Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo 10 Yezvebonde Inopindurwa

Mibvunzo 10 Yezvebonde Inopindurwa

Mibvunzo 10 Yezvebonde Inopindurwa

1 Chivi chakaitwa naAdhamu naEvha mumunda weEdheni kwaiva kusangana pabonde here?

▪ Mhinduro: Vanhu vakawanda vanofunga kuti muchero wakarambidzwa mumunda weEdheni waireva kusangana pabonde. Asi izvozvo hazvisizvo zvinodzidziswa neBhaibheri.

Ona kuti: Evha asati atombosikwa, Mwari akarayira Adhamu kuti asadya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 2:15-18) Murayiro uyu haunganzi wairambidza kusangana pabonde, nokuti Adhamu akanga achiri oga. Uyezve, Mwari akapa Adhamu naEvha murayiro wakajeka wokuti ‘vabereke vawande, vazadze nyika.’ (Genesisi 1:28) Zvaizova nemusoro here kuti Mwari ane rudo arayire murume nomukadzi vokutanga kuti ‘vazadze nyika,’ izvo zvaisanganisira kusangana pabonde, pedzezvo ovatongera rufu achiti sei vateerera murayiro wake?—1 Johani 4:8.

Uyezve, Evha ‘akatanga kutora michero yomuti wakarambidzwa akadya’ murume wake asipo. “Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.”—Genesisi 3:6.

Chokupedzisira, Adhamu naEvha havana kupiwa mhosva pavakarara vose vakabereka vana. (Genesisi 4:1, 2) Saka zviri pachena kuti muchero wakadyiwa naAdhamu naEvha hakusi kusangana pabonde, asi muchero chaiwo waiva pamuti.

2 Bhaibheri rinorambidza vanhu kusangana pabonde here?

▪ Mhinduro: Bhuku rokutanga reBhaibheri rinoratidza kuti Mwari ndiye akasika vanhu vose, “munhurume nomunhukadzi.” Mwari akati zvaakanga asika “zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:27, 31) Nokufamba kwenguva, Mwari akafuridzira mumwe munyori weBhaibheri kuti arayiridze varume kuti: “Fara nomudzimai wouduku hwako . . . Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose.” (Zvirevo 5:18, 19) Mashoko aya anoratidza kuti Bhaibheri rinorambidza vanhu kusangana pabonde here?

Chiripo ndechokuti kunze kwokungoita kuti vanhu vaberekane, Mwari akasika nhengo dzakavandika nenzira inoita kuti vanhu vakaroorana varatidzane rudo uye vafadzane. Kusangana pabonde kunogona kugutsa miviri nepfungwa zvomurume nomukadzi vanenge vachidanana.

3 Bhaibheri rinobvumira here murume nomukadzi kugara vose vasina kunyoresa muchato?

▪ Mhinduro: Bhaibheri rinotaura pachena kuti “Mwari achatonga zvifeve.” (VaHebheru 13:4) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ufeve, rokuti por·neiʹa, rinoreva zvakawanda zvinosanganisira kusangana pabonde kwevanhu vasina kunyoresa muchato. * Saka kuna Mwari zvakaipa kuti murume nomukadzi vagare vose vasina kunyoresa muchato, kunyange kana vachironga kuzodaro.

Kunyange kana murume nomukadzi vachinyatsodanana, Mwari anoda kuti vatange vanyoresa muchato wavo vasati vasangana pabonde. Mwari ndiye akatisika tichikwanisa kuda mumwe munhu. Rudo ndihwo unhu hwaMwari hunokosha pane hwose. Saka ane chikonzero chakanaka chokuti ataure kuti vanhu vakanyoresa muchato chete ndivo vanofanira kusangana pabonde, sezvichakurukurwa nenyaya inotevera.

4 Barika rinobvumirwa here?

▪ Mhinduro: Kwekanguva, Mwari akambobvumira varume kuti vave nebarika. (Genesisi 4:19; 16:1-4; 29:18–30:24) Asi haasi iye akaritanga. Akapa Adhamu mudzimai mumwe bedzi.

Mwari akapa Jesu mvumo yokuti agadzezve mutemo wake wokutanga wokuti murume ave nomudzimai mumwe. (Johani 8:28) Jesu paakabvunzwa nezvewanano, akati: ‘Iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi. Uyewo kuti akati, Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.’—Mateu 19:4, 5.

Pave paya mumwe wevadzidzi vaJesu akafuridzirwa naMwari kuti anyore kuti: “Murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake.” (1 VaKorinde 7:2) Bhaibheri rinotaurawo kuti murume akaroora ari muungano yechiKristu anofanira kunge ari “murume ane mudzimai mumwe chete” kuti azopiwa mabasa muungano.—1 Timoti 3:2, 12.

5 Zvakaipa here kuti vanhu vakaroorana vashandise nzira dzokudzivirira kubata pamuviri?

▪ Mhinduro: Jesu haana kumborayira vateveri vake kuti vave nevana kana kuti vasave navo. Kunyange pavadzidzi vake hapana akambotaura murayiro iwoyo. MuBhaibheri hapana chaipo panorambidza kudzivirira pamuviri.

