Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akanga Akatendeka Paakasangana Nemiedzo

Akanga Akatendeka Paakasangana Nemiedzo

Tevedzera Kutenda Kwavo

Akanga Akatendeka Paakasangana Nemiedzo

PETRO akanga akati ndee akatarisisa zviso zvevanhu vaiteerera Jesu. Vaiva musinagogi muKapenaume. Muguta iri ndimo maiva nemusha waPetro; ndimo maaiitira bhizimisi rake rehove, shamwari dzake, hama dzake nevamwe vanhu vakawanda vaaizivana navo pamusana pebhizimisi vaigara mumhenderekedzo yeGungwa reGarireya. Hapana mubvunzo kuti Petro aida chaizvo kuti vanhu vomuguta rake vaone Jesu semaonero aaimuita, kuti vanakidzwewo nokudzidza nezvoUmambo hwaMwari kubva kune mudzidzisi mukuru kupfuura vose. Asi hazvisi kuratidza saizvozvo nhasi.

Vakawanda vakanga vasingachateereri. Vamwe vainyunyuta zvainzwika, vachiramba zvaidzidziswa naJesu. Zvisinei, Petro ainyanya kunetseka nezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaJesu pachake. Zviso zvavo zvakanga zvisisiri kufara sepakutanga kuratidza kuti vari kudzidza zvitsva, kufara kuratidza kuti vari kudzidza chokwadi. Pari zvino, vadzidzi vacho vairatidza kugumbuka, kunyange kutonyunyuta. Vamwe vaitoti zvaitaurwa naJesu zvaishamisa. Vasingachadi kuramba vachiteerera zvaaitaura, vakabuda musinagogi uye vakaregawo kutevera Jesu.

Zvakanga zvakaomera Petro nevamwe vaapostora. Petro haana kunyatsonzwisisa zvakataurwa naJesu musi iwoyo. Zviri pachena kuti aiona kuti mashoko aJesu kana akasatsanangurwa aigona kuita seanogumbura. Saka Petro aizoita sei? Aka kakanga kasiri kokutanga paakamboedzwa kana aiva akavimbika kuna Tenzi wake uye kakanga kasiri kokupedzisira. Ngationei kuti kutenda kwaPetro kwakamubatsira sei kukunda zvipingamupinyi zvakadaro ndokuramba akavimbika.

Aiva Akavimbika, Vamwe Pavasina Kuvimbika

Petro aiwanzoshamiswa nezvaiitwa naJesu. Tenzi wake airamba achiita uye achitaura zvaipesana nezvaitarisirwa nevanhu. Zuva rainge rapfuura, Jesu ainge aita chishamiso chokupa zvokudya kune zviuru zvevanhu. Vanhu vakabva vada kumuita mambo. Asi akashamisa vakawanda paakaramba uye paakakurudzira vadzidzi vake kukwira igwa uye kuti vakwasve vakananga kuKapenaume. Vadzidzi zvavainge vari mugungwa usiku ihwohwo, Jesu akavashamisa zvakare nokufamba mugungwa reGarireya raiva nemhepo yakawandisa, zvakaita kuti Petro adzidze chidzidzo chinokosha pamusoro pokutenda. *

Ava mangwanani, vakazoona kuti vanhu vaya vainge vavatevera kwavainge vaenda. Saka zviri pachena kuti vanhu ava vaida kuona Jesu achiita chishamiso chokuvapa zvokudya, kwete kuti vaida mashoko ezvokunamata. Jesu akavatuka nokuti vaidisa zvinhu. Kukurukura kwacho kwakaenderera mberi musinagogi romuKapenaume, Jesu paakataurazve zvavaisatarisira, achiedza kuvadzidzisa chokwadi chinokosha asi chakaoma kunzwisisa.

