Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Achakutsigira

Jehovha Achakutsigira

“Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere.”PIS. 41:3.

NZIYO: 23, 138

1, 2. Dzimwe nguva tinganetseka nei, uye vanhu vapi vemuBhaibheri vatinobva tafunga nezvavo?

PANE pawakambozvibvunza here kuti: ‘Ndichapora here?’ Ungangodaro wakambonetseka kuti hama yako kana shamwari yako ichapora here. Kana munhu akasangana nedambudziko reutano rakakura anonetseka. Izvi ndizvo zvakaitika kumadzimambo maviri akararama panguva yevaprofita Eriya naErisha. Mambo Ahaziya, uyo aiva mwanakomana waAhabhi naJezebheri, akadonha, akakuvara zvakaipisisa. Saka akabvunza kuti: ‘Ndichapora pakurwara uku here?’ Papera nguva, Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya akarwara chaizvo, uye akabvunza kuti: “Ndichapora here?”2 Madz. 1:2; 8:7, 8.

2 Patinorwara kana kuti patinorwarirwa tinotarisira kuti zvinhu zvichatifambira zvakanaka. Kunyange zvakadaro vamwe vanonetseka kuti Mwari achavabatsira sei. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akamboita zvishamiso zvekumutsa vanhu vakafa uye kurapa vairwara. (1 Madz. 17:17-24; 2 Madz. 4:17-20, 32-35) Pane chikonzero chekutarisira kuti angangoita zvinhu zvakaita saizvozvo here mazuva ano?

3-5. Mwari naJesu vane simba rekuita sei, uye izvi zvinomutsa mibvunzo ipi?

3 Hapana mubvunzo kuti Mwari ane simba rekuchinja utano hwemunhu. Bhaibheri rinotsigira izvozvo. Dzimwe nguva airanga vanhu nezvirwere, sezvaakaita kuna Farao panguva yaAbrahamu, uye zvaakazoita kuna Miriyemu hanzvadzi yaMosesi. (Gen. 12:17; Num. 12:9, 10; 2 Sam. 24:15) Mwari akanyevera vaIsraeri kuti kana vakasamuteerera aizoita kuti vave ‘nezvirwere nematambudziko.’ (Dheut. 28:58-61) Asi Jehovha aigonawo kubvisa zvirwere kana kudzivirira vanhu vake kuti vasarwara. (Eks. 23:25; Dheut. 7:15) Aigonawo kuporesa vanhu. Jobho paakarwara chaizvo zvekuti akafunga kuti kufa kuri nani, Mwari akamuporesa!—Job. 2:7; 3:11-13; 42:10, 16.

4 Hapana mubvunzo kuti Mwari ane simba rekuporesa munhu anenge achirwara. Mwanakomana wake anewo simba rakadaro. Bhaibheri rinoti Jesu akaita zvishamiso zvekurapa vaiva nemaperembudzi, vaiva nepfari, mapofu uye vainge vakaoma rutivi rwemuviri. (Verenga Mateu 4:23, 24; Joh. 9:1-7) Zvinotisimbisa chaizvo patinofunga kuti kuporeswa kwakaitwa vanhu naJesu kwaingova nzwisa yezvaachaita pasi rose munyika itsva. Panguva iyoyo “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isa. 33:24.

5 Asi tinofanira here kutarisira kuti Mwari kana Jesu aite zvishamiso zvekutirapa panguva ino? Tinofanira kufunga nezvei patinenge tichisarudza nzira dzekurapwa nadzo?

KUTSIGIRWA PAMUBHEDHA WEURWERE

6. Tinozivei ‘nezvezvipo zvekurapa’ zvaiva nevamwe vaKristu vekutanga?

6 Maererano nezviri muBhaibheri, tinoziva kuti panguva yevaapostora Mwari akaita kuti vamwe vaKristu vakazodzwa vaite zvishamiso. (Mab. 3:2-7; 9:36-42) “Zvipo zvakasiyana-siyana” zvemudzimu zvaivapo zvaisanganisira “zvipo zvokurapa.” (1 VaK. 12:4-11) Asi zvipo izvi nezvimwewo zvakadai sekutaura nendimi uye kuprofita, zvaizokurumidza kuguma. (1 VaK. 13:8) Nhasi hakuna zvipo zvakadaro. Saka hatina chikonzero chekutarisira kuti Mwari aite zvishamiso zvekutiporesa kana kuti zvekuporesa vaya vatinoda.

