Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii chinonzi Amagedhoni?

Chii chinonzi Amagedhoni?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Chii chinonzi Amagedhoni?

▪ Kune vakawanda, shoko rokuti “Amagedhoni” rinoita kuti vafunge nezvokuparadzwa kwevanhu vakawanda, zvichida nezvombo zvenyukireya, njodzi dzinongoitika dzoga dzichiparadza zvakawanda, kana kuti kunyange njodzi yezvakatipoteredza ichakonzerwa nokuwedzera kupisa kuri kuita kunze. Asi panoshandiswa shoko iri muBhaibheri rinenge risingarevi kana chimwe cheizvi. Saka muBhaibheri chii chinorehwa neshoko rokuti Amagedhoni?

Shoko rokuti “Amagedhoni” (“Ha-Magedhoni”) rinowanikwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Rinoreva hondo yakasiyana nedzatinoziva, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,” yokuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achange achikurudzirwa kurwisana naMwari kokupedzisira. Hondo iyi inotaurwawo mune mamwe magwaro akawanda.—Zvakazarurwa 16:14-16; Ezekieri 38:22, 23; Joeri 3:12-14; Ruka 21:34, 35; 2 Petro 3:11, 12.

Chii chinenge chichiitika muhondo iyi? Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nemashoko okufananidzira richiti: “Madzimambo enyika nemauto avo vakaungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza neuto rake.” Ari kunzi “akanga akatasva bhiza” ndiye Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akagadzwa naMwari kuti atungamirire mauto engirozi kuti vakunde vavengi vaMwari. (Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21) Rugwaro rwaJeremiya 25:33 runotaura nezvokuwanda kwevanhu vakaipa vachaparadzwa ruchiti: “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.”

Sei Amagedhoni ichitofanira kurwiwa? Marudzi ari kuramba kuti Mwari ndiye changamire, achizviti iwo ndiwo vanachangamire. (Pisarema 24:1) Kumuzvidza kwavanoita kunorondedzerwa pana Pisarema 2:2, inoti: “Madzimambo epanyika anomira uye machinda aungana pamwe chete kuti varwe naJehovha uye kuti varwe nomuzodziwa wake.”

Vapanduki ava vakaita sevanhu vanogara muzvitangwena zvisiri pamutemo, vanoti nzvimbo yacho ndeyavo kunyange hazvo isiri, uyewo vanoparadza zvakapoteredza nzvimbo yacho. Mazuva ano marudzi ari kuparadza pasi redu uye ari kusvibisa zvakaripoteredza. Shoko raMwari rakagara rataura mamiriro ezvinhu aya akaipa richiti: “Marudzi akava nehasha, hasha dzenyu [Mwari] dzakauya.” Zvadaro, Mwari ‘aizoparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Mwari akasarudza kuti achashandisa Amagedhoni kuti igadzirise nyaya yokuti ndiani ane kodzero yokutonga vanhu vose.—Pisarema 83:18.

Amagedhoni ichaitika rini? Mwanakomana waMwari akataura zvakajeka kuti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36) Kunyange zvakadaro, Mambo ari Murwi Jesu Kristu paaitaura nezveAmagedhoni akanyeverawo kuti: “Tarira! Ndiri kuuya sembavha. Anofara ndiye anoramba akamuka.” (Zvakazarurwa 16:15) Saka hondo iyi ine chokuita nokuvapo kwaKristu, kunonzi nouprofita hweBhaibheri kwakatotanga.

Vachaparadzwa neAmagedhoni ndevaya chete vanoita zvakaipa vasingadi kupfidza, asiwo “boka guru revanhu” richapukunyuka. (Zvakazarurwa 7:9-14) Richaona mashoko aya achizadzika, anoti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru”