Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

MUMWE mukadzi aitengesa mubhawa, aituka, ari musiyadzasukwa, uye achishandisa zvinodhaka, akakwanisa sei kuchinja mararamiro ake? Chii chakaita kuti munhu aimboita zvematongerwo enyika, aisada kunzwa zvechitendero apedzisire ava mushumiri wechitendero? Mumwe mutungamiriri wemapurisa anomisa mhirizhonga wokuRussia aifanira kukurira zvinhu zvipi kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha? Verenga unzwe zvakataurwa nevanhu ava.

“Ini naamai vangu tava kuwiriranazve.”—NATALIE HAM

GORE ROKUBEREKWA: 1965

NYIKA: AUSTRALIA

NHOROONDO YOUPENYU: AISHANDISA ZVINODHAKA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kuRobe, taundi duku riri kuSouth Australia kwaiitwa zvokubata hove. Munzvimbo idzi, hotera dzeko ndidzo nzvimbo dzokutandarira. Vabereki vanopedza nguva yakawanda vari pahotera, saka vana vavo vanongokura vachipwititidzirwa utsi hwefodya, vachiona vanhu vachidhakwa nokutukana.

Ndakazosvitsa makore 12 ndava kutosvuta, mumuromo mangu mava kuita semakaumburukwa nechidembo uye tichingogara tichinetsana naamai vangu. Pandakanga ndava nemakore 15, vabereki vangu vakaparadzana uye papera gore nehafu, ndakatanga kugara ndoga. Ndakatanga kunwa doro, kushandisa zvinodhaka uye kuita zvechipfambi. Ndaigara ndakashatirwa uye ndakavhiringidzika. Asi nokuti ndakanga ndapedza makore mashanu ndichidzidzira kuzvidzivirira uye zvekarati, zvaindipa chivindi. Kunyange zvakadaro, panguva dzandaiva ndoga ndichifunga nezveupenyu hwangu, ndaisuruvara zvikuru uye ndainyengetera kuna Mwari ndichikumbira kuti andibatsire. Ndainyengetera ndichiti: “Zvimwe ndingaita hangu asi kwete zvokuenda kuchechi.”

Pava paya, ndakapiwa Bhaibheri neshamwari yangu yaifarira zvokunamata asi isina chechi yayaipinda. Aishandisa zvinodhaka sezvaingoitawo dzimwe shamwari dzangu. Asi akati aitenda nomwoyo wose kuti kuna Mwari uye akanditsanangurira zvandakagutsikana kuti ndaifanira kubhabhatidzwa. Takaenda kune rimwe dziva achibva andibhabhatidza. Kubvira ipapo ndakanzwa kuti ndava neukama hwepedyo naMwari. Asi handina kumbobvira ndawana nguva yokuverenga Bhaibheri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 1988, Zvapupu zviviri zvakasvika pamba pangu. Mumwe wacho akandibvunza kuti, “Zita raMwari unoriziva here?” Akabva andiverengera Pisarema 83:18 kubva muBhaibheri rake, iyo inoti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Ndakashaya neromuromo! Pashure pokunge vaenda, ndakatyaira motokari kwemakiromita 56 ndichienda kune chimwe chitoro chinotengesa mabhuku echiKristu kuti nditarise kana zita racho ririmo mune mamwe maBhaibheri uye ndakabva ndaritarisawo muduramanzwi. Pandakaona kuti ichokwadi kuti zita raMwari ndiJehovha ndakabva ndaona kuti ndaiva nezvakawanda zvandaisaziva.

Amai vangu vakanga vanditaurira kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vasinganzwisisiki. Kubva pazvishoma zvandaiziva nezvavo, ndaifunga kuti vanhu vakasarira kumashure uye vasingazivi zvemafaro. Ndakafunga kuti pavaizoshanya, ndaizoita sokuti handipo. Asi ndakachinja pfungwa pavakasvika. Ndakavati vapinde mumba tikabva tangotanga kudzidza Bhaibheri.

