Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shumira Jehovha Usingatsauswi

Shumira Jehovha Usingatsauswi

“Mariya . . . akaramba achiteerera [zvaitaurwa naJesu.] Asi, Marita akatsauswa nokuita mabasa mazhinji.”—RUKA 10:39, 40.

NZIYO: 94, 134

1, 2. Nei Jesu aida Marita, asi chii chinoratidza kuti Marita aiva munhuwo anotadza?

UNOFUNGEI paunonzwa nezvemukadzi ainzi Marita anotaurwa muBhaibheri? Kunyange zvazvo Marita ariye chete mukadzi anotaurwa nezita kuti aidiwa naJesu, Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu aidawo munun’una waMarita ainzi Mariya. Jesu aidawo amai vake Mariya, nevamwewo vakadzi vaitya Mwari. (Joh. 11:5; 19:25-27) Asi nei Bhaibheri richitaura kuti Jesu aida Marita?

2 Jesu aida Marita nokuti aigamuchira vaeni zvakanaka uye aishanda nesimba, asi ainyanya kumuda nokuti aiva munhu akasimba pakunamata. Marita ainyatsotenda zvinhu zvaidzidziswa naJesu. Aidavira zvakasimba kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa. (Joh. 11:21-27) Zvisinei, Marita aingovawo munhu anotadza sesu. Rimwe zuva Jesu paakavashanyira, Marita akatsamwira munun’una wake Mariya achibva audza Jesu kuti amutsiure. Marita akati: “Ishe, hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndiri ndoga kuti ndiite zvinhu izvi? Naizvozvo, muudzei kuti andibatsire.” (Verenga Ruka 10:38-42.) Tinodzidzei panyaya iyi?

MARITA AKATSAUSWA

3, 4. Nei Mariya achinzi akasarudza “mugove wakanaka,” uye Marita akadzidzei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Jesu anofara nokukokwa kwaaitwa naMarita naMariya uye anoda kuvapa chipo chomudzimu. Mariya anofunga kushandisa mukana iwoyo kuti anzwe Mudzidzisi Mukuru achidzidzisa, saka anogara “pasi patsoka dzaShe . . . , achiteerera shoko rake.” Marita angadai agarawo pasi kuti anyatsoteerera zviri kutaurwa naJesu, uye izvozvo zvingadai zvaita kuti arumbidzwe naJesu.

4 Zvisinei, Marita anobatikana nokugadzira zvokudya zvakawanda uye nokuitawo mamwe mabasa achiitira muenzi wavo Jesu. Paanoona kuti basa ramuwandira uye kuti munun’una wake haasi kumubatsira, Marita anogumbuka. Jesu anoona kuti Marita ari kuzvinetsa nokuita zvinhu zvakawanda, saka anomuudza kuti: “Marita, Marita, unozvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji.” Anobva amuudza kuti asazvinetsa hake nokubika zvinhu zvakawanda-wanda, asi angobika kana chimwe chete zvacho. Jesu anobva arumbidza Mariya nokuteerera kwaari kuita. Anoti: “Kana ari Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.” Mariya anogona kunge akazokanganwa kuti vakadyei musi iwoyo, asi aisazombofa akakanganwa kurumbidzwa kwaakaitwa naJesu uye zvaakadzidza paakanyatsoteerera zvaitaurwa naJesu. Papera makore anopfuura 60, muapostora Johani akanyora kuti: “Jesu aida Marita nomunun’una wake.” (Joh. 11:5) Mashoko aya akafemerwa anonyatsoratidza kuti Marita akateerera paakatsiurwa naJesu uye akaita zvose zvaaigona kuti ashumire Jehovha akatendeka kwoupenyu hwake hwose.

5. Nei mazuva ano zvisiri nyore kuti tirambe takaisa pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha, uye izvi zvinoita kuti tibvunze mubvunzo upi?

5 Mazuva ano kwatova nezvinhu zvakawanda zvinogona kutitsausa pakushumira Jehovha kupfuura zvaivako munguva yaJesu. Makore anopfuura 60 adarika, vadzidzi vepane imwe koreji yokuUnited States vakaudzwa kuti: “Mazuva ano nyika yazara nezvinhu zvakadai semamagazini, maredhiyo, mafirimu, materevhizheni nezvimwewo. . . . Zuva nezuva kunoburwa zvinhu zvitsva zvinotivhiringidza . . . Makore mashoma apfuura taifara chaizvo nezvinhu izvozvo tichiti tiri kubudirira, asi iye zvino tava kuona kuti zvinhu izvozvo zviri kutotivhiringidza.” Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1958 yakatiwo: “Zvinoita sokuti zvinhu zvinotsausa vanhu zvichatowedzera kuwanda mugumo wenyika ino paunenge uchiswedera.” Mashoko iwayo ndeechokwadi. Saka tingaitei kuti tisatsauswa, toramba takaisa pfungwa dzedu pazvinhu zvokunamata sezvakaitwa naMariya?

