Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Sei Mwari akasarudza zvihuta kuti zvidyiwe nevaIsraeri murenje?

VaIsraeri vabuda muIjipiti, kaviri Mwari akavapa zvihuta zvakawanda kuti vadye nyama.—Eksodho 16:13; Numeri 11:31.

Chihuta kashiri kanowanzoonekwa munguva dzezhizha, kasingagoni kubhururuka kuenda kure asi kachigona kumhanya nomumauswa. Shiri idzi dzinowanzoberekera kumadokero kweAsia uye kuEurope. Zvadziri shiri dzinotama-tama, munguva yechando dzinowanzotamira kuNorth Africa neArabia. Padzinotama kuenda kumwe, dzinofamba dziri mapoka akakura dzichiyambuka dzakananga kumabvazuva kweGungwa reMediterranean dzobhururuka nepamusoro penzvimbo inonzi Sinai Peninsula.

Maererano nerimwe duramazwi rinonzi The New Westminster Dictionary of the Bible, zvihuta “zvinomhanya pakubhururuka uye zvinobhururuka zvakanaka, zvichingotevera kuri kuenda mhepo. Kana mhepo ikachinja, kana kuti kana shiri dzacho dzikaneta nokubhururuka, boka racho rose rinongowira pasi, rorara zvaro ipapo.” Dzisati dzapfuurira norwendo, dzinombozorora dziri pasi kwezuva rimwe kana maviri, saka zvinova nyore kuti dzibatwe nevavhimi. Nechekwokutanga kwezana remakore rechi20, nyika yeEgypt yaitotengesera dzimwe nyika zvihuta mamiriyoni matatu gore negore.

Pose pakadyiwa zvihuta nevaIsraeri maiva munguva dzechirimo. Kunyange zvazvo zvihuta zvaigara zvichipfuura nepaSinai panguva iyoyo, Jehovha ndiye akaita kuti ‘mhepo iuye’ kuzoita kuti shiri idzi dziwire mumusasa wevaIsraeri.—Numeri 11:31.

“Mutambo wokutsaurira” unotaurwa pana Johani 10:22 waiva wei?

Mitambo mitatu yakarayirwa vaJudha naMwari kuti vaite yaiti, Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa waiitwa pakutanga kwechirimo, Mutambo wePendekosti waiitwa chirimo chava kunopera, uye Mutambo Wokuunganidza waiitwa panguva yematsutso. Asi mutambo unotaurwa pana Johani 10:22 waiitwa pa“nguva yechando” uye panguva iyi paipembererwa kutsaurirwazve kwakaitwa temberi yaJehovha muna 165 B.C.E. Waiitwa kwemazuva masere, kutanga musi wa25 womwedzi wainzi Kisrevhi, musi unenge uine maawa mashoma chaizvo echiedza muchando wava kusvika. Chii chakaita kuti mutambo uyu utange kuitwa?

Muna 168 B.C.E., mutongi wevaSeleucid wokuSyria ainzi Antiochus IV (Epiphanes) akaita kuti pavakwe atari yechihedheni pamusoro peatari yaiva mutemberi yaJehovha kuJerusarema, achiedza kutsakatisa tsika dzevaJudha nemanamatiro avo. Akaita kuti paatari iyi pabayirwe zvibayiro kuna Zeusi, mwari wevaGiriki.

Izvi zvakaita kuti vaMakabhii vavapandukire. Mutungamiriri wevaJudha ainzi Judas Maccabaeus akarwisa vaSeleucid akatangazve kutonga muJerusarema, uye akaita kuti atari yakanga yasvibiswa iputswe, payaiva povakwa imwe itsva. Panyatsokwana makore matatu kubva pakatanga kuputswa atari yacho, Judas akatsaurirazve temberi yakanga yacheneswa kuna Jehovha. Kubva panguva iyoyo vaJudha vakabva vatanga kupemberera “mutambo wokutsaurira” (unonzi chanuk·kahʹ muchiHebheru) mumwedzi waDecember. Mutambo uyu wava kunzi Hanukkah.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mufananidzo waJudas Maccabaeus, Lyon, 1553

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 14]

Wakatorwa mubhuku rinonzi Wood’s Bible Animals. 1876