Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashumire Jehovha

Dzidzisai Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashumire Jehovha

“Jesu akaramba achifambira mberi pakuchenjera nokukura mumuviri uye achidiwa naMwari nevanhu.”—RUKA 2:52.

NZIYO: 41, 89

1, 2. (a) Vamwe vabereki vanonetseka nei kana vana vavo vava mumazera okuyaruka? (b) VaKristu vechidiki vanokwanisa kuitei munguva yavo yokuyaruka?

VABEREKI vechiKristu vanofara chaizvo pavanoona mwana wavo achibhabhatidzwa. Imwe hanzvadzi inonzi Berenice iyo ine vana vana vakabhabhatidzwa vasati vasvitsa makore 14 yakati: “Taifara chaizvo asi taivawo nekakunetseka. Vana vedu vakanga varatidza kuti vanoda kushumira Jehovha, asi taizivawo kuti vaizosangana nemiedzo yakawanda mukukura kwavo.” Kana uine mwana ari pazera rokuyaruka kana kuti ava kuda kusvika zera iroro, zvimwe unonzwisisa manzwiro aBerenice.

2 Imwe nyanzvi inoongorora nezvekuyaruka kwevana yakataura kuti nguva yokuyaruka inogona kuomera vabereki uye mwana wacho. Asi yakataurawo kuti vabereki havafaniri kubva vaona sokuti vana vavo vava kupengereka kana kuti vari kuramba vaine pfungwa dzoudiki. Nguva iyoyo ndiyo yavanotanga kubudisa manzwiro avo, kudzidza kuita tunhu twakasiyana-siyana, uye ndipo pavanotanga kufarira kugara vaine shamwari dzavo. Pazera iroro rokuyaruka, vana vako vanogona kutanga kuva neushamwari hwakasimba naJehovha, kuva nezvinangwa muushumiri uye vanogona kusarudza kuzvitsaurira kuna Jehovha vorarama zvinoenderana nekuzvitsaurira kwavo. Vanokwanisawo kukura pakunamata sezvakaita Jesu paaiva muduku. (Verenga Ruka 2:52.) Iwe semubereki, ungaitei kuti udzidzise mwana wako panguva iyoyo yokuyaruka? Unogona kutevedzera zvakaitwa naJesu paaidzidzisa vadzidzi vake achiratidza rudo, kuzvininipisa, uye uchenjeri.

IDA MWANA WAKO

3. Nei Jesu akati vaapostora vake vaiva shamwari dzake?

3 Jesu aiva Tenzi wevaapostora vake asi aivawo shamwari yavo. (Verenga Johani 15:15.) Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vanatenzi vakanga vasingawanzoudza varanda vavo zvinhu zvaiva pasi pemwoyo. Asi Jesu akanga asingabati vaapostora vake sevaranda. Aivawanira nguva, aivaudza zviri pasi pemwoyo, uye ainyatsovateerera pavaidurura mwoyo yavo kwaari. (Mako 6:30-32) Kukurukura kwaiita Jesu nevaapostora vake kwakaita kuti vave neushamwari hwepedyo uye kwakaita kuti vaapostora ivavo vazokwanisa kuita basa raiva mberi.

4. Vabereki, mungaitei kuti muve shamwari dzevana venyu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Michael uyo ane vana vaviri akati: “Hatisi vezera rimwe chete nevana vedu, asi tinogona kuva shamwari dzavo.” Shamwari dzinowanirana nguva. Zvimwe unogona kuti deredzei nguva yaunopedza uri kubasa kana kuti uchiita zvimwe zvinhu kuti uwanire vana vako nguva. Iyi inyaya inokosha inotoda kuti unyengetere uye ufungisise nezvayo. Shamwari dzinowanzofarira zvinhu zvimwe chete. Saka edza kunakidzwawo nezvinhu zvinonakidza mwana wako zvakadai semimhanzi, mafirimu kana kuti mimwewo mitambo. Ilaria, uyo anogara kuItaly akati: “Vabereki vangu vaifarirawo mimhanzi yandaifarira, zvokuti baba vangu vakapedzisira vatova shamwari yangu yepamwoyo uye hapana chandainyara kuvaudza.” Kana ukava shamwari yemwana wako uchimubatsira kuti ave ‘neushamwari hwepedyo naJehovha,’ hazvirevi kuti watorasikirwa nenzvimbo yako semubereki. (Pis. 25:14) Asi unenge uchiratidza kuti unoda mwana wako uye unomuremekedza. Izvi zvichaita kuti atowedzera kunzwa akasununguka kukuudza zvinomuremera.

5. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vanakidzwe nekuita basa raJehovha?

