Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NezvaMwari Wechokwadi

NezvaMwari Wechokwadi

Zvatinodzidza Kuna Jesu

NezvaMwari Wechokwadi

Mwari ane zita here?

Jesu akadzidzisa kuti Mwari ane zita. Akati: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Mateu 6:9) Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari anonzi Jehovha. (Pisarema 83:18) Achitaura nezvevadzidzi vake, Jesu akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Ndakavazivisa zita renyu.”—Johani 17:26.

Jehovha Ndiani?

Jesu akati Jehovha ndi“Mwari wechokwadi chete” nokuti Jehovha ndiye Musiki. (Johani 17:3) Jesu akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi?” (Mateu 19:4) Akatiwo: “Mwari Mudzimu.” (Johani 4:24) Saka hatigoni kuona Mwari.—Eksodho 33:17-20.

Mwari anodei kwatiri?

Mumwe munhu paakabvunza kuti ndoupi waiva murayiro mukuru, Jesu akapindura kuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete, ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”—Mako 12:28-31.

Tingaratidza sei kuti tinoda Mwari?

Jesu akati: “Ndinoda Baba.” Akaratidza sei kuti anovada? Akati: “Baba zvavakandipa murayiro wokuita, ndizvo zvandiri kuita.” (Johani 14:31) Akatiwo: ‘Ndinogara ndichiita zvinhu zvinovafadza.’ (Johani 8:29) Tinogona kufadza Mwari nokudzidza nezvake. Paainyengeterera vadzidzi vake, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.”—Johani 17:3; 1 Timoti 2:4.

Tingadzidza sei nezvaMwari?

Imwe nzira yokuti tizive Mwari ndeyokucherechedza zvinhu zvaakasika. Somuenzaniso, Jesu akati: “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?” Jesu airevei? Hatifaniri kubvumira kuti kuzvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvatinoda kutitadzise kushumira Mwari.—Mateu 6:26-33.

Nzira yakanakisisa yokuziva Jehovha ndeyokudzidza Shoko rake, Bhaibheri. Jesu akati Magwaro i“shoko raMwari.” (Ruka 8:21) Jesu akati kuna Mwari: “Shoko renyu ichokwadi.”—Johani 17:17; 2 Petro 1:20, 21.

Jesu akabatsira vanhu kuti vadzidze chokwadi nezvaJehovha. NezvaJesu, mumwe wevadzidzi vake akati: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga achitaura nesu mumugwagwa, zvaanga achitivhurira kwazvo Magwaro?” (Ruka 24:32) Kuti tidzidze nezvaMwari, tinofanira kuzvininipisa, tichida kudzidziswa. Jesu akati: “Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga.”—Mateu 18:3.

Nei kuziva Mwari kuchifadza?

Mwari anogutsa kuda kwedu kuziva chinangwa choupenyu. Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Jehovha anotidzidzisa mararamiro akanakisisa. Jesu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28; Isaya 11:9.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 1 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 16]

“Ndakavazivisa zita renyu.”—Johani 17:26

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Tingadzidza nezvaJehovha kubva pane zvaakasika uye muBhaibheri