Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?

Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?

“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—MAT. 22:39.

NZIYO: 73, 36

1, 2. Magwaro anoratidza sei kuti rudo runokosha?

RUDO ndirwo rwunonyanya kuratidzwa naJehovha Mwari pazvinhu zvose zvaanoita. (1 Joh. 4:16) Jesu ndiye akatanga kusikwa naJehovha uye aiva naMwari kudenga kwemabhiriyoni emakore achinyatsoona kuti Jehovha ndiMwari werudo. (VaK. 1:15) Paaiva kudenga uye paakazouya panyika, Jesu akaratidza kuti ainyatsoziva kuti Jehovha ndiMwari ane rudo rukuru, uye anotevedzera rudo rwaBaba vake. Saka tine chokwadi chokuti utongi hwaJehovha naJesu hucharamba huri hwerudo.

2 Jesu paakabvunzwa kuti ndoupi murayiro mukuru muMutemo, akati: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”—Mat. 22:37-39.

3. “Muvakidzani” wedu ndiani?

3 Ona kuti Jesu akaisa murayiro wokuda muvakidzani panzvimbo yechipiri kubva pane wokutanga wekuda Jehovha. Izvi zvinoratidza kuti zvinokosha chaizvo kuti tiratidze rudo kuvanhu vose. Asi “muvakidzani” wedu ndiani? Kana tiri muwanano, watakaroorana naye ndiye muvakidzani wedu wepedyo. Vamwe vari pedyo nesu ndevaya vatinonamata navo muungano yechiKristu. Vamwewo ndivo vaya vatinoonana navo muushumiri. Vanamati vaJehovha avo vanotevedzera zvinodzidziswa neMwanakomana wake, vangaratidza sei kuti vanoda muvakidzani?

IDA WAWAKAROORANA NAYE

4. Nei murume nomudzimai vachikwanisa kufara pasinei nekuti vanhuwo vanotadza?

4 Jehovha akasika Adhamu naEvha akaita kuti vave murume nemudzimai. Uyu ndiwo waiva muchato wokutanga. Aida kuti vagare vachifara muwanano yavo uye kuti vazadze nyika nevana vavo. (Gen. 1:27, 28) Zvisinei, kusateerera kwavakaita kwakakanganisa wanano yavo uye kwakaita kuti chivi nerufu zvipararire kuvanhu vose. (VaR. 5:12) Asi Bhaibheri rinotiudza zvatingaita kuti tifare muwanano. Mashoko arimo anobatsira chaizvo panyaya iyi nokuti akanyorwa naJehovha uyo akatanga wanano.—Verenga 2 Timoti 3:16, 17.

5. Rudo runokosha zvakadii muwanano?

5 Shoko raMwari rinoratidza kuti rudo runokosha chaizvo kana tichida kuwirirana nevamwe. Rudo runotonyanya kukosha pavanhu vakaroorana. Muapostora Pauro akataura nezverudo achiti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.” (1 VaK. 13:4-8) Kana tikafungisisa mashoko akataurwa naPauro uye tikaashandisa muwanano, tichawedzera kufara.

Shoko raMwari rinotiudza zvatingaita kuti tifare muwanano (Ona ndima 6, 7)

6, 7. (a) Bhaibheri rinoti chii nezvekuva musoro? (b) Murume wechiKristu anofanira kubata sei mudzimai wake?

6 Rudo runokosha zvikuru muurongwa hwaMwari hwokuti mumwe nemumwe ane waanofanira kuzviisa pasi pake. Pauro akati: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaK. 11:3) Asi kuva musoro hazvirevi kuti wava kufanira kudzvinyirira vari pasi pako. Somuenzaniso, Jehovha ndiye musoro waKristu asi anomuratidza mutsa uye haamudzvinyiriri. Izvi zvinoita kuti Jesu aremekedze Mwari, zvokuti paaiva panyika akatotaura kuti: “Ndinoda Baba.” (Joh. 14:31) Jesu angadai asina kutaura mashoko iwayo kudai Jehovha aimudzvinyirira.

7 Kunyange zvazvo murume ariye musoro wemba, Bhaibheri rinoti anofanira ‘kukudza mudzimai wake.’ (1 Pet. 3:7) Imwe nzira iyo murume anoratidza nayo kuti anokudza mudzimai wake ndeyekufungawo zvaanoda uye kumubvumirawo kuti atange kusarudza pane zvimwe zvinhu zvavanenge vachida kuita. Shoko raMwari rinoti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:25) Jesu akatofira vateveri vake. Kana murume akatungamirira mhuri yake achitevedzera rudo rwairatidzwa naJesu, zvichava nyore kuti mudzimai wake amude, amuremekedze uye azviise pasi pake.—Verenga Tito 2:3-5.

