Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murume Aizvininipisa Uye Ainge Akashinga

Murume Aizvininipisa Uye Ainge Akashinga

Zvevechiduku

Murume Aizvininipisa Uye Ainge Akashinga

JONA—CHIKAMU 1

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA JONA 1:1-17; 2:10–3:5.

Unofunga kuti dutu racho rairatidzika uye rainzwika sei?

․․․․․

Unofunga kuti mazwi evaiva mungarava neizwi raJona zvaibudisa mafungiro orudzii?

․․․․․

Rondedzera zvingangove zvaifunga Jona paainyura mugungwa uye pashure pokunge amedzwa nehove huru. (Verenga Jona 2:1-9.)

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Vanhu vomuNinivhi vaiva vanhu vakaita sei, uye nei pakutanga Jona angave aizeza kutaura navo? (Nahumi 3:1)

․․․․․

Unofunga kuti Ninivhi raiva “guta guru kuna Mwari” pakudii? (Jona 3:3; 2 Petro 3:9)

․․․․․

Kutaura kwaJona zvakananga zvikanganiso zvake uye kutaura nezvaMwari wake kunoratidzei nezvake? (Verengazve Jona 1:9, 10.)

․․․․․

Jona angave akaziva sei zvakasara zvichiitika mungarava pashure pokunge akandwa mugungwa? (Verengazve Jona 1:15, 16.)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kutya.

․․․․․

Kuzvininipisa.

․․․․․

Kushinga.

․․․․․

Maonero anoita Jehovha vanhu, kunyange vaya vangaita sevakaipa kwatiri.

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana uchida kutsvakurudza mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi, January 1, 2009, mapeji 25-28.

KANA USINA BHAIBHERI, RIVERENGE PAINDANETI www.watchtower.org