Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kumboti Dzvutu Zvekare”

“Kumboti Dzvutu Zvekare”

“Kumboti Dzvutu Zvekare”

ALLEN akatanga kushapira doro aine makore 11. * Iye neshamwari dzake vaitambira musango vachitevedzera vatambi vavaiona mumafirimu. Vatambi vaitevedzerwa naAllen neshamwari dzake vaiva vokunyepedzera, asi doro ravainwa raisava rokunyepedzera.

Tony aiva nemakore 40 paakatanga kuwedzera zvishoma nezvishoma kunwa kwaaiita, kubva pamukombe mumwe chete kana miviri manheru oga oga kusvika kumishanu kana mitanhatu. Akapedzisira asisazive kuti pazuva ainwa mikombe mingani.

Allen akatsvaka rubatsiro padambudziko rake rokudhakwa. Tony akaramba kubatsirwa nehama neshamwari dzaiva nehanya naye. Nhasi Allen mupenyu zvokuti anokwanisa kutiudza nyaya yake; Tony akafa makore akapfuura netsaona yemotokari pashure pokushapira doro rakawandisa.

Kunyange munhu akanwa zvokupfurikidza mwero ari oga, hapana mubvunzo kuti kunwisa kwacho kunokanganisawo vamwe, kazhinji zvichizova nemigumisiro inosuruvarisa. Kakawanda kumedza doro zvisina mwero kunoitawo kuti munhu ataure mashoko akaipa, chisimba, ubhinya, umhondi, tsaona dzemumigwagwa nedzepabasa, uyewo zvirwere zvakawanda. Pagore vanhu vakawanda vanopedzera mabhiriyoni emadhora vachishapira doro, tisingatauri kukuvadza kwarinoita vacho vanorishapira, uye kukanganisa kwarinoita hama nevana.

Kunyange zvakadaro, sangano reU.S. National Institutes of Health rinoti, “haasi munhu wose anogara achinwa ane dambudziko rokudhakwa, uye havasi vose vane dambudziko iri vanonwa mazuva ose.” Vakawanda vasiri zvidhakwa vakazoerekana vava nekatsika kokurishapira. Vamwe vanonwa pano neapo, asi pavanonwa vanonwa mikombe inopfuura mishanu panguva imwe chete.

Kana ukasarudza kunwa doro, unozoti wapfuura mwero zvaaita sei? Ungaziva sei kuti iye zvino hauchafaniri “kumboti dzvutu zvekare.” (Zvirevo 23:29, 30, Contemporary English Version) Nyaya dzinotevera dzichakurukura mashoko anobatsira panyaya iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.