Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tiwedzereiwo Kutenda”

“Tiwedzereiwo Kutenda”

“Ndibatsirei pandinoda kutenda!”—MAKO 9:24.

NZIYO: 81, 135

1. Kutenda kunokosha zvakadii? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

WAKAMBOZVIBVUNZA here kuti, ‘Jehovha angandiponesawo here pakutambudzika kukuru oita kuti ndipinde munyika itsva?’ Pane zvinhu zvakawanda zvinodiwa kuti tikwanise kupona. Asi pazvinhu izvozvo, pane chimwe chinokosha chaizvo chakataurwa nemuapostora Pauro paakati: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza.” (VaH. 11:6) Tinogona kufunga kuti zviri nyore kuva nokutenda, asi chokwadi ndechekuti “kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaT. 3:2) Magwaro aya anotibatsira kuona kuti zvakakosha chaizvo kuti tive nokutenda kwakasimba.

2, 3. (a) Tinodzidzei pamashoko akataurwa naPetro? (b) Munyaya ino tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Muapostora Petro akataura ‘nezvekutenda kwakaedzwa,’ kuti “kuwanikwe kuri chinhu chinoita kuti pave nokurumbidzwa nokubwinya nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.” (Verenga 1 Petro 1:7.) Kutambudzika kukuru kwava pedyo chaizvo, saka tinoda kuva nechokwadi chokuti tine kutenda kunoita kuti tizova pakati pevaya vane kutenda kucharumbidzwa naMambo wedu Jesu Kristu paacharatidzwa. Tinoda kuva nokutenda “kunochengetedza mweya uri mupenyu.” (VaH. 10:39) Tichifunga izvi, tinogona kuteterera sezvakaita murume uya akakumbira Jesu kuti: “Ndibatsirei pandinoda kutenda!” (Mako 9:24) Kana kuti sezvakaita vaapostora vaJesu tingakumbirawo kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.”—Ruka 17:5.

3 Tingaitei kuti tive nokutenda kwakasimba? Tingaratidza sei kuti tine kutenda? Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti tichapindurwa minyengetero yedu yokukumbira kuti tiwedzerwe kutenda? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya ino.

MWARI ANOFARA PATINOSIMBISA KUTENDA KWEDU

4. Mienzaniso yavanaani inotibatsira kuti tisimbise kutenda kwedu?

4 “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe,” saka tinowana zvidzidzo kubva pamienzaniso yevanhu vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vaiva nokutenda. (VaR. 15:4) Kuverenga nezvevanhu vakadai saAbrahamu, Sara, Isaka, Jakobho, Mosesi, Rakabhi, Gidhiyoni, Bheraki, nevamwewo vakawanda, kunoita kuti tide kuongororawo kutenda kwedu. (VaH. 11:32-35) Uyewo patinoverenga nezvehama nehanzvadzi dzemazuva ano dzakaratidza kutenda kwakasimba, tinonzwa tichida kushanda nesimba kuti tisimbisewo kutenda kwedu. *

5. Eriya akaratidza sei kuti aiva nokutenda kwakasimba, uye muenzaniso wake unoita kuti tifunge nezvei?

5 Mumwe muenzaniso watinowana muBhaibheri ndewemuprofita Eriya. Chimbofunga zvinhu zvakaitika muupenyu hwake zvinoratidza kuti aiva nokutenda kwakasimba. Eriya paaiudza Mambo Ahabhi kuti Jehovha aizoita kuti mvura isanaya, akataura nechivimbo kuti: “NaJehovha mupenyu, . . . hakuzovi nedova kana mvura, kutoti ndarayira neshoko rangu!” (1 Madz. 17:1) Eriya aiva nokutenda kuti Jehovha aizomuchengeta uye aizochengetawo vamwe vanhu munguva iyoyo yokusanaya kwemvura. (1 Madz. 17:4, 5, 13, 14) Akaratidza kuti aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizomutsa mwana akanga afa. (1 Madz. 17:21) Aiva nokutenda kuti moto waizobva kuna Jehovha, wopisa chibayiro chake paGomo reKameri. (1 Madz. 18:24, 37) Pakasvika nguva yokuti Jehovha achinayisazve mvura panyika, Eriya akaratidza kuti aiva nokutenda. Kunyange zvazvo pakanga pasina kana chairatidza kuti mvura yaizonaya, Eriya akaudza Mambo Ahabhi kuti: “Endai, idyai uye inwai; nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.” (1 Madz. 18:41) Kuverenga nezvevanhu vakadai saEriya kunoita kuti tide kuzviongorora kuti tione kuti kutenda kwedu kwakasimbawo saizvozvo here.

