Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Anoita Zvaanovimbisa

Anoita Zvaanovimbisa

Swedera Pedyo naMwari

Anoita Zvaanovimbisa

Joshua 23:14

ZVAKAKUOMERA kuvimba nevamwe here? Zvinosuwisa kuti tiri kurarama munyika isisina vanhu vanovimbana. Kana wakarwadziswa nomunhu wawaimbovimba zvichida nokuti akanyepa kana kuti haana kuita zvaakanga avimbisa, ungangove usingachavimbi nevanhu zvachose. Zvisinei, kune mumwe munhu waunogona kuvimba asingambofi akakuodza mwoyo. Zvirevo 3:5 inotikurudzira kuti, “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose.” Nei zvakakodzera kuti tivimbe naJehovha saizvozvo? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatimboongorora mashoko aJoshua, murume ainyatsovimba naJehovha—akanyorwa pana Joshua 23:14.

Chimbofunga zvazvainge zvakaita. Joshua, akanga atsiva Mosesi somutungamiriri wevaIsraeri, ava kusvika makore 110. Muupenyu hwake hwemakore akawanda, akazvionera mabasa makuru akaitwa naJehovha achiitira vaIsraeri, anosanganisira kununurwa kwavakaitwa paGungwa Dzvuku makore 60 akanga apfuura. Iye zvino, paanofunga zvakaitika kare, Joshua anoshevedza “varume vakuru vavo nevakuru vavo nevatongi vavo nevatungamiriri vavo.” (Joshua 23:2) Mashoko aanotaura pari zvino haangoratidzi uchenjeri hunovapo nokukura chete asi kufungisisa kwemwoyo uzere nokutenda.

Joshua anotsanangura kuti, “Nhasi ndiri kuenda nenzira yepasi rose.” Mashoko okuti “ndiri kuenda nenzira yepasi rose” idimikira rinoreva rufu. Kutaura zvazviri, Joshua ari kuti, “Handisisiri kuzorarama kwenguva yakareba.” Achiziva kuti ava kuda kufa, hapana mubvunzo kuti Joshua akapedza maawa akawanda ari oga achifungisisa nezvoupenyu hwake. Ane mashoko api okuonekana nevaanonamata navo?

Joshua anoenderera mberi achiti: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” Ndiwo mashoko ari kutaurwa nomurume anonyatsovimba naMwari. Nei? Achifunga nezvezvose zvaakaona, Joshua akasvika pakuziva kuti Jehovha anogara achiita zvaanenge avimbisa. * Chinangwa chemashoko acho chakajeka: Joshua anoda kuti vaIsraeri vanyatsotenda zvose zvakavimbiswa naJehovha nezveramangwana ravo kuti zvichaitikawo.

Rimwe duramazwi reBhaibheri richitaura nezvaJoshua 23:14 rinoti: “Tarisa zvose zvakavimbiswa muBhaibheri; wotsvakurudza nhoroondo dzose dzekare dzenyika; uye bvunza zvisikwa zvose zviri panyika, kuti uone kana Mwari asina kuita kana kukanganwa zvaakavimbisa.” Kudai zvaikwanisika kuongorora saizvozvo, taizongovawo nerimwe chete naJoshua—zvinenge zvavimbiswa naJehovha hazvimbokundikani zvinotoitika chete.—1 Madzimambo 8:56; Isaya 55:10, 11.

Bhaibheri rine vimbiso dzakanyorwa naMwari dzakazadzika, kusanganisira zvinhu zvatiri kuona nemaziso edu chaiwo zviri kuzadzika. Rinewo zvinhu zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha zveremangwana redu. * Wadii kuongorora zvinhu izvozvo pachako? Ukadzidza Bhaibheri uchaona kuti unogona kuvimba naMwari anoita zvaanenge avimbisa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Izvi ndezvimwe zvishoma zvacho zvakavimbiswa, zvakaonwa naJoshua zvichiitika. Jehovha aizopa vaIsraeri nyika yavo pachavo. (Enzanisa naGenesisi 12:7 naJoshua 11:23.) Jehovha aizonunura vaIsraeri nokuvabudisa munyika yeIjipiti. (Enzanisa Eksodho 3:8 naEksodho 12:29-32.) Jehovha aizotarisira vanhu vake.—Enzanisa Eksodho 16:4, 13-15 naDheuteronomio 8:3, 4.

^ ndima 9 Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvezvakavimbiswa naMwari nezveramangwana redu, ona zvitsauko 3, 7, uye 8 zviri mubhuku rinonzi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.