Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha

Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha

JEHOVHA ndiMwari ane rupo. (Jak. 1:17) Kubvira kumatenga akazara nenyeredzi kusvika kuzvinhu zviri panyika, zvisikwa zvose zvaJehovha zvinoratidza kuti ane rupo.—Pis. 65:12, 13; 147:7, 8; 148:3, 4.

Munyori wepisarema aikoshesa Musiki wake zvakadzama zvekuti akasvika pakunyora rwiyo rwekurumbidza mabasa aJehovha. Verenga Pisarema 104, uone kana uchibvumirana nemaonero aaiita. Munyori wepisarema akati: “Ndichaimbira Jehovha muupenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu rwiyo chero bedzi ndichiri mupenyu.” (Pis. 104:33) Ndicho chido chakowo here?

MUENZANISO WAKANAKISISA WERUPO

Jehovha anoda kuti titevedzere muenzaniso wake werupo. Anotipawo zvikonzero zvakanaka zvekuti tive nerupo. Akafemera muapostora Pauro kunyora kuti: “Rayira vaya vakapfuma mumamiriro ezvinhu epanguva ino kuti varege kuzvikudza, uye kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare; kuti vaite zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka, kuti vave norupo, vanoda kugovana, vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Tim. 6:17-19.

Pauro paakanyora tsamba yake yechipiri kuvaKorinde, akasimbisa maonero atinofanira kuva nawo panyaya yekupa. Pauro akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:7) Pauro akabva ataura nezvevaya vanobatsirwa nerupo runenge rwaratidzwa, kureva vacho vanenge vapiwa rubatsiro rwavanenge vachida; uye vanopa vacho vanokomborerwa naMwari pakunamata.—2 VaK. 9:11-14.

Pauro akapedzisa chikamu ichi chetsamba yake nekuratidza uchapupu hwakasimba hwekuti Mwari ane rupo. “Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki,” akanyora kudaro Pauro. (2 VaK. 9:15) Zviri pachena kuti chipo chaJehovha chinosanganisira zvinhu zvese zvakanaka zvaanoitira vanhu achishandisa Jesu Kristu. Chipo chacho chakakura zvekuti kukosha kwachinoita hakutsananguriki nemashoko.

Tingaratidza sei kuti tinoonga zvese zvatakaitirwa naJehovha neMwanakomana wake uye zvavachatiitira? Chimwe chatinogona kuita kutsigira kunamata kwakachena tichishandisa nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu, pasinei nekuti zvatiinazvo zvishoma here kana kuti zvakawanda.—1 Mak. 22:14; 29:3-5; Ruka 21:1-4.