7. Pisarema 41:3 ine vimbiso ipi inokurudzira?

7 Kunyange zvakadaro, kana tikarwara, tinogona kutarisira kunyaradzwa, kupiwa uchenjeri uye kutsigirwa naMwari sezvaakaitira vanamati vechokwadi vekare. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera; Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko. Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu.” (Pis. 41:1, 2) Tinoziva kuti munguva yaDhavhidhi, munhu aifunga nezvemunhu akaderera aizongofa. Saka Dhavhidhi aisareva kuti munhu anofunga vamwe aizoitirwa chishamiso chekuti arambe achirarama nokusingaperi. Mashoko iwayo akafemerwa anogona kureva kuti Mwari aizobatsira munhu akanaka anofunga vamwe. Aizozviita sei? Dhavhidhi akatsanangura kuti: “Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere; muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.” (Pis. 41:3) Munhu aifunga nezvemunhu akaderera aigona kuva nechokwadi chekuti Mwari aicherechedza mabasa ake akanaka. Uye simba remuviri wake waakapiwa naMwari raigona kumubatsira kuti apore pakurwara kwake.

8. Maererano naPisarema 41:4, Dhavhidhi aida kuti Jehovha amuitirei?

8 Dhavhidhi akataura zvakaitika kwaari achiti: “ Ini ndakati: ‘Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha. Poresai mweya wangu, nokuti ndakakutadzirai.’” (Pis. 41:4) Dhavhidhi anofanira kunge akanyora mashoko iwayo paakanga achirwara uku Absaromu achiedza kumubvutira chigaro cheumambo. Pasinei nekuti akanga aregererwa naMwari, Dhavhidhi haana kukanganwa chivi chaakaita naBhati-shebha uye zvachakakonzera. (2 Sam. 12:7-14) Asi mambo wacho aiziva kuti Mwari aizomutsigira ari pamubhedha wourwere. Izvi zvaireva here kuti Dhavhidhi aikumbira kuti Mwari amuitire chishamiso chekumuporesa kana kuti chekumuwedzera mazuva ekurarama?

9. (a) Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvakasiyana papi nezvakaitika kuna Mambo Hezekiya? (b) Dhavhidhi aigona kutarisira chii kubva kuna Jehovha?

9 Makore akatevera, Mwari akasarudza kuporesa Mambo Hezekiya, uyo akanga ‘arwara zvokuda kufa.’ Hezekiya akapora akazorarama kwemakore 15. (2 Madz. 20:1-6) Asi Dhavhidhi haana kunyengeterera kuti Mwari aite chishamiso chekumuporesa. Bhaibheri rinoratidza kuti Dhavhidhi aikumbira Jehovha kuti amubatsire semabatsiriro aangaita munhu anobata vakaderera zvakanaka. Izvozvo zvaisanganisira kutsigirwa ari “pamubhedha wourwere.” Sezvo chivi chaDhavhidhi chakanga chakanganwirwa, akakumbira Mwari kuti amunyaradze, amutsigire uye kuti muviri wake uzviporere wega. (Pis. 103:3) Tinogona kunyengetererawo izvozvo.

10. Chii chakaitika kuna Trofimo naEpafrodhito, uye izvi zvinotidzidzisei?

10 Trofimo, uyo akashanda nemuapostora Pauro haanawo kuitirwa chishamiso chekuporeswa kana kuwedzerwa mazuva ekurarama. Tinoziva kuti Pauro akambopiwa simba rekuporesa vairwara. (Verenga Mabasa 14:8-10.) Akaporesa “baba vaPabriyo vakanga varere vachitambudzika nefivha nemanyoka.” Pauro “akanyengetera, akaisa maoko ake pavari, akavaporesa.” (Mab. 28:8) Asi, Pauro haana kuporesa Trofimo, uyo waakafamba naye parwendo rweumishinari. (Mab. 20:3-5, 22; 21:29) Trofimo paakarwara zvekuti akanga asingachakwanisi kuenda naPauro, muapostora wacho haana kumuporesa, asi akamusiya kuMireto kuti apore. (2 Tim. 4:20) Epafrodhito ‘paakarwara zvokuda kufa,’ hapana chinoratidza kuti Pauro ane simba raakashandisa kuti aporese shamwari yake.—VaF. 2:25-27, 30.

TORA MATANHO AKAKODZERA

11, 12. Nei Ruka akakwanisa kubatsira Pauro, uye zvii zvinoratidza Ruka aiva chiremba?

