Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwari

Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwari

Tevedzera Kutenda Kwavo

Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwari

ESTERI paaisvika pachivanze cheimba yamambo muShushani, akaedza kudzikamisa hana, asi zvaisava nyore. Nhare iyi yamambo yaiva nezvifananidzo zvine mavara akawanda-wanda zvenzombe dzine mapapiro, vanhu vanopfura neuta, zvidhinha zvinopenya zvaiva nemifananidzo yeshumba, mbiru dzematombo uye zviumbwa zvinoyevedza. Yakanga yakavakirwawo panzvimbo yakakwirira pedyo neMakomo eZagros anogara akafukidzwa nechando, mujinga macho muine rwizi rune mvura yakachena rwaChoaspes. Zvose izvi zvakanga zvakagadzirirwa kuyeuchidza munhu wose aishanyira nhare iyi nezvesimba rakakura raiva nemurume uyu ainoonekwa naEsteri, uyo aizviti “mambo mukuru.” Mambo uyu aivawo murume wake.

Seiko Esteri akaroorwa nomurume uyu? Pavasikana vose vechiJudha vakanga vakatendeka hapana aimbofunga nezvokuroorwa nomurume akaita saAhashivheroshi! * Akanga asingatevedzeri mienzaniso yevanhu vakadai saAbrahamu, murume akazvininipisa akabvuma zvaakaudzwa naMwari zvokuti ateerere Sara, mudzimai wake. (Genesisi 21:12) Mambo wacho aisatomboziva nezvaJehovha, Mwari waEsteri, kana kuti nezveMutemo wake. Asi Ahashivheroshi aiziva mutemo wePezhiya, kusanganisira mutemo wairambidza zvakanga zvava kuda kuitwa naEsteri. Zvii zvaakanga ava kuda kuita? Mutemo wacho waiti munhu wose aiuya pamberi pamambo wePezhiya asina kutanga ashevedzwa naMambo aigona kuurayiwa. Esteri haana kunge ashevedzwa, asi akanga ari kuenda kuna mambo. Sezvaaiswedera pedyo nechivanze chemukati, mambo aizomuona akagara pachigaro chake. Saka angangodaro akanzwa sokuti ari kuzvikanda mukanwa meshumba.—Esteri 4:11; 5:1

Seiko Esteri akaisa upenyu hwake pamutanhiko kudaro? Uye chii chatingadzidza kubva pakutenda kwemukadzi uyu anoshamisa? Chokutanga, ngationei kuti zvakafamba sei kuti Esteri ave pachinzvimbo chaisawanika nemunhu wose wose chokuva mambokadzi wePezhiya.

“Aiva Nechitarisiko Chakanaka”

Esteri aiva nherera. Hatina zvakawanda zvatinoziva nezvevabereki vake vakamutumidza kuti Hadhasa, shoko rechiHebheru rinoreva kamuti kanoyevedza kanotumbuka maruva machena. Vabereki vaEsteri pavakafa, mumwe wehama dzake, murume aiva nemutsa ainzi Modhekai, akamunzwira tsitsi. Modhekai aiva mukuru zvikuru kuna Esteri. Akatora Esteri akagara naye uye aimubata semwanasikana wake chaiye.—Esteri 2:5-7, 15.

Modhekai naEsteri vaiva nhapwa dzechiJudha dzaigara muguta guru rePezhiya. Vanofanira kunge vaimbozvidzwa pamusana pechitendero chavo uye Mutemo wavaiedza kutevedzera. Modhekai akadzidzisa Esteri nezvaJehovha, Mwari ane tsitsi uyo akanga ambonunura vanhu vake kakawanda munhamo uye aizovanunura zvakare, uye izvi zvakaita kuti vaviri ava vave noukama hwakasimba. (Revhitiko 26:44, 45) Zviri pachena kuti Esteri naModhekai vakava tsika nditsikewo.

Zvinoita sokuti Modhekai aiva nechinzvimbo panhare yokuShushani, uye aigara pagedhi rayo nevamwe vashandi vamambo. (Esteri 2:19, 21; 3:3) Hatinyatsozivi hedu kuti Esteri aiitei paaikura, asi tinogona kungoti aigara nehama yake achitarisira musha wayo, uyo ungangodaro waiva munzvimbo yaigara varombo, nechemhiri kwerwizi kana tichibva kumba kwamambo. Zvichida aimboenda kumusika muShushani, achinoona zvinhu zvaitengeswa nevapfuri vegoridhe, vesirivha nevamwe vatengesi. Esteri haana kumbofungidzira kuti mumwe musi aizova nezvinhu zvoumbozha zvakadaro; haana kumboziva kuti ramangwana rake raizova rakaita sei.

Mambokadzi Anobviswa Pachinzvimbo

Rimwe zuva muShushani makava nekarunyerekupe kokuti zvinhu zvakanga zvisisina kumira zvakanaka mumba mamambo. Mambo Ahashivheroshi akaitira vaikudzwa vake mabiko makuru ezvokudya newaini zvemhando yepamusoro, uye akasarudza kushevedza mambokadzi wake aiva tsvarakadenga, Vhashti, uyo aidyira kwake oga nevakadzi. Asi Vhashti akaramba kuuya. Mambo akanyara uye akashatirwa, achibva abvunza vanachipangamazano vake kuti Vhashti orangwa sei. Zvakaguma nei? Akabviswa pakuva mambokadzi. Vashandi vamambo vakatanga kufamba kwose kwose vachitsvaka mhandara dzaiva tsvarakadenga; uye mambo aizosarudza mambokadzi mutsva kubva pakati padzo.—Esteri 1:1–2:4.

Ngatimbofungidzirai Modhekai achigara achimbotarisa Esteri uye achidada naye, asiwo achityira kuti nokuyaruka kwaakanga aita uye ava tsvarakadenga inonwisa mvura, aigona kutorwawo. Esteri 2:7 inoti: “Musikana wacho aiva nechimiro chakanaka nechitarisiko chakanaka.” Kuva tsvarakadenga chinhu chakanaka, asiwo munhu anofanira kuva nouchenjeri achizvininipisa. Zvikasadaro, zvingakonzera kuzvikudza, kudada, uye umwe unhu hwakashata hwemwoyo. (Zvirevo 11:22) Wakambozviona here izvozvo? Runako rwaEsteri rwaizova chinhu chaizomubatsira kana kuti chaizomuita munhu akaipa here? Izvozvo zvaizooneka nokufamba kwenguva.

Vashandi vaMambo pavaitsvaka mhandara vakaona Esteri, vakamutora vakaenda naye kumuzinda wamambo waiva mhiri kworwizi. (Esteri 2:8) Zvaifanira kunge zvakanga zvakaoma kuti aparadzane naModhekai, nokuti vaviri ava vainge baba nemwanasikana. Zviri pachena kuti Modhekai aisada kuti mwanasikana wake wokurera aroorwe nemunhu asingatendi, kunyange zvake aiva mambo, asi hapana zvaaigona kuita. Esteri asati aendeswa kuna mambo anofanira kunge akanyatsoteerera kurayirwa kwaaiitwa naModhekai! Paaiendeswa kunhare yeShushani, ane zvakawanda zvaimudya mwoyo. Aizonorarama upenyu hwakaita sei?

Ainzwirwa Nyasha “Nomunhu Wose Aimuona”

Esteri akazviwana ava mumamiriro ezvinhu matsva, aakanga asina kujaira. Aiva mumwe we“vasikana vakawanda” vakanga vaunganidzwa kubva kumativi mana eUmambo hwePezhiya. Tsika dzavo, mitauro uye maitiro zvinofanira kunge zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvaaiziva. Vachitarisirwa nomumwe mukuru mukuru ainzi Hegai, vasikana vacho vaifanira kupinda muchirongwa chekutsvindiswa kwegore rose, chaisanganisira kukwizwa muviri nemafuta anonhuwirira. (Esteri 2:8, 12) Mamiriro ezvinhu akadaro uye mararamiro acho zvingadaro zvakaita kuti vasikana ivavo vanyanye kukoshesa nyaya yorunako, pamwe chete nokuzvikudza uye kuita makwikwi. Izvi zvakakanganisa Esteri here?

Hapana munhu ainetseka nezvaEsteri kupfuura Modhekai. Nyaya yacho inoti zuva nezuva aisvika pedyo neimba yevakadzi kuti azive kuti Esteri akadini. (Esteri 2:11) Tumashoko twaaipota achiwana, zvichida kuvashandi vemumba macho vaimunzwisisa, tunofanira kunge twakaita kuti adade naEsteri. Nemhaka yei?

Hegai akayemura Esteri kwazvo zvokuti akamuitira mutsa worudo mukuru, akamupa vashandisikana vanomwe uye nzvimbo yakanaka kwazvo muimba yevakadzi. Nhoroondo yacho inototi: “Nguva yose iyi Esteri aingoramba achinzwirwa nyasha nomunhu wose aimuona.” (Esteri 2:9, 15) Runako rwega rwungadai rwakaita kuti ayemurwe zvakadaro nomunhu wose here? Kwete, pane zvimwe zvakawanda zvaiita kuti Esteri ayemurwe.

Somuenzaniso, nyaya yacho inoti: “Esteri akanga asina kutaura nezvevanhu vake kana nezvehama dzake, nokuti Modhekai akanga amurayira kuti asataura.” (Esteri 2:10) Modhekai akanga amurayira kuti asataura kuti muJudha nokuti akanga atoona kuti vaJudha vaisafarirwa muumambo hwePezhiya. Akafara chaizvo kuziva kuti iye zvino, kunyange zvazvo Esteri akanga ava kugara kwake oga, akanga achiri kuratidza kuti akachenjera uye kuti anoteerera!

Mazuva ano vechiduku vanogonawo kufadza mwoyo yevabereki vavo nevanhu vanovariritira. Pavanenge vasingaonekwi nevabereki vavo, kunyange pavanenge vari pakati pevanhu vasina njere, vasina tsika, kana kuti vane utsinye, vanogona kuramba kufurirwa kuita zvakaipa voramba vachiita zvavanoziva kuti ndizvo zvakarurama. Kungofanana naEsteri, pavanoita izvozvo vanofadza mwoyo waBaba vavo vekudenga.—Zvirevo 27:11.

Pakasvika nguva yokuti Esteri aendeswe kuna mambo, akanzi asarudze chero zvinhu zvaaifunga kuti angazoda, zvimwe kuti awedzere runako rwake. Zvisinei, achiteerera zano raHegai, akazvininipisa uye haana kukumbira zvimwe pane zvaakanga apiwa. (Esteri 2:15) Zvimwe akaziva kuti runako rwoga rwaisazoita kuti mambo atorwe mwoyo, asi kuti kuva nemwero uye kuzvininipisa ndizvo zvaizoyemurwa namambo nokuti vamwe vasikana vose vakanga vasina unhu uhwu. Ndizvo zvakaitika here?

Nhoroondo yacho inoti: “Mambo akada Esteri kupfuura vamwe vakadzi vose, zvokuti akanzwirwa nyasha nokuitirwa mutsa worudo pamberi pake kupfuura dzimwe mhandara dzose. Akabva aisa chishongo chomusoro choumambo mumusoro make, akamuita mambokadzi panzvimbo paVhashti.” (Esteri 2:17) Zvinofanira kunge zvakaomera musikana uyu wechiJudha aizvininipisa kuti ajairane nokuchinja kwakanga kwaita upenyu hwake. Ndiye akanga ava mambokadzi mutsva, mudzimai wamambo aiva nesimba kupfuura vose panyika panguva iyoyo! Chinzvimbo chake chitsva chakaita kuti akure musoro kana kuti adade here?

Kwete! Esteri akaramba achiteerera baba vake vokurera, Modhekai. Haana kumbobvira ati bufu nezvevanhu vake vechiJudha. Uyezve, Modhekai paakafumura urongwa hwokuuraya Ahashivheroshi, Esteri akateerera zvaakaudzwa naModhekai achibva anyevera mambo, vakanga vachironga kumuuraya vakabva vaurayiwa. (Esteri 2:20-23) Akateerera achizvininipisa kuratidza kuti akanga achiri kutenda muna Mwari wake. Mazuva ano vanhu havachatombooni sokuti kuteerera chinhu chakanaka, nokuti kusateerera uye kupandukira ndizvo zvangojairika. Asi vanhu vane kutenda kwechokwadi vanokoshesa kuteerera, sezvakaitwa naEsteri.

Kutenda kwaEsteri Kunoedzwa

Murume ainzi Hamani akapiwa chinzvimbo chepamusoro mumuzinda waAhashivheroshi. Mambo akamugadza kuti ave mukuru wemakurukota, akamuita chipangamazano wake mukuru uye mutevedzeri wake. Mambo akatorayira kuti vanhu vose pavaiona mukuru mukuru uyu vaifanira kumukotamira. (Esteri 3:1-4) Mutemo iwoyo wakakonzera dambudziko kuna Modhekai. Aisada kutyora mutemo waMwari kuitira kuti afadze mambo. Hamani aiva “muAgagi.” Saka angangodaro aiva muzukuru waAgagi, mambo wevaAmareki akaurayiwa nomuprofita waMwari Samueri. (1 Samueri 15:33) VaAmareki vaiita zvakaipa zvokuti vakazviita vavengi vaJehovha naIsraeri. Rudzi rwevaAmareki rwakanga rusingafarirwi naMwari. * (Dheuteronomio 25:19) Zvaisaita kuti muJudha akatendeka akotamire mutongi wechiAmareki! Modhekai aisakwanisa kudaro. Akatsika madziro. Nanhasi, varume nevakadzi vane kutenda vachiri kuisa upenyu hwavo pamutanhiko vachida kuteerera pfungwa iyi inoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Hamani akashatiriswa. Kwaari zvakanga zvisina kukwana kuti atsvake nzira yokuuraya Modhekai chete. Asi aitoda kutsakatisa rudzi rwose rwaModhekai! Hamani akataura namambo, achiita kuti vaJudha vaonekwe namambo sevanhu vakashata. Haana kutaura kuti vanhu vacho ndivanani, asi akapa pfungwa yokuti vakanga vasingakoshi, vari vanhu “vakapararira uye vakasiyana nemarudzi.” Akatovati vakanga vasingateereri mitemo yamambo; nokudaro vakanga vari vapanduki vane ngozi. Akati aizoisa mari yakawanda munochengeterwa pfuma yamambo kuti ishandiswe pakuuraya vaJudha vose vaiva muumambo hwacho. * Mambo Ahashivheroshi akapa Hamani rin’i yake ine chidhindo kuti asimbise chero murayiro waaifunga.—Esteri 3:5-10.

Pasina nguva vatumwa vakanga vava kumhanya nemabhiza kumativi mana eumambo hwacho, vachizivisa vaJudha kuti vakanga vari kutongerwa rufu. Fungidzira kuti mashoko akadaro akaita kuti vanhu vanzwe sei paakasvika kure kuJerusarema, kwaiva nevakasara vevaJudha vakanga vadzoka kuBhabhironi kwavaiva nhapwa uye vaitamburira kuti vavakezve guta rakanga risati rava norusvingo runodzivirira. Modhekai paakanzwa mashoko aya anotyisa, anofanira kunge akafunga nezvavo pamwe chete nehama neshamwari dzake dzaiva muShushani. Apererwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazora madota mumusoro uye akaridza mhere ari pakati peguta. Zvisinei, Hamani akagara hake achinwa namambo, asina kana hanya nedambudziko raakanga akonzera pavaJudha vakawanda neshamwari dzavo muShushani.—Esteri 3:12–4:1.

Modhekai akaona kuti aitofanira kumira-mira. Asi pane chaaigona kuita here? Esteri akanzwa nezvedambudziko rake akamutumira mbatya, asi Modhekai akaramba kunyaradzwa. Zvimwe akanga ava nenguva achinetseka kuti nei Mwari wake, Jehovha, akanga arega Esteri achitorwa achinoitwa mambokadzi wemutongi wechihedheni. Apa zvakanga zvava kuita sokuti chikonzero chacho chava kubuda pachena. Modhekai akatumira shoko kuna mambokadzi Esteri achimuteterera kuti ataure namambo, amiririre “vanhu vake.”—Esteri 4:4-8.

Esteri anofanira kunge akatya zvikuru paakanzwa shoko iroro. Uyu waiva muedzo mukuru wokutenda kwake. Akapindura Modhekai zvaiva pamwoyo pake achiratidza kuti aitya. Akayeuchidza Modhekai nezvemutemo wamambo. Munhu aimira pamberi pamambo asina kushevedzwa aitongerwa rufu. Aizongoregererwa chete kana mambo atambanudza tsvimbo yake youmambo yendarama. Tichifunga zvakanga zvaitika kuna Vhashti uyo akanga aramba kuenda kwaakashevedzwa namambo, zvaiita here kuti Esteri atarisire kunzwirwa nyasha? Akaudza Modhekai kuti akanga ava nemwedzi wose asina kumboshevedzwa namambo. Anofanira kunge akanga ava kutonetseka kuti akanga achiri kudiwa here namambo uyu aichinja-chinja mafungiro ake. *Esteri 4:9-11.

Modhekai akapindura nenzira yakasimbisa kutenda kwaEsteri. Akamuita kuti azive kuti kana akatadza kumira-mira, ruponeso rwevaJudha rwaizobva kune imwe nzvimbo. Asi Esteri aizotarisira sei kuponeswa kana aizoramba akanyarara kusvikira dambudziko iri ratanga? Pano Modhekai akaratidza kutenda kwake kwakasimba muna Jehovha, uyo aisazomborega vanhu vake vachitsakatiswa uye zvipikirwa zvake zvisingazadziswi. (Joshua 23:14) Modhekai akabva abvunza Esteri kuti: “Ndiani anoziva kana wakava vahosi nokuda kwenguva yakaita seino?” (Esteri 4:12-14) Modhekai aivimba zvizere naMwari wake, Jehovha. Ndizvo zvatinoitawo here?—Zvirevo 3:5, 6.

Kutenda Kwakasimba Zvokusatya Rufu

Esteri akanga asingachafaniri kuramba achiti pamunhondo pamusasa. Saka akakumbira Modhekai kuti audze vanhu vekwake kuti vatsanyewo kwemazuva matatu, akapedzisa nokutaura mashoko ava nemakore achingodzokororwa, anoratidza kutenda uye ushingi okuti: “Kana ndikaparara, ngandiparare hangu.” (Esteri 4:15-17) Kwemazuva matatu iwayo anofanira kunge akanyengetera nemwoyo wose zvaakanga asati amboita muupenyu hwake. Nguva yokuti achinoona mambo yakazosvika. Akapfeka nguo dzake dzakanakisisa dzoumambokadzi, akaita zvose zvaaigona kuti ayemurwe namambo. Akabva aenda.

Sezvarondedzerwa patangira nyaya ino, Esteri akananga kumuzinda waMambo. Imbofungidzira kuzvidya mwoyo kwaaiita uye kunyengetera kwaaiita nemwoyo wose. Akapinda muchivanze, maaigona kuona Ahashivheroshi ari pachigaro chake choumambo. Zvimwe akaedza kuongorora zvakanga zvakaita chiso chamambo. Bvudzi ramambo raiva rakanyatsomonana uye ndebvu dzakanyatsochekererwa. Kumirira kwaakaita kwakamuitira kunge gore rose. Asi murume wake akazosimudza musoro akamuona. Zvechokwadi mambo akashamisika, asi chiso chake chakanyevenuka. Akamutambanudzira tsvimbo yake youmambo yendarama!—Esteri 5:1, 2.

Mambo akateerera zvaida kutaurwa naEsteri. Akanga atsigira Mwari wake nevanhu vokwake, uye nanhasi vashumiri vaMwari vose vachiri kutevedzera muenzaniso wake wakanaka wokutenda. Asi uku ndiko kwaiva kutanga kwebasa rake. Aizoita sei kuti mambo agutsikane kuti chipangamazano wake waaida kupfuura vose, Hamani, akanga ari kuronga kuita zvakaipa? Aizobatsira sei pakuponesa vanhu vokwake? Tichakurukura mibvunzo iyi mune imwe nyaya ichauya.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Vakawanda vanofungidzira kuti Ahashivheroshi ndiye Xerxes I, uyo akatonga Umambo hwePezhiya pakutanga kwezana remakore rechishanu B.C.E.

^ ndima 24 Hamani angangodaro aiva mumwe wevaAmareki vokupedzisira-pedzisira, sezvo “vakanga vasara” vavo vakaparadzwa kare mumazuva aMambo Hezekiya.—1 Makoronike 4:43.

^ ndima 25 Hamani akati aizopa matarenda esirivha 10 000, anokosha mazana emamiriyoni emadhora mazuva ano. Kana Ahashivheroshi ari iye aiva Xerxes I, mari yacho ingangodaro yakaita kuti zvakataurwa naHamani zviwedzere kumutora mwoyo. Xerxes aida mari yakawanda chaizvo kuti arwisane nevaGiriki. Akanga ava nenguva achironga hondo iyi yaakazokundwa.

^ ndima 28 Xerxes I aizivikanwa semunhu asinganzwisisiki pake chaipo uye aiva nehasha. Munyori wenhoroondo dzekare wechiGiriki Herodotus akanyora mimwe mienzaniso yehondo dzaXerxes dzaakarwa neGirisi. Mambo uyu akarayira kuti pagadzirwe zambuko paHellespont. Zambuko racho parakaparadzwa nedutu, Xerxes akarayira kuti vavaki vacho vagurwe misoro uye akatoita kuti varume vake “varange” Hellespont nokurova mvura yacho nezvihwepu mashoko okutuka achiverengwa zvinonzwika. Izvi pazvaiitika, mumwe murume aiva mbozha paakakumbira kuti mwanakomana wake asapinda muchiuto, Xerxes akaita kuti mwana wacho agurwe nepakati, mutumbi wake ndokuiswa pachena seyambiro kune vamwe.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Modhekai aigona kudada nemwanasikana wake wokurera

[Mufananidzo uri papeji 20]

Esteri aiziva kuti kuzvininipisa uye uchenjeri zvaikosha zvikuru kupfuura runako

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Esteri akaisa upenyu hwake pamutanhiko kuti adzivirire vanhu vaMwari