USASHANDISA NYIKA ZVIZERE

6. Vanhu vaJehovha vari kushandisa sei zvinhu zviri kugadzirwa munyika?

6 Chikamu chepanyika chesangano raMwari chagara chichishandisa zvinhu zviri kugadzirwa munyika pakuita kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Somuenzaniso, funga nezvemutambo wainzi “Photo-Drama of Creation.” Mumutambo wacho maiva nemifananidzo inoyevedza yaibudiswa pamwe nemimhanzi uye manzwi zvakarekodhwa zvichibudiswa sokunge firimu chairo. Mutambo uyu wakaratidzwa vanhu Hondo Yenyika I isati yatanga uye payairwiwa. Mamiriyoni evanhu pasi rose akanyaradzwa chaizvo nokuti waipera nekuratidza rugare rwuchavapo muKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu. Makore akazotevera, mashoko oUmambo akanga ava kutepfenyurwa paredhiyo uye mamwe mamiriyoni evanhu pasi rose akaanzwa. Mazuva ano tiri kushandisa makombiyuta neIndaneti uye izvi zviri kuita kuti mashoko acho asvike kwose kwose kunyange kuzvitsuwa zviri kure.

Usarega zvinhu zvisingakoshi zvichikutsausa pakunamata (Ona ndima 7)

7. (a) Nei kushandisa nyika zvizere kuine ngozi? (b) Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa? (Ona mashoko omuzasi.)

7 Bhaibheri rinonyevera kuti kushandisa nyika zvizere kune ngozi. (Verenga 1 VaKorinde 7:29-31.) Zviri nyore kuti muKristu apedze nguva yakawanda achiita zvinhu zvisina hazvo kuipa zvakadai sokutenderera achiona zvinhu zvinotengeswa mumashopu, kuverenga mabhuku okuzvivaraidza, kuona terevhizheni, kuenda kunoona nzvimbo dzakasiyana-siyana, kutsvaga midziyo yemagetsi ichangoburwa, nezvimwewo zvinhu. Tinogonawo kupedzerwa nguva yedu kana kutopindwa muropa nezvinhu zvakadai sekukurukura tichishandisa masocial network, kutumirana mameseji nemae-mail, kugara tichitarisa zviri munhau uye zviri kuitika panyaya dzemitambo. * (Mup. 3:1, 6) Kana tikapedza nguva yakawanda tichiita zvinhu zvisingakoshi, tinogona kupedzisira tava kuregeredza kunamata kwatinoita Jehovha, uko kunokosha zvikuru kupfuura zvinhu zvose.—Verenga VaEfeso 5:15-17.

8. Nei zano rokuti tisada zvinhu zviri munyika richikosha chaizvo?

8 Satani akagadzira nyika yake kuti itikwezve uye ititsause. Ndizvo zvaakaita munguva yakararama vaKristu vepakutanga, uye mazuva ano ari kutowedzera. (2 Tim. 4:10) Saka tinofanira kuteerera zano rokuti: “Musada . . . zvinhu zviri munyika.” Kana tikagara tichigadzirisa mararamiro edu kuti aenderane nezano iri, hatizotsauswi uye ‘kuda kwatinoita Baba’ vedu kuchawedzera. Izvi zvichaita kuti tisaomerwa nokuita kuda kwaMwari uye ticharamba tiine ushamwari naye nokusingaperi.—1 Joh. 2:15-17.

RAMBA UINE ZISO RAKANAKA

9. Jesu akati tinofanira kuva neziso rakaita sei, uye akaratidza sei muenzaniso panyaya iyi?

9 Mashoko akataurwa naJesu paakatsiura Marita ainyatsoenderana nedzidziso dzake uye nemararamiro ake. Akakurudzira vadzidzi vake kuti varambe vaine ziso “rakanaka” kuitira kuti vaite zvinhu zvine chokuita noUmambo vasingatsauswi. (Verenga Mateu 6:22, 33.) Jesu akanga asina zvinhu zvakawanda muupenyu uye akanga asina imba kana munda.—Ruka 9:58; 19:33-35.

