“Havana Kuteerera Asi Vanofanira Kuremekedzwa”
“Havana Kuteerera Asi Vanofanira Kuremekedzwa”
ADOLF HITLER paaitonga sapurezidhendi wenyika yeGermany ane utsinye zvikuru, akagamuchira zviuru nezviuru zvetsamba. Muna 1945, pashure pokunge Russia yapamba nzvimbo dzakapoteredza Berlin, tsamba dzacho dzakawanda dzakatorwa dzikanochengeterwa kuMoscow. Mumwe muongorori wenhoroondo dzekare anonzi Henrik Eberle akaongorora zviuru zvetsamba idzi mumaraibhurari ekuMoscow achida kuziva kuti ndivanaani vainyorera Hitler uye kuti vaiva nechinangwa chei. VaEberle vakabudisa zvavakawana paongororo iyi mubhuku rinonzi Letters to Hitler.
VaEberle vanoti: “Vanhu vaisanganisira vadzidzisi nevadzidzi, vapristi nemasisita, vanamuzvinabhizimisi vakakurumbira nemarovha, vakuru vakuru vemauto nemasoja acho, vose vakanyorera Hitler tsamba. Vamwe vaiita sevachamunamata vachimuti ndiye Mesiya akanga aberekwazve asi vamwe vaimuti ndiSatani chaiye.” Hitler akanyorerwa here tsamba nevakuru vakuru vechechi nezveutsinye hwaiitwa nevaNazi? Akanyorerwa hake asi dzaiva shoma-shoma.
Zvisinei, mumaraibhurari okuMoscow, vaEberle vakawana faira raiva netsamba dzakati wandei dzakanyorerwa Hitler neZvapupu zvaJehovha zvaibva munzvimbo dzakasiyana-siyana dziri muGermany. Tsamba idzi dzaitsoropodza zvaiitwa nevaNazi. Zvapupu zvomunyika dzinenge 50 zvakatonyorera Hitler tsamba nemateregiramu zvinokwana 20 000 zvichitsutsumwa nezvemabatirwo aiitwa Zvapupu zvaJehovha. Zviuru zveZvapupu zvakasungwa uye mazana nemazana azvo akaita zvokuurayiwa kana kuti akafa nemhaka yokuitirwa utsinye nevaNazi. VaEberle vanopedzisa vachiti: “Nhamba yeZvapupu izvi yaiva shoma chaizvo kana tichiienzanisa nemamiriyoni evanhu vakaurayiwa nehurumende yevaNazi. Asi inoratidza kuti seboka vakatsika madziro uye havana kuteerera hurumende yevaNazi, asi vanofanira kuremekedzwa.”