Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mumwe akanga asingafariri vanhu uye aiimba musambo werock achipfeka zvisina mutsigo apedzisire ava kuda vanhu uye kutoedza kuvabatsirawo? Chii chakakurudzira mumwe murume wokuMexico kuti asiyane nokuita zvounzenza? Chii chakaita kuti imwe shasha yemijaho yokuchovha mabhasikoro kuJapan isiye zvomujaho ichida kushumira Mwari? Ngatimbonzwai zvinotaurwa nevanhu ava.

“Ndaiva ndisina unhu, ndichizvikudza, ndiine hasha.”—DENNIS O’BEIRNE

GORE ROKUBEREKWA: 1958

NYIKA: ENGLAND

NHOROONDO YOUPENYU: MUIMBI WEMUSAMBO WEROCK

MARARAMIRO ANDAIITA: Baba vangu ndevekuIreland uye ndakakura ndichipinda chechi yeRoma yokuIreland. Ndaiwanzoenda kuchechi ndiri ndoga asi zvaiva zvokungozvimanikidza. Ndakanga ndine nzara yezvinhu zvokunamata. Ndaigara ndichidzokorora Munyengetero waShe uye ndinoyeuka ndakarara usiku ndichifungisisa zvinorehwa nomunyengetero uyu. Ndaiwanzopatsanura munyengetero uyu ndoedza kufunga kuti chikamu chimwe nechimwe chinorevei.

Ndichiri kuyaruka ndakabatana nechikwata chaiita zvechirasta. Ndaifarirawo zvaiitwa nemasangano ezvematongerwo enyika akadai seAnti-Nazi League. Asi ndakazonyatsonyura muchikwata chomusambo werock chaida zvokupandukira. Ndaisvuta mbanje anenge mazuva ose nokushandisa zvimwe zvinodhaka. Sezvo ndakanga ndava nepfungwa yokuti “Chero zvazvaita,” ndakatanga kudhakwa, kutamba noupenyu uye kusava nebasa nemumwe munhu. Ndakanga ndisingashamwaridzani nevanhu uye ndaitozongotaura nemunhu wandainge ndaona seari kutaura zvine musoro. Kunyange kutorwa mapikicha chaiko ndakanga ndisingadi. Pandinofunga nezvazvo, ndinoona kuti ndaiva ndisina unhu, ndichizvikudza uye ndiine hasha. Ndaingoitira mutsa chete munhu anenge achiwirirana neni.

Ndava nemakore anenge 20, ndakatanga kufarira zveBhaibheri. Ndaiva neshamwari yangu yaitenga nokutengesa zvinodhaka iyo yakanga yatanga kuverenga Bhaibheri payaiva mujeri uye takakurukura kwenguva yakareba zvinhu zvechitendero, tichiongorora machechi uye mabasa aSatani munyika. Ndakatenga Bhaibheri uye ndakatanga kuridzidza ndiri ndoga. Ini neshamwari yangu taiverenga dzimwe nyaya dziri muBhaibheri, tosangana kuti tidzikurukure tiwane chinhu chimwe chatinobvumirana. Takaramba tichiita izvi kwemwedzi inoverengeka.

Izvi ndizvo zvimwe zvinhu zvatakabura pane zvataiverenga: tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino; vaKristu vanofanira kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari; havafaniri kutevedzera zvinoitwa nenyika, kusanganisira zvematongerwo enyika; uye muBhaibheri mune mazano akanaka panyaya dzetsika. Takanyatsoona kuti Bhaibheri nderechokwadi uye kuti panofanira kuva nechitendero chimwe chete chechokwadi. Asi nyaya yakanga iri pakuti saka ndechipi? Takambofunga nezvemachechi akakurumbira nezvaanoita zvokushamisira nezvaanopfeka uye kupindira kwaanoita mune zvematongerwo enyika, tikaona kuti Jesu haana kumboita zvakadaro. Takaona kuti machechi aya akanga asina Mwari mukati, saka takasarudza kumboongorora zvinoitwa nezvimwe zvitendero zvisina kukurumbira.

Taigara pasi nevanhu vezvitendero izvi tovanaya nemibvunzo. Taiziva zvinotaurwa neBhaibheri pamibvunzo iyoyo, saka taikurumidza kuzviona kana vachidzidzisa zvinoenderana neShoko raMwari. Paipera misangano iyoyo, ndaigara ndichinyengetera kuna Mwari ndichiti, ‘Kana vanhu ava vari vechitendero chechokwadi, ndapota itai kuti ndinzwe ndichida kuonanazve navo.’ Asi mushure memwedzi yakawanda tichiita misangano iyi, ndakanga ndisati ndawana boka rakandipindura mibvunzo yedu richishandisa Bhaibheri; uye handina kuzombova nechido chokuonanazve nerimwe remapoka aya.

Ini neshamwari yangu takazopedzisira taonana neZvapupu zvaJehovha. Takavabvunza mibvunzo yataingobvunza vamwe, asi vakatipindura vachishandisa Bhaibheri. Zvavakataura zvakanyatsoenderana nezvatakanga tatodzidza. Saka takavabvunza mimwe mibvunzo yatakanga tashaya mhinduro dzacho muBhaibheri. Somuenzaniso, takabvunza nezvemaonero anoita Mwari kusvuta uye kushandisa zvinhu zvinodhaka. Vakakwanisazve kutipindura vachishandisa Shoko raMwari. Takabvuma kuenda kumusangano waiitirwa paImba yoUmambo.

Zvaindiomera kupinda musangano. Vanhu vaiva noushamwari uye vakapfeka zvakanaka pavakauya kuzondikwazisa hazvina kundifadza nokuti ndakanga ndisingafariri vanhu. Ndakafungira vamwe vavo zvakaipa, ndikati handichadzokerizve kumisangano iyi. Asi senguva dzose ndakanyengetera kuna Mwari kuti andipe chido chokuonanazve nevanhu ava kana vari vechitendero chechokwadi, uye ndakanzwa ndiine chido chakasimba chokudzidza Bhaibheri neZvapupu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndaiziva kuti ndaifanira kurega kushandisa zvinodhaka, uye ndakabva ndangorega pakarepo. Midzanga ndiyo yakandinetsa kurega. Ndakaedza kakawanda kurega kusvuta asi ndaikundikana. Pandainzwa nezvevamwe vakangorasa midzanga yavo vakasazombosvutazve, ndakanyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho. Zvadaro, Jehovha akandibatsira zvokuti handina kuzombosvutazve. Ndakadzidza kuti zvinokosha kunyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose ndichimuudza zviri kutsi kwomwoyo.

Chimwe chinhu chikuru chandakachinja mapfekero angu nokushambidzika. Pandakatanga kuenda kumusangano paImba yoUmambo, nechepakati pomusoro wangu bvudzi rangu raiva rakati nyangarara ndakaridhaya ruvara rwebhuruu. Gare gare ndakazoridhaya ruvara rweorenji. Ndaipfeka majini nebhachi releather rakanga rakanyorwa-nyorwa. Zvapupu zvakaedza kundibatsira nomutsa panyaya iyi asi ndakaona pasina chikonzero chokuti ndichinje. Zvisinei, ndakazopedzisira ndafunga nezva1 Johani 2:15-17 inoti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” Ndakaona kuti chitarisiko changu chairatidza kuda nyika ino uye kuti ndiratidze kuti ndinoda Mwari, ndaitofanira kuchinja. Saka ndakachinja.

Nokufamba kwenguva, ndakazoziva kuti hakusi kuti Zvapupu chete ndizvo zvaida kuti ndipinde misangano yechiKristu. VaHebheru 10:24, 25 yakandiratidza kuti chaiva chinhu chandaitarisirwa kuti ndiite naMwari. Ndakatanga kuenda kumisangano yose uye pandakanga ndava kunyatsozivana nevanhu vacho, ndakasarudza kubhabhatidzwa kuti ndiratidze kuti ndakanga ndazvitsaurira kuna Jehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakabayiwa mwoyo chaizvo nokutibvumira kunoita Jehovha kuti tive noukama hwepedyo naye. Tsiye nyoro dzake nokuva nehanya zvakaita kuti ndimutevedzere iye noMwanakomana wake Jesu Kristu, muupenyu hwangu. (1 Petro 2:21) Ndakazoona kuti kuedza kuva nounhu hwechiKristu hazvirevi kuti ndava kutosiya tsika dzorudzi rwangu. Ndakashanda nesimba kuti ndive norudo nehanya nevamwe. Ndinoedza kutevedzera Kristu pamabatiro andinoita mudzimai wangu nomwanakomana wedu. Uye ndine hanya chaizvo nehama nehanzvadzi dzangu dzandinonamata nadzo. Kutevera Kristu kwakaita kuti ndive nechiremerera, ndizviremekedze, uye ndikwanise kuratidza vamwe rudo.

