Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gehena Inzvimbo Inopisirwa Vanhu Here?

Gehena Inzvimbo Inopisirwa Vanhu Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Gehena Inzvimbo Inopisirwa Vanhu Here?

▪ Munhoroondo dzeEvhangeri, Jesu akanyevera vadzidzi vake nezvekutongwa muGehena. Zviri pachena kuti Jesu aida kuti vanyatsoona kuti nyevero yacho yakanga isiri yokutamba nayo. Asi aireva here vira romoto unopfuta unenge uchipisa nokusingaperi?—Mateu 5:22.

Ngatimbotangai nokuongorora shoko racho pacharo. Shoko rechiGiriki rokuti Geʹen·na rinoenderana nerechiHebheru rokuti geh Hin·nom,ʹ rinoreva “mupata waHinomu,” kana kuti shoko racho rose geh veneh-Hin·nomʹ, kureva kuti “mupata wevanakomana vaHinomu.” (Joshua 15:8; 2 Madzimambo 23:10) Nzvimbo iyi yava kunzi Wadi er-Rababi, mupata wakatetepa uye wakadzika uri nechepakati pemaodzanyemba eJerusarema uye kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwaro.

Munguva dzemadzimambo aJudha, kubvira muzana remakore rechisere B.C.E., nzvimbo iyi yaishandiswa kuita tsika dzechihedheni dzaisanganisira kupisa vana mumoto sezvibayiro. (2 Makoronike 28:1-3; 33:1-6) Muprofita Jeremiya akagara ataura kuti Mwari aizotonga vaJudha pamusana pouipi hwavo achishandisa vaBhabhironi kuvaurayira mumupata iwoyo. *Jeremiya 7:30-33; 19:6, 7.

Imwe nyanzvi inonzi David Kimhi yakararama munenge muna 1160-1235 C.E., inoti mupata uyu wakazochinjwa kuti ive nzvimbo yokurasira marara muJerusarema. Saka mumupata iwoyo moto waigara uchinganduma uchipisa tsvina dzose dzinenge dzirimo. Chose chaikandwamo chaipiswa kusara ava madota.

Vashanduri vakawanda vemaBhaibheri vakangoita zvomusoro wavo vachibva vashandura shoko rokuti Geʹen·na, kuti “hero.” (Mateu 5:22, King James Version) Vakazviitirei? Vaibatanidza dzidziso yenhema yokuti vanhu vakaipa vachanotsva nokusingaperi nemoto chaiwoiwo waiva mumupata kunze kweJerusarema. Asi Jesu haana kumbobvira ataura kuti muGehena munotambudzwa munhu.

Jesu aiziva kuti dzidziso yokuti vanhu vachanopiswa vari vapenyu idzidziso inonyangadza Baba vake vokudenga vane rudo Jehovha. Mwari paaitaura nezvezvaiitwa muGehena kare ikako mumazuva omuprofita Jeremiya, akati: “Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, iri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapise vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto, chinhu chandakanga ndisina kuvarayira uye chakanga chisina kuuya mumwoyo mangu.” (Jeremiya 7:31) Uyezve dzidziso yokuti vakafa vachanotsva inopesana neunhu hwaMwari ane rudo uye nedzidziso yeBhaibheri yakajeka yokuti vakafa “havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5, 10.

Jesu akashandisa shoko rokuti “Gehena” kufananidzira kuparadza zvachose kuchaitwa naMwari paanenge ava kutonga. Saka, zvinorehwa neshoko rokuti “Gehena” zvakangofanana nezvinorehwa nemashoko okuti “gungwa romoto” rinotaurwa muna Zvakazarurwa. Ose anoreva kuparadzwa zvachose zvokuti panenge pasisina tariro yokumutswa.—Ruka 12:4, 5; Zvakazarurwa 20:14, 15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 New Catholic Encyclopedia ichitsinhira nezveuprofita uhwu yakati: “Paizoparadzwa Jerusarema vagari varo vakawanda vaizourayiwa zvokuti zvitunha zvavo zvaisazovigwa asi zvaizokandwa mumupata zvooreramo kana kupiswa.”