Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka

Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka

‘Mashoko omuromo wangu . . . ngaakufadzei, haiwa Jehovha.’PIS. 19:14.

NZIYO: 82, 77

1, 2. Nei Bhaibheri richifananidza rurimi nemoto?

MUNA October 1871, rimwe sango riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweWisconsin, kuUnited States, rakaparadzwa nemoto. Moto uyu wakauraya vanhu vanopfuura 1 200 uye wakaparadza miti inenge mabhiriyoni maviri. MuUnited States makanga musati mamboitika moto wakauraya vanhu vakawanda zvakadaro. Kunenge kuti moto uyu wakatungidzwa netumoto tunobuda panokweshera mavhiri echitima munjanji. Izvi zvinoratidza kuti mashoko ari pana Jakobho 3:5 ndeechokwadi, ayo anoti: “Tarirai! Zvinoda moto muduku sei kupisa sango guru kwazvo!”. Nei Jakobho akataura mashoko aya?

2 Pfungwa yaaida kubudisa inojekeswa muvhesi 6, iyo inoti “rurimi moto.” Shoko rokuti “rurimi” rinomiririra chipo chekutaura chatiinacho. Sezvinoita moto, zvatinotaura zvinogona kukuvadza vamwe. Bhaibheri rinototaura kuti “rufu noupenyu zviri musimba rorurimi.” (Zvir. 18:21) Saka izvi zvinoreva here kuti tinofanira kugara takanyarara tichityira kuti tinogona kukanganisa kutaura? Kwete. Hatiregi kushandisa moto tichityira kuti tinogona kutsva. Chinokosha kuushandisa zvakanaka. Tinogona kuudziya, kuushandisa kubika, uye kuvheneka kana kuine rima. Kana tikashandisawo rurimi rwedu zvakanaka, tinogona kukudza Mwari uye kubatsira vamwe.—Pis. 19:14.

3. Tichakurukura zvinhu zvipi zvitatu zvatinofanira kufunga nezvazvo patinotaura?

3 Pasinei nekuti tinoita zvekududza mashoko nemiromo yedu kana kuti tinoshandisa mutauro wemasaini, kukwanisa kubudisa zvatinofunga uye manzwiro edu chipo chinoshamisa chinobva kuna Mwari. Tingashandisa sei chipo ichi kuti tivake vamwe, kwete kuvakuvadza? (Verenga Jakobho 3:9, 10.) Tichakurukura zvinhu zvitatu zvinokosha zvatinofanira kufunga nezvazvo patinotaura zvinoti: nguva yekutaura, zvatinotaura uye matauriro atinofanira kuita.

NGUVA YEKUTAURA

4. Ipa mienzaniso yepatinofanira kunyarara?

4 Kunyange zvazvo takapiwa chipo chekutaura, hatifaniri kungotaura pese pese. Bhaibheri rinototaura kuti pane “nguva yokunyarara.” (Mup. 3:7) Kunyarara kana vamwe vachitaura kunoratidza kuti tinovaremekedza. (Job. 6:24) Kuchengetawo zvakavanzika kunoratidza kuti tiri kushandisa rurimi rwedu zvakanaka, tine uchenjeri uye kuti tinonzwisisa. (Zvir. 20:19) Kuramba takanyarara patinogumburwa kunoratidza kuti takachenjera.—Pis. 4:4.

5. Tingaratidza sei kuti tinoonga chipo chekutaura chatakapiwa naMwari?

5 Bhaibheri rinozotiwo pane “nguva yokutaura.” (Mup. 3:7) Kana shamwari yako ikakupa chipo chakanaka, hauchitori wongochikanda kwakadaro. Asi unochishandisa zvakanaka kuratidza kuti unoonga zvaakuitira. Saizvozvowo, tinoratidza kuti tinoonga chipo chekutaura chatakapiwa naJehovha nekuchishandisa nouchenjeri. Izvi zvingasanganisira kutaura manzwiro edu, kutaura zvatinoda, kukurudzira vamwe, uye kurumbidza Mwari. (Pis. 51:15) Tingaziva sei “nguva yokutaura”?