TINGAITEI KUTI TIVE NOKUTENDA KWAKASIMBA?

6. Chii chatinofanira kukumbira kuna Jehovha kuti tive nokutenda kwakasimba?

6 Hatikwanisi kusimbisa kutenda kwedu nesimba redu toga. Kutenda ndechimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22) Saka tinofanira kuteerera zano ratakapiwa naJesu rokuti tinyengetere kuti Jehovha arambe achitipa mudzimu wake mutsvene nokuti Jesu anotivimbisa kuti Baba “vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.”—Ruka 11:13.

7. Taura muenzaniso unoratidza zvatingaita kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba.

7 Kana tava nokutenda kwakasimba, tinofanira kuita kuti kurambe kwakasimba. Tinogona kufananidza kutenda kwedu nemoto. Moto paunobatidzwa, unoita marimi akakura. Zvisinei, kana ukasakuchidzirwa unogona kupedzisira angova mazimbe uye mazimbe iwayo anova madota. Asi tikaramba tichiwedzera huni, moto wacho unoramba uchibvira. Kutenda kwedu kunorambawo kwakasimba kana tikagara tichiverenga Shoko raMwari. Kuramba tichidzidza Bhaibheri kuchaita kuti tinyatsoda Shoko raMwari uye Munyori waro. Izvozvo zvichasimbisa kutenda kwedu.

8. Chii chichatibatsira kuti tive nokutenda uye kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba?

8 Chii chimwe chaungaita kuti uve nokutenda kwakasimba? Usangogutsikana nezvinhu zvawakadzidza usati wabhabhatidzwa. (VaH. 6:1, 2) Ongorora uprofita hunotaurwa muBhaibheri hwakatozadzika kare nokuti uprofita ihwohwo huchakubatsira kuti uve nokutenda kwakasimba. Shoko raMwari rinotsanangura kuti munhu ane kutenda kwakasimba anofanira kunge akaita sei, saka unogonawo kurishandisa kuti uone kana kutenda kwako kuchienderana nezvarinotaura.—Verenga Jakobho 1:25; 2:24, 26.

9, 10. Kutenda kwedu kunosimbiswa sei: (a) neshamwari dzakanaka? (b) nemisangano yeungano? (c) patinoita basa rokuparidza?

9 Muapostora Pauro akataura kuti vaKristu vaikwanisa kukurudzirana, “mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe.” (VaR. 1:12) Patinoshamwaridzana nevatinonamata navo, tinosimbisana pakutenda, kunyanya kana vatiri kushamwaridzana navo vacho vari vaya vane ‘kutenda kwakaedzwa.’ (Jak. 1:3) Shamwari dzakaipa dzinoparadza kutenda kwedu, asi shamwari dzakanaka dzinotivaka pakutenda. (1 VaK. 15:33) Ndokusaka tichikurudzirwa kuti ‘tisarega kuungana kwedu’ asi kuti tirambe ‘tichikurudzirana.’ (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Uyewo, patinoenda kumisangano tinodzidziswa zvinhu zvinosimbisa kutenda kwedu. Izvi zvinoenderana nemashoko akataurwa naPauro okuti: “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaR. 10:17) Unogara uchishamwaridzana nevamwe pamisangano yechiKristu here?

10 Patinoita basa rokuparidza, tinenge tichibatsira vamwe kuti vave nokutenda, asi tinenge tichitosimbisawo kutenda kwedu. Sezvakaitika kuvaKristu vekare, tinodzidza kuva nokutenda kwakazara muna Jehovha, totaura noushingi pasinei nokuti tiri mumamiriro ezvinhu akaita sei.—Mab. 4:17-20; 13:46.