11 “Ruka, chiremba anodiwa,” munyori webhuku raMabasa, akafambawo naPauro. (VaK. 4:14; Mab. 16:10-12; 20:5, 6) Zvine musoro kuti titende kuti Ruka aipa Pauro mazano panyaya dzeutano uye aimurapa pamwe chete nevamwe vaiva muboka raaishanda naro. Nei Ruka aifanira kudaro? Nemhaka yekuti Pauro aimborwarawo pavaifamba. (VaG. 4:13) Ruka aigona kupa rubatsiro panyaya dzekurapa sezvakataurwa naJesu kuti: “Vakagwinya havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—Ruka 5:31.

12 Ruka akanga asiri munhuwo zvake asina kudzidza aingopa mazano panyaya dzeutano, asi aiva chiremba Bhaibheri haritauri kuti Ruka akadzidza zvekurapa kupi kana kuti riini. Asi rinotaura kuti Pauro akaudza ungano yeKorose kuti chiremba Ruka aivakwazisa. VaKorose vanogona kunge vaizivana naRuka sezvo zvichifungidzirwa kuti akadzidza pachikoro chezvekurapa chaiva pedyo navo muRaodhikiya. Chimwe chinoratidza kuti Ruka aiva chiremba ndechekuti paakanyora Evhangeri yake uye bhuku raMabasa, akashandisa mashoko ane chekuita nezvekurapa. Akanyorawo nhoroondo dzakawanda dzekurapwa kwakaitwa vanhu naJesu.

13. Tinofanira kuona sei mazano atinopiwa nevamwe?

13 Hatisi kurarama munguva yekuti vamwe vaKristu vanokwanisa kushandisa “zvipo zvokurapa” kuti vatiporese. Asi dzimwe hama dzinenge dzichifunga kuti dziri kubatsira, dzingapa mazano panyaya dzeutano dzisina kumbokumbirwa. Ichokwadi kuti mumwe munhu anogona kupa mamwewo mazano anoshanda. Pauro akaitawo izvozvo Timoti paakanga achirwara nemudumbu, zvichida nemhaka yemvura isina kuchena. * (Verenga 1 Timoti 5:23.) Asi izvozvo zvakasiyana nekunyengetedza mumwe muKristu kuita zvimwe zvinhu zvingatodaro zvichimukuvadza, zvakadai sokushandisa mumwe mushonga, kurapwa neimwe nzira kana kuti kumuudza zvekuita panyaya dzekudya. Dzimwe nguva vamwe vanonyengetedza vamwe vachiti: ‘Nhingi wangu aiva nechirwere chakadaro, akanwa chakati . . . akabva apora.’ Pasinei nekuti munhu ari kutotaura nechido chekutibatsira, tinofanira kuziva kuti kunyange mishonga inoshandiswa nevakawanda inogona kutikuvadza.—Verenga Zvirevo 27:12.

NGWARIRA

14, 15. (a) Vamwe vanhu vanoona kurwara kwevamwe semukana wekuita sei? (b) Zvirevo 14:15 inotibatsira sei panyaya yemazano ezveutano?

14 SevaKristu tagara tichida kuva neutano hwakanaka kuitira kuti tinakidzwe neupenyu uye kuti tikwanise kuita zvese zvatinogona pakushumira Mwari. Asi chivi chatiinacho chinoita kuti timborwarawo. Kana tikarwara, panogona kuva nenzira dzakawanda dzekuti tirapwe nadzo. Mumwe nemumwe ane kodzero yekusarudza nzira yaanoda kurapwa nayo. Zvinosuwisa kuti munyika ino ine vanhu vanokara, kune vanotoona kurwara kwevamwe semukana wekuita mari. Vamwe vanoshambadza mimwe mishonga kana kuti nzira dzokurapa vachishandisa uchapupu hwenhema hwekuti pane vamwe vanhu vakabatsirwa nazvo. Vamwe vanhu kana kuti makambani vanokurudzira vanhu kuti vashandise mishonga yavo inodhura vachida kuwana mari yakawanda. Kumunhu anenge achida kupora kana kuti anenge achida kuwedzera mazuva ekurarama, mishonga yakadaro ingaita seyakanaka. Asi ngatisakanganwa kuti Shoko raMwari rinotinyevera kuti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvir. 14:15.