“Vakandiremekedza.”—GUADALUPE VILLARREAL

GORE ROKUBEREKWA: 1964

NYIKA: MEXICO

NHOROONDO YOUPENYU: UPENYU HWOUNZENZA

MARARAMIRO ANDAIITA: Takaberekwa tiri vanomwe, tikakurira kunharaunda yaiva nourombo hwakanyanya yeHermosillo, muSonora, kuMexico. Baba vangu vakafa ndichiri muduku, saka amai vaifanira kushanda kuti vatiriritire. Kazhinji ndaifamba ndisina shangu nokuti mari pakanga pasina. Ndakatanga kushanda ndichiri muduku kuti ndibatsire kuriritira mhuri. Taigara takawanda sezvaingoitawo dzimwe mhuri zhinji.

Kazhinji amai vaiswera vasipo saka taisara tisina anotichengetedza. Pandaiva nemakore 6, mumwe mukomana aiva nemakore 15 akatanga kundishungurudza pabonde. Izvi zvakaenderera kwenguva refu. Zvakaita kuti ndigume ndisingachazivi kuti zvakanaka ndezvipi panyaya iyi. Ndaifunga kuti hapana chakaipa nokukwezvwa nevanhurume. Pandakaenda kunanachiremba uye kuvafundisi ndichiti vandibatsire, vakandiudza kuti hapana chakaipa nemanzwiro andaiita.

Ndava nemakore 14, ndakasarudza kupfeka uye kuita zvairatidza vanhu kuti ndaiva ngochani. Zvakaramba zvakadaro kwemakore 11 akatevera, uye panguva iyi ndakatogara nevarume vakasiyana-siyana. Ndakazopedzisira ndaita kosi yokugadzira musoro uye ndaiva neshopu yaigadzira vanhukadzi zvorunako. Asi hazvina kuita kuti ndifare. Ndaigara ndichitambura uye ndichiona sokuti ndakanga ndiri kunyengedzwa. Ndaizviona kuti zvandaiita zvakanga zvisina kururama. Ndakatanga kuzvibvunza kuti, ‘Kune vanhu vakanaka uye vanobatsira here?’

Ndakafunga nezvehanzvadzi yangu. Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha akazobhabhatidzwa. Aindiudza zvaaidzidza, asi ndaisambozviteerera. Zvisinei, ndaiyemura upenyu hwake uye mhuri yake. Ndaiona kuti iye nomurume wake vainyatsodanana uye vairemekedzana. Vaiitirana mutsa. Nokufamba kwenguva, mumwe weZvapupu zvaJehovha akatanga kudzidza neni Bhaibheri. Pakutanga ndaingodzidzawo zvangu ndisina kana shungu nazvo. Asi zvinhu zvakazochinja.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Zvapupu zvakandikoka kune mumwe wemisangano wavo, ndikaenda. Ndakaona zvandakanga ndisati ndamboona. Kazhinji vanhu vaindiseka asi Zvapupu hazvina kundiseka. Zvakandikwazisa noushamwari uye zvakandiremekedza. Izvi zvakandibaya mwoyo chaizvo.

Maonero akanaka andaiita Zvapupu akatowedzera pandakapinda gungano ravo. Ndakaona kuti kunyange kana vari mapoka makuru, vanhu ava vakanga vakafanana nehanzvadzi yangu, vaifarira vanhu nemwoyo wose. Ndakazvibvunza kana iri ringava iro boka revanhu vakanaka uye vanobatsira randakanga ndava nenguva ndichitsvaka. Rudo rwavo uye kubatana kwavo zvakandishamisa, kusanganisira kushandisa kwavaiita Bhaibheri kuti vapindure mibvunzo yose. Ndakazoona kuti Bhaibheri ndiro raiita kuti vave noupenyu hwakanaka. Ndakaonawo kuti ndine zvakawanda zvandaifanira kuchinja kuti ndive mumwe wavo.

Ndaitofanira kunyatsochinja upenyu hwangu, nokuti ndairarama upenyu hwechikadzi. Ndaifanira kuchinja zvose shamwari dzangu, matauriro angu, tutsika twandaiita, mapfekero, magadziriro andaiita bvudzi. Vamwe vaimbova shamwari dzangu vakatanga kundiseka vachiti: “Ko zvaita sei? Inga wani zvawanga uri zvakanaka. Siyana nezvekudzidza Bhaibheri. Washayei?” Zvisinei, ndakanyanya kuomerwa nokuchinja upenyu hwounzenza hwandakanga ndajaira.