11. Chii chakaita kuti Karebhi naJoshua vave nokutenda kwakasimba, uye tingavatevedzera sei?

11 Kutenda kwedu kunosimbiswa patinoona Jehovha achitibatsira muupenyu hwedu uye achipindura minyengetero yedu. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Karebhi naJoshua. Vakaratidza kuti vaiva nokutenda pavakaenda kunosora Nyika Yakapikirwa. Asi kutenda kwavo kwakatowedzera kusimba pavakaramba vachiona Jehovha achivatungamirira muupenyu hwavo. Ndokusaka Joshua akaudza vaIsraeri nechivimbo kuti: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana.” Akazowedzera kuti: “Zvino ityai Jehovha mumushumire musina mhosva uye muchokwadi . . . Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.” (Josh. 23:14; 24:14, 15) Isuwo patinoravira kunaka kwaJehovha, tinogona kuva nechivimbo chakadaro.—Pis. 34:8.

TINGARATIDZA SEI KUTI TINE KUTENDA?

12. Chii chinoratidza kuti tine kutenda?

12 Tingaratidza sei kuti tine kutenda kwakasimba? Mudzidzi Jakobho anopindura mubvunzo iwoyo achiti: “Ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.” (Jak. 2:18) Mabasa edu ndiwo anoratidza kuti tine kutenda kwakasimba. Ngationei kuti mabasa iwayo ndeapi.

Vaya vanoshanda nesimba muushumiri vanoratidza kuti vane kutenda kwakasimba (Ona ndima 13)

13. Nei tichiti basa rokuparidza ndeimwe nzira yokuratidza nayo kuti tine kutenda?

13 Kuita basa rokuparidza ndeimwe nzira yakanaka chaizvo yatinoratidza nayo kuti tine kutenda. Nei tichidaro? Basa iri rinotoda kuti tive nokutenda kuti mugumo wenyika ino wava pedyo uye kuti ‘hauzononoki.’ (Hab. 2:3) Kuti tione kuti kutenda kwedu kwakasimba zvakadii, tinogona kuzvibvunza kuti: Ndinokoshesa basa rokuparidza zvakadii? Ndiri kuita here zvose zvandinogona kuti ndiudze vamwe nezvaMwari? Ndinotsvaka mimwe mikana yokuti ndiwedzere zvandinoita pakushumira Mwari here? (2 VaK. 13:5) Saka ngatiratidzei kuti tine kutenda kwakasimba ‘nokuzivisa pachena nomuromo kuti tiwane ruponeso.’—Verenga VaRoma 10:10.

14, 15. (a) Tingaratidza sei kuti tine kutenda patinosangana nematambudziko muupenyu hwedu? (b) Rondedzera zvakaitwa neimwe mhuri zvakaratidza kuti yaiva nokutenda kwakasimba.

14 Tinoratidzawo kuti tine kutenda patinotsungirira matambudziko muupenyu. Kunyange tichisangana nematambudziko akadai sokurwara, kuora mwoyo, kushaya chokurarama nacho, nezvimwewo, tine chivimbo chokuti Jehovha neMwanakomana wake vachatibatsira “panguva yakakodzera.” (VaH. 4:16) Tinoratidza chivimbo ichocho nokusangonyengeterera zvatinoda pakunamata chete. Jesu akati tinogona kunyengetererawo zvokurarama nazvo kusanganisira “zvokudya zvedu zvanhasi maererano nezvinodiwa zvezuva racho.” (Ruka 11:3) Nhoroondo dziri muBhaibheri dzinoita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha anogona kutipa zvokurarama nazvo. Mvura payakatora nguva yakareba isinganayi muIsraeri, Jehovha aipa Eriya zvokudya uye mvura. Jehovha akaita kuti ‘makunguo amuunzire chingwa nenyama mangwanani uye chingwa nenyama manheru, uye akaramba achinwa mvura yomumupata une rukova.’ (1 Madz. 17:3-6) Tine kutenda kuti Jehovha achatipawo zvokurarama nazvo.