Jesu aisada kuti vanhu vamuone somunhu anopa zvokudya chete, asi anopa zvinhu zvokunamata zvinobva kunaMwari, somunhu aizoita kuti upenyu hwake nerufu rwake zviite kuti vamwe vawane upenyu husingaperi. Saka akapa muenzaniso achizvienzanisa nemana, chingwa chakabva kudenga mumazuva aMosesi. Vamwe pavakaramba akashandisa muenzaniso wakajeka, achitsanangura kuti vaifanira kudya nyama yake uye kunwa ropa rake kuti vawane upenyu. Panguva iyoyo vanhu vaisabvumirana naye vakabva vawedzera kuita nharo. Vamwe vakati: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?” Vadzidzi vaJesu vakawanda vakasarudza kusamutevera. *Johani 6:48-60, 66.

Petro aizoita sei? Anofanira kunge akavhiringidzwawo nemashoko aJesu. Akanga asati anzwisisa kuti Jesu aifanira kufa kuti aite kuda kwaMwari. Asi Petro akaedza kuita kaverevere sezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaipokana vakasiya Jesu zuva iroro here? Kwete; pane chimwe chinhu chakamusiyanisa nevarume ivavo. Chaiva chii?

Achitaura nevaapostora vake Jesu akati: “Munoda kuendawo here?” (Johani 6:67) Akanga ataura nevaapostora 12, asi Petro ndiye akapindura mubvunzo wake. Ndizvo zvaaiwanzoita. Petro angangove aiva mukuru pane vose. Chero zvazvaive, ndiye ainyanya kutaura kupfuura vose paboka racho; zvinoita sokuti Petro akanga asingazezi kutaura zvaaifunga. Panguva ino, akanga ari kufunga nezvemashoko akanaka uye asingakanganwiki okuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”—Johani 6:68.

Mashoko iwayo haakubayi mwoyo here? Kutenda kwaPetro muna Jesu kwakanga kwamubatsira kuva neunhu hwakanaka hwokuvimbika. Petro akanzwisisa kuti hakuna mumwe muponesi kunze kwaJesu uye Jesu wacho aiponesa nemashoko ake, zvaaidzidzisa nezvoUmambo hwaMwari. Petro aiziva kuti kunyange zvazvo paiva nezvimwe zvinhu zvaimutenderedza musoro, hapana kumwe kwaaigona kuenda kana aida kufarirwa uye kukomborerwa naMwari noupenyu husingaperi.

Unonzwawo saizvozvo here? Zvinosuruvarisa kuti mazuva ano vanhu vakawanda vanoti vanoda Jesu asi vanotadza kuvimbika. Kuti tive vakavimbika zvechokwadi kuna Kristu tinofanira kuona dzidziso dzaJesu sezvaiita Petro. Tinofanira kudzidza dzidziso dzacho, kunzwisisa kuti dzinorevei, uye kurarama maererano nadzo kunyange dzakasiyana nezvatinotarisira kana zvatinofarira. Kuvimbika ndiko chete kunogona kuita kuti tive netariro yokuwana upenyu husingaperi uhwo Jesu anoda kuti tiwane.

Kuvimbika Patinoruramiswa

Pasina nguva, kubatikana ikoko kwapera, Jesu akaenda nevaapostora vake nevamwe vadzidzi vake vachifamba rwendo rurefu netsoka vakananga kuchamhembe. Dzimwe nguva vaimboona Gomo reHemoni raive nesinou pamusoro paro raiva nechokuchamhembe kweNyika Yakapikirwa kunyange pavaive mumvura iyi yebhuruu yoMugungwa reGarireya. Zvishoma nezvishoma gomo racho rakatanga kuoneka kureba kwaro boka racho zvaraisvika pedyo naro, vachitevedza mikwidza yainovasvitsa mumisha yaiva pedyo neKesariya Firipi. * Vachiyevedzwa zvakadai, uye vachiona zvakawanda zvomuNyika Yakapikirwa nechokumaodzanyemba, Jesu akabvunza vateveri vake mubvunzo unokosha.

