Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Swedera Pedyo naMwari

“Muchasuwa”

“Muchasuwa”

ZVINORWADZA kuona munhu waunoda achiyuwira obva afa. Zvingori muropa kuti tirwadziwe kana tafirwa. Asi zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Musiki wedu Jehovha Mwari, anonzwisisa kurwadziwa kwatinoita. Haangogumiri pakunzwisisa chete asi anoda chaizvo kushandisa simba rake guru kuti amutse vanhu vakafa. Tarisa uone tariro iri mumashoko aJobho akanyorwa pana Jobho 14:13-15.

Ngatimbofungidzirai zviri kuitika. Jobho murume ane kutenda kwakasimba anosangana nemiedzo yakaoma, inosanganisira kurasikirwa noupfumi hwake, kufirwa nevana vake vose vaaida uye chirwere chinorwadza zvisingaiti. Ari mumatambudziko ose aya anodanidzira kuna Mwari achiti: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori [guva]!” (Ndima 13) Jobho anotoona sokuti akaenda kuSheori anenge azorora. Anoona sokuti kuenda kuSheori kuchamuzorodza pamatambudziko nepakurwadziwa uye mumaziso aMwari anenge achikosha kufanana nepfuma yakavigwa naMwari. *

Saka Jobho achatorovera muSheori here? Handizvo zvaanofunga. Mumunyengetero wake anoenderera mberi achiti: “Haiwa, kudai . . . maizonditemera nguva yakatarwa, mondiyeuka!” Jobho ane chivimbo chokuti haasi kuzogara muSheori zvachose uye Jehovha haasi kuzomukanganwa. Jobho anofananidza nguva yaachange ari muSheori kusvikira kunguva yaachazomutswa ‘nebasa rokumanikidzirwa.’ Kusvikira rini? Anoti, “Kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya.” (Ndima 14) Kusunungurwa ikoko kubudiswa muSheori, kureva kumutswa kubva muguva.

Nei Jobho ane chokwadi chokuti achasunungurwa? Nokuti anoziva kuti Musiki wedu ane rudo anoda chaizvo vanamati vake vakafa vakatendeka. Jobho anoti: “Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.” (Ndima 15) Jobho anozviziva kuti iye ibasa remaoko aMwari. Zvechokwadi mupi woupenyu anova ndiye akaita kuti Jobho aumbwe mudumbu anogona kumumutsa kana afa.—Jobho 10:8, 9; 31:15.

Mashoko aJobho anotidzidzisa chimwe chidzidzo chinoratidza rudo runa Jehovha chokuti: Anoda chaizvo vanhu vakadai saJobho avo vanozviisa mumaoko ake vachimubvumira kuti avaumbe kuva vanhu vaanoda. (Isaya 64:8) Jehovha anokoshesa chaizvo vanamati vake vakatendeka. Jehovha ‘anosuwa’ vaya vanofa vakavimbika kwaari. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti shoko rechiHebheru rakashandurwa pano “rinonyatsotsanangura chaizvo mashoko okuti kusuwa uye chido.” Jehovha haangoyeuki vanamati vake chete asi anoda chaizvo kuvamutsa.

Chinofadza ndechokuti Jehovha akaona zvakakodzera kuti chinangwa chake nezvokumutsa vakafa chinyorwe mubhuku raJobho, rinova rimwe remabhuku eBhaibheri akatanga kunyorwa. * Anoda kuti uzoonanazve nehama neshamwari dzako dzakafa. Pfungwa iyoyo inogona kukubatsira kutsungirira marwadzo okufirwa. Wadii kudzidza zvakawanda nezvaMwari uyu ane rudo uye nezvezvaungaita kuti akuumbe uve munhu achazoonawo chinangwa chake chichizadzika?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna March:

Esteri 1-9Jobho 1-15

^ ndima 2 Rimwe duramazwi rinoti mashoko aJobho okuti ‘ndivanzei,’ anogona kureva kuti “ndiisei panzvimbo yakanaka sechinhu chinokosha.” Rimwewo rinoti mashoko aya anogona kureva kuti “ndivanzei sezvinoitwa pfuma.”

^ ndima 6 Kuti udzidze zvakawanda nezvevimbiso iri muBhaibheri yokumutswa kuchaitwa vakafa munyika itsva yakarurama, ona chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.