15 “Munhu ane njere” anofanira kunyatsongwarira paanenge achipiwa mazano nemunhu asina kumbodzidza nezveutano. “Munhu ane njere” angazvibvunza kuti: ‘Munhu uyu ari kuti mavhitamini aya, muti uyu, kana kudya izvi kwakabatsira mumwe munhu, asi pane uchapupu hwekuti ndezvechokwadi here? Kunyange zvazvo zvakabatsira vamwe, ndinoziva sei kuti zvichandibatsira? Ndinofanira kuwedzera kutsvakurudza here kana kuti kubvunza vamwe vakadzidza zvekurapa?’—Dheut. 17:6.

16. Mibvunzo ipi inogona kutibatsira kuti tiratidze kuti tine “pfungwa dzakanaka” panyaya yemazano ezveutano?

16 Shoko raMwari rinotinyevera “kuti tirarame nepfungwa dzakanaka . . . pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Tito 2:12) Kuva “nepfungwa dzakanaka,” kana kuti kukwanisa kufunga zvakanaka, kunofanira kutibatsira patinoudzwa nezvenzira yekurapa inoita seisinganzwisisiki. Munhu ari kutaura nezvenzira yacho anokwanisa kutsanangura zvinonyatsogutsa here kuti inoshanda sei? Inoenderana nezvinozivikanwa here, uye pane vakawanda here vanoziva nezveutano vanoiona senzira yakanaka? (Zvir. 22:29) Zvichida mumwe munhu anotiudza kuti mushonga mutsva wakawanikwa kune imwe nzvimbo iri kure uye vanachiremba havasati vauziva. Asi pane chinoratidza here kuti mushonga uyu unoshanda? Vamwe vanogona kutaura kuti vane mishonga ine simba rinorapa risingazivikanwe. Izvozvo zvinoda kuti tinyatsongwarira nekuti Shoko raMwari rinotiyambira panyaya ‘yekushandiswa kwesimba remashiripiti’ uye masvikiro.—Isa. 1:13; Dheut. 18:10-12.

IVAI NEUTANO HWAKANAKA

17. Tinofanira kuva nechishuvo chei?

17 Dare rinotungamirira remunguva dzevaapostora rakatumira tsamba inokosha kuungano. Pashure pekunge yataura zvinhu zvaisafanira kuitwa nevaKristu, tsamba yacho yakapedzisa ichiti: “Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi, muchabudirira. Sarai zvakanaka!” (Mab. 15:29) Mune mimwe mitauro, mashoko ekupedzisira endima iyi akashandurwa kuti “Ivai neutano hwakanaka,” uye anogonawo kureva kuti “simbai.” Tinoda kuva vanhu vane utano hwakanaka uye vakasimba sezvatinoshumira Mwari wedu.

Tinoda kuva vanhu vane utano hwakanaka uye vakasimba sezvatinoshumira Mwari wedu (Ona ndima 17)

18, 19. Chii chatingatarisira munyika itsva?

18 Sezvo tiine chivi, dzimwe nguva tinomborwara. Parizvino hatitarisiri kuitirwa chishamiso chekuporeswa. Asi Zvakazarurwa 22:1, 2 inotaura nezvenguva yatichaporeswa zvachose. Muapostora Johani akaona “rwizi rwemvura youpenyu,” uye “miti youpenyu” yakanga iine mashizha “okurapa marudzi.” Zvinhu izvi hazvisi mishonga chaiyo yekurapa yatinotarisira kuwana iye zvino kana kuti mune ramangwana. Asi zvinoreva urongwa hwaJehovha hwekupa vanhu vanoteerera upenyu husingaperi achishandisa Jesu. Izvi ndizvo zvatakamirira.—Isa. 35:5, 6.

19 Sezvatinomirira makomborero iwayo, tinoziva kuti Jehovha anokoshesa mumwe nemumwe wedu, kunyange patinorwara. Tinogona kuva nechivimbo sechaiva naDhavhidhi kuti Mwari achatitsigira pose patinorwara. Pamwe chete naDhavhidhi tinoti: “Asi ini makanditsigira nokuda kwokuvimbika kwangu, muchandiisa pamberi pechiso chenyu nokusingagumi.”—Pis. 41:12.

^ ndima 13 Bhuku rinonzi The Origins and Ancient History of Wine rinoti: “Zvakaonekwa kuti utachiona hwetyphoid nehumwewo hunokonzera zvirwere zvinouraya, hunobva hwangofa kana hukasanganiswa newaini.”