“Mapoka evanhu ari kuti ndini ani?” aida kuziva. Tinogona kumbofungidzira Petro achitarisa mumaziso aJesu aida kuziva, achiona zvakare mutsa waTenzi uye simba rake, nouchenjeri hwake hwaitooneka pachena. Jesu ainyanya kuda kuziva kuti vaimuteerera vaiti aiva ani kubva pane zvavainge vaona nokunzwa. Vadzidzi vaJesu vakapindura mubvunzo wacho, vachidzokorora mamwe mashoko asiriwo nezvokuti Jesu aiva ani. Asi Jesu aine zvimwe zvaaida. Shamwari dzake dzepedyo dzaimutevera dzaikanganisawo saizvozvo here? Akabvunza kuti, “Ko imi munoti ndini ani?”—Ruka 9:18-22.

Petro ndiyezve akakurumidza kupindura. Akataura zvakajeka, akashinga kutaura mashoko akanga ava mumwoyo yevakawanda vaivapo. Akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Tinogona kufungidzira kunyemwerera kwakaita Jesu kuna Petro achiratidza kuti aibvumirana nemhinduro yake paaimutenda noushamwari. Jesu akayeuchidza Petro kuti aiva Jehovha Mwari kwete munhu—ainge abudisa pachena chokwadi kune vaya vaitenda zvechokwadi. Petro ndiye akanga aitwa kuti akwanise kunzwisisa chokwadi chinokosha chakanga chisati chaziviswa naJehovha—chokuratidza aiva Mesiya, kana kuti Kristu akanga afanotaurwa kare!—Mateu 16:16, 17.

Kristu uyu ndiye ainzi nevaprofita vekare dombo raizorambwa nevavaki. (Pisarema 118:22; Ruka 20:17) Achifunga nezvouprofita ihwohwo, Jesu akaratidza kuti Jehovha aizotanga ungano padombo iroro chairo, kana kuti padombo guru rakanga richangobva kutaurwa naPetro. * Adaro akabva apa Petro mamwe mabasa anokosha chaizvo muungano iyoyo. Haana kuti ndiye aikosha kupfuura vamwe vaapostora sezvakataurwa nevamwe, asi akangomupa mabasa okuita. Akapa Petro “kiyi dzoumambo.” (Mateu 16:19) Petro aizova nebasa rokuita kuti vanhu vemapoka matatu akasiyana-siyana vakwanise kupinda muUmambo hwaMwari—kutanga vaJudha, zvadaro kuvaSamariya, uye pakupedzisira Vemamwe Marudzi, kana kuti vasiri vaJudha.

Zvisinei, Jesu akazoti vaya vaizopiwa zvakawanda, zvakawanda zvaizodiwawo kwavari, uye kuratidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi zvinooneka pane zvakaitika kuna Petro. (Ruka 12:48) Jesu akaenderera mberi nokutaura chokwadi chinokosha nezvaMesiya, kusanganisira mashoko airatidza kuti akanga ava pedyo nokutambura uye kuurayiwa kuJerusarema. Petro akavhiringidzika paakanzwa mashoko iwayo. Akatora Jesu padivi ndokumutsiura achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.”—Mateu 16:21, 22.

Petro aitorevesa, saka kupindura kwakaita Jesu kunofanira kunge kwakamushamisa. Akatendeuka ndokutarisa Petro uye nevamwe vadzidzi vose—vangangove vaifungawo zvakada kufanana ndokubva ati: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.” (Mateu 16:23; Mako 8:32, 33) Mashoko aJesu ane mazano atinogona kushandisa. Zvingori nyore kuti tiise pakutanga zvinofungwa nevanhu kupfuura mafungiro aMwari. Kana tikadaro, kunyange kana tichida kubatsira, tisingazivi tinogona kutsigira zvinangwa zvaSatani pane kutsigira zvaMwari. Zvisinei, Petro akapindura sei?