IDA VAUNONAMATA NAVO

8. VaKristu vanofanira kuona sei dzimwe hama nehanzvadzi?

8 Munyika yose mune mamiriyoni evanhu vanonamata Jehovha uye vanopupurira zita rake nechinangwa chake. Munamati mumwe nemumwe waJehovha anofanira kuona sei dzimwe hama nehanzvadzi? Shoko raMwari rinoti: “Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaG. 6:10; verenga VaRoma 12:10.) Muapostora Petro akanyora kuti: “Zvino zvamakanatsa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi zvichiguma nokudanana kwenyu kwazvo sehama kusina unyengeri, dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.” Petro akaudzawo vaainamata navo kuti: “Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo.”—1 Pet. 1:22; 4:8.

9, 10. Nei vanhu vaMwari vakabatana?

9 Kudanana kwatinoita sevashumiri vaJehovha kunotisiyanisa nevanhu vari munyika. Uyewo, kuda kwatinoita Jehovha nokuteerera kwatinoita mitemo yake kunoita kuti atitsigire nesimba rake risina rimwe raringaenzaniswa naro, iwo mudzimu mutsvene wake. Izvozvo zvinoita kuti tive sangano rehama dzakanyatsobatana.—Verenga 1 Johani 4:20, 21.

10 Pauro akataura kuti vaKristu vanofanira kudanana achiti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:12-14) Tinofara chaizvo kuti rudo, urwo rwuri “chisungo chakakwana chokubatana,” rwuri pakati pedu pasinei nekwatinobva.

11. Rudo uye kubatana kwatakaita zvinoratidzei nezvesangano redu?

11 Rudo uye kubatana kwakaita vashumiri vaJehovha zvinoratidza kuti ndivo vari muchitendero chechokwadi, nokuti Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Uyewo muapostora Johani akanyora kuti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake. Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, kuti tinofanira kudanana.” (1 Joh. 3:10, 11) Kudanana uye kubatana kwakaita Zvapupu zvaJehovha kunoita kuti zvinyatsova pachena kuti ivo ndivo vateveri vaKristu vechokwadi, vaya vari kuita basa raMwari rokuparidza mashoko akanaka munyika yose.—Mat. 24:14.

KUUNGANIDZWA ‘KWEBOKA GURU’

12, 13. “Boka guru” revanhu riri kuitei iye zvino, uye richaitirwei munguva pfupi iri mberi?

12 Pavashumiri vaJehovha varipo mazuva ano, vakawanda vacho ‘ndeveboka guru, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.’ Vakamira “pamberi pechigaro choumambo [chaMwari] nepamberi peGwayana [Jesu Kristu].” Vanhu ava ndivanaani? “Ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru, uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” Izvi vanozviita nokutenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu. Vaya vari ‘muboka guru’ iro riri kuwedzera kukura, vanoda Jehovha neMwanakomana wake uye “vari [kuitira Mwari] basa dzvene masikati nousiku.”—Zvak. 7:9, 14, 15.

13 Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achaparadza nyika ino yakaipa ‘pakutambudzika kukuru.’ (Mat. 24:21; verenga Jeremiya 25:32, 33.) Asi kuda kunoita Jehovha vashumiri vake kuchaita kuti avanunure seboka, ovapinza munyika itsva yake. Sezvakataurwa makore anoda kusvika 2 000 akapfuura, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Unotarisirawo here kuzogara muParadhiso ‘zvinhu zvokutanga pazvinenge zvapfuura’?—Zvak. 21:4.

14. Boka guru revanhu rakura sei?

14 Pakatanga mazuva ekupedzisira muna 1914, kwaingova nezviuru zvishoma zvevaKristu vakazodzwa vaishumira Jehovha munyika yose. Kuda muvakidzani uye kubatsirwa kwavaiitwa nemudzimu mutsvene waMwari, kwakaita kuti vaKristu ava varambe vachiita basa rokuparidza Umambo pasinei nematambudziko avaisangana nawo. Izvi zviri kuita kuti boka guru revaya vane tariro yekurarama panyika riunganidzwe. Kwava neZvapupu zvinenge 8 000 000 zviri muungano dzinopfuura 115 400 munyika yose, uye zviri kutoramba zvichiwedzera. Somuenzaniso, mugore rebasa ra2014 vanhu vanopfuura 275- 500 vakabhabhatidzwa. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanenge 5 300 vaibhabhatidzwa vhiki yoga yoga.

