Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutevedzera Mitemo yeBhaibheri Kwakanakirei?

Kutevedzera Mitemo yeBhaibheri Kwakanakirei?

Kutevedzera Mitemo yeBhaibheri Kwakanakirei?

ZVINOTAURWA neBhaibheri nezvebonde ndezvechinyakare uye ndezvokungotiomesera here? Aiwa. Zvinototibatsira kuti:

Tisatapurirwa zvirwere zvepabonde

Tisava nepamuviri pasina vanababa

Tisawana marwadzo anokonzerwa nokuparara kwedzimba

Tisava nehana ine mhosva

Tisazoguma tazvitarisira pasi zvakonzerwa nokungoshandiswa nevamwe

Musiki wedu Jehovha Mwari, * anoda kuti tinakidzwe uye tibatsirwe nokushandisa zvipo zvaakatipa. Mwari ndiye “anokudzidzisa kuti ubatsirwe.” (Isaya 48:17) Munhu anotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde:

Anofarirwa naMwari

Anodekara mupfungwa

Anonyatsowirirana newaakaroorana naye

Anova nezita rakanaka

Anozviremekedza

Ko kana usati wava kutevedzera tsika dzinotaurwa muBhaibheri? Zvinoita here kuti uchinje mararamiro ako? Mwari achakurangira zvawakaita kare here?

Chimbofunga kuti: Vamwe vaiva muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga vaimbova zvifeve, mhombwe, nengochani. Asi vakasarudza kuchinja mararamiro avo, uye vakabatsirwa zvainyatsooneka. (1 VaKorinde 6:9-11) Mazuva anowo, munyika yose mune zviuru zvevanhu zvakasarudza kuchinjawo. Vakazvisunungura pamararamiro ounzenza uye vakabatsirwa nokutevedzera mitemo yeBhaibheri. Somuenzaniso, ngatimboonai zvakaitika kuna Sarah, ataurwa munyaya yokutanga.

“Ndakabva Ndangonzwa Kuti Ndasununguka”

Sarah akazoona kuti mararamiro oumhuka aaiita akanga asingaiti kuti asununguke uye agutsikane sezvaaitarisira. Anoti: “Ndainzwa sokuti hana yangu yatindivara. Ndainyara uye ndaityira kuti ndingabata pamuviri kana kubatwa nechirwere chakaipisisa. Hapana pandakambofunga kuti Mwari haako, uye ndaiziva kuti mararamiro andaiita aimurwadzisa. Ndainzwa kuti handina kuchena, uye zvaindidya mwoyo.”

Sarah akazopedzisira awana simba rokuchinja mararamiro ake. Akakumbira rubatsiro kuvabereki vake, avo vari Zvapupu zvaJehovha. Akakumbirawo rubatsiro rwevakuru vechiKristu vaiva muungano yaaipinda nayo. “Ndakabayiwa mwoyo nomutsa uye rudo rwevabereki vangu nevakuru veungano,” anodaro Sarah. “Ndakabva ndangonzwa kuti ndasununguka.”

Iye zvino Sarah ari kurera vana vake vaviri. Anoti: “Ndinobudira vana vangu pachena nezvezvisarudzo zvandakamboita. Ndinoda kuti vanzwisise kuti kusateerera mitemo yaMwari kwakandikanganisa sei. Chinangwa changu ndechokuti vanzwisise kuti kuteerera mitemo yaMwari ine chokuita nebonde kunobatsira kuti usabatwa nezvirwere kana kushushikana mupfungwa. Ndava kuziva kuti Mwari anotipa mitemo yake nokuti haadi kuzotiona tichirwadziwa.”

Iwewo unogona kubatsirwa nokutevedzera mitemo yaMwari yorudo. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare; murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye. . . . Kuzvichengeta kunounza mubayiro mukuru.”—Pisarema 19:8, 11. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 20 Kuti udzidze zvakawanda nezvemazano eBhaibheri anobatsira, sununguka kutaura neZvapupu zvaJehovha zvokwaunogara. Kana kuti nyorera kero yakakodzera pane dziri papeji 4 kana kuti enda pakero yedu yepaIndaneti inoti www.watchtower.org.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Vaya vasingateereri mitemo yeBhaibheri vanowanzokonzera marwadzo mupfungwa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Vaya vanotevedzera mitemo yeBhaibheri vane hana yakachena uye vanonyatsowirirana newavakaroorana naye