Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Pachauya mugumo, ndezvipi zvimwe zvinhu zvichaguma?

Zvimwe zvinhu zvichaguma ihurumende dzevanhu, hondo uye udzvinyiriri, machechi ari kutadzira Mwari achitsausa vanhu, uyewo vanhu vasingadi Mwari.5/1, mapeji 3-5.

Gogi weMagogi anotaurwa mubhuku raEzekieri ndiani?

Pane kuti titi Gogi weMagogi ndiSatani, zvinoratidza kuti Gogi weMagogi anoreva mubatanidzwa wenyika dzakasiyana-siyana dzichaedza kuparadza vanhu vaMwari kutambudzika kukuru kwatanga.5/15, mapeji 29-30.

Zvinhu zvipi zvitanhatu zvingaitwa nemunhu kuti akwegure zvakanaka?

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive vanhu (1) vane mwero, (2) vanogara vakashambidzika, (3) vanogara vachifara, (4) vane rupo, (5) vane ushamwari, uye (6) vanotenda zvavanoitirwa. Kufungisisa zvinhu izvi kuchabatsira munhu kuti akwegure zvakanaka.6/1, mapeji 8-10.

Zvishamiso zvaJesu zvinoratidza sei kuti ane rupo?

Pamuchato wekuKana, Jesu akachinja marita anenge 380 emvura kuva waini. Akambopawo vanhu 5 000 zvokudya. (Mat. 14:14-21; Joh. 2:6-11) Paakaita zvishamiso zvose izvi, aitevedzera rupo rwaBaba vake.—6/15, mapeji 4-5.

Nei tingava nechokwadi chekuti tinogona kufadza Mwari, kunyange zvazvo tiri vanhu vanokanganisa?

Varume vakadai saJobho, Roti, uye Dhavhidhi, vaitombokanganisawo. Asi vaida kushumira Mwari, vainzwa urombo kana paine zvavakanganisa uye vaichinja nzira dzavo. Vakafadza naMwari uye nesuwo tinogona kumufadzawo.7/1, mapeji 12-13.

Kuparadzwa kweBhabhironi Guru kunoreva here kuti vanhu vose vaiva nhengo dzezvitendero zvenhema vachafa?

Kunenge kuti handizvo. Zekariya 13:4-6 inoratidza kuti kunyange vamwe vafundisi vachasiya zvitendero zvavo uye vacharamba kuti vaimbova nhengo dzezvitendero zvenhema.7/15, mapeji 15-16.

Chii chakaita kuti Bharaki ati aizoenda kunorwa chete kana Dhibhora abvuma kuenda naye?

Bharaki aiva nekutenda. Panzvimbo pekukumbira kuti Jehovha amupe zvimwe zvombo, aida kuenda nemumiririri waMwari, Dhibhora, uyo aizonomusimbisa pamwe nevarume vake. (Vat. 4:6-8; 5:7)8/1, peji 13.

MuKristu anofanira kufungisisa zvinhu zvipi?

Zvimwe zvacho zvinosanganisira zvinhu zvakasikwa naJehovha, Shoko rake rakafemerwa, chikomborero chatiinacho chekunyengetera, uye rudo rwake rwaakaratidza nekutipa rudzikinuro.8/15, mapeji 10-13.

Nyaya yekungwarira shamwari dzakaipa inobatana papi nenyaya yekudanana?

Tinobata zvakanaka vanhu vasingatendi. Asi kudanana nemunhu asina kuzvitsaurira kuna Mwari uye asingachengeti mitemo yake, kunenge kuri kuita zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (1 VaK. 15:33)8/15, peji 25.

Petro akamborasikirwa sei nekutenda uye akazoita sei kuti akusimbise?

Muapostora Petro akaratidza kuti aiva nekutenda paakafamba pamusoro pemvura. (Mat. 14:24-32) Asi paakatarisa dutu, Petro akatanga kutya. Asi akazoisa pfungwa dzake pana Jesu uye akabvuma kuti amubatsire.9/15, mapeji 16-17.

Mabasa 28:4 inotaura kuti vanhu vekuMarita vakafunga kuti Pauro aiva mhondi. Chii chakaita kuti vafunge izvozvo?

Pauro paakarumwa nenyoka ine uturu vanogona kunge vakafunga kuti, Dike, mwarikadzi ainzi anotonga zvakarurama, ndiye akanga ari kumuranga.10/1, peji 9.

Tinodzidzei pakutsauswa kwakaitwa Marita nemabasa mazhinji?

Marita akambotsauswa nekubika zvokudya zvakawanda. Jesu akataura kuti munin’ina wake akanga asarudza zvakanaka paakagara achimuteerera paaidzidzisa. Tinofanira kuva nechokwadi chekuti zvinhu zvisingakoshe hazvikanganise manamatiro edu.10/15, mapeji 18-20.