Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingawana Kupi Rubatsiro Rwokutsungirira Matambudziko Edu Mazuva Ano?

Tingawana Kupi Rubatsiro Rwokutsungirira Matambudziko Edu Mazuva Ano?

Hurukuro Inokosha

Tingawana Kupi Rubatsiro Rwokutsungirira Matambudziko Edu Mazuva Ano?

Nhasi munyika mazano haazivani. Kwava nemabhuku uye mapurogiramu epaTV akakurumbira anopa vanhu mazano okugadzirisa matambudziko avo. Asi matambudziko akakura achiripo. Unganetseka kuti, ‘Pazvinhu zvinopa mazano, pane chandingavimba nacho here?’ Hungu chiripo!

Kunyange zvazvo Bhaibheri rava nezviuru zvemakore ravapo, rine zvarinotaura zvinopindura mibvunzo yakaita seinotevera:

▪ Ndingagadzirisa sei kusawirirana kuti ndive noukama hwakanaka nevamwe?

▪ Ndingaita sei kuti ndifare?

▪ Ndingagadzirisa sei matambudziko emari?

▪ Ndingaita sei kuti ndisazvidya mwoyo?

Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichakurukurwa muhurukuro yavose inoti “Mazano eBhaibheri Anogona Kutibatsira Here Kutsungirira Matambudziko Edu Mazuva Ano?” Hurukuro iyi yeBhaibheri ichakurukurwa pasi pose munyika dzinopfuura 230. Munzvimbo dzakawanda, ichakurukurwa paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri munzvimbo yacho musi weSvondo, 1 May 2011.

Zvapupu zviri kwaunogara zvichafara kukuudza nguva nenzvimbo yacho. Unokokwa noushamwari kuti uende kunonzwa hurukuro iyi.