Jesu—Chaakafira
‘Mwanakomana womunhu akauya kuzopa mweya wake [kana kuti upenyu hwake] kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’—MAKO 10:45.
JESU aiziva zvaaizotarisana nazvo. Aiziva kuti aizorarama upenyu hwakaoma. Asi aiziva kuti upenyu hwake hwaizodimburirwa panzira achiri nemakore okuma30, uye akanga asingatyi kufa.
Bhaibheri rinokoshesa zvikuru rufu rwaJesu. Rimwe duramazwi rinoti rufu rwaJesu runotaurwa nezvarwo kanenge ka175 muMagwaro echiKristu echiGiriki kana kuti muTestamende Itsva. Nei Jesu aifanira kutambura uye? Tinofanira kuziva mhinduro yacho nokuti rufu rwaJesu rwune zvakawanda zvarunogona kuita muupenyu hwedu.
Zvaitarisirwa naJesu
Gore raizofa Jesu, akaudza vadzidzi vake kakawanda nezvekutambura uye rufu zvaaizotarisana nazvo. Pavaiva munzira kuenda kuJerusarema kunopemberera Paseka, Jesu akaudza vaapostora vake 12 kuti: “Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi, vachamuseka uye vachamupfira mate vachimuzvambura vomuuraya.” * (Mako 10:33, 34) Chii chakaita kuti anyatsoziva zvaizoitika kwaari?
Jesu aiziva uprofita hwakawanda huri muMagwaro echiHebheru hwaiva hwagara hwataura nezvokuti upenyu hwake hwaizoguma sei. (Ruka 18:31-33) Chimboona humwe uprofita hwakanyorwa pamwe chete neMagwaro anoratidza kuti hwakazadzika sei.
Mesiya . . .
-
Aizotengeswa nezvidimbu 30 zvesirivha.—ZEKARIYA 11:12; MATEU 26:14-16.
-
Aizorohwa opfirwa mate.—ISAYA 50:6; MATEU 26:67; 27:26, 30.
-
Aizorovererwa.—PISAREMA 22:16; MAKO 15:24, 25.
-
Aizotukwa paanenge ari padanda.—PISAREMA 22:7, 8; MATEU 27:39-43.
-
Aizourayiwa asi hapana pfupa rake raizotyorwa.—PISAREMA 34:20; JOHANI 19:33, 36.
Jesu akazadzisa uprofita uhwu nehumwe hwakawanda. Zvakanga zvisingaiti kuti azviite nesimba rake iye. Kuzadzika kwakaita uprofita uhwu hwose kunoratidza kuti zvechokwadi Jesu akanga atumwa naMwari. *
Asi nemhaka yei Jesu aifanira kutambura uye kufa?
Jesu akafa kuti agadzirise nyaya dzaikosha
Jesu aiziva nyaya dzaikosha dzakanga dzamutswa mumunda weEdheni. Adhamu naEvha vakafurirwa kusateerera Mwari nechisikwa chisingaoneki chakanga chapanduka. Kupanduka kwakaita vaviri ava kwakamutsa nyaya yokuti Mwari ane kodzero yokuva changamire uye yokutonga here. Kutadza kwavakaita kwakamutsawo zvekare imwe nyaya yokuti pane vanhu vanogona kuramba vakavimbika kuna Mwari here kana vapinda mumuedzo.—Genesisi 3:1-6; Jobho 2:1-5.
Zvakaitwa naJesu zvakanyatsopedza nyaya idzi mbiri dzokuti Jehovha akakodzera kuva changamire uye vanhu vanogona kuramba vakavimbika. Kuteerera kwakaita Jesu nomwoyo VaFiripi 2:8) Jesu akaratidzawo kuti munhu asina chivi anogona kuramba akaperera kuna Jehovha pasinei nokuti apinda mumuedzo wakaoma sei.
wose “kusvikira parufu . . . rufu padanda rokutambudzikira,” kwakatsigira kuti Jehovha akakodzera kuva changamire. (Jesu akafa kuti anunure vanhu
Muprofita Isaya akagara ataura kuti kutambura kwaMesiya uye kufa kwake kwaizoita kuti vanhu vakanganwire zvivi. (Isaya 53:5, 10) Zvose izvi Jesu ainyatsozviziva uye akapa “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji” asingaiti zvokumanikidzwa. (Mateu 20:28) Rufu rwake rwechibayiro rwakaita kuti vanhu vane zvivi vakwanise kuva noukama hwakanaka naJehovha uye vanunurwe kubva muchivi norufu. Rufu rwaJesu rwakaita kuti tiwane mukana wokuwanazve zvakaraswa naAdhamu naEvha, tarisiro yokurarama nokusingaperi zvinhu zvose pazvinenge zvanaka pasi pano. *—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Zvaungaita
Munyaya dzino dzanga dzakatevedzana takurukura zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu, kwaakabva, mararamiro aakaita uye chakaita kuti afe. Kuziva chokwadi ichi nezvaJesu hakungokubatsiri kusiyanisa nhema nechokwadi pamusoro pake. Kuita zvinoenderana nechokwadi ichi kunogona kuita kuti ukomborerwe, kureva kuti kuva neupenyu hwakanaka iye zvino uye upenyu husingaperi mune ramangwana. Bhaibheri rinotiudza zvatinofanira kuita kuti tiwane makomborero iwayo.
-
Dzidza zvakawanda nezvaJesu Kristu uye basa rake muurongwa hwaJehovha.—JOHANI 17:3.
-
Tenda muna Jesu, woratidza nemararamiro ako kuti wakamugamuchira soMuponesi wako.—JOHANI 3:36; MABASA 5:31.
Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kudzidza zvakawanda nezvaJesu Kristu ‘Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga,’ uyo anotigonesa kuwana chipo ‘choupenyu husingaperi.’—Johani 3:16.
^ ndima 5 Kakawanda Jesu aizviti “Mwanakomana womunhu.” (Mateu 8:20) Mashoko aya haangogumiri pakuratidza kuti Jesu aiva munhu chaiye iye asi kuti anoratidzawo kuti ndiye “mwanakomana womunhu” akataurwa nezvake neuprofita hweBhaibheri.—Dhanieri 7:13, 14.
^ ndima 13 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezveuprofita hwakazadziswa naJesu, tarisa musoro uri pamashoko okuwedzera unoti “Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa” mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 17 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekukosha kwechibayiro chorufu rwaJesu, ona chitsauko 5 chinoti “Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?