Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mitero Unofanira Kuibhadhara Here?

Mitero Unofanira Kuibhadhara Here?

Mitero Unofanira Kuibhadhara Here?

VASHOMA vanorerukirwa nokubhadhara mitero. Vakawanda vanoona sokuti mitero yavanobhadhara inotambiswa, vakuru vakuru vanoishandisa kuita zvavanenge vangoda uye inodyiwa zviri pachena. Asi kune vamwe vanoramba kubhadhara mitero vachiti mari yacho inoshandiswa kuita zvinhu zvakaipa. Vagari vokune rimwe taundi riri kuMiddle East pavaitsanangura zvinoita kuti vasabhadhara mitero vakati: “Hatisi kuzobhadhara mari ichatenga mabara anozourayisa vana vedu.”

Mafungiro akadai akagara aripo uye vazhinji vanawo. Mushakabvu aiva mutungamiriri wechiHindu, Mohandas K. Gandhi akataura zvaiita kuti hana yake isamubvumira kubhadhara mitero achiti: “Munhu anotsigira zvakananga kana kuti zvisina kunanga Hurumende inotungamirirwa nemauto, anenge achitsigira chivi. Munhu wose angava mukuru kana muduku anobhadhara mutero unozoshandiswa neHurumende yacho, anenge achitoita chivi.”

Saizvozvowo, muzana remakore rechi19, mumwe muzivi ainzi Henry David Thoreau akati chaiita kuti arambe kubhadhara mitero ndechokuti mari yacho yaizoshandiswa kutsigira hondo. Akabvunza kuti: “Munhu angasarudzirwa zvokuita nevanhu vomutemo here achirega kutevedzera zvaanoudzwa nehana yake? Kana zvakadaro sei munhu wose akasikwa aine hana?”

Nyaya iyi inobata-bata vaKristu nokuti Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti vanofanira kuva nehana yakachena pazvinhu zvose. (2 Timoti 1:3) Asiwo Bhaibheri rinotaura kuti hurumende ine masimba okubhadharisa vanhu mitero. Rinoti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru [hurumende dzevanhu], nokuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari; vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzine mwero naMwari. Naizvozvo pane chikonzero chinogombedzera chokuti muzviise pasi, kwete chete nokuda kwehasha idzodzo asiwo nokuda kwehana yenyu. Ndokusaka muchiterawo mitero; nokuti ivo vashandi vaMwari vanoshandira vanhu vose, vachishanda nguva dzose nokuda kwaizvozvi. Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero.”—VaRoma 13:1, 5-7.

Ndima idzi ndidzo dzaiita kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vazivikanwe nokubhadhara mitero, pasinei nokuti mari yacho zhinji yaishandiswa pakutsigira zvehondo. Ndizvo zvinongoitawo Zvapupu zvaJehovha mazuva ano. * Nei muKristu achifanira kungobhadhara mitero pasinei nokuti mari yacho inozoshandiswa kuita zvinhu zvaasingatsigiri? MuKristu anofanira kungobhadhara mitero here iyo hana yake iri kumurambidza?

Mitero Nehana

Zviri pachena kuti imwe mari yemitero yaibhadharwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga yaishandiswa kubhadhara zvinhu zvine chokuita nehondo. Izvi ndizvo zvakazoita kuti Gandhi naThoreau varambe kubhadhara mitero.

Waona here kuti vaKristu havana kungoteerera murayiro uri muna VaRoma chitsauko 13 vachityira kuzorangwa, asiwo ‘nokuda kwehana dzavo’? (VaRoma 13:5) Saka chiripo ndechokuti, hana yomuKristu inomubvumira kubhadhara mitero, kunyange zvazvo mitero yacho ichizoshandiswa kutsigira zvinhu zvaasingadi. Kuti tinzwisise pfungwa mbiri idzi dzinoita sedzinopikisana, pane chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kuziva nezvehana yedu, inzwi riri mukati medu rinotiudza kana zvataita zvakanaka kana kuti zvakaipa.

Sezvakataurwa naThoreau, munhu wose ane inzwi iri romukati, asi hazvirevi hazvo kuti zvarinotaura zvakarurama nguva dzose. Kuti tifadze Mwari, hana yedu inofanira kuita zvinoenderana nemitemo yake. Tinofanira kugara tichigadziridza mafungiro kana maonero edu kuti aenderane neaMwari, nokuti mafungiro ake anopfuura edu nokure. (Pisarema 19:7) Saka tinofanira kuedza kunzwisisa maonero anoita Mwari hurumende dzevanhu. Anodziona sei?

Taona kuti muapostora Pauro akataura nezvehurumende dzevanhu achiti “vashandi vaMwari vanoshandira vanhu vose.” (VaRoma 13:6) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti vanoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka uye vanoita mabasa anokosha anobatsira vanhu. Kunyange hurumende dzine uori husingaiti kazhinji dzinoita mabasa akadai sekufambisa tsamba, kuwanisa munhu wose dzidzo, kudzima moto uye kuita kuti vanhu vatevedzere mutemo. Kunyange zvazvo Mwari achinyatsoziva zvikanganiso zvinoitwa nehurumende idzi, anodzibvumira kuti dzitonge kwekanguva uye anoti tibhadhare mitero kuratidza kuti tinoremekedza urongwa hwake hwokubvumira kuti hurumende idzodzo dzitonge vanhu.