Pose pataipedza kudzidza, ndaiudzawo chikomba changu Craig zvandainge ndadzidza. Akaguma aneta nazvo achibva andibvutira bhuku randaidzidza ndokutanga kuzviverengera. Mumavhiki matatu akati akanga awana chokwadi nezvaMwari. Ini naCraig takazorega kushandisa zvinodhaka nokunyanyisa kunwa doro uye ndakabva ndarega basa rangu rokutengesa mubhawa. Takazosarudza kunyoresa muchato kuti titevedzere zvinotaurwa neBhaibheri.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Panguva yatakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, takanga tava kuda kurambana naCraig. Iye zvino, Craig murume akanaka uye tine vana vedu vaviri vakati gwindiri. Tavawo neshamwari dzedu dzatinoda chaizvo dzatinonamata nadzo.

Amai vangu vakadya marasha pavakatanga kunzwa kuti ndakanga ndava kuwadzana neZvapupu zvaJehovha. Asi izvi zvaikonzerwa nokuti vakanga vaudzwa zvisiri izvo nezveZvapupu. Iye zvino ini naamai vangu tava kuwiriranazve. Ndava kugutsikana chaizvo. Ndava negwara uye chinangwa muupenyu, uye ndava kunzwa kuti chido changu chokuva noukama naMwari chiri kuzadziswa.—Mateu 5:3.

“Ndakashamiswa nezvinhu zvakawanda zvandakadzidza muBhaibheri.”—ISAKALA PAENIU

GORE ROKUBEREKWA: 1939

NYIKA: TUVALU

NHOROONDO YOUPENYU: AIITA ZVEMATONGERWO ENYIKA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa kuNukulaelae, chimwe chitsuwa chakanaka chaizvo chiri kuPacific, icho chava chimwe chikamu cheTuvalu. Pachitsuwa ichi, vafundisi vainge vadzidziswa zvechitendero pane imwe koreji iri muSamoa, ndivo vakanga vakabata nzvimbo iyi. Vanhu vaigara pachitsuwa ichi ndivo vaitoona kuti vafundisi nemhuri dzavo vawana zvokudya zuva nezuva uye vawana pokugara vachivapa zvinhu zvose zvakanaka. Vanhu vaitofanira kuwana zvokudya zvokupa vafundisi kunyange ivo vasina zvokupa mhuri dzavo.

Mufundisi aigara pachitsuwa chandaigara ndiye aitungamirira chikoro uye aidzidzisa zvechitendero, masvomhu uye geography. Ndinoyeuka imwe nguva pandakaona mufundisi uyu achizvambura vana vechikoro zvokubuda ropa. Asi hapana aimbosimudza musoro, chero vabereki vacho. Mufundisi airemekedzwa sezvinonzi ndiye aitova Mwari.

Pandaiva nemakore gumi, ndakatama ndichienda kune chimwe chitsuwa uye ndakanopinda chikoro chimwe chete chehurumende chaivako. Pandakapedza chikoro, ndakatanga kushanda muhurumende. Panguva iyi, zvitsuwa izvi zvaitongwa neBritain zvichidaidzwa kuti Gilbert and Ellice Islands. Ndakashanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana ndikazova mupepeti werimwe pepanhau rehurumende raibuda vhiki nevhiki. Zvinhu zvakanga zvichifamba zvakanaka chaizvo kusvikira pandakazobudisa tsamba yaibva kune mumwe muverengi yaitsoropodza kutambiswa kwaiitwa mari yaishandiswa pakugadzirira kushanya kwaizoita Mambo weWales. Munyori wetsamba haana kunge ashandisa zita rake chairo, uye shefu wangu akati aida kuziva zita chairo remunhu wacho. Ndakaramba kumuudza uye kunetsana kwataiita kwakazivikanwa nevanhu vakawanda.