6. Bhaibheri rinoratidza sei kuti kuziva nguva yekutaura kunokosha?

6 Mashoko aZvirevo 25:11 anoratidza kuti kuziva nguva yekutaura kunokosha. Anoti: “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.” Maapuro endarama akanaka, asi kuaisa mundiro dzesirivha kunotoita kuti runako rwawo ruwedzere. Saizvozvowo, kuziva nguva yakakodzera yekutaura kunogona kuita kuti mashoko edu abatsire mumwe munhu. Asi, zvinodaro sei?

7, 8. Hama dzedu dzekuJapan dzakatevedzera sei muenzaniso waJesu wekuziva nguva yekutaura?

7 Dzimwe nguva, mashoko edu anogona kunge akanaka, asi kana tikasaziva nguva yekuataura, mashoko iwayo anogona kusabatsira. (Verenga Zvirevo 15:23.) Somuenzaniso, muna March 2011 kudengenyeka kwenyika uye tsunami zvakaitika kuJapan zvakaparadza maguta akawanda ari kumabvazuva kwenyika iyi. Vanhu vanopfuura 15 000 vakafa. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvaiva munzvimbo idzi zvakasanganawo nedambudziko iri, zvaishandisa Bhaibheri pose pazvaiwana mukana kuti zvinyaradze vaya vakanga vachichema. Hama dzedu dzaiziva kuti vanhu vakawanda vemunzvimbo idzi vakanyura murudzidziso rwechiBhudha uye havazivi nezveBhaibheri, saka dzakaona kuti iyoyo yakanga isiri nguva yekuudza vanhu ivavo vakanga vafirwa nezvetariro yerumuko. Pane kudaro, dzakashandisa chipo chadzo chekutaura kutsigira vavakidzani vadzo uye dzakashandisawo Bhaibheri kutsanangura kuti nei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka.

8 Jesu aiziva nguva yekunyarara, uye aizivawo nguva yekutaura. (Joh. 18:33-37; 19:8-11) Akamboudza vadzidzi vake kuti: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” (Joh. 16:12) Zvapupu zvekuJapan zvambotaurwa zvakatevedzera muenzaniso waJesu. Makore maviri nehafu tsunami iyi yaitika, Zvapupu izvi zvakaita mushandirapamwe wekupa vanhu turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 rine musoro unoti: “Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?” Panguva iyoyo, vanhu vakawanda vakanga vava kukwanisa kunyaradzwa nemashoko erumuko, uye vakawanda vakagamuchira turakiti iri. Nesuwo tinofanira kufunga nezvetsika uye zvinotendwa nevanhu vari mundima yedu kuti tizive nguva yekutaura navo.

9. Ndepapi patinofanira kuziva nguva yekutaura?

9 Ndepapi pamwe patinofanira kushandisa uchenjeri kuti tizive nguva yekutaura? Ngatitii mumwe munhu ataura mashoko atigumbura asingazivi. Pakadaro, tinoda uchenjeri kuti tione kana nyaya yacho ichida kuti titaure chimwe chinhu kana kuti kwete. Kana taona zvakakodzera kuti titaure chimwe chinhu, hakusi kuchenjera kuti titaure takatsamwa nekuti tinogona kutaura tisina kunyatsofunga. (Verenga Zvirevo 15:28.) Saizvozvowo, tinofanira kushandisa uchenjeri patinotaura nezvechokwadi cheBhaibheri kuhama dzedu dzisingatendi. Tinoda kuti hama dzedu dzizive Jehovha, asi tinofanira kudzinzwisisa uye kudziitira mwoyo murefu. Kutaura mashoko akanaka panguva yakakodzera kunogona kudzibatsira kuti dzide kuteerera zvatinotaura.

ZVATINOTAURA

10. (a) Nei tichifanira kusarudza mashoko patinotaura? (b) Ipa muenzaniso wekutaura kunokuvadza.

