Enda pane zvauri kuda

Dzidzisa Vana Vako

Chakavanzika Chaunogona Kuudzawo Vamwe

Chakavanzika Chaunogona Kuudzawo Vamwe

WAKAMBOUDZWA chakavanzika here?— * Pane chandinoda kukuudza. MuBhaibheri chinonzi “chakavanzika chitsvene chakaramba chakanyararwa kwenguva dzisingaperi.” (VaRoma 16:25) Pakutanga, Mwari chete ndiye aiziva “chakavanzika chitsvene.” Rega tione kuti Mwari akazvifambisa sei kuti chakavanzika ichi chizivikanwe nevanhu vakawanda.

Chokutanga, unoziva here kuti shoko rokuti “chitsvene” rinorevei?— Rinoreva chinhu chinoyera, chakachena kana kuti chinokosha chaizvo. Saka chakavanzika chacho chinonzi chakavanzika chitsvene nokuti chinobva kuna Mwari mutsvene. Ndiani waunofunga kuti aida kuziva chakavanzika ichi chakakosha?— Ingirozi. Bhaibheri rinoti: “Ngirozi dzinoda kunyatsotarira muzvinhu izvozvi.” Chokwadi, ngirozi dzaida kunzwisisa chakavanzika chitsvene ichi.—1 Petro 1:12.

Jesu paakauya pasi pano, akataura nezvechakavanzika chitsvene uye akatsanangura zvachinoreva. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi makapiwa chakavanzika chitsvene choumambo hwaMwari.” (Mako 4:11) Wacherechedza here kuti chakavanzika chitsvene chinotaura nezvei?— Chinotaura nezveUmambo hwaMwari, hwatakadzidziswa naJesu kuti tinyengeterere.—Mateu 6:9, 10.

Unofunga kuti ngirozi dzaida kuziva nezvei?

Iye zvino ngatichionai kuti sei Umambo hwaMwari hwakanga huri chakavanzika “kwenguva dzisingaperi” kusvikira Jesu auya pasi pano ndokuzochitsanangura. Pashure pokunge Adhamu naEvha vaputsa mutemo waMwari ndokudzingirwa kunze kwemunda weEdheni, vashumiri vaMwari vakaziva kuti Mwari akanga achine chinangwa chokuti pasi rose rive paradhiso. (Genesisi 1:26-28; 2:8, 9; Isaya 45:18) Vakanyora nezvemufaro uchava nevanhu pasi pano kana Umambo hwaMwari hwava kutonga.—Pisarema 37:11, 29; Isaya 11:6-9; 25:8; 33:24; 65:21-24.

Iye zvino, funga nezveMutongi woUmambo hwaMwari. Unoziva here kuti Mwari akasarudza ani kuti ave Mutongi?— Mwa- nakomana wake, “Muchinda woRugare,” Jesu Kristu. Bhaibheri rinoti: “Kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. (Isaya 9:6, 7) Iwe neni tinofanira kuwana “zivo yakarurama pamusoro pechakavanzika chitsvene chaMwari, iye Kristu.” (VaKorose 2:2) Tinofanira kuziva kuti Mwari akatamisa upenyu hwengirozi yokutanga (Mwanakomana womudzimu) yaakasika akahuisa mudumbu raMariya. Mwanakomana iyeye uyo aiva ngirozi ine simba, ndiye akazotumwa naMwari pano pasi sechibayiro kuitira kuti tiwane upenyu husingaperi.—Mateu 20:28; Johani 3:16; 17:3.

Zvisinei, pane zvimwe zvatinofanira kuziva nezvechakavanzika ichi pane kungoti Mwari akasarudza Jesu kuti ave Mutongi woUmambo hwake. Chimwe chinhu nezvechakavanzika chitsvene ndechokuti vamwe vanhu vanosanganisira varume nevakadzi, vachava naJesu kudenga. Vachatonga pamwe chete naye.—VaEfeso 1:8-12.

Ngatichiona kuti vamwe vacho vaachatonga navo ndivanaani. Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti aizonovagadzirira nzvimbo kudenga. (Johani 14:2, 3) Kana ukatarisa magwaro anotevera, uchaona mazita mashoma evamwe varume nevakadzi vachatonga naJesu kudenga muUmambo hwaBaba vake.—Mateu 10:2-4; Mako 15:39-41; Johani 19:25.

Kwenguva yakareba, zvakanga zvisingazivikanwi kuti vangani vaizonotonga naJesu kudenga muUmambo hwake. Asi iye zvino tava kuziva kuti vangani. Unoziva here kuti vangani?— Bhaibheri rinoti i144 000. Ichi ndechimwe chinoumba chakavanzika chitsvene.—Zvakazarurwa 14:1, 4.

Unobvumirana nazvo here kuti “chakavanzika chitsvene choumambo hwaMwari” chinhu chinoshamisa chaizvo kupfuura zvose zvingazvivikanwa nevanhu?—Kana zvakadaro, ngatiedzei kudzidza zvose zvatinokwanisa nezvacho kuitira kuti tikwanise kutsanangurira vanhu vakawanda.

^ ndima 3 Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.