Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu ‘Anobvisa Chivi Chenyika’

Jesu ‘Anobvisa Chivi Chenyika’

Jesu ‘Anobvisa Chivi Chenyika’

Johani Mubhabhatidzi akati Jesu ‘anobvisa chivi chenyika.’ (Johani 1:29) Izvi zvakaita kuti vanhu vafunge nezvezvaizoitwa naJesu kuti anunure vanhu vanoteerera.

Asi nemhaka yei Jesu aifanira kufa kuti anunure vatadzi?

Kupa kwaakaita upenyu hwake asingaiti zvokumanikidzwa kwakabatsirei?

Ndivanaani vanobatsirwa nokufa kwake?

Rufu rwake rungakubatsirawo sei?

Gore negore Zvapupu zvaJehovha zvinoungana kuti zviyeuke zuva rokufa kwaJesu. Gore rino zvichayeuka zuva iri musi weSvondo 17 April, zuva ranyura.

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti uzoungana nazvo panenge pachidzidzwa zvinorehwa norufu rwaJesu. Pachakurukurwa mhinduro dzeBhaibheri nezvemibvunzo iri pamusoro apa.

Unogona kuenda paImba yoUmambo iri pedyo newe. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti uzive nguva chaiyo uye nzvimbo yacho.