10 Mashoko ane simba rekukuvadza uye rekuporesa. (Verenga Zvirevo 12:18.) Munyika yaSatani zvakajairika kuti vanhu vaudzane mashoko anorwadza. Vanhu vakawanda vanotaura mashoko ‘anoshungurudza’ akaita ‘semiseve’ kana ‘sebakatwa’ kuti varwadzise vamwe. (Pis. 64:3) Mashoko ‘anoshungurudza’ anosanganisira kutsvinya, uko kunoreva kutaura zvinhu zvinodzikisira vamwe kana kuti kuvatuka. Vanhu vari munyika vanodzidza kutaura kwakadaro mumafirimu nemapurogiramu epaterevhizheni avanoona, asi muKristu haafaniri kutaura mashoko akadaro. Dzimwe nguva munhu anogona kutsvinya zvechibhende aine chinangwa chekuti vanhu vaseke, asi anogona kupedzisira ava kutaura mashoko ekusaremekedza kana ekutuka vamwe. VaKristu vanofanira ‘kubvisa’ kutaura kwakadaro pakati pavo. Kutaura zvinonakidza hakuna kuipa, asi hatifaniri kuedza kusetsa vanhu tichitsvinyira vamwe zvekuti tinovarwadzisa nekuvanyadzisa. Bhaibheri rinotipa zano rekuti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.”—VaEf. 4:29, 31.

11. Mwoyo yedu inotibatsira sei kusarudza mashoko akakodzera?

11 Jesu akadzidzisa kuti “muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Izvi zvinoratidza kuti kusarudza mashoko akakodzera kunotangira mumwoyo. Kazhinji zvatinotaura zvinoratidza maonero atinoita vamwe. Kana tiine rudo nemutsa mumwoyo medu, tichataura mashoko akanaka uye anovaka vamwe.

12. Zvii zvatingaita kuti tikwanise kusarudza mashoko akakodzera ekutaura?

12 Kuti tikwanise kusarudza mashoko akakodzera tinofanirawo kutanga tanyatsoongorora zvatinoda kutaura. Kunyange zvazvo Mambo Soromoni ainge akachenjera, “akafungisisa, akatsvakisisa . . . kuti awane mashoko anofadza uye akatsvaka kunyora mashoko akarurama echokwadi.” (Mup. 12:9, 10) Zvinombokuomera here kuti uwane “mashoko anofadza” ekutaura? Kana zvakadaro, unogona kuverenga Bhaibheri nemabhuku edu kuti uone kuti mamwe mashoko akashandiswa sei. Kana ukaona mashoko ausingazivi, tsvaga kuti anorevei. Zvinokosha chaizvo kuti udzidze kutaura zvinhu zvinobatsira vamwe. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akadzidzisa mwanakomana wake wedangwe kutaura zvakanaka parinoti: ‘Jehovha akandipa [Jesu] rurimi rwevakadzidziswa, kuti ndigone kupindura munhu akaneta neshoko rakakodzera.’ (Isa. 50:4) Kumbotora nguva tichifungisisa zvatinenge tichida kutaura kunogona kutibatsira kuti tiwane mashoko akakodzera ekushandisa. (Jak. 1:19) Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Mashoko aya achanyatsobudisa zvandiri kuda kutaura here? Mashoko angu achaita kuti munhu wandiri kutaura naye anzwe sei?’

13. Nei zvakakosha kuti titaure zvinhu zvinonyatsonzwisisika?

13 Munguva dzevaIsraeri, mabhosvo aishandiswa kuudza vanhu zvekuita. Dzimwe nguva bhosvo rairidzwa kuti vanhu vaungane, vabve panzvimbo dzavanga vakaungana, kana kuita kuti mauto aende kunorwisa vavengi. Ndokusaka Bhaibheri richifananidza kurira kwakajeka kwebhosvo nekutaura zvinonyatsonzwisisika. Bhosvo parairidzwa zvisina kujeka mauto aigona kupinda mungozi. Saizvozvowo, kana tikataura zvisinganzwisisiki kana kuti chibhende, tinogona kuvhiringidza vamwe kana kuvarasisa. Kunyange zvazvo zvichikosha kutaura zvinhu sezvazviri, hatifaniri kungopotsera mashoko.Verenga 1 VaKorinde 14:8, 9.

14. Ipa muenzaniso unoratidza kuti Jesu aitaura zviri nyore kunzwisisa.

14 Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yekusarudza mashoko. Pane imwe nguva, akapa mharidzo pfupi ine simba iri pana Mateu 5 kusvika ku7. Haana kutaura mashoko ekuda kufadza vanhu, asinganzwisisiki, eukasha kana kuti anorwadza. Pane kudaro, akasarudza mashoko akajeka uye ari nyore kunzwisisa, kuti asvike pamwoyo yevateereri vake. Semuenzaniso, paaida kuti vateereri vake vasazvidya mwoyo nenyaya yekuti vachadyei, akavaudza kuti Jehovha anopa shiri dzedenga zvose zvadzinoda. Akabva avabvunza kuti: “Hamukoshi kupfuura zvadziri here?” (Mat. 6:26) Apa akanyatsotaura mashoko ari nyore kunzwisisa, uye anosvika pamwoyo. Ngatichiongororai chinhu chechitatu chatinofanira kufunga nezvacho patinotaura.