5 Jesu aiziva kuti kana vadzidzi vake vakashingaira mubasa raJehovha uye vakaramba vachiparidza mashoko akanaka, vaizowana mufaro wechokwadi. Saka akavakurudzira kuti vashande nesimba pabasa rokuparidza uye akavavimbisa kuti aizovabatsira.—Mat. 28:19, 20.

6, 7. Nei zvichikosha kuti vabereki vave nepurogiramu yakarongeka yokuita zvinhu zvokunamata nevana vavo?

6 Semubereki, unoda kuti vana vako vari kuyaruka varambe vakasimba pakunamata. Uye Mwari anoda kuti uvarere “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Saka iva nechokwadi chokuti uri kugara uchidzidza nevana vako nokuti Mwari akakupa basa iroro. Funga izvi: Unova nechokwadi chokuti vana vako vaenda kuchikoro nokuti unoziva kuti dzidzo yavanowana inokosha, uye unoda kuti vave nechido chokudzidza zvimwe zvinhu. Vabereki vane rudo vanovawo nechokwadi chokuti vana vavo vari kubatsirwa “nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha” pamisangano, uye pane zvimwewo zvinhu zvine chokuita nokunamata. Unoziva kuti dzidzo inobva kuna Mwari inokosha, saka unoedza nepaunogona napo kuti vana vako vade zvokunamata uye vazive kuti Jehovha anovadzidzisa kuti vave vakachenjera. (Zvir. 24:14) Jesu akabatsira vadzidzi vake, saka iwewo unogona kubatsira vana vako vari kuyaruka kuti vanakidzwe neushumiri kana ukaita kuti vave nechido chokudzidzisa vamwe Shoko raMwari uye ukavabatsira kuti varambe vaine purogiramu yakarongeka yokubuda muushumiri.

7 Kuva nepurogiramu yakarongeka yokunamata kungabatsira sei vana venyu vari kuyaruka? Erin uyo anogara kuSouth Africa akati: “Pataiva vana, taiwanzogunun’una kana tava kuda kudzidza Bhaibheri, kuenda kumisangano uye kunoparidza. Dzimwe nguva taiita zvinhu zvokungovhiringa patinenge tichidzidza semhuri tichingoda kuti kudzidza kwacho kurege kuitwa. Asi vabereki vedu havana kumboneta.” Erin anowedzera kuti: “Zvavaiita izvozvo zvakandibatsira kuti nditsunge kuita zvandinenge ndakaronga. Kana pakava nechinovhiringidza purogiramu yangu yokunamata, ndinonzwa ndichida kukurumidza kudzokera pairi. Handifungi kuti ndaizokwanisa kuita izvi kudai vabereki vangu vasina kuramba vakasimba pakutevedzera purogiramu yavainge vakaronga yokunamata. Kudai vaingobvuma zvose zvataida, iye zvino ndingadai ndichingorovha misangano pandadira kana kuti ndichingorega kuita zvimwe zvinhu zvokunamata.”

ZVININIPISE

8. (a) Jesu akaratidza sei kuti aizvininipisa? (b) Kuzvininipisa kwaJesu kwakabatsira sei vadzidzi vake?

8 Jesu akanga asina chivi, asi akaratidza kuti aizvininipisa uye aivimba naJehovha. (Verenga Johani 5:19.) Kuzvininipisa kwaiita Jesu kwakaita kuti vadzidzi vake varege kumuremekedza here? Aiwa. Kwakatoita kuti vawedzere kuvimba naye. Vadzidzi vaJesu vakazotevedzerawo kuzvininipisa kwaaiita.—Mab. 3:12, 13, 16.

9. Kukumbira ruregerero uye kubvuma kuti une zvausingakwanisi, kunobatsira sei vana vako vari kuyaruka?

9 Tine zvinhu zvakawanda zvatisingakwanisi kuita uye takasiyana naJesu pakuti tiri vanhu vane chivi uye tinokanganisa. Bvuma kuti une zvausingakwanisi kuita uye kana paine zvawakanganisa, bvuma kuti wakanganisa. (1 Joh. 1:8) Ndeupi maneja waunganyanya kuremekedza? Uya anobvuma kana aine zvaakanganisa here, kana kuti uya asingakumbiri ruregerero? Kana mwana wako akakunzwa uchikumbira ruregerero, anobva awedzerawo kukuremekedza. Anogona kutodzidzawo kubvuma zvikanganiso zvake. Rosemary uyo akayarutsa vana vatatu anoti: “Taibvuma zvataikanganisa uye izvozvo zvaiita kuti vana vedu vanzwe vakasununguka kutaura nesu kana vaine dambudziko ravasangana naro. Taiziva kuti tinewo zvatisingakwanisi kuita, saka takadzidzisa vana vedu kuti vangawana kupi mazano anonyatsogadzirisa matambudziko avo. Pavaida rubatsiro, taigara tichivaudza kuti vashandise mabhuku esangano uye tainyengetera navo.”

10. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa paaiudza vateveri vake zvokuita?

10 Jesu aiva nemasimba okuudza vateveri vake zvokuita. Asi aizvininipisa, saka kakawanda kacho aivaudza kuti nei vaifanira kuita zvaaivarayira. Somuenzaniso, haana kungogumira pakuudza vateveri vake kuti vatange kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari, asi akavaudzawo kuti: “Uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Pashure pokunge ati, “Regai kutonga,” Jesu akapa chikonzero chacho achiti: “Kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako.”—Mat. 6:31–7:2.

11. Nei kuri kuchenjera kuti pose pazvinoita mutsanangurire mwana wenyu zvaita kuti mugadze mutemo kana kuti musarudze kuita chimwe chinhu?

11 Pazvinenge zvakakodzera, tsanangurai kuti nei magadza mumwe mutemo kana kuti nei masarudza kuita chimwe chinhu. Kana mwana wenyu ari kuyaruka akanzwisisa mafungiro enyu panyaya yacho, achakuteererai zvichibva pamwoyo. Barry uyo akarera vana vana anoti: “Kuudza vana venyu zvikonzero kunovabatsira kuti vavimbe nemi nokuti vanoona kuti mitemo yamunovaisira haisi yekuvaomesera uye hamungoichinji-chinji pasina chikonzero chine musoro, asi munoiisa nokuti ine zvayakanakira.” Yeukaiwo kuti mwana anenge ari pazera rokuyaruka anenge achitokurawo kuva munhu mukuru anokwanisa kushandisa ‘simba rake rokufunga.’ (VaR. 12:1) Barry anoti: “Vana vari kuyaruka vanofanira kudzidza kuita zvisarudzo zvine musoro zvichibva pakushandisa pfungwa kwete pamanzwiro avanenge vachiita mumwoyo.” (Pis. 119:34) Kana mukaudza mwana wenyu kuti nei masarudza kuita chimwe chinhu, achazviona kuti muri kumuremekedza uye muri kuona kuti ari kukura.

ZIVA MWANA WAKO UYE MUNZWISISE

12. Jesu akashandisa sei uchenjeri paakabatsira Petro?

12 Jesu aiva neuchenjeri uye anzwisisa paida kubatsirwa vadzidzi vake. Somuenzaniso, Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti aizourayiwa, Petro akamuudza kuti azvinzwire tsitsi kuti asaurayiwe. Jesu aiziva kuti Petro aimuda, asi akaonawo kuti mafungiro ake ainge asina kururama. Kuti abatsire Petro nevamwewo vadzidzi, Jesu akatsiura Petro, akataura zvazvakaipira kuti munhu azvinzwire tsitsi, uye akataura makomborero anobva pakuva munhu anozvipira. (Mat. 16:21-27) Petro akabatsirwa chaizvo nokururamiswa kwaakaitwa naJesu.—1 Pet. 2:20, 21.

13, 14. (a) Ungaziva sei kana kutenda kwemwana wako kusisina kusimba? (b) Ungashandisa sei uchenjeri kuti unzwisise mwana wako uye umubatsire?

13 Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe uchenjeri hwokuziva kuti mwana wako anoda kubatsirwa papi. (Pis. 32:8) Somuenzaniso, ungaziva sei kana kutenda kwemwana wako kusisina kusimba? Zvimwe haachanyanyi kufara, ava kungotaura zvakaipa nezvehama nehanzvadzi, kana kuti ava kukuvanzirai zvimwe zvinhu. Musakurumidza kufunga kuti ari kuita chimwe chinhu chakaipa chaizvo chaari kukuvanzirai. * Asi musafunga kuti zvaari kuita zvichangopera zvega nekukura.