Saka vanhu vakaroorana vakasununguka kuzvisarudzira kuti vova nevana here kana kuti kwete. Vangasarudzawo kuti vachava nevana vangani uye kuti vachava navo rini. Kana murume nomudzimai vakasarudza kushandisa nzira yokudzivirira pamuviri isingaiti zvokubvisa pamuviri pacho, chisarudzo chavo uye vachazvidavirira. * Hapana anofanira kuvati vaita zvakaipa.—VaRoma 14:4, 10-13.

6 Zvakaipa here kubvisa pamuviri?

▪ Mhinduro: Kuna Mwari upenyu hutsvene, uye anoona mwana achiri mudumbu somunhu mupenyu, akatozvimirira. (Pisarema 139:16) Mwari akati munhu aizozvidavirira kana akakuvadza mwana asati aberekwa. Saka mukuona kwake, kuuraya mwana asati aberekwa kuponda.—Eksodho 20:13; 21:22, 23.

Zvakadini kana panguva yokusununguka pakaita dambudziko zvokuti murume nomukadzi vanenge vachifanira kusarudza kuti orarama ndiani, amai kana kuti mwana? Pakadaro, murume nomukadzi vanofanira kusarudza kuti voedza kuponesa ani. *

7 Bhaibheri rinobvumira kurambana here?

▪ Mhinduro: Bhaibheri haribvumiri vanhu kurambana. Asi Jesu akataura chikonzero chimwe chete chinogona kuita kuti vanhu varambane, achiti: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [kureva gumbo mumba gumbo kunze], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mateu 19:9.

Mwari anovenga kurambana kwounyengeri. Vaya vanosiya wavakaroorana naye zvounyengeri, kunyanya vaine chinangwa chokutorana nomumwe, vachazvidavirira kwaari.—Maraki 2:13-16; Mako 10:9.

8 Mwari anobvumira ungochani here?

▪ Mhinduro: Bhaibheri rinorambidza zvakajeka ufeve, uhwo hunosanganisira ungochani. (VaRoma 1:26, 27; VaGaratiya 5:19-21) Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura zvakajeka kuti Mwari haabvumiri ungochani, tinozivawo kuti “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vasingabvumirani noungochani, vanoitira vanhu vose mutsa. (Mateu 7:12) Mwari anoda kuti ‘tikudze vanhu vemarudzi ose.’ Naizvozvo, vaKristu vechokwadi havavengi ngochani.—1 Petro 2:17.

9 Pane chakaipa here nokutaura nyaya dzebonde pafoni, kutumira mameseji ezvinonyadzisira pafoni kana kuti kutaura nezvebonde paIndaneti?

▪ Mhinduro: Bhaibheri hapana parinonyatsotaura nezvemaitiro echizvino-zvino akaita seaya. Asi rinoti: “Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu, sezvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa, izvo zvinhu zvisina kukodzera.” (VaEfeso 5:3, 4) Zvinhu zvakaita sokutaura nyaya dzebonde pafoni, kutumira mameseji ezvebonde pafoni, kana kuti kutaura nezvebonde paIndaneti zvinoita kuti vanhu vaone bonde zvisina kukodzera uye zvinokurudzira vanhu kuita zvebonde ivo vasina kuroorana. Pane kubatsira vanhu kuti vazvidzore panyaya dzebonde, zvinhu izvi zvinotokurudzira kuti vanhu vangozvigutsa vasingafungi vamwe.

10 Bhaibheri rinotii nezvebonhora?

▪ Mhinduro: Bhaibheri harina parinonyatsotaura nezvebonhora, kureva kubata-bata kana kutamba nenhengo dzakavandika zvokuti unoguma wava kunzwa sokuti wapinda pabonde. Asi Shoko raMwari rinorayira vaKristu kuti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido [chisina kukodzera] chokurara nomumwe munhu.”—VaKorose 3:5.

Bonhora rinoita kuti munhu aone bonde zvisina kukodzera uye angofunga nezvokuzvigutsa iye. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anogona kupa “simba rinopfuura renguva dzose” kune vaya vanoedza nepavanogona napo kurega tsika iyi.—2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Shoko rokuti por·neiʹa rinorevawo zvinhu zvisina kumbogara zvava muchinangwa chaMwari chokutanga paakasika nhengo dzakavandika dzevanhu, zvakadai soupombwe, ungochani, uye kurara nemhuka.

^ ndima 19 Kuti uwane mamwe mashoko ezvinotaurwa neMagwaro nezvekuvhara mbereko, ona nyaya inoti, “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 1999, mapeji 27 kusvika ku28.

^ ndima 22 Kuti uone panokurukurwa kana zvakakodzera kuti munhu anenge aita zvokubatwa chibharo abvise pamuviri, ona Mukai! yaJune 8, 1993, mapeji 31 ne32, kana kuti Awake! yaMay 22, 1993, mapeji 10 ne11, dzakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.