MATAURIRO ATINOFANIRA KUITA

15. Nei tichifanira kutaura mashoko anofadza?

15 Matauriro atinoita anokosha sezvinongoitawo mashoko atinotaura. Jesu paakataura ari musinagogi rekumusha kwake, kuNazareta, vanhu ‘vakashamiswa nemashoko anofadza aibuda mumuromo make.’ (Ruka 4:22) Mashoko anofadza anosvika pamwoyo uye anoita kuti zvatinotaura zvive nesimba. Anoitawo kuti vamwe vade kuteerera zvatinotaura. (Zvir. 25:15) Tinogona kutevedzera matauriro aJesu kana tikava nemutsa, tikaremekedza vamwe uye tikafunga manzwiro avo. Paakaona imwe mhomho yevanhu vakanga varatidza chido chekunzwa zvaaitaura, Jesu akasiririswa navo uye “akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mako 6:34) Kunyange paaitukwa nevanhu, Jesu haana kutukawo.1 Pet. 2:23.

16, 17. (a) Tingatevedzera sei Jesu patinotaura nevemumhuri medu uye neshamwari dzedu dzemuungano? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino) (b) Ipa muenzaniso unoratidza kuti kutaura zvine unyoro kunobatsira.

16 Hazvisi nyore kutaura neunyoro uye nekungwarira kana takajairana nemunhu watiri kutaura naye. Kazhinji tinonzwa takasununguka kumuudza zvinhu sezvazviri. Izvi zvinowanzoitika patinenge tichitaura nevemumhuri medu kana kuti neshamwari yedu yepamwoyo yemuungano. Jesu aifunga kuti ushamwari hwaaiva nahwo nevadzidzi vake hwaimupa rusununguko rwekungotaura chero zvaanoda here? Kwete. Vadzidzi vake pavakaramba vachiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, Jesu akavatsiura neunyoro achishandisa muenzaniso wemwana muduku. (Mako 9:33-37) Vakuru vanogona kutevedzera muenzaniso waJesu pavanopa vamwe zano “nounyoro.”—VaG. 6:1.

17 Kunyange kana mumwe munhu akataura zvinotigumbura, kutaura neunyoro kunogona kuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. (Zvir. 15:1) Semuenzaniso, vamwe amai vairera vana vavo vari voga vaiva nemwanakomana akanga achiita zvinhu zvakaipa uku achinyepedzera kushumira Jehovha. Imwe hanzvadzi yainzwira amai ava tsitsi yakati kwavari: “Kunenge kuti matadza kurayira mwana uyu.” Amai ava vakabva vambomira vachifunga, ndokuzoti: “Chokwadi zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka parizvino, asi ndichiri kuedza kumudzidzisa. Ndinotozobvuma kuti ndamutadza kana Amagedhoni yapera.” Mhinduro nyoro iyoyo yakaita kuti hanzvadzi idzi dzirambe dziine rugare, uye yakakurudzirawo mwanakomana wacho, uyo akanga achinzwa pavaitaura. Akaona kuti amai vake vakanga vachiri netariro yekuti achachinja. Izvi zvakamuita kuti arege kushamwaridzana nevanhu vakaipa. Akazobhabhatidzwa, akatozoshanda paBheteri. Patinotaura nehama dzedu, vemumhuri, kana kuti nevamwe vanhu vatisingazivi, kutaura kwedu kunofanira “kuva nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.”—VaK. 4:6.

18. Kutevedzera muenzaniso waJesu kunotibatsira sei kushandisa rurimi rwedu zvakanaka?

18 Chipo chatiinacho chekutaura manzwiro edu uye zvatinofunga chinoshamisa. Dai tikatevedzera muenzaniso waJesu nekusarudza nguva yekutaura, mashoko ekutaura, uye kuedza kutaura zvine unyoro. Tikadaro, mashoko edu achaporesa vanenge vachianzwa uye achafadza Jehovha, uyo akatipa chipo ichi chinokosha.