Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nezvokunamata Kwechokwadi

Nezvokunamata Kwechokwadi

Zvatinodzidza Kuna Jesu

Nezvokunamata Kwechokwadi

Mwari Anofarira Manamatiro Ose Here?

▪ Jesu ainzwira tsitsi vanhu vakanga vanyengerwa nechitendero chenhema. Akanyevera nezve“vaprofita venhema vanouya . . . vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.” (Mateu 7:15) Wakambozvicherechedza here kuti vamwe vanhu vanoshandisa chitendero kuti vaite zvinangwa zvakaipa?

Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Saka Mwari haafariri manamatiro anopesana nechokwadi chiri muBhaibheri. Naizvozvo, kune vamwe vanyengeri vari muzvitendero, Jesu akashandisa mashoko aMwari anoti: “Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.”—Mateu 15:9.

Kune chitendero chechokwadi here?

▪ Jesu paakasangana nomumwe mukadzi kuSamariya akanga anyengerwa nechitendero chenhema, akati kwaari: ‘Imi munonamata chamusingazivi. Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.’ (Johani 4:22, 23) Zviri pachena kuti vari kunamata zvechokwadi vanogona kuwanika.

Jesu akati: “Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” Saka Jesu aiziva kuti chitendero chaaidzidzisa ndicho choga chaiva chechokwadi. (Johani 8:28) Naizvozvo, akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Sezvo vanamati vechokwadi vakabatana pavanotaura naBaba, vanofanira kunge vari muchitendero chimwe chete chechokwadi.

Ungaziva sei vari kunamata zvechokwadi?

▪ MuKristu munhu anotevera Jesu Kristu. Chimbofunga nzira ina dzatinogona kutevedzera mararamiro aiita Jesu dzinonyatsoratidza vateveri vake.

1. Achinyengetera kuna Jehovha, Jesu Kristu akati: “Ndakavazivisa zita renyu.” (Johani 17:26) Ndizvo zvichiri kuitwa nevaKristu vechokwadi.

2. Jesu aiparidza nezvoUmambo hwaJehovha uye akatuma vadzidzi vake kuti vaparidzewo paimba nemba. Akati: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri munhu akakodzera.” Pava paya, akaudza vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 10:7, 11; 28:19) Zviri nyore kuti uone vaKristu vechokwadi mazuva ano nokuti vachiri kuenderera mberi nebasa iri.

3. Jesu akaramba kutsigira zvematongerwo enyika. Ndosaka akaudza vateveri vake kuti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:14) Vanamati vechokwadi vanofanira kunyanya kuzivikanwa nokusatsigira zvematongerwo enyika.

4. Jesu aizvipira kuti ade vamwe. Akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) VaKristu vechokwadi vanodanana uye havapindiri muhondo.

Ungabatsirwa sei nokunamata kwechokwadi?

▪ Kuti unamate zvechokwadi, unofanira kutanga wanyatsoziva Jehovha. Kuziva Mwari kuchaita kuti ukwanise kutsvaga mararamiro akanaka muupenyu uye mwoyo wako uchada Mwari kwazvo. Jehovha akavimbisa vaya vanomuda upenyu husina magumo. Saka Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.”—Johani 17:3.

Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 15 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 16]

“Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.”—Mateu 7:15.