Ainyatsoziva kuti Jesu akanga asiri kumuti aiva Satani Dhiyabhorosi. Apa Jesu haana kutaura kuna Petro sezvaakaita kuna Satani. Kuna Satani, Jesu akati: “Ibva”; kuna Petro, akati: “Enda shure kwangu.” (Mateu 4:10) Jesu haana kuramba muapostora uyu waakanga aona kuti aiva nounhu hwakawanda hwakanaka, asi akangoruramisa mafungiro ake panyaya iyi. Zvinongova nyore kuona kuti Petro aifanira kurega kuenda mberi kwaTenzi wake sechinhu chinogumbura asi kuti aifanira kudzokera kumashure somuteveri anomutsigira.

Petro akaita nharo, kutsamwa, kana kuti akasuruvara here? Kwete; akabvuma zano nokuzvininipisa. Saka akaratidzazve kuti aiva akavimbika. Vose vanotevera Kristu vanoda kugadziriswa pane dzimwe nguva. Kana tikabvuma nokuzvininipisa kurangwa uye kudzidza patinenge tarangwa tinogona kuramba tichiswedera pedyo naJesu Kristu naBaba vake, Jehovha Mwari.—Zvirevo 4:13.

Anopiwa Mubayiro Wokuvimbika

Pasina nguva, Jesu akataurazve mamwe mashoko aishamisa: “Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mateu 16:28) Hapana mubvunzo kuti mashoko iwaya akaita kuti Petro ade kwazvo kuziva. Kuti Jesu angave airevei? Zvichida Petro akafunga kuti kana aizoruramiswa sezvainge zvichangobva kutaurwa hapana zvimwe zvinhu zvinokosha zvaizoitika kwaari.

Zvisinei, papera rinenge vhiki, Jesu akaenda naJakobho, Johani, naPetro akakwira navo “mugomo refu refu”—zvichida muGomo reHemoni, raingova daro remakiromita mashomanana chete. Hungangove hwaiva husiku nokuti varume ava vatatu vairwisana nehope. Asi pakanyengetera Jesu, pane chimwe chinhu chakaitika chakaita kuti hope dzavo dzipere.—Mateu 17:1; Ruka 9:28, 29, 32.

Vakaona Jesu achitanga kuchinja. Chiso chaJesu chakatanga kubwinya uye kupenya kusvikira chava kupenya sezuva. Zvipfeko zvake zvakava zvichena zvichin’aima. Varume vaviri vakaoneka vakamira naJesu, mumwe aimirira Mosesi mumwe wacho achimirira, Eriya. Vakataura naye “nezvokuenda kwake kwaaifanira kuzadzika ari muJerusarema”—zviri pachena kuti vaireva rufu rwake nokumutswa kwake. Zvaiva pachena chaizvo kuti Petro ainge akanganisa kuramba kuti Jesu awane marwadzo iwayo aive mberi kwake!—Ruka 9:30, 31.

Petro akanzwa achida kubatanidzwawo mune chishamiso ichi chavaiona. Zvakaita sokuti Mosesi naEriya vakanga vava kubva pana Jesu. Saka Petro akabva ati: “Murayiridzi, zvakanaka kuti tive pano, naizvozvo ngativakei matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi uye rimwe raEriya.” Chokwadi, vanhu vavakaona ava vaimirira vashumiri vaviri vaJehovha vakanga vakafa kare kare vakanga vasingadi kuvakirwa matende. Kutaura zvazviri, Petro akanga asingazivi zvaakanga ari kutaura. Kunyange zvazvo zvakadaro, haunzwi here uchida kushamwaridzana nemunhu akadaro ane mutsa?—Ruka 9:33.

Iye naJakobho naJohani vakanga vapiwa mumwezve mubayiro usiku ihwohwo. Pakava negore rikavafukidza vari pagomo racho. Mugore iroro makabuda inzwi—inzwi raJehovha Mwari! Akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa. Muteererei.” Zvavaiona zvakangonyangarika, uye vakanga vasara voga naJesu mugomo racho.—Ruka 9:34-36.