Pashure pekunetsana uku, ndakarega basa randaiita ndikatanga kuita zvematongerwo enyika. Ndakakunda musarudzo dzakaitwa muNukulaelae uye ndakagadzwa kuva Gurukota Rinoona Nezvekutengeserana Uye Zviwanikwa pasi pehurumende yeBritain. Pashure peizvi, vagari vepazvitsuwa zveKiribati (yaimbonzi Gilbert) neTuvalu (yaimbonzi Ellice) pavakanga vava kuwana rusununguko kubva muutongi hweBritain, gavhuna wacho akanditi ndive mukuru mukuru wedare raitungamirira Tuvalu. Asi ndakanga ndisingadi kuti vanhu vafunge kuti ndaitsigira utongi hweBritain. Saka ndakaramba, ndikabva ndakwikwidza musarudzo dzokuva gurukota mune zvematongerwo enyika pasina rutsigiro rwake. Ndakakundwa. Ini nomudzimai wangu takabva tasiyana nazvo tikadzokera kunogara kuchitsuwa chokumusha kwedu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Vanhu vepachitsuwa chandaigara vaiti musi weSvondo ndiwo Sabata uye vairiona sezuva dzvene, kunze kwangu chete. Ndiro zuva randaimbopinda mugungwa ndichibata hove. Ndakanga ndisingadi kuzivikanwa semunhu anoita zvechechi. Baba vangu vaindiudza kuti ivo nevamwe vanhu vaiodzwa mwoyo nezvandaiita. Asi ndakanga ndatsidza kuti ndakanga ndisingazoiti zvechechi.

Imwe nguva yandakaenda kuFunafuti, chitsuwa chine guta guru reTuvalu, munin’ina wangu akandikoka kuti tiende tose kumusangano weZvapupu zvaJehovha. Pave paya, mumwe mumishinari aiva Chapupu akandipa magazini akawanda eNharireyomurindi neMukai! kuti ndiverenge. Akandipawo bhuku raifumura kuti zvaidzidziswa nemachechi akawanda anozviti ndeechiKristu zvakatangwa nevahedheni. Ndakariverenga kakawanda. Ndakadzidza zvinhu zvinoshamisa zvakawanda zviri muBhaibheri, kusanganisira nyaya yokuti vaKristu havafaniri havo kuchengeta Sabata vhiki nevhiki. * Ndakaudza mudzimai wangu zvinhu izvi achibva arega zvokuenda kuchechi.

Kunyange zvakadaro, ndakanga ndatsidza kuti ndaisazombofa ndakaita zvechechi. Pakapera makore anenge maviri, asi handina kukanganwa zvandakanga ndadzidza. Ndakazonyorera tsamba mumishinari uya aiva kuFunafuti, ndichimuudza kuti ndakanga ndachinja mafungiro. Akabva atouya nechikepe chakanga chiri kuuyawo akandidzidzisa zvinhu zvakawanda zviri muBhaibheri. Baba vangu vakatsamwa chaizvo pavakanzwa kuti ndaida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi ndakavaudza kuti ndakanga ndadzidza zvinhu zvakawanda muBhaibheri ndichibatsirwa neZvapupu saka ndakanga ndasarudza kuva mumwe wavo.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Muna 1986, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha uye mudzimai wangu akazobhabhatidzwa gore rakatevera. Vanasikana vedu vaviri vakadzidzawo Bhaibheri vachibva vati vaitodawo kuva Zvapupu zvaJehovha.

Iye zvino ndinofara kuva muboka rechitendero rakafanana nerevaKristu vomuzana remakore rokutanga risina zvokuti vafundisi nevasiri vafundisi vanosiyaniswa. (Mateu 23:8-12) Vanozvininipisa vachitevedzerawo muenzaniso waJesu uye vanoparidzira vamwe nezvehurumende yoUmambo hwaMwari. (Mateu 4:17) Ndinotenda Jehovha Mwari chaizvo nokundipa mukana wokuti ndidzidze chokwadi nezvake uye vanhu vake!