Batsira mwana wako kuti atsvake shamwari muungano yechiKristu (Ona ndima 14)

14 Mubvunzei zvakanaka-naka uye zvine ruremekedzo sezvaiita Jesu. Kana uchichera mvura mutsime, unodhonza tambo yacho zvakanaka-naka kuitira kuti imwe mvura yacho isarasika. Saka pamunenge muchibvunza mwana wenyu ivaiwo nemwoyo murefu uye musamumanikidza kutaura nokuti haazokuudzii zvose zvaanofunga uye manzwiro ake. (Verenga Zvirevo 20:5.) Ilaria ambotaurwa anoti: “Pandainge ndichiri kuyaruka, ndainetseka kuti ndoita zvipi, zvokunamata here kana kuti kupedza nguva ndiine vamwe vandaidzidza navo kuchikoro. Vabereki vangu vakaona kuti ndine zvaindishungurudza. Rimwe zuva ari manheru, vakataura kuti vaiona kuti ndainge ndisiri kunyatsofara, uye vakandibvunza kuti ndainetsekana nei. Ndakabva ndatanga kuchema, ndikavaudza zvaindinetsa uye ndakakumbira kuti vandibatsire. Vakandimbundira, vakandiudza kuti vainyatsonzwisisa manzwiro andaiita uye vakati vaizondibatsira.” Vabereki vaIlaria vakabva vatanga kumubatsira kuti awane shamwari dzakanaka muungano.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jesu aiva neuchenjeri.

15 Jesu akaratidzawo uchenjeri nokuti aiziva kuti vadzidzi vake vanoda kubatsirwa papi uye kuti ndezvipi zvavainyatsogona. Somuenzaniso, Natanaeri paakanzwa kuti Jesu aibva kuNazareta, akati: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” (Joh. 1:46) Kudai waivapo uchinzwa Natanaeri achitaura mashoko aya, waizomuti munhu akaita sei? Waizomuti munhu anoshora vamwe here, ane rusaruro here, kana kuti asina kutenda? Jesu akanyatsoratidza uchenjeri uye akatarisa zvakanaka zvaiitwa naNatanaeri. Akamuti aiva ‘muIsraeri asina unyengeri.’ (Joh. 1:47) Jesu aikwanisa kuona zviri pamwoyo, uye izvozvo ndizvo zvaiita kuti aone unhu hwakanaka hwaiva nevamwe.

16. Ungabatsira sei mwana wako ari kuyaruka kuti arambe achiwedzera pane zvakanaka zvaari kuita?

16 Haukwanisi kuona zviri pamwoyo sezvaiita Jesu, asi Mwari anogona kukupa uchenjeri. Uchashandisa uchenjeri ihwohwo kuti uone zvinhu zvakanaka zvinoitwa nemwana wako ari kuyaruka here? Kunyange kana mwana wako akaita chinhu chinokugumbura, usabva wamuona semunhu akatoipa. Hautombofaniri kuva nekapfungwa ikako. Asi muudze kuti unovimba naye uye unoziva kuti anoda chaizvo kuita zvakanaka. Kana ukaona zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti ari kufambira mberi, ibva wamurumbidza. Mubatsire kuti arambe achiwedzera pane zvakanaka zvaari kuita. Unogona kuita izvi nokumupa zvimwe zvinhu zvokuita. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu kuvadzidzi vake. Papfuura gore nehafu aonana naNatanaeri (uyo anonziwo Bhatoromeyo), Jesu akamusarudza kuti ave muapostora uye Natanaeri akaratidza kuti aiva muKristu anoshingaira. (Ruka 6:13, 14; Mab. 1:13, 14) Kurumbidza mwana wako uye kumukurudzira kuchamubatsira kuti asaona sokuti munhu uya anongokundikana kuita zvaanotarisirwa kuti aite, asi kuti atoriwo muKristu akakodzera kupiwa mabasa naJehovha.

KUDZIDZISA VANA VAKO KUCHAITA KUTI UFARE CHAIZVO

17, 18. Kana ukaramba uchibatsira mwana wako ari kuyaruka kuti ashumire Jehovha, zvinogona kuzoguma nei?

17 Paunenge uchirera vana vako, dzimwe nguva unogona kuva nemanzwiro akafanana neomuapostora Pauro uyo akava sababa kune vakawanda. Akasangana ‘nematambudziko uye airwadziwa mwoyo kwazvo’ nokuti ‘aida chaizvo’ vaKristu vaiva muKorinde avo vaaiona sevana vake. (2 VaK. 2:4; 1 VaK. 4:15) Victor, uyo akarera vana vatatu akati: “Zvainge zvisiri nyore kurera vana vedu pavaiva mumakore okuyaruka. Asi kufara kwataiita navo kwaiita kuti tisanyanya kufunga nezvematambudziko ataisangana nawo. Jehovha akatibatsira kuti tive neushamwari hwepedyo nevana vedu.”

18 Ramba uchishanda nesimba kudzidzisa vana vako kuti vashumire Jehovha. Kana ukaratidza kuti unovada chaizvo, unogona kuzofara chaizvo kuvaona vachisarudza kushumira Jehovha uye vachiramba “vachifamba muchokwadi.”—3 Joh. 4.