Pasinei nezvose izvi, ndaiziva hangu kuti zvaiita kuti ndichinje, nokuti mashoko eBhaibheri ari pana 1 VaKorinde 6:9-11 akanga andibaya mwoyo, anoti: “Chii! Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka youmambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari. Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena.” Kare ikako Jehovha akabatsira vanhu kuti vachinje, uye akandibatsirawo. Zvakanditorera makore uye zvakandinetsa chaizvo, asi ruyamuro rwandakapiwa neZvapupu uye rudo rwavaindiratidza zvakandibatsira chaizvo.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino ndava kurarama upenyu hwakanaka. Ndakaroora uye nomudzimai wangu tiri kudzidzisa mwanakomana wedu kuti aite zvinotaurwa neBhaibheri. Iye zvino handichambofungi nezvoupenyu hwandaimborarama, uye nemhaka yokunamata ndava neropafadzo uye zvikomborero zvakawanda. Ndava mukuru muungano, uye ndakakwanisa kubatsirawo vamwe kudzidza chokwadi nezveShoko raMwari. Kuchinja kwandakaita muupenyu kwakafadza amai vangu zvokuti vakabvuma kudzidza Bhaibheri vakatozova Chapupu chakabhabhatidzwa. Imwe hanzvadzi yangu yairarama upenyu hwounzenza yavawo Chapupu chaJehovha.

Kunyange vamwe vanhu vaiziva mararamiro andaiita vava kuona kuti kuchinja kwandakaita kwakatonaka. Ndinoziva chakaita kuti ndichinje. Kare ndakatsvaka rubatsiro rwenyanzvi asi mazano andakapiwa aiva asina kunaka. Zvisinei, Jehovha akandibatsira zvechokwadi. Kunyange zvazvo ndaiona sokuti handina kukodzera, akandicherechedza akandiratidza rudo nomwoyo murefu. Kucherechedzwa kwandakaitwa naMwari akanaka, akangwara, ane rudo uye kuziva kuti aida kuti ndirarame upenyu huri nani ndiko kwakaita kuti ndide kuchinja.

“Ndaiva ndisingagutsikani, ndakasurukirwa uye ndisina chinangwa muupenyu.”—KAZUHIRO KUNIMOCHI

GORE ROKUBEREKWA: 1951

NYIKA: JAPAN

NHOROONDO YOUPENYU: NDAIITA ZVEMIJAHO YOKUCHOVHA MABHASIKORO

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira mutaundi raiva rakanyarara reShizuoka Prefecture iro riri pedyo negungwa kuJapan, kwaigara mhuri yedu yevanhu vasere mune kamwe kamba. Baba vangu vaiva neshopu yemabhasikoro. Kubva ndichiri muduku, vaienda neni kumijaho yemabhasikoro uye vakaita kuti ndifarire mutambo wacho. Baba vangu vakabva vatanga kundirongera kuti ndive shasha chaiyo yokuchovha mabhasikoro. Ndava kupuraimari, vakatanga kundirovedza nomwoyo wose. Kusekondari ndakahwinha katatu kakatevedzana mumakwikwi aiitwa gore negore munyika. Ndakawana nzvimbo yokuenda kuyunivhesiti, asi ndakasarudza kuenda kuchikoro chemijaho. Ndava nemakore 19, ndakava shasha mumijaho yokuchovha mabhasikoro.

Panguva iyi, chinangwa changu muupenyu chakanga chava chokuti ndive shasha yedzose pakuchovha mabhasikoro muJapan yose. Ndaida kuva nemari yakawanda kuitira kuti mhuri yedu igova noupenyu hwomutambarakede. Pandaidzidzira, ndaishanda nesimba rangu rose. Pose pandaidzidzira kana kuti pataiita mijaho, ndaiti kana ndikaomerwa ndairamba ndichizviudza kuti ndizvo zvandakanga ndaberekerwa saka ndaitongofanira kuenderera! Uye ndozvandakaita. Kushanda nesimba kwandaiita kwakatanga kuva nepundutso. Mugore rangu rokutanga, patakaita mujaho nevamwe vakanga vari vatsva, ndakahwinha. Mugore rechipiri, ndakanzi ndakanga ndava kukwanisa kupinda mumujaho waizobudisa shasha yokuchovha mabhasikoro muJapan yose. Katanhatu, ndakaita wechipiri.