“Zvapupu hazvina kuita zvokundimanikidza kuti ndidavire zvavaindiudza.”—ALEXANDER SOSKOV

GORE ROKUBEREKWA: 1971

NYIKA: RUSSIA

NHOROONDO YOUPENYU: MUTUNGAMIRIRI WEMAPURISA ANOMISA MHIRIZHONGA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa kuMoscow, yaiva guta guru reSoviet Union panguva iyoyo. Mhuri yedu yaigara pane rimwe furati rakakura uye vavakidzani vedu vakawanda vaishanda mune imwe fekitari. Ndinoyeuka vachichema-chema kuti ndaiva nezvibata-bata uye vachitaura kuti ndichakurumidza kufa kana kuguma ndava mujeri. Pandakasvitsa makore gumi, ndakanga ndava kutozivikanwa nemapurisa.

Pandakasvitsa makore 18, ndakapinda basa rechiuto ndichibva ndashanda somurindi wepamuganhu wenyika. Ndakadzokera kumba kwapera makore maviri ndikabva ndatanga kushanda mufekitari, asi basa racho raindifinha. Saka ndakabatana nechikwata chemapurisa anomisa mhirizhonga kuMoscow ndichiita basa rokurayiridza mapurisa kurwisa asina kupakata. Ndaibatsira pakusunga matsotsi muMoscow uye ndaienda kunzvimbo dzainzi dzainetsa munyika yose yeSoviet Union. Ndaida chaizvo zvokurwa. Pandaidzoka kumba, dzimwe nguva ndairara ndoga ndichityira kuti ndingarova mudzimai wangu ndiri kuhope.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakaona kuti zvokurwa zvandaiita zvakanga zvisingaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri. Ndakaonawo kuti ndaifanira kurega kusvuta uye ndaifanira kuderedza uwandu hwedoro randainwa. Zvisinei, ndakafunga kuti hazviiti kuti ndisiye basa rangu nokuti ndakanga ndisina unyanzvi hwokuita mamwe mabasa aizoita kuti ndiriritire mhuri yangu. Ndaifungawo kuti ndakanga ndisingazombokwanisi kuparidza sezvinoitwa neZvapupu.

Ndakazopedzisira ndaona kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvakarurama. Uye zvinotaurwa pana Ezekieri 18:21, 22 zvakandikurudzira. Ndima yacho inoti: “Zvino kana munhu akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita . . . , kudarika kwake kwose kwaakaita—hakuzoyeukwi pamusoro pake.”

Chandakada ndechokuti Zvapupu zvakanga zvisingandimanikidzi kudavira zvavaindiudza, asi vaindibatsira kuona kuti sei ndaifanira kuzvidavira. Ndakatora magazini eZvapupu angasvika 40 kana kupfuura uye mumavhiki matatu ndakanga ndapedza kuaverenga. Ndakanyatsoona kuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Tisati tadzidza Bhaibheri, takanga tasara paduku-duku kuti tirambane nomudzimai wangu. Iye zvino tava kuwirirana. Mudzimai wangu akatanga kudzidzawo Bhaibheri pandaidzidza, uye takasarudza kuti tishumire Jehovha pamwe chete. Iye zvinomhuri yedu yava kufara. Ndakazokwanisawo kuwana basa risingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.

Pandakatanga kuparidza paimba neimba, ndaienda ndakasunga chiso, sezvandaimboita pandaienda kunomisa mhirizhonga ndichiri kuchipurisa. Iye zvino ndava kukwanisa kuzvidzora kunyange mumwe munhu akandidenha. Nokufamba kwenguva ndakadzidza kuitira vanhu mwoyo murefu. Ndinozvidemba chaizvo kuti ndakatambisa nguva yangu, asi iye zvino ndinonyatsoona kuti ndava kuraramira zviripo. Ndinonakidzwa nokushandisa simba rangu pakushumira Jehovha Mwari uye kubatsira vamwe.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 24 Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Unofanira Kuchengeta Sabata Revhiki Nevhiki Here?” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2010, mapeji 11-15.