Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ndiMwari Werudo

Jehovha ndiMwari Werudo

“Mwari rudo.”—1 JOH. 4:8, 16.

NZIYO: 18, 91

1. Ndeupi unhu hwaMwari hunopfuura humwe hwose, uye kuziva izvozvo kunoita kuti unzwe sei nezvake?

BHAIBHERI, Shoko raJehovha rakafemerwa rinoti, “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Izvozvo zvinomborevei? Mwari ane unhu hwakawanda hwakanaka, asi paunhu ihwohwo, rudo ndirwo rwunopfuura humwe hwose. Hakusi kungoti ane rudo chete asi iye wacho ndiye rudo. Zvose zvaanoita zvinotungamirirwa nerudo rwake. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti Musiki wezvinhu zvose ndiMwari werudo!

2. Rudo rwaMwari runoita kuti tive nechivimbo chei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Rudo rwaMwari runoita kuti tive nechivimbo chokuti achanyatsozadzisa zvose zvaakativimbisa uye izvozvo zvichabatsira munhu wose anenge achitongwa naye. Somuenzaniso, rudo rwaJehovha rwakaita kuti atare “zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza,” Jesu Kristu. (Mab. 17:31) Tine chokwadi chokuti zuva iroro richasvika. Vanhu vakarurama uye vanoteerera vachawana makomborero, uye makomborero aya acharamba aripo nokusingaperi.

NHOROONDO YEVANHU INORATIDZEI?

3. Unofunga kuti upenyu hwaizenge hwakaita sei kudai Mwari asina rudo nevanhu?

3 Chimbofungidzira kuti upenyu hwaizenge hwakaita sei kudai Mwari asina rudo nevanhu. Vanhu vaizongoramba vachitongwa nevamwe vanhu, vachitungamirirwa namwari wenyika ino asina rudo uye akatsamwa kwazvo, Satani Dhiyabhorosi. (2 VaK. 4:4; 1 Joh. 5:19; verenga Zvakazarurwa 12:9, 12.) Saka kudai Mwari asina rudo nevanhu, ramangwana ringadai risina kujeka.

4. Nei Jehovha akarega vanhu vachipandukira utongi hwake hwakarurama?

4 Dhiyabhorosi paakapandukira utongi hwaJehovha, akafurirawo murume nomukadzi vokutanga. Satani akashora kodzero yaMwari yokutonga uye kururama kwoutongi hwake. Aitoti utongi hwake iye hwaizova nani kupfuura hwoMusiki. (Gen. 3:1-5) Kunyange zvazvo Jehovha akapa Satani mukana wokuti aratidze matongero ake, utongi hwake hahusi kuzoramba huripo. Nemhaka youchenjeri hwake, Jehovha akabvumira kuti pave nenguva yakakwana yokuti zvinyatsova pachena kuti hapana anogona kutonga kunze kwake. Nhoroondo yevanhu inonyatsoratidza kuti Satani haakwanisi kutonga zvakanaka uye kuti vanhu havakwanisiwo kutonga zvakanaka.

5. Zvakaitika munhoroondo yevanhu zvinonyatsoratidzei?

5 Makore 100 chete apfuura, vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakaurayiwa muhondo. Mazuva ano, zvinhu zviri kuramba zvichiwedzera kuipa. Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa neShoko raMwari kuti zvaizoitika “mumazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu epanguva ino parinoti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.” (2 Tim. 3:1, 13) Zvakaitika munhoroondo yevanhu zvinonyatsoratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Jehovha akasika vanhu vasingakwanisi kuzvitonga uye vasina kodzero yokuzvitonga, asi vanotoda kutungamirirwa naye.

6. Kubvumira kunoita Mwari kuti uipi humboramba huripo kunobatsirei?

6 Kubvumira kunoita Mwari kuti uipi humboramba huripo kunewo zvimwe zvakunobatsira. Kunopawo uchapupu hwokuti utongi hwaMwari ndihwo chete hwakanaka. Jehovha paanenge aparadza vakaipa, kana zvikaitika kuti pane apandukira zvakare utongi hwake, panenge pasisina chikonzero chokuti abvumire kuti nguva imbopfuura kuti aratidzezve kuti utongi hwake hwakarurama. Pakadaro, anobva angoparadza mhandu idzodzo sezvo vanhu vose vanenge vava kuziva zvakamboitika munhoroondo yevanhu. Haazombobvumiri kuti panyika pave nouipi zvakare.

