Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mumwe murume akanga apindwa muropa nokubheja ari tsotsi remakoko achinje mararamiro ake? Verenga unzwe kuti anotii.

“Ndaifarira mijaho yemabhiza zvisingabviri.”—RICHARD STEWART

GORE ROKUBEREKWA: 1965

NYIKA: JAMAICA

NHOROONDO YOUPENYU: AIITA ZVOKUBHEJA ARI TSOTSI REMAKOKO

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muKingston, guta guru reJamaica raiva nourombo uye rakazara nevanhu. Vanhu vaigara vachingopara mhosva uye basa rainetsa kuwana. Kwaiva nezvikwata zvematsotsi zvaiita kuti vanhu vagare vakangobatira ura mumaoko. Pfuti dzairira rinenge zuva roga-roga.

Amai vangu vaiita zvose zvavaigona kuti vatiriritire ini nomunin’ina wangu pamwe nehanzvadzi yangu. Vakavawo nechokwadi kuti tawana dzidzo yakanaka. Kuchikoro ndaingoendawo asi mwoyo wangu waiva kumijaho yemabhiza. Ndairovha chikoro kuti ndiende kwaaimhanyira ndichitombonoatasvawo.

Pasina nguva ndakanga ndatopindwa muropa nokubheja pamijaho yemabhiza. Ndairarama upenyu hwounzenza ndisingabviri mumadhirezi. Ndaisvuta mbanje uye ndaiba ndakapakata kuti ndiwane mari yokuramba ndichirarama upenyu hwakaipa. Kunyange zvazvo ndaiva nepfuti dzakawanda, ndinofara kuti hapana munhu wandakauraya pose pandaiba kasingaverengeki ndakapakata.

Ndakazopedzisira ndabatwa nemapurisa ndikatongerwa kugara mujeri. Pandakabudiswa mujeri, ndakangotangira pandakanga ndasiyira. Ndakanga ndava kutoita zvinogara zvakadaro. Kunyange zvazvo vanhu vaisandifungira, ndaiva chandagwinyira, ndisingatani kutsamwa uye ndiine utsinye. Ndakanga ndisina basa nemunhu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Munguva yandaiita zvakaipa zvose izvi, amai vangu vakadzidza Bhaibheri vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakaona kuti vakachinja kuva munhu akanaka, uye izvi zvakaita kuti ndide kuongorora kuti sei vakanga vadaro. Saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

Ndakaona kuti dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiyana nedzezvimwe zvitendero uye kuti zvose zvavanodzidzisa zvinotsigirwa neBhaibheri. Zvapupu ndizvo chete zvandaiziva nokuparidza paimba neimba sezvaiitwa nevaKristu vekare. (Mateu 28:19; Mabasa 20:20) Ndakagutsikana kuti ndawana chitendero chechokwadi pandakaona rudo rwechokwadi rwavairatidzirana.—Johani 13:35.

Zvandakadzidza zvakaita kuti ndione kuti ndinofanira kuchinja zvinhu zvakakura muupenyu hwangu. Ndakadzidza kuti Jehovha Mwari anovenga ufeve uye kuti ndaitofanira kurega maitiro aisvibisa muviri wangu kana ndaizoda kumufadza. (2 VaKorinde 7:1; VaHebheru 13:4) Zvakandibaya mwoyo kuziva kuti Jehovha anogona kufadzwa kana kuti kutsamwiswa nezvandinoita. (Zvirevo 27:11) Saka ndakachera kakomba ndikati ndava kurega kusvuta mbanje, kushandisa pfuti uye ndakatsidza kuti ndava kuedza kugadzirisa unhu hwangu. Unzenza nokubhejera ndizvo zvimwe zvezvinhu zvakanga zvakandiomera chaizvo kusiyana nazvo.

Pakutanga ndakanga ndisingadi kuti shamwari dzangu dzizive kuti ndaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakazochinja pandakaverenga mashoko aJesu ari pana Mateu 10:33 anoti: “Munhu wose anondiramba pamberi pevanhu, iniwo ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.” Mashoko aya akaita kuti ndiudze shamwari dzangu kuti ndaidzidza neZvapupu. Zvakavashamisa chaizvo. Havana kumbofungira kuti munhu akaita seni angada kuva muKristu. Asi ndakavaudza kuti ndakanga ndava kusiyana nemararamiro andaimboita.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Amai vangu vakafara chaizvo pavakandiona ndichitanga kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. Iye zvino havachatyiri kuti ndichaita zvakaipa. Tose tinoda Jehovha uye tinogara tichitaura nezvake. Ndikafunga mararamiro andaimboita, ndinoshaya kuti ndini here ndakakwanisa kuchinja kudai ndichibatsirwa naMwari. Iye zvino handichadokwairiri upenyu hwakaipa uye hwekukara pfuma hwandaimborarama.

Dai ndisina kuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri, kutaura kuno ndingadai ndiri mujeri kana kuti ndakafa. Iye zvino ndine mhuri yangu inoyemurika uye inofara. Ndiri kufara chaizvo kushumira Jehovha Mwari pamwe chete nomudzimai wangu nemwanasikana wedu anoteerera. Ndinotenda Jehovha nokundiita kuti ndive mumhuri yake yechiKristu ine rudo. Ndinotendawo kuti mumwe munhu akazvipira kundidzidzisa chokwadi chomuBhaibheri. Saka ndinokoshesawo mikana yandiinayo yokubatsira vamwe kuti vadzidze Bhaibheri. Ndinotenda Jehovha zvakanyanya nokundiratidza mutsa une rudo achindiita kuti ndive noukama naye.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Ndakaziva kuti Jehovha anogona kufadzwa kana kutsamwiswa nezvandinoita”

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ndakaona kuti amai vangu vakachinja kuva munhu akanaka

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ini nomudzimai wangu nemwanasikana wedu