Zvisinei, Mwari akabvumira hurumende dzevanhu kuti dzitonge, asi hadzisi kuzoramba dziripo. Ane chinangwa chokudzibvisa dzose odzitsiva neUmambo hwake hwokudenga uyewo chokuzogadzirisa zvinhu zvose zvakaipa zvakakonzerwa nokutonga kwadzo mumazana emakore apfuura. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Asi panguva ino Mwari haana kupa vaKristu mvumo yokuti vasateerere hurumende idzodzo vachiramba kubhadhara mitero kana kuti nedzimwewo nzira.

Ko kana uchine mafungiro akaita seaGandhi okuti kubhadhara mari yemitero inotsigira hondo chitadzo? Tikafungisisa nezvekukwirira kwakaita mafungiro aMwari pane edu zvinova nyore kuti tigadzirise mafungiro edu kuti aenderane neake, sezvazvinongoitawo kuti tinonyatsoona zvakaita imwe nzvimbo kana tikaenda pakakwirira. Achishandisa muprofita Isaya, Mwari akati: “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvowo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.”—Isaya 55:8, 9.

Hurumende Dzinofanira Kuteererwa Pane Zvose Here?

Zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yokubhadhara mitero hazvirevi kuti hurumende dzinofanira kungoteererwa pane zvose. Jesu akadzidzisa kuti Mwari akapa hurumende idzi masimba ane paanogumira. Paakabvunzwa kana zvaiva zvakakodzera mukuona kwaMwari kuti vanhu vabhadhare mitero kuhurumende yeRoma yaitonga panguva iyoyo, Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mako 12:13-17.

Hurumende, idzo dzinomiririrwa nezita rokuti “Kesari” ndidzo dzinogadzira mari uye kuita kuti ishandiswe zvinoenderana nokukosha kwayo. Saka mukuona kwaMwari, hurumende idzi dzine kodzero yokuita kuti mitero ibhadharwe kuitira kuti mari yadzo idzoswe. Asi Jesu akaratidza kuti hapana rimwe sangano revanhu rine kodzero yokupiwa “zvinhu zvaMwari,” kureva upenyu hwedu nokunamata kwatinoita. Kana mitemo yevanhu nezvavanoda zvikapesana nemitemo yaMwari, vaKristu ‘vanofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.’—Mabasa 5:29.

Mazuva ano vaKristu vangashushikana nezvemashandisirwo anoitwa mimwe mitero yavanobhadhara, asi havarambi kubhadhara mitero nechinangwa chokuvhiringidza zvinoitwa nehurumende. Izvozvo zvingaratidza kusavimba nezvichaitwa naMwari kuti agadzirise matambudziko evanhu. Pane kudaro, vanomirira nemwoyo murefu nguva yaMwari yokuti agadzirise zviri kuitwa nevanhu achishandisa Mwanakomana wake Jesu, uyo akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”—Johani 18:36.

Kubatsirwa Kwatinoitwa Nokutevedzera Zvinodzidziswa neBhaibheri

Pane zvakawanda zvaunogona kubatsirwa nazvo kana ukatevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yokubhadhara mitero. Hauzorangirwi kutyora mutemo uyewo hauzogari uchityira kuti uchabatwa. (VaRoma 13:3-5) Chinotonyanya kukosha ndechokuti uchava nehana yakachena pamberi paMwari uye uchamukudza nokuteerera kwaunoita mutemo. Ungarasikirwa nemari yakawanda kana uchizvienzanisa nevanhu vasingabhadhari mitero kana kuti vanobiridzira pakubhadhara mitero, asi nyaradzwa nevimbiso yaMwari yokuti achatarisira vashumiri vake vakatendeka. Mumwe munyori weBhaibheri Dhavhidhi akati: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.”—Pisarema 37:25.

Chokupedzisira, kunzwisisa uye kutevedzera murayiro weBhaibheri wokubhadhara mitero kuchaita kuti uve nerugare rwepfungwa. Hakuna mutemo ungakupa mhosva yemashandisirwo anoitwa mari yerendi yaunobhadhara kumuridzi wemba. Saizvozvowo, Mwari haazokupi mhosva yemashandisirwo anozoitwa mari yemitero nehurumende. Kwemakore akawanda, Stelvio paaiva asati adzidza Bhaibheri, aida kuti bato raitonga kumaodzanyemba kweEurope ribviswe. Achitsanangura chakazoita kuti asiyane nazvo, Stelvio akati: “Ndakaona kuti munhu haambokwanisi kuita kuti panyika pasave norusaruro, pave norunyararo uye kubatana. Umambo hwaMwari ndihwo chete hunogona kuita kuti pave nenyika yakanaka.”

Kana ‘ukapa zvinhu zvaMwari kuna Mwari,’ sezvakaitwa naStelvio, iwewo unogona kuona vimbiso iyi ichizadzika. Uchange uripo panguva iyo Mwari achaita kuti panyika pave nehurumende inotonga zvakanaka ichagadzirisa zvinhu zvakakanganiswa nehurumende dzevanhu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kana uchida kuona mamwe mashoko anoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokubhadhara mitero, ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 2002, peji 12, ndima 15, neyaMay 1, 1996, peji 16, ndima 7.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Tinofanira kugadziridza mafungiro edu kuti aenderane neaMwari nokuti mafungiro ake anopfuura edu nokure

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

VaKristu pavanobhadhara mitero vanova nehana yakanaka pamberi paMwari uye vanenge vachiratidza kuti vanovimba naMwari kuti achavapa zvavanoda pakurarama

[Mifananidzo iri papeji 22]

“Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari”

[Kwazvakatorwa]

Copyright British Museum