NHARIREYOMURINDI—YEKUDZIDZA November 2015
Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa28 December, 2015, kusvika 31 January, 2016.
Dzidzisai Mwana Wenyu Muduku Kuti Ashumire Jehovha
Jesu ane zvinhu zvitatu zvaaiita paaidzidzisa vadzidzi vake zvinogonawo kukubatsira pakudzidzisa vana vako.
Dzidzisai Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashumire Jehovha
Ungabatsira sei mwana wako kuti asimbe mune zvokunamata paanenge ari pazera rokuyaruka?
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Uchapupu hupi huripo hwekuti guta rekare reJeriko harina kukombwa kwenguva yakareba kuti rizokundwa?
Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha
Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvakanaka nezvisina kunaka zvokupa nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu.
Jehovha ndiMwari Werudo
Jehovha akaratidza sei kuti anoda vanhu?
Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?
Unogona kushandisa zviri mumurayiro waJesu muwanano yako, muungano uye muushumiri.
Makore 100 Tichitongwa neUmambo!
Zvinhu zvipi zvitatu zvatakashongedzerwa nazvo kuti tiparidze nezveUmambo hwaMwari?
KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU
‘Hapana Chinhu Chiri Pasi Pezuva Chinofanira Kukutadzisai!’
Mapiyona okuFrance okuma1930 akasiya nhaka yokushingaira uye yokutsungirira.