Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Mwari Achipa Vanhu Chipo Choupenyu Husingaperi?

Nei Mwari Achipa Vanhu Chipo Choupenyu Husingaperi?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Nei Mwari Achipa Vanhu Chipo Choupenyu Husingaperi?

▪ Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ane chinangwa chokutipa mukana wokuti tiwane “upenyu husingaperi.” (Johani 6:40) Kunyange zvakadaro, chii chinoita kuti ade kutiwanisa upenyu husingaperi? Inongova nyaya yokururamisira here?

Kururamisira kunosanganisira kubata vamwe vanhu zvakanaka uye zvakakodzera. Chaizvoizvo takakodzera kurarama here? Kwete. Bhaibheri rinoti: “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Pane chirango chechivi. Mwari akanyevera munhu wokutanga Adhamu, kuti nezuva raaizotadza chokwadi aizofa. (Genesisi 2:17) Nokufamba kwenguva muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Saka kana vana vose vaAdhamu vakakodzera kufa, nei Mwari achipa mukana wokuti vanhu vawane upenyu husingaperi?

Upenyu husingaperi “chipowo zvacho chepachena.” Inzira yaMwari yokutiratidza nayo rudo rwakadzama uye mutsa usina kukodzera kuwanwa. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari, uye vari kunzi vakarurama pachishandiswa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu, sechipowo zvacho chepachena.”—VaRoma 3:23, 24.

Kunyange zvazvo tose takakodzera kufa, Mwari anosarudza kupa upenyu husingaperi kune vaya vanomuda. Pane kururamisira here apa? Bhaibheri rinoti: “Saka, tichatii? Mwari haaruramisiri here? Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro! Nokuti iye anoti kuna Mosesi: ‘Ndichanzwira ngoni chero wandinenge ndanzwira ngoni, uye ndichanzwira tsitsi chero wandinenge ndanzwira tsitsi.’ . . . Saka, iwe ndiwe ani chaizvo kuti upindure Mwari?”—VaRoma 9:14-20.

Mune dzimwe nzvimbo dzenyika, mumwe mukuru mukuru wehurumende kana kuti mutongi anogona kuregerera munhu anenge apara mhosva anenge achishandira mutongo wakaomarara. Kana munhu wacho ane mhosva akaratidza kuti anoteerera achiita zvaanenge arayirwa obva achinja unhu nemafungiro ake, mutongi kana kuti purezidhendi anogona kusarudza kumuregerera nokumururerutsira mutongo wake kana kutomuregerera zvachose. Izvi zvinoratidza kuti munhu wacho ane mhosva anenge aitirwa mutsa usina kukodzera kuwanwa.

Saizvozvowo, Jehovha anogona kusarudzawo kupa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa kune vanhu vose vanotadza. Rudo rwake rwunomuita kuti ape upenyu husingaperi kune vanomuda uye vanoteerera murayiro wake. Bhaibheri rinoti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Jehovha akaratidza rudo rwake rwakakura kwatiri nokutumira Mwanakomana wake kuti atambure nokutifira. Jesu akati nezvaBaba vake: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Vose vanosvika pakuda Jehovha uye vanoita zvaanoda vanoitirwawo izvozvo naMwari pasinei nokuti vanhu vakaita sei. Saka, tariro youpenyu husingaperi unongova mutsa usina kukodzera kuwanwa, kuratidza kwaMwari rudo rukuru kwazvo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Unongova mutsa usina kukodzera kuwanwa, kuratidza kwaMwari rudo rukuru kwazvo