Tinoratidza kutenda patinotsungirira matambudziko muupenyu (Ona ndima 14)

15 Tine chivimbo chokuti kana tikashandisa mazano ari muBhaibheri zvichatibatsira kuti tiwane zvokurarama nazvo. Imwe hanzvadzi yokuAsia inonzi Rebecca yakaona kuti ichocho ichokwadi. Mhuri yavo yaiisa zvinhu zvoUmambo pokutanga uye yaishanda nesimba sezvatinokurudzirwa pana Mateu 6:33 naZvirevo 10:4. Rebecca anotaura kuti pane imwe nguva murume wake akasarudza kusiya basa raaiita nokuti akaona kuti raigona kukanganisa ukama hwavo naJehovha. Asi vaiva nevana vana vaida kuchengetwa. Rebecca anoti: “Takatanga kubika masiwiti netumwewo twokudyira-dyira tichitengesa. Izvi zvakatiraramisa kwemakore akawanda, uye takanyatsoona kuti Jehovha haana kumbotisiya. Hatina kana musi mumwe watakarara nenzara.” Pane zvakaitikawo muupenyu hwako here zvakaita kuti uwedzere kuva nechivimbo chokuti Bhaibheri rine mazano anobatsira mazuva ano?

16. Chii chichaitika kana tikavimba naMwari?

16 Tinofanira kuva nokutenda kuti zvinhu zvichatifambira zvakanaka kana tikabvuma kutungamirirwa naMwari. Achidzokorora mashoko akafemerwa aHabhakuki, Pauro akanyora kuti: “Munhu akarurama achararama nokuda kwokutenda.” (VaG. 3:11; Hab. 2:4) Saka zvinokosha kuti tive nokutenda muna iye anokwanisa kunyatsotibatsira. Pauro anotiyeuchidza kuti Mwari ndiye “anogona kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga maererano nesimba rake riri kushanda matiri.” (VaEf. 3:20) Vashumiri vaJehovha vanoita zvose zvavanogona kuti vaite kuda kwaMwari. Asi vanoziva kuti havakwanisi kuzviita vari voga, saka vanovimba naJehovha kuti akomborere zvavanoedza kuita pakumushumira. Kuziva kuti Jehovha anesu kunoita kuti tifare chaizvo.

TICHAWEDZERWA KUTENDA

17. (a) Chikumbiro chevaapostora chokuti vawedzerwe kutenda chakapindurwa sei? (b) Nei tichitarisira kupindurwa minyengetero yedu yokuti tiwedzerwe kutenda?

17 Kukurukura kwataita nyaya iyi kungaita kuti tidewo kutaura mashoko akataurwa nevaapostora pavakakumbira Jesu kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Ruka 17:5) Chikumbiro chavo chakapindurwa kunyanya paPendekosti ya33 C.E. pavakapiwa mudzimu mutsvene waMwari uye pavakakwanisa kunyatsonzwisisa chinangwa chaMwari. Izvi zvakasimbisa kutenda kwavo zvokuti vakashanda nesimba pabasa rokuparidza. (VaK. 1:23) Minyengetero yedu yokuti tiwedzerwe kutenda ichapindurwawo here? Hongu ichapindurwa nokuti Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achanzwa minyengetero yedu kana tikakumbira “maererano nezvaanoda.”—1 Joh. 5:14.

18. Jehovha anokomborera sei vaya vanosimbisa kutenda kwavo?

18 Jehovha anofarira vaya vanovimba naye zvizere. Achatipindura patinomukumbira kuti atiwedzere kutenda, uye kutenda kwedu kuchawedzera kusimba zvokuti tichanzi ‘takakodzerwa noUmambo hwaMwari.’—2 VaT. 1:3, 5.

^ ndima 4 Kuti uwane mimwe mienzaniso, ona nyaya youpenyu yaLillian Gobitas Klose (Awake! yaJuly 22, 1993), Feliks Borys (Awake! yaFebruary 22, 1994), uye Josephine Elias (Mukai! yaOctober 2009).