Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzuva raJesu vaiona sei vanhu vasina mukurumbira?

Muzana remakore rokutanga C.E., vafundisi vechitendero chechiIsraeri nevamwe vaiva nezvinzvimbo munzanga vaitarisira pasi vanhu vasina kudzidza. VaFarisi vanonzi vaitoti: “Boka revanhu iri risingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.”—Johani 7:49.

Kunze kweBhaibheri, panewo zvimwe zvinyorwa zvinoratidza kuti mapoka aya aizvitorera pamusoro aitsvinyira vanhu vasina kudzidza achivati vaʽam ha·ʼaʹret, kana kuti “vanhu vepasi.” Pakutanga shoko iri raiva rokuremekedza uye raireva vanhu vokune dzimwe nzvimbo, zvisinei nokuti vaiva varombo here kana kuti vapfumi.—Genesisi 23:7; 2 Madzimambo 23:35; Ezekieri 22:29.

Zvisinei, munguva yaJesu shoko racho raishandisirwa kutsvinyira vanhu vainzi havazivi mutemo waMosesi kana kuti vaisatevedzera tumwe tumitemo twavanarabhi. Bhuku rinonzi Mishnah rinotonyevera kuti vanhu vasagara mudzimba dzavaʽam ha·ʼaʹrets. Sezvinotaurwa neEncyclopedia of Talmudic Sages, mumwe mudzidzi womuzana remakore rechipiri anonzi Rabbi Meir akadzidzisa kuti: “Kana ukaroodza mwana wako kumuam ha’aret, zvakafanana nokumusunga womukanda pamberi peshumba yobva yamutsika tsika isati yamubvambura-bvambura.” Talmud rinoti mumwe rabhi akatoti “vanhu vasina kudzidza havazomutswi pachamutswa vakafa.”

Zita rokuti Kesari rinoshandiswa muBhaibheri rinorevei?

KuRoma, Kesari raiva zita remhuri raGaius Julius uyo akasarudzwa kuva mutongi weRoma muna 46 B.C.E. Vamwe vatongi veRoma vakazotevera vanosanganisira vamwe vanotaurwa muBhaibheri vanoti, Agasto Tibheriyo uye Kraudhiyo vakasarudzawo kudaidzwa nezita rokuti Kesari.—Ruka 2:1; 3:1; Mabasa 11:28.

Tibheriyo akatanga kutonga muna 14 C.E., uye akatonga panguva yose yaiita Jesu ushumiri hwake hwepasi pano. Saka Jesu paakapindura mumwe mubvunzo panyaya yemutero achiti: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari,” Tibheriyo ndiye Kesari aitonga. (Mako 12:17) Zviri pachena kuti apa Jesu akanga asingangotauri nezvaTibheriyo chete. Asi zita rokuti “Kesari” raimiririra hurumende.

Muapostora Pauro paakanga ava kuda kutongwa zvisina kunaka munenge muna 58 C.E., akashandisa kodzero yake sechizvarwa cheRoma kuti akwidze nyaya yacho kuna Kesari. (Mabasa 25:8-11) Paakaita izvi Pauro akanga ari kukumbira kuti atongwe nedare repamusorosoro roumambo hwaivapo kwete naNero uyo aiva mutongi panguva iyoyo.

Zita remhuri rokuti Kesari rakatozonyanya kushandiswa pazvinhu zvine chokuita nokutonga zvokuti dzinza roumambo raKesari parakaguma, zita racho rakaramba richishandiswa sezita rokuremekedza remadzimambo.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Dhinari resirivha rine mufananidzo watibheriyo