10. Jesu akaratidza muenzaniso wei achangotanga ushumiri hwake?

10 Pane zvinhu zvakawanda zvakaitika Jesu paaiita ushumiri hwake zvaigona kumutsausa, asi haana kubvuma kutsauswa nezvinhu izvozvo. Achangotanga ushumiri hwake, Jesu akadzidzisa boka revanhu uye akaita zvishamiso muKapenaume. Vanhu vemuguta iri vakabva vamukumbira kuti arambe ainavo. Jesu akaita sei? Akavaudza kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:42-44) Jesu akazadzisa mashoko ake nokuti akafamba muParestina yose achiparidza nokudzidzisa. Jesu aiva munhu asina chivi, asi dzimwe nguva aitombonetawo nokushanda nesimba kwaaiita mubasa raMwari zvokuti aitodawo kuzorora.—Ruka 8:23; Joh. 4:6.

11. Jesu akati chii kumurume akanga asiri kuwirirana nemukoma wake, uye akanyevera vateereri vake kuti chii?

11 Rimwewo zuva, Jesu paakanga achidzidzisa vateveri vake kuti zvii zvavaifanira kuita kana vashorwa, mumwe murume akangoerekana apinza nyaya yake achiti: “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu haana kuda kupindira munyaya iyi. Akabvunza murume wacho kuti: “Iwe munhu, ndiani akandigadza kuti ndive mutongi kana mugovanisi pakati penyu?” Jesu akabva aenderera mberi nekudzidzisa, uye akanyevera vateereri vake kuti kuda pfuma kunogona kuita kuti munhu atsauswe pakushumira Mwari.—Ruka 12:13-15.

12, 13. (a) Jesu paakanga ava pedyo nokufa, chii chakaita kuti vamwe vaGiriki vade kuonana naye? (b) Jesu akaita sei nezvinhu zvaigona kumutsausa?

12 Mazuva mashoma Jesu asati afa, aiva nezvakawanda zvaimushungurudza. (Mat. 26:38; Joh. 12:27) Aiva nebasa rakawanda rokuita uye aizotongwa achinyadziswa, ourayiwa zvoutsinye. Somuenzaniso, funga zvakaitika musi weSvondo, Nisani 9, mugore ra33 C.E. Sezvakanga zvafanotaurwa, Jesu akapinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro, uye vanhu vakamurumbidza vachimuti ndiye “anouya saMambo muzita raJehovha.” (Ruka 19:38) Zuva rakatevera, Jesu akapinda mutemberi uye akaratidza ushingi paakadzingira kunze vanhu vaiva nemakaro vaishandisa imba yaMwari kuita bhizimisi vachibiridzira vamwe vaJudha.—Ruka 19:45, 46.

13 Pavanhu vaiva muJerusarema, paivawo nevaGiriki vainge vatendeukira kuchitendero chechiJudha, uye zviri pachena kuti vanhu ivavo vakabayiwa mwoyo nezvakaitwa naJesu zvokuti vakaudza muapostora Firipi kuti vaida kuona Jesu. Asi Jesu akaramba kuonana nevanhu ivavo nokuti aiziva kuti zvaizomutsausa pazvinhu zvinokosha zvaaifanira kuita. Akanga asingadi kutsvaka vanhu vokuwirirana navo kuti vazomudzivirira kuti asaurayiwa nevavengi vake, asi akaramba akaisa pfungwa dzake pakupa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu. Saka paakataura kuti akanga ava kuda kuurayiwa, akaudza Andreya naFiripi kuti: “Anoda mweya wake anouparadza, asi anovenga mweya wake munyika ino achauchengetedza nokuda kwoupenyu husingaperi.” Pane kuti aite zvaidiwa nevaGiriki ivavo, Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vatevedzere kuzvipira kwake, uye akavavimbisa kuti: “Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.” Zviri pachena kuti Firipi akanoudza vaGiriki ivavo mashoko aya aJesu.—Joh. 12:20-26.

14. Kunyange zvazvo Jesu aiisa basa rokuparidza pamberi, chii chinoratidza kuti aiwana nguva yokuitawo zvimwe zvinhu?

14 Jesu akaramba kutsauswa pabasa rake raikosha rokuparidza mashoko akanaka, asi aimbovawo nenguva yokuita zvimwe zvinhu. Akabvuma kukokwa kumuchato uye akatoita kuti vanhu vafare pamuchato wacho paakaita chishamiso chokuchinja mvura kuva waini. (Joh. 2:2, 6-10) Aitoendawo kunodya kumba kweshamwari dzake uye kwevamwewo vanhu vairatidza kuti vaigona kuzova vadzidzi vake. (Ruka 5:29; Joh. 12:2) Chinotonyanya kukosha ndechokuti aigara achizvipa nguva yokunyengetera, yokufungisisa ari oga uye yokumbozorora.—Mat. 14:23; Mako 1:35; 6:31, 32.

