Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anogamuchira Zvitendero Zvose Here?

Mwari Anogamuchira Zvitendero Zvose Here?

Hurukuro Inokosha

Mwari Anogamuchira Zvitendero Zvose Here?

Vanhu vakawanda vanongopinda muzvitendero zvinopindwa nevabereki vavo. Vamwe vanozosarudza chitendero chavanoda gare gare muupenyu hwavo. Chokwadi kune zvitendero zvakawandisa zvokuti inongova saruraude. Zvichida wakambozvibvunza kuti, ‘Zvine basa here kuti ndinopinda chitendero chipi?’

Mubvunzo iwoyo uchapindurwa muhurukuro yavose ine musoro unoti, “Mwari Anogamuchira Zvitendero Zvose Here?” Hurukuro yavose iyi ichapiwa munyika 230. Munzvimbo dzakawanda, ichakurukurwa muDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha nomusi weSvondo, April 26, 2009. Zvapupu zviri kwaunogara zvichafara kukuudza nguva nenzvimbo yacho chaiyo ichaitirwa musangano uyu. Uri kukokwa noushamwari.