Chokwadi ichocho chaiva chipo chakanaka chakapiwa Petro—uyewo kwatiri! Papera makumi emakore akanyora nezvokuremekedzwa kwaakaitwa usiku ihwohwo kuvawo mumwe we“zvapupu zvakaona ukuru hwake,” kureva kufanoona Jesu ari Mambo wokudenga anobwinya. Zvaakaona izvozvo zvakapupurira uprofita hwakawanda huri muShoko raMwari uye hwakasimbisa kutenda kwaPetro pamiedzo yaaizosangana nayo mberi. (2 Petro 1:16-19) Kufanana naPetro, zvaakaona zvinogonawo kutisimbisa kutenda, kana tikaramba takavimbika kuna Tenzi akagadzwa naJehovha kuti atitarisire, tikadzidza kwaari, tikabvuma kurangwa uye kururamiswa naye, uye tichimutevera zuva nezuva nokuzvininipisa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona nyaya inoti, “Tevedzera Kutenda Kwavo, Aingopishana Nepfungwa Uye Nokusava Nechivimbo,” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2009.

^ ndima 9 Zvinooneka kuti vanhu ava vari pasinagogi vane mwoyo miviri kana tikaenzanisa nezvavakaita pahurukuro yaJesu uyewo nezvavakataura pazuva rakanga rapfuura pavakambomurumbidza nomwoyo wose vachiti aiva muprofita waMwari.—Johani 6:14.

^ ndima 15 Richibva pamhenderekedzo dzeGungwa reGarireya, boka racho rakafamba rwendo rwaive rwakareba makiromita 48 nomumatunhu aive akanaka kwazvo.

^ ndima 18 Ona bhokisi rinoti  “Ndiani Dombo Guru?” riri papeji 28.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

 Ndiani Dombo Guru?

“Ndinoti kwauri, Ndiwe Petro, uye padombo guru iri ndichavakira ungano yangu.” (Mateu 16:18) Mashoko iwayo akataurwa naJesu kuna Petro, anowanzonzi anoreva kuti pana Petro ndipo paizovakirwa ungano yechiKristu. Chechi yeRoma inodzidzisa kuti apa Jesu aipa Petro nzvimbo yokutanga pane vamwe vaapostora, achimuita papa wokutanga. Mashoko aya akataurwa naJesu akanyorwa mukati mechechi yeSaint Peter’s Basilica muRoma nemavara echiLatin akareba kupfuura munhu.

Jesu aireva here kuti Petro ndiye aiva dombo guru paizovakirwa ungano naJesu? Kwete. Chimbofunga zvikonzero zvitatu nei tingava nechokwadi nezvenyaya iyi. Chokutanga, vamwe vaapostora vaivapowo, uye havana kufunga kuti mashoko aJesu aireva izvozvo. Kana Jesu akaita Petro wokutanga pane vamwe saka nei vakazoramba vachiitisana nharo dzokuti ndiani aiita somukuru pakati pavo? (Mako 9:33-35; Ruka 22:24-26) Chechipiri, muapostora Pauro akazoratidza kuti dombo guru aisava Petro, asi Jesu Kristu. (1 VaKorinde 3:11; 10:4) Chechitatu, papera makumi emakore Petro pachake akaratidza kuti aisafunga kuti ndiye aiva dombo guru. Pane kudaro, akanyora kuti Jesu ndiye aiva “dombo renheyo repakona” rakasarudzwa namwari pachake rainge rafanotaurwa kare.—1 Petro 2:4-8.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Petro akaramba akavimbika kunyange paaifanira kururamiswa

[Mufananidzo uri papeji 26]

Petro akapiwa mubayiro wake wokuvimbika nezvaakaratidzwa