Pandakaramba ndichingohwina, ndakanga ndava kunzi muchinda wokuita ushamwari nemhepo wokuTokai, imwe nharaunda iri kuJapan. Ndaida zvokukwikwidza chaizvo. Nokufamba kwenguva ndakanga ndava kutyiwa nokuti ndanga ndisina tsitsi kana tiri pamujaho. Mari yandaiwana yakaramba ichiwedzera, uye ndakanga ndava kugona kutenga chero chandaida. Ndakatenga imba yaiva nekamuri rokuekisesaiza rakakura raiva nemichina yemandorokwati. Ndakatenga mota yaidhura zvokutoenzana nokutenga imba uye yakatoita zvokubva kunze kwenyika. Ndakatanga kutenga dzimba kuti ndichengetedze mari uye imwe yacho ndakaiisa mumisika yemari.

Pasinei nezvose izvi, ndakanga ndisingagutsikani, ndakasurukirwa uye ndisina chinangwa muupenyu. Panguva iyi ndakanga ndaroora uye ndava nevana, asi kazhinji ndaikurumidza kugumbukira mhuri yangu. Ndaiitira hasha mudzimai wangu nevana kunyange vangoita tunhu tuduku. Vakatanga kunditya vachiita zvokuongorora chiso changu kuti vaone kana twakakwidza.

Zvisinei, nokufamba kwenguva mudzimai wangu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakaita kuti achinje pane zvakawanda. Akati aida kuenda kumusangano weZvapupu, saka ndakasarudza kuti tiende semhuri. Ndichiri kuyeuka manheru akauya mumwe mukuru kumba kwedu akabva atanga kudzidza Bhaibheri neni. Zvandakadzidza zvakandibaya mwoyo chaizvo.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Handimbofi ndakakanganwa manzwiro andakaita pandakaverenga VaEfeso 5:5. Rugwaro urwu runoti: “Hapana chifeve kana munhu asina kuchena kana munhu anokara—zvinoreva kuva munhu anonamata zvidhori—ane nhaka chero ipi zvayo muumambo hwaKristu nohwaMwari.” Ndakaona kuti kuita mijaho yemabhasikoro hakuna kumbosiyana nokubheja uye kuti mutambo wacho waikurudzira makaro. Hana yangu yakandinetsa. Ndakaona kuti kana ndichida kufadza Jehovha Mwari, ndaifanira kurega zvemijaho. Asi zvakanga zvakandiomera.

Ndakanga ndichangopedza gore randakanga ndanyatsonzwa kuti ndaita chimwe chinhu muupenyu, uye ndakanga ndichiri kuda kuramba ndichihwina. Zvisinei, ndakaona kuti kudzidza Bhaibheri kwaiita kuti pfungwa dzangu dzigadzikane izvo zvakanga zvakasiyana chaizvo nemanzwiro andaiita pandaida kuhwina mijaho! Kubvira zvandakatanga kudzidza, ndakangokwikwidza katatu, asi mumwoyo mangu ndakanga ndichiri kuda zvemijaho. Ndainetsekawo kuti kana ndikarega ndaizoriritira sei mhuri yangu. Ndakanga ndava parumananzombe uye hama dzangu dzakatanga kundinetsa chaizvo nezvechitendero changu chitsva. Baba vangu vakaora mwoyo zvokupedzisira. Ndakashaya zvokuita ndikanetseka zvokuzoguma ndava kurwara nemudumbu.

Chakandibatsira kutsungirira nguva iyoyo yakaoma ndechokuti ndakaramba ndichidzidza Bhaibheri uye ndichienda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Zvishoma nezvishoma kutenda kwangu kwakasimba. Ndakakumbira Jehovha kuti anzwe minyengetero yangu uye andibatsire kuona kuti achainzwa. Kunetseka kwandaiita kwakadzikira mudzimai wangu paakandivimbisa kuti kugara muimba yakakura hakusiko kwaiita kuti afare. Ndakafambira mberi zvishoma nezvishoma.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakazoona kuti mashoko aJesu ari pana Mateu 6:33 ndeechokwadi. Akati: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Hatina kumbobvira tashaya “zvimwe zvinhu zvose” zvakataurwa naJesu, kureva zvinhu zvinokosha pakurarama. Mari yandava kutambira mushure mokusiya zvemijaho yava shoma chaizvo. Somuenzaniso, kana ndaimbotambira $3 000 iye zvino ndava kutambira $100, asi ini nemhuri yangu hatisati tamboshaya chinhu kwemakore 20 aya apfuura.

Pandinoita mabasa okunamata nevandinonamata navo, ndinotofara uye ndinogutsikana zvandaisamboita. Handimbooni kufamba kunoita nguva. Tava kuwirirana chaizvo semhuri. Vanakomana vangu vatatu nemadzimai avo vava vashumiri vaJehovha vakatendeka.