‘NGATIBVISEI ZVINHU ZVOSE ZVINOREMA’

15. Muapostora Pauro akapa zano rokutii, uye akaratidza sei muenzaniso wakanaka?

15 Muapostora Pauro akafananidza upenyu hwomuKristu akazvitsaurira nenhangemutange inoda kutsungirira. Akanyora kuti: “Ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema.” (Verenga VaHebheru 12:1.) Pauro aiita zvaienderana nezvaaiparidza nokuti akasarudza kusiya mukana waaiva nawo wokuwana mukurumbira uye pfuma muchiJudha. Akaisa pfungwa dzake pazvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe,” akashanda nesimba mubasa raMwari achienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzakadai seSiriya, Asia Minor, Makedhoniya neJudhiya. Achitaura nezvetariro yake youpenyu husingaperi kudenga, Pauro akati: “Ndichikanganwa zvinhu zviri shure, uye ndichisveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro.” (VaF. 1:10; 3:8, 13, 14) Pauro akanga asina kuroora, uye izvozvo zvakaita kuti anyatsokwanisa “kushandira Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.”—1 VaK. 7:32-35.

16, 17. Pasinei nokuti tiri muwanano kana kuti hatisi, tingatevedzera sei zvakaitwa naPauro? Taura muenzaniso.

16 Sezvaiva zvakaita Pauro, vamwe vashumiri vaMwari vanosarudza kusaroora kana kusaroorwa kuitira kuti vakwanise kuwana nguva yakawanda yokuita basa roUmambo. (Mat. 19:11, 12) Kazhinji vashumiri vaMwari vakaroora kana kuroorwa vane zvakawanda zvavanofanira kuitira mhuri dzavo. Asi pasinei nokuti tiri muwanano kana kuti hatisi, tose tinokwanisa ‘kubvisa zvinhu zvose zvinorema’ izvo zvinogona kutitsausa pakushumira Mwari. Izvi zvingada kuti tirege zvimwe zvinhu zvinotidyira nguva, tova nezvinangwa zvichatibatsira kuti tive nezvakawanda zvokuita mubasa raMwari.

17 Funga nezvemumwe murume nomudzimai vokuWales, Mark naClaire. Mumwe nomumwe wavo akatanga kupayona paakapedza chikoro uye vakaramba vachipayona pavakaroorana. Mark anoti: “Takatengesa imba yedu yaiva nemakamuri matatu okurara uye takasiya basa rataiita kuitira kuti tikwanise kuita basa rokuvaka munyika dzakasiyana-siyana.” Mumakore 20 apfuura, vakaenda kunyika dzakasiyana-siyana dziri muAfrica vachibatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo. Pane imwe nguva mari yavakanga vangosara nayo muhomwe yaiva US$15, asi Jehovha akavachengeta. Claire anoti: “Kushandira Jehovha zuva rimwe nerimwe kunoita kuti tinyatsonzwa kugutsikana. Takawana shamwari dzakawanda chaizvo, uye hapana chatinoshayiwa. Kana tikafunga zvinhu zvishoma zvatakasiya, tinoona kuti hapana nezviripo kana tichizvienzanisa nemufaro watiri kuwana pakushumira Jehovha mubasa renguva yakazara.” Aya ndiwo manzwiro anoitawo vashumiri venguva yakazara vakawanda. *

18. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

18 Ungaitei kana ukaona kuti zvimwe zvinhu zvava kukutsausa zvokuti hauchanyatsoshumira Jehovha sezvawaiita kare? Zvimwe ungada kuvandudza maverengero uye madzidziro aunoita Bhaibheri. Ungazviita sei? Nyaya inotevera ichatsanangura maitirwo azvo.

^ ndima 17 Onawo nyaya youpenyu yaHadyn naMelody Sanderson inoti “Kuziva Zvakanaka Uye Kuzviita” iri muNharireyomurindi yaMarch 1, 2006. Vaviri ava vakasiya bhizimisi raibhadhara kuAustralia kuitira kuti vakwanise kupinda mubasa renguva yakazara. Verenga zvakaitika pavakapererwa nemari vachishumira semamishinari kuIndia.