Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ndiye Akasika Dhiyabhorosi Here?

Mwari Ndiye Akasika Dhiyabhorosi Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Mwari Ndiye Akasika Dhiyabhorosi Here?

▪ Vamwe vakafunga kuti sezvo Bhaibheri richiti Mwari ndiye “akasika zvinhu zvose,” anofanira kunge ari iye akasika Dhiyabhorosi. (VaEfeso 3:9; Zvakazarurwa 4:11) Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti haasiri iye akamusika.

Jehovha akasika munhu akazova Dhiyabhorosi. Saka kuvapo kwemhandu huru yaMwari iyi hakufaniri kuvhiringidzwa nezvinotaurwa neMagwaro pamusoro paJehovha kuti ndiye Musiki. Nezvake zvinonzi: “Basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:3-5) Kubva pamashoko aya tinogona kuona kuti Satani pane imwe nguva aimbova ngirozi yakanaka uye yakarurama, kureva kuti imwe yengirozi dzaMwari. Pana Johani 8:44, Jesu akati Dhiyabhorosi “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” kureva kuti pane imwe nguva Satani aimbova asina zvaaikanganisa uye achitaura chokwadi.

Ngirozi iyi yakazopedzisira yazviita Satani yaiva norusununguko rwokusarudza pakati pechakanaka nechakaipa, kungofanana nezvakanga zvakaita zvimwe zvisikwa zvakachenjera zvakasikwa naJehovha. Kusarudza kwaakaita kuita zvinopesana naMwari uye kufurira Adhamu naEvha kuti vapandukewo ndikwo kwakaita kuti azopedzisira ava kunzi Satani, zvinoreva kuti “Mupikisi.”—Genesisi 3:1-5.

Ngirozi iyi yakaipa yakazviitawo Dhiyabhorosi, zvinoreva kuti “Mucheri.” Satani ndiye nyakushandisa nyoka kuti inyengere Evha kuputsa mutemo woMusiki wakanga wakajeka. Ndokusaka Jesu akati Satani ‘ndibaba venhema.’—Johani 8:44.

Asi zvakafamba sei kuti chisikwa chokudenga chaiva chisina chivi mumwoyo macho uye pasina achinyengera chigume chaita zvakaipa kudaro? Zviri pachena kuti akaitira shanje kunamatwa kwaiitwa Mwari akafunga kuti ndiye anogona kutonga vanhu pane kuti vatongwe naJehovha. Panzvimbo pokuti akandire kure pfungwa dzokuda utongi, akaramba achingozvifunga kusvikira aita zvaidiwa nepfungwa dzake. Bhuku raJakobho rinorondedzera matanho aya richiti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—Jakobho 1:14, 15; 1 Timoti 3:6.

Somuenzaniso: Imbofunga nezvemunhu anoshanda pakambani basa rake riri rokubata mari. Ane mukana wokuzvomora mari onyora-nyora nhamba dzenhema. Kapfungwa aka kakauya mumusoro anogona kukurumidza kukadzinga. Asi kamwoyo kakaramba kakaremberera, pfungwa iyoyo ichakura zvokuti anozopedzisira aba. Akaba, ndiye anenge azviita mbavha. Akada kunyepa achiti haana mhosva, anenge atova murevi wenhema. Ndizvo zvakaitwa nengirozi yakanga yasikwa naMwari. Yakakudziridza zvido zvakaipa uye yakabva yaita zvaidiwa nemwoyo wayo ikashandisa rusununguko rwayaiva narwo kuti inyengere uye ipandukire Baba vayo, ikabva yazviita Satani Dhiyabhorosi.

Chinofadza ndechokuti Satani Dhiyabhorosi achaparadzwa naMwari kana nguva yake yakwana. (VaRoma 16:20) Iye zvino, vashumiri vaJehovha Mwari vari kurumwa nzeve nezvemanomano aSatani, uye kuti vangazvidzivirira sei kubva kwaari. (2 VaKorinde 2:11; VaEfeso 6:11) Saka nepose pazvinogoneka, “rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jakobho 4:7.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Ngirozi yakanga yakanaka yakazvisarudzira kuita zvinopesana naMwari ikabva yazviita Satani