JEHOVHA AKATORATIDZA RUDO RWAKE

7, 8. Ndedzipi dzimwe nzira idzo Jehovha akaratidza nadzo rudo rwake rukuru?

7 Jehovha akaratidza rudo rwake nenzira dzakawanda. Somuenzaniso, funga nezvekushamisa kunoita zvinhu zvaakasika. Akasika nyeredzi nemapuraneti zvakawanda zviri mumapoka mapoka anonzi magalaxy. Kune mabhiriyoni emagalaxy iwayo, uye galaxy rimwe nerimwe rine mabhiriyoni enyeredzi nemapuraneti. MuMilky Way galaxy (ratinoti gwara renzou) ndimo mune nyeredzi yatinoti zuva. Kudai zuva risipo, zvinhu zvipenyu zvose zviri panyika zvingadai zvisipo. Zvinhu zvose izvi zvakasikwa zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari ane simba, uchenjeri uye rudo. Saka “izvo zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.”—VaR. 1:20.

8 Jehovha akasikawo zvinhu zvakawanda panyika zvinoita kuti zvinhu zvipenyu zviripo zvirambe zvichirarama. Akasikira vanhu paradhiso yakanaka chaizvo uye akavapa miviri nepfungwa zvakakwana zvokuti vararame nokusingaperi. (Verenga Zvakazarurwa 4:11.) Uyewo, ‘anopa zvokudya kuzvipenyu zvose, nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.’—Pis. 136:25.

9. Kunyange zvazvo Jehovha ari Mwari werudo, anonzwa sei vanhu pavanoita zvakaipa, uye nei achinzwa saizvozvo?

9 Kunyange zvazvo Jehovha ari Mwari werudo, anotaurawo kuti anovenga zvakaipa. Somuenzaniso, Pisarema 5:4-6 rinoti nezvaJehovha: “Hamusi Mwari anofarira zvakaipa . . . Munovenga vose vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza.” Pisarema racho rinowedzera kuti: “Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.”

UIPI HWAVA KUZOPERA

10, 11. (a) Jehovha achaita sei nevanhu vakaipa? (b) Jehovha achapa vanhu vakarurama mubayiro wei?

10 Panguva yake yakakodzera, Jehovha achabvisa uipi kwose kwose nokuti ndiMwari ane rudo uye anovenga zvakaipa. Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika. Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve . . . Vavengi vaJehovha vachaita sokunaka kwemafuro; vachapera. Vachaperera muutsi.”—Pis. 37:9, 10, 20.

11 Asiwo Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pis. 37:29) Vanhu ivavo “vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pis. 37:11) Izvozvo zvichaitika nokuti Mwari agara achiita zvakanakira vashumiri vake vakatendeka. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvak. 21:4) Chokwadi vaya vanoonga rudo rwaJehovha uye vanomuteerera soMutongi wavo, vane ramangwana rakanaka chaizvo!

12. “Munhu asina chaanopomerwa” akaita sei?

12 Shoko raJehovha rinoti: “Cherechedza munhu asina chaanopomerwa, urambe uchiona munhu akarurama. Nokuti nguva yemberi yomunhu iyeye ichava norugare. Asi vadariki vachatsakatiswa pamwe chete; nguva yemberi yevanhu vakaipa ichagumiswa.” (Pis. 37:37, 38) Anonzi “munhu asina chaanopomerwa” ndeuya anoziva Jehovha neMwanakomana wake uye anoita kuda kwaMwari. (Verenga Johani 17:3.) Munhu iyeye anofungisisa mashoko ari pana 1 Johani 2:17 anoti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” Sezvo mugumo wenyika ino wava pedyo, zvinokosha chaizvo kuti ‘titarisire kuna Jehovha uye tofamba munzira yake.’—Pis. 37:34.