15. Basa rokuparidza Umambo rafambira mberi zvakadii?

15 Kufambira mberi kuri kuita basa rokuparidza Umambo kunoshamisa chaizvo. Mabhuku edu ava kubudiswa mumitauro inopfuura 700.Nharireyomurindi ndiyo magazini inonyanya kuparadzirwa munyika yose. Makopi anopfuura 52 000 000 ari kuprindwa mwedzi nemwedzi mumitauro 247. Makopi anopfuura 200 000 000 ebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? iro ratinoshandisa pakudzidza nevanhu Bhaibheri, akaprindwa mumitauro inopfuura 250.

16. Nei sangano raJehovha riri kuramba richikura?

16 Kukura kwatiri kuona kuri kuita sangano kunobva pakuti tinotenda muna Mwari uye tinobvuma kuti Bhaibheri iShoko rake rakafemerwa. (1 VaT. 2:13) Chinotonyanya kushamisa ndechokuti vanhu vaJehovha vari kufambira mberi mune zvekunamata pasinei nokuvengwa uye kupikiswa kwavari kuitwa naSatani, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—2 VaK. 4:4.

GARA UCHIRATIDZA KUTI UNODA VAMWE

17, 18. Tinofanira kuona sei vanhu vasinganamati Mwari wechokwadi?

17 Vashumiri vaJehovha vanofanira kuona sei vaya vasinganamati Mwari wechokwadi? Patinenge tichiparidza, tinosangana nevanhu vakasiyana-siyana. Vamwe vanofarira mashoko edu, asi vamwe vanotigumbukira. Pasinei nezvinoitwa nevanhu, Shoko raMwari rinotiudza zvatinofanira kuita. Rinoti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaK. 4:6) Patinenge tichidzivirira kutenda kwedu kumunhu wose anenge atibvunza chikonzero chetariro yatinayo, tinoita “izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru” nokuti tinoda muvakidzani wedu.—1 Pet. 3:15.

18 Kunyange tikapopoterwa nasaimba anenge asingadi kuparidzirwa, tinongoramba tichida muvakidzani wedu. Tinotevedzera zvaiitwa naJesu. “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya [Jehovha] anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:23) Patinenge tiine vamwe vaKristu kana kuti tiine vamwewo vanhu, tinozvininipisa uye tinoshandisa zano iri rokuti: ‘Musatsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka, asi, panzvimbo paizvozvo mukomborere.’—1 Pet. 3:8, 9.

19. Jesu akati tinofanira kubata sei vanotipikisa?

19 Vashumiri vaJehovha pavanoramba vachizvininipisa, vanenge vachiteerera zano rinokosha rakataurwa naJesu. MuMharidzo yake yepaGomo, akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mat. 5:43-45) Saka sevashumiri vaMwari, tinofanira kudzidza ‘kuda vavengi vedu,’ pasinei nezvavanotiitira.

20. Tinoziva sei kuti kuda Mwari nomuvakidzani kuchange kwazara munyika yose? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

20 Vanhu vaJehovha vanofanira kuratidza kuti vanoda Jehovha nemuvakidzani pane zvose zvavanoita muupenyu. Somuenzaniso, kunyange vamwe vakasateerera shoko roUmambo ratinenge tichiparidza, tinoratidza kuti tinovada nokuvabatsira pavanenge vachida rubatsiro. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musambova nechikwereti chero nomunhu upi zvake, kunze kwokudanana; nokuti iye anoda mumwe wake azadzika mutemo. Nokuti bumbiro remitemo rinoti, ‘Usaita upombwe, usaponda, usaba, usachochora,’ uye mimwe mirayiro yose iripo, inobatanidzwa mushoko iri rokuti, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzika kwomutemo.” (VaR. 13:8-10) Sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha, tinoratidza rudo rwechokwadi munyika ino isina kubatana, ine chisimba uye yakaipa iri kutongwa naSatani. (1 Joh. 5:19) Rudo ruchazara munyika yose Jehovha paachaparadza Satani nemadhimoni ake, nenyika ino yakaipa. Iyi ichava nguva inofadza chaizvo vanhu vose pavanenge vava kuda Jehovha nomuvakidzani.