Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ribheka Aida Kufadza Jehovha

Ribheka Aida Kufadza Jehovha

Dzidzisai Vana Venyu

Ribheka Aida Kufadza Jehovha

MAZUVA ano zita rokuti Ribheka rinoshandiswa chaizvo nevanhu munzvimbo dzakawanda. Pane munhu waunoziva ane zita iroro here?— * Munhu ainzi Ribheka aikosha chaizvo mubhuku rakakurumbira zvikuru kupfuura mamwe munyika yose, Bhaibheri. Chii chaunoziva nezvake?—Tinofanira kuda kudzidza nezvaRibheka nokuti muenzaniso wake unogona kutibatsira kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha.

Ribheka ndiye mukadzi wechipiri anotaurwa muBhaibheri akava munamati wechokwadi waJehovha. Unoziva here kuti wokutanga wacho aiva ani?—Aiva Sara mudzimai waAbrahamu. Sara paakanga akura akabereka Isaka—zai regondo. Ngatichionai kuti Ribheka aida sei kufadza Jehovha uye kuti akasangana sei naIsaka.

Papera makore anopfuura 60 kubva Mwari atuma Abrahamu naSara kuti vabve kuHarani vachienda kunyika yeKenani. Abrahamu naSara pavanenge vakura zvikuru, Mwari anovavimbisa kuti vachava nemwana achanzi Isaka. Sezvaungafungidzira Isaka aidiwa chaizvo nevabereki vake. Sara paanofa ava nemakore 127, mwanakomana wake Isaka, atokura uye anorwadziwa zvikuru nokufirwa naamai vake. Abrahamu haadi kuti Isaka aroore mukadzi anobva kuvaKenani nokuti vanhu ava havanamati Jehovha. Saka anotumira muranda wake, zvichida Eriyezeri, kuti anosarudza achazova mudzimai waIsaka pakati pehama dzaAbrahamu dzaiva kuHarani, yaiva kure nemakiromita anopfuura 800!—Genesisi 12:4, 5; 15:2; 17:17, 19; 23:1.

Nokufamba kwenguva Eriyezeri, anosvika kuHarani nevamwe varanda vaAbrahamu aine ngamera gumi dzakatakura zvinhu uye zvipo zvokupa achazova mudzimai waIsaka. Vanomira patsime nokuti Eriyezeri anoziva kuti kana ava masikati vanhu vanouya kuzochera mvura yokupa zvipfuyo uye mhuri dzavo. Iye zvino Eriyezeri anonyengetera kuti munhu waanosarudza kuti ave mudzimai waIsaka anofanira kubvuma kumupa mvura yokunwa nokutaura kuti: “Inwai, uye ndichanwisawo ngamera dzenyu.”

Izvi ndizvo chaizvo zvinobva zvaitika! Ribheka musikana wechiduku “ane chitarisiko chakanaka kwazvo” anobva asvika patsime. Eriyezeri paanokumbira mvura yokunwa, anoti: “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura.” Paanoramba “achimhanya kutsime kunochera mvura” Eriyezeri anonyatsomutarisisa “achishamisika.” Pafunge! Kuti anwise ngamera gumi dzine nyota kusvikira dzaguta, Ribheka anofanira kuchera mvura inosvika marita 1 000!

Eriyezeri anopa Ribheka zvipo zvakanaka kwazvo, uye anobva aziva kuti iye mwanasikana waBhetueri, hama yaAbrahamu. Ribheka anokoka Eriyezeri neshamwari dzake kumba kwavo kuti vawane “nzvimbo yokurara.” Anobva amhanyira kumba kunovaudza nezvomueni atumwa naAbrahamu kubva kuKenani kure-kure kuzovaona.

Rabhani hanzvadzi yaRibheka paanoona zvipo zvinokosha zvapiwa hanzvadzi yake, uye paanoziva kuti Eriyezeri ndiyani anovakoka kuti vasvike. Asi Eriyezeri anoti: “Handingadyi kusvikira ndataura nezvenyaya dzangu.” Saka anobva ataura zvaatumwa naAbrahamu. Bhetueri pamwe chete nemudzimai wake uye Rabhani vanofara uye vanobvumira kuti mwana wavo aroorwe.

Vapedza kudya, Eriyezeri nevaainavo vanorara. Vamuka mangwanani, Eriyezeri anobva ati: “Ndiregei ndiende kuna tenzi wangu.” Asi amai vaRibheka nehanzvadzi yake vanoda kuti vagare “mazuva gumi zvawo.” Ribheka paanobvunzwa kana achida kuenda nokukurumidza, anobva apindura achiti, “Ndinoda kuenda.” Ipapo-ipapo anobva aenda naEriyezeri. Pavanozosvika kwavari kuenda, anobva ava mudzimai waIsaka.—Genesisi 24:1-58, 67.

Unofunga kuti zvaiva nyore here kuti Ribheka asiye mhuri yake neshamwari dzake achienda kunzvimbo yaiva kure, achiziva kuti zvimwe aisazovaona zvakare?—Kwete zvaisava nyore. Zvisinei, Ribheka akakomborerwa nokuti aida kuita zvaidiwa naJehovha. Muponesi wedu Jesu Kristu akazoberekwa nekwaari. Nesuwo tinogona kukomborerwa kana tichida kufadza Jehovha sezvaakaita.—VaRoma 9:7-10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye ukurudzire mwana kuti ataurewo.

MIBVUNZO:

▪ Ribheka aiva ani, uye Eriyezeri akamuona kupi?

▪ Nei Abrahamu aisada kuti Isaka aroore vakadzi vokuKenani?

▪ Ribheka akaratidza sei kuti aizova mukadzi akanaka?

▪ Tingaita sei kuti tiite saRibheka?