Vacheche Vanofanira Kubhabhatidzwa Here?
Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Vacheche Vanofanira Kubhabhatidzwa Here?
▪ “Ndaityira kuti kahanzvadzi kangu John, kaizoenda kuLimbo,” akadaro Victoria. Chii chaiita kuti atye? Anoti: “John akafa asati abhabhatidzwa uye mupristi weRoma akati ndizvo zvaizoita kuti arambe ari mupurigatori nokusingaperi.” Chokwadi dzidziso iyi inotyisa chaizvo, asi ndizvo here zvinodzidziswa neMagwaro? Bhaibheri rinodzidzisa here kuti vana vanofa vasati vabhabhatidzwa vanoramba vari muLimbo?
Ichokwadi kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Waona here kuti vaya vanobhabhatidzwa vanofanira kuva vadzidzi vaJesu? Izvi zvinoreva kuti vanotanga vadzidza nezvaJesu, vozosarudza kumutevera. Mwana mucheche haangagoni kuita chisarudzo ichocho.
Kunyange zvakadaro, vakawanda vanosimbirira nerokuti murayiro waJesu unoshandawo kuvana vaduku. Mumwe mufundisi wechechi yeLutheran anonzi Richard P. Bucher akati: “Munhu wose anofanira kubhabhatidzwa, kusanganisira vana vacheche. Kurega kuvabhabhatidza kunoita kuti vasakanganwirwa zvivi uye kunovaisa pangozi yokuzonotsva nokusingaperi.” Zvisinei, pfungwa idzi dzinopesana nezvakadzidziswa naJesu munzira dzinenge nhatu.
Chokutanga, Jesu haana kudzidzisa kuti vacheche vanofanira kubhabhatidzwa. Nei pfungwa iyoyo ichikosha? Chimbofunga izvi: “Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nomwoyo wose zvinhu zvinodiwa naMwari. Pamwe pacho aitodzokorora dzidziso dzinokosha. Aizviitirei? Kuti ave nechokwadi chokuti vadzidzi vake vanzwisisa zvaaivadzidzisa. (Mateu 24:42; 25:13; Mako 9:34-37; 10:35-45) Asi hapana paakambodzidzisa kuti vacheche vanofanira kubhabhatidzwa. Kuti Jesu angava akakanganwa here kutaura nyaya iyi? Kwete! Chokwadi, dai kuri kuti vacheche vanofanira kubhabhatidzwa, Jesu angadai akataura nezvazvo.
Chechipiri, Jesu haana kumbodzidzisa kuti pane munhu anozotambudzwa kana afa. Aibvumirana nezvinotaurwa neMagwaro ayo anoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Jesu aiziva kuti vakafa havayuwiri vari mupurigatori, Limbo, gehena kana kuti imwewo nzvimbo. Asi akadzidzisa kuti havana chavanoziva, vanoita sevakarara.—Johani 11:1-14.
Chechitatu, Jesu akadzidzisa kuti “vaya vose vari mumakuva” vachamutswa. (Johani 5:28, 29) Hapana mubvunzo kuti vanhu ava vachange vachisanganisira mamiriyoni evasina kumbobvira vabhabhatidzwa. Pavachamutswa vachava nemukana wokudzidza zvinodiwa naMwari uye wokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. *—Pisarema 37:29.
Saka zviri pachena kuti Bhaibheri haridzidzisi kuti vacheche vanofanira kubhabhatidzwa.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 8 Kuti udzidze zvakawanda nezveParadhiso iyi uye tariro yokumutswa kwevakafa, ona zvitsauko 3 ne7 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.