Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Kunze kwewaini, ndezvipi zvimwe zvinwiwa zvinodhaka zvaigadzirwa munguva inotaurwa muBhaibheri?

“Waini nedoro rinodhaka” zvinowanzotaurwa zviri pamwe chete muBhaibheri. (Dheuteronomio 14:26; Ruka 1:15) Shoko iri rokuti “doro” harifaniri kuita kuti tifunge kuti zvinwiwa izvi zvaibikwa semabikirwo anoitwa mamwe marudzi edoro anowanzonzi kangopisa anonyanya kukora, nokuti nzira yokuabika nayo yakatozotangwa mazana emakore gare gare. Doro rinodhaka raibikwa kwete chete nemichero yemizambiringa, madhetsi, maonde, maapuro, uye mapomegraneti asiwo neuchi.

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “doro rinodhaka” rakabva pashoko rechiAkkadian rinoreva doro rebhari raive rakakurumbira rokuMesopotamia. Doro iroro rakanga risinganyanyi kudhaka asi raigona kudhaka kana munhu akanwa rakawandisa. (Zvirevo 20:1) Hari dzokubikira doro nemifananidzo yadzo yakawanikwa mumakuva evaIjipiti vekare. KuBhabhironi doro rainwiwa nguva dzose, mungava mumizinda yamambo kana mudzimba dzevarombo. VaFiristiya vainwawo doro iroro. MuPalestine mose vanochera matongo vakawana majagi aiva akagadzirwa aine tsutso. Majagi iwayo aisviniswa doro kuitira kuti vainwa vasamedza masese ebhari inova ndiyo yaigadziriswa doro racho.

Nei mumazuva omuapostora Pauro kufamba nengarava kwaiva nengozi zvikuru mune dzimwe nguva dzegore?

Chikepe chaiva chakatakura muapostora Pauro chakatora nguva yakati rebei chichiedza kufamba chakananga nechokumabvazuva chichitevedza mhenderekedzo yeAsia Minor pamusana pemhepo yainge yakawandisa. Nhoroondo yeBhaibheri inoti pane imwe nzvimbo ‘zvakava nengozi kufamba nomugungwa nokuti kunyange kutsanya kwezuva rokuyananisa kwakanga kwatopfuura.’ Pauro akaudza vaaifamba navo kuti kana vaizoedza kuenderera mberi nerwendo rwacho vaizova nengozi yokurasikirwa “kwete nezvakatakurwa chete uye chikepe asiwo nemweya [yavo].”—Mabasa 27:4-10.

Kutsanya paZuva Rokuyananisa kwaiitwa September ava kupera kana kuti pakutanga kwaOctober. Vafambisi vezvikepe vokuRoma vaiziva kuti zvainge zvakanaka kufamba nechikepe kubva musi waMay 27 kusvika musi waSeptember 14. Kubva musi waSeptember 14 kusvika musi waNovember 11, kufamba nengarava kwainzi kwaiva nengozi, uye kubvawo musi waNovember 11 kusvika musi waMarch 10 zvainzi zvaiva nengozi zvikuru kufamba mugungwa. Zvakaitika kuna Pauro zvinonyatsoratidza kuti mamiriro acho okunze ainge asina kumira zvakanaka. (Mabasa 27:13-44) Vafambisi vengarava vaisangana nengozi yemadutu aiva nesimba zvokuti zvaivaomera kufambisa ngarava. Kana ari masikati makore aivhara zuva uye manheru makore aivhara nyeredzi. Mhute nemvura yainaya zvaiita kuti vanhu vasaona zvakanaka uye zvaivatadzisa kuona ngozi dzavaigona kusangana nadzo.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Bhodhoro redoro rokuIjipiti rakaitwa zvokuvezwa nomuti

[Kwazvakatorwa]

Erich Lessing/Art Resource, NY

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ngarava yekuRoma inotakura zvinhu c. 100-200 C.E.

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.