Mwari ndiye aitungamirira. Wakambopinda misangano yechiKristu here ukanzwa imwe hurukuro yainyatsotaura nezvedambudziko chairo rawaisangana naro? Kana kuti unogona kunge wakanyatsoona kupindurwa kwakaitwa munyengetero wako. Pamwe wakafunga kuwedzera ushumiri hwako uchibva waona kubatsirwa kwawakaitwa naJehovha kuti uzadzise chinangwa chako. Wakambosiya basa here nemhaka yokuti raikutadzisa kunyatsoshumira Jehovha, uchibva waona kuti vimbiso yaMwari ndeyechokwadi yokuti: ‘Handingambokusiyii’? (VaH. 13:5) Kana tikaramba takasimba pakunamata, tinogona kuona kuti Jehovha anotibatsira nenzira dzakawanda.

18 Imwe hanzvadzi yokuKenya inonzi Sarah inoti: “Ndakanyengetera nezvemunhu wandaidzidza naye Bhaibheri uyo wandaiona sokuti akanga asingakoshesi kudzidza kwataiita. Ndakabvunza Jehovha kuti ndorega here kudzidza naye. Pandakangoti ‘Ameni,’ foni yangu yakabva yarira. Mudzidzi weBhaibheri uya ndiye akanga afona uye aida kuenda neni kumisangano. Ndakashamiswa chaizvo.” Kana isuwo tikanyatsovhura maziso edu tinokwanisa kuona kuti Mwari anotibatsira muupenyu hwedu. Imwe hanzvadzi inogara kuAsia inonzi Rhonna inoti: “Zvinotoda kuzvidzidzisa kuti ukwanise kuona ruoko rwaJehovha muupenyu hwako. Asi kana uchinge wava kukwanisa kuona ruoko rwake, uchashamiswa kuona kuti ane hanya newe chaizvo.”

19. Chii chimwe chatinofanira kuita kuti tione Mwari?

19 Jesu akati: “Vanofara vakachena mumwoyo, nokuti vachaona Mwari.” (Mat. 5:8) Tingava sei “vakachena mumwoyo”? Tinofanira kuita kuti pfungwa dzedu dzigare dzakachena torega kuita chero chii zvacho chakaipa. (Verenga 2 VaKorinde 4:2.) Patinosimbisa ushamwari hwedu naJehovha uye patinoramba tichiita zvakanaka, tichavawo pakati pevanhu vaya vanokwanisa kuona Mwari. Munyaya inotevera tichakurukura kuti kutenda kunotibatsira sei kuti tinyatsoona ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu.