Chokwadi Chinogona Kuchinja Upenyu Hwako
Chokwadi Chinogona Kuchinja Upenyu Hwako
NYAYA dzino dzinotevedzana dzafumura dzimwe nhema pamusoro paMwari dzaungadaro wakambonzwawo kana kudzidziswa. Asi ungangodaro uchizeza kuchinja zvaunotenda, kunyanya kana wanga wava nenguva uchizvitenda.
Izvozvo zvinonzwisisika. Mamwe machechi haakurudziri vanhu kuti vaongorore kana dzidziso dzawo dzichienderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Vamwewo ndivo vanotsigira nhema dzavanodzidzisa vachiti Bhaibheri rakaoma kunzwisisa zvokuti rinongonzwisiswa nevashoma. Asi vadzidzi vaJesu vaikurumidza kunzwisisa zvinhu zvaaivadzidzisa, kunyange hazvo vazhinji vacho vaingova vanhuwo zvavo vasina kudzidza.—Mabasa 4:13.
Pamwe ungarega kuongorora zvaunotenda uchityira kuti zvingazoita sokuti hauna kutenda. Asi zvine musoro here kufunga kuti Mwari angakutsamwira kana ukaongorora Bhaibheri, iro shoko raakapa vanhu, kuti unzwisise zvaanoda kuti uite? Shoko rake rinotokukurudzira kuti uongorore Magwaro parinoti: ‘Uedze, uzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.’—VaRoma 12:2.
Kutsvaka chokwadi pamusoro paMwari hakungokubatsiri kuti udzidze zvawanga usingazivi, asiwo kunogona kuvandudza upenyu hwako. (Johani 8:32) Deanne ambotaurwa munyaya yokutanga, iye zvino ava nokutenda kwakasimba muShoko raMwari. Anoti: “Ndisati ndatanga kudzidza Bhaibheri ndaisamboziva kuti Magwaro ari nyore kunzwisisa zvakadaro. Iye zvino ndava kuziva Jehovha sababa vangu vokudenga vane rudo, kwete saMwari asina hanya nevanhu. Ndava kunyatsoziva chinangwa choupenyu.”
Zvichida wakambodzidza Bhaibheri asi pasina zvazvaikubatsira. Kana zvakadaro, usakanda mapfumo pasi. Kuedza kunzwisisa Bhaibheri iwe uchidzidziswa nhema pamusoro paMwari kwakafanana nokuedza kugadzira muchina wakafa uchishandisa kabhuku kemirayiridzo komumwewo muchina. Unogona hako kugadzira zvishoma pamuchina wacho asi paunotadza zvakawanda zvacho, unoguma wakanda mapfumo pasi. Asi kana ukashandisa kabhuku kemirayiridzo komuchina wacho chaiwo, zviri nyore kuti ubudirire kuugadzira.
Ungada here kudzidza chokwadi nezvaMwari? Tinokukumbira kuti utaure neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti kunyorera pakero yakakodzera pane dziri papeji 4 yemagazini ino kuti udzidze Bhaibheri usingabhadhari.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
‘Edzai, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.’—VAROMA 12:2