CHINHU CHIKURU CHINORATIDZA KUTI MWARI ANOTIDA

13. Chinhu chipi chikuru chinoratidza rudo rwaJehovha chaakaitira vanhu vane chivi?

13 Kunyange zvazvo tiri vanhu vane chivi, tinokwanisa ‘kufamba munzira yaJehovha.’ Tinokwanisawo kuva neushamwari hwepedyo naJehovha nemhaka yerudo rukuru rwaakatiratidza. Akatipa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, zvichiita kuti pave nemukana wokuti vanhu vanoteerera vasunungurwe pachivi norufu zvakabva kuna Adhamu. (Verenga VaRoma 5:12; 6:23.) Jehovha ainyatsovimba neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, uyo ainge aratidza kuti akatendeka kwaari kwemakore asingaverengeki ari kudenga. SaBaba vane rudo, Mwari akarwadziwa chaizvo achiona Mwanakomana wake Jesu achibatwa zvisina kunaka panyika. Zvisinei, Jesu akatsigira utongi hwaMwari uye akaratidza kuti munhu asina chivi anogona kuramba akatendeka kuna Jehovha pasinei nokuti asangana nemuedzo wakakura sei.

Rudo ndirwo rwakaita kuti Mwari atume Mwanakomana wake panyika uye Mwanakomana wacho akabvuma nemwoyo wose kuuya panyika (Ona ndima 13)

14, 15. Rufu rwaJesu rwakabatsira sei vanhu?

14 Jesu akaramba akatendeka paaiva mumiedzo yakakura chaizvo uye akatsigira utongi hwaJehovha zvokuti akasvika pakufa akavimbika kuna Baba vake. Tinotenda chaizvo kuti Jesu paakafa akabhadharawo rudzikinuro rwaidiwa, akaita kuti tive nemukana wokuwana upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari! Muapostora Pauro akataura kuti izvi zvakaratidza rudo rukuru runa Jehovha naJesu, paakati: “Chokwadi, patakanga tichiri vanhu vasina simba, Kristu akafira vanhu vasingadi Mwari panguva yakatarwa. Nokuti kashoma kuti mumwe munhu afire munhu akarurama; zvichida, mumwe munhu angatotsunga kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:6-8) Muapostora Johani akanyora kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye. Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.”—1 Joh. 4:9, 10.

15 Achitaura nezvekudiwa kunoitwa vanhu naMwari, Jesu akati: “Mwari akada nyika [vanhu vanobvuma kudzikinurwa] kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Mwari ane rudo rukuru nevanhu zvokuti haambovanyimi zvinhu zvakanaka pasinei nokuti anorasikirwa zvakadii. Rudo rwake harumboperi. Pauro akanyora kuti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaR. 8:38, 39.

IYE ZVINO UMAMBO HURI KUTOTONGA

16. Umambo hwaMesiya chii, uye ndiani akagadzwa naJehovha kuti ave Mutongi weUmambo hwacho?

16 Urongwa hwakaitwa naMwari hwokuti pave neUmambo hwaMesiya hunoratidza kuti ane rudo. Jehovha akatogadza Mwanakomana wake uyo anoda vanhu uye anonyatsokodzera kutonga, kuti ave mutungamiriri wehurumende yacho. (Zvir. 8:31) Mwari akasarudzawo vane 144 000 kuti vanotonga naKristu kudenga. Pavanomutswa, vanenge vachiri kuyeuka zvinhu zvavaisangana nazvo vachiri panyika. (Zvak. 14:1) Jesu paaidzidzisa, ainyanya kutaura nezveUmambo uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:9, 10) Tinotarisira kuona minyengetero iyi ichipindurwa, Umambo hwaMwari pahuchaunza makomborero akawanda kuvanhu vanoteerera.

17. Taura musiyano uri pakati peutongi hwaJesu nehwevanhu vane chivi.

17 Utongi hwaJesu hwokudenga kwakasiyana chaizvo nehwevanhu uhwo hwaurayisa mamiriyoni evanhu muhondo. Jesu ane hanya chaizvo nevanhu vaanotonga, uye anoratidza unhu hwaMwari hwakanaka chaizvo kunyanya rudo. (Zvak. 7:10, 16, 17) Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Iyi ivimbiso yakazonaka!

18. (a) Zvii zviri kuitwa neUmambo hwaMwari kubvira pahwakagadzwa? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Uprofita huri muBhaibheri hunoratidza kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga kudenga muna 1914. Kubvira ipapo, vaKristu vakazodzwa vachiri panyika vari kuunganidzwa kuti vazotonga naJesu kudenga uyewo pari kuunganidzwa “boka guru revanhu” vachapona pachaguma nyika ino vopinda munyika itsva. (Zvak. 7:9, 13, 14) Boka guru iri rakura zvakadii iye zvino? Mwari anoda kuti vaya